RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g94 12/8 p. 13
  • Maguta Makurusa Ari Kukachidzwa Zvishoma Nezvishoma

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Maguta Makurusa Ari Kukachidzwa Zvishoma Nezvishoma
  • Mukai!—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Mhepo
    Mukai!—2023
  • Maguta—Nei Ari Mumatambudziko?
    Mukai!—2001
  • “Ngatizvivakirei Timene Guta”
    Mukai!—1994
  • Chii Chichaitika Kumaguta Munguva Yemberi?
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—1994
g94 12/8 p. 13

Maguta Makurusa Ari Kukachidzwa Zvishoma Nezvishoma

KUPOTA nyika maguta makurusa, mataundi makurusa, ari kukura, achikwezva mamiriyoni ari kutsvaka basa, dzimba, uye betsero dzoupenyu hwomuguta. Asi mutengo wacho wakakwirira. Kunyange chiito chokufema bedzi muna aya maguta ari kukura chiri kuramba chichiva chine ngozi zvikuru kuutano hwomunhu.

Mumwe mushumo womunguva pfupi yapfuura wakabva UNEP (United Nations Environment Program) neWorld Health Organization unoratidza kuti shatiswo yemhepo mu 20 amaguta makurusa enyika yave ichiva inoshatisisa zvikuru. “Muzviitiko zvakati,” inodaro Our Planet, imwe magazini inobudiswa muKenya neUNEP, “shatiswo yemhepo yakashata soutsi hwakasviba kuti ndo-o hwakaipa hweLondon hwamakore 40 akapfuura.” Vagari vomuMexico City ndivo vanotapurwa zvikurusa muna ikoku, asi makumi amamiriyoni avanhu vanogara mumaguta akadai seBangkok, Beijing, Cairo, uye São Paulo havasati vari vanotapurwa zvishoma zvikuru.

Mhepo yacho ine ngozi zvakadini mumaguta akadaro? Eya, mwero yakakwirira yezvinoshatisa mhepo zvikuru, zvakadai sesulfur dioxide, carbon monoxide, uye mutobvu, zvine ngozi munzira dzakati. Tapuro dzazvo pamuviri dzakapararira zvakafara: zvinetso zvokufema nezvemwoyo, kuvadziko yegadziriro dzetsinga dzokunzwa, uye kunyange mwongo wamapfupa, chiropa, uye chirwere cheitsvo.

Chii chiri kuparira shatiswo yemhepo? Chisakiso chimwe chikurusa muaya maguta, maererano neOur Planet, imotokari. Sezvo nhamba yazvino uno yemotokari munyika—mamiriyoni 630—“inokarirwa kupeta nakaviri mukati mamakore 20-30 anotevera, zvikurukuru munharaunda yamataundi,” nguva yemberi yemhepo yamaguta inoratidzika kuva yakasviba zvamazvirokwazvo. Kuipisisa zvinhu, matanho mashomanene okudzivirira akaitwa, sezvo, sokutaura kunoita mushumo, mumaguta makurusa mazhinjisa “mune kuziva kuduku nezveukombi hwechinetso chacho.” Nenzira isingashamisi, ipapoka, Our Planet rinokurudzira kuti maguta akadaro anopa nzvimbo yokutanga yakakwirira kumatanho anonangidzirwa kukuchenesa mhepo. Kana ikoku kukasaitwa, nguva yemberi inotyisidzira. Maererano nokunzvera kwemagazini, “aya maguta akatarisana nokukachidzwa zvishoma nezvishoma sezvo mamirire emhepo yawo achipfuurira kushatisisa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe