RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 1/8 pp. 15-17
  • Ndinofanira Kupinda Makonzati Erock Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kupinda Makonzati Erock Here?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘Kuedza’ Nziyo
  • Zvisingadzorwi
  • Simba Remhoteredzo
  • Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona Sei Kuchengeta Nziyo Dziri Munzvimbo Yadzo?
    Mukai!—1993
  • Nziyo Dzinogona Kundikuvadza Zvomenemene Here?
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 1/8 pp. 15-17

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanira Kupinda Makonzati Erock Here?

Bhendi rinozivikanwa zvikuru riri kuuya kutaundi rokumusha kwenyu. Matikiti ari kutengwa nokukurumidza, naizvozvo unofanira kusarudza zvino. Uchapinda here?

NZIYO dzakaisvonaka mumhoteredzo yakakodzera dzinogona kuva chinhu chakanaka. Pashure pezvose, Jehovha Mwari akatisika tine mano okufarikanya nziyo, uye mhatsa huru yenziyo inogamuchirika kwaari.

Pakati pepwere nhasi, nziyo dzinosarudzwa kazhinji kazhinji inziyo dzerock muzvimiro zvadzo zvipi nezvipi zvakawanda. Vakawanda vanodzifarikanya zvikurusa apo dzinenge dzichitotambwa. Kunyange zvazvo zvakadaro, pakati pezvimwe zvinhu mishumo yemasimba masimba uye mufambiro usingadzorwi pamakonzati erock zvinomutsa mibvunzo yakakomba nokuda kwepwere dzinotya Mwari. Chii chinomboitika chaizvo pamakonzati erock? Kupinda imwe kwaizova pfungwa yakanaka here?

‘Kuedza’ Nziyo

Kutanga ngatirangarirei nziyo dzimene. Nziyo dzinogona kutaura—uye kunyandura—mhatsa huru yemirangariro. Munguva dzeBhaibheri, vanhu vaMwari kazhinji kazhinji vaishandisa nziyo kuratidza kuda kwavo Mwari. (Pisarema 149:3; 150:4) Nziyo dzaishandiswawo kuratidzira mufaro, kupembera, uye kusuruvara. (Genesi 31:27; Vatongi 11:34; 1 Samueri 18:6, 7; Mateo 9:23, 24) Kunosuruvarisa kutaura, kunyange zvazvo zvakadaro, nziyo dzakanga dzisiri dzakanaka nguva dzose kunyange munguva dzeBhaibheri. Nziyo dzoupengo, dzenyika dzingava dzakaita rutivi mukunyandura vamwe vaIsraeri kutadza apo rudzi rwacho rwakadzika misasa paGomo reSinai.—Eksodho 32:1-6, 17, 18, 25.

Kutaura idi, dzakawanda dzenziyo dzerock nenzira yakafanana dzinokurudzira zvinhu zvakaipa—utere hwevatano, mirimo, kupanduka, uye kudavira midzimu. Ikoku hakusati hakwo kuchireva kuti unofanira kurega nziyo, asi Bhaibheri rinoudza vaKristu ku“ramba [va]chiidza [va]zive zvinofadza Ishe.” (VaEfeso 5:10) Naizvozvo unofanira kuva anosarudza naanonzwisisa pakunouya kunziyo.a

Kusarudza kwako nziyo kunokutapura sei? Kunokuita kuti unzwe uchifara, wakaterama, kana kuti une rugare here? Kana kuti kunokuita kuti unzwe wakatsamwa, uchipanduka, kana kuti waodzwa mwoyo here? Mumwe murume wechiKristu muDenmark anoyeuka mazuva apo iye akanga ari mutsigiri weheavy metal, rumwe rudzi rwenziyo dzerock. Iye anoti: “Ndaidziteerera apo ndainge ndichishanda. Uye kana ndikaita mhosho, ndaitsamwa kwazvo zvokuti ndaitswanya chinhu chandakanga ndichiita ndokuchikandira kure ndakashatirwa!” Imwe pwere inobvuma, kuti: Ndakateerera rap yakawanda kwazvo neheavy metal izvo zvairumbidza vatano nemararamire enyika. Idzi nziyo dzakadyisa ndangariro yangu, uye mugumisiro wacho chakanga chiri chishuvo chezvinhu zvaiimbwa pamusoro pazvo.” Zvino kana marekodhiwo zvawo achigona kuva nepesvedzero yakadaro, funga nezvesimba rokutamba kunenge kuchitoitwa!

Rangarirawo: nziyo dzichava neruzha rwakadini chaizvo? Sezvinobvumwa, vanhu vane zvisarudzo zvakasiyana muna ikoku. Uye Bhaibheri harirambidzi nziyo dzine ruzha zvine mufungo. Chokwadi, pakutsaurirwa kwetembere yaSoromoni, varidzi vehwamanda voga vakanga vari 120! (2 Makoronike 5:12) Ikoko kunofanira kuva kwaiva neruzha rwunoorora! Zvisinei, pane musiyano mukuru zvikuru pakati pokudanidzira kukuru kwokurumbidza Mwari nenziyo dzerock dzinokuvadza nzeve. Muchiitiko chapashure, ruzha rwacho kazhinji kazhinji rwunoshandiswa kunyandurira boka racho kupinda mumudzimu wokurasika kusingadzorwi. Asi Bhaibheri rinoshurikidza “kutamba kwakaipa” kana kuti “mapati oupengo.” (VaGaratia 5:21; Byington) Uye kuremekedza muviri wako kwaizodzivisa kuteerera nziyo pamwero une ruzha zvikuru zvokuti unopinza mungozi kunzwa kwako.—VaRoma 12:1.

Rimwe pfundo rokurangarira rinoitwa pana Jobho 12:11. Ipapo Bhaibheri rinobvunza, kuti: “Ko nzeve haiidzi mashoko, somukanwa unoravira zvokudya here?” Mutsinhirano naikoku, unofanira ku“edza” mashoko orwiyo rwacho! Imwe pwere yechiKristu inobvuma, kuti: “Ndakatanga kuteerera mashoko edzimwe nziyo dzandinoda, uye kukushamiswa kwangu dzakanga dzisina kukodzera kuti muKristu ateerere. Ndakakuwana kuri madikanwa kurasa nziyo idzodzo.” (1 VaKorinte 14:20; VaEfeso 5:3, 4) Fanonyeverwawo kuti vatambi vakawanda vanoshandisa makonzati kusimudzira dzinenge dzichangobva kubudiswa dzavo—mashoko angava akasiyana zvikuru nenziyo dzavo dzekare, zvichida dzakaisvonaka zvikuru.

Mukuwedzera, unofanira kuva nechokwadi chokuti nziyo dzacho hadzina zvikarakadzo zvoudhimoni—chimwe chinhu chakatanhamara zvikuru muzvimiro zvenziyo dzeheavy-metal. Mabhendi eheavy-metal anozivikanwa nokuda kwokuzvishongedza amene uye maarabhamu awo nezviratidzo zvoudhimoni uye zvinhu zvousatani. (Jakobho 3:15) Kupinda konzati dzinoitwa neboka rakadaro hakutongogoni kuva kunofadza Mwari, uyo anotirayira ku“dzivisa Dhiyabhorosi”!—Jakobho 4:7.

Zvisingadzorwi

Chii chingaitika pakonzati imene? Mumwe musikana wechiduku anonzi Stacey akaenda neshamwari dzake kunoona bhendi iro ivo vaifunga kuti rinoimba nziyo dzisina mhaka zvikuru. Asi pakati pekonzati yacho, muimbi aitungamirira bhendi racho akanyepedzera musangano nemidzimu ndokukumbira vateereri kuti vakumbanire mukuedza kutaura nenyika yemidzimu! Kunongova hakwo kunyepedzera here? Zvichida. Asi sezvo Bhaibheri richishurikidza kudavira midzimu muchimiro chipi nechipi, Stacey neshamwari dzake vakanzwa vachisungirwa kubuda.—Revhitiko 19:31; Dheuteronomio 18:10-13; Zvakazarurwa 22:15.

Dzimwe pwere dzechiKristu dzakava nezvakaitika zvakafanana zvinorwadza, nokuti nepo kudavira midzimu kunooneka kungava kwechienzi zvikuru pamakonzati erock, mufambiro usingadzorwi unozivikanwa navose. Pane imwe konzati bhendi racho rakabetsera kunyandura chimurenga icho chakaguma nevakakuvara 60 uye zvakakuvadzwa zvinopfuura $1 700 000! Pane imwezve konzati, pwere nhatu dzakatswanywa kusvikira dzafa. Chokwadi, makonzati erock akawanda zvikurusa haagumi nechimurenga, kuvadziko, kana kuti nzufu. Asi pane dikanwo iri pachena yokungwarira. Zvirevo 22:3 inoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda; asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi.”

Naizvozvo kana ukafanira kufunga zvokuenda kukonzati, wana mashoko. Bhendi racho rine mukurumbira wokunyandura mufambiro usingadzorwi here? Rudzii rwavateereri urwo bhendi racho rinokwezva? (1 VaKorinte 15:33) Kushandiswa kwezvinodhaka nemirimo kunosvika kutambanukoi? Uye zvakadiniko nehoro imene yekonzati? Iyo yakawana zvinetso zvechengeteko munguva yakapfuura here? Gadziriro dzepokugara dzichava dzakadini? Apo kugara kunenge kuri kwachero, kubvira kwokukuvadzwa kwomumwe munhu kunowedzera zvikuru.

Kushandiswa zvisina kufanira kwemirimo nezvinodhaka zvinotapura vakawanda pamakonzati erock. “Vanhu havauyi nokuda kwenziyo,” akadaro mumwe murume wechiKristu akaodzwa mwoyo uyo muupwere hwake akapinda konzati yaiitwa nebhendi rinozivikanwa zvikuru rerock. “Ivo vanouya kuzodhakwa.” Iye akasarudza kuti yakanga iri konzati yake yokupedzisira yerock. Mumwe musikana wechiduku wechiKristu anoshuma nenzira yakafanana, kuti: “Ndinoyeuka ndichienda kukonzati uko ‘bhendi rinofarira zvitsva’ rakanga richiridza. Kwakanga kuchityisa kwazvo! Vanhu vakanga vachisvuta mbanje. Mutauro wacho wakanga uchisemesa, uye vakawanda ikoko vairatidzika savanamati vaSatani nemhaka yenzira yavakanga vakapfeka nayo.” Kunyange uko mirimo nezvinodhaka zvinorambidzwa zvakasimba, hakusi kusingazivikanwi kuti vakawanda vari muvateereri vasvike vakatodhakwa. Kupinda chiitiko chakadaro kungagona sezvinobvira kuva mutsinhirano nomurayiro weBhaibheri woku“ramb[a] kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara” here?—Tito 2:12.

Simba Remhoteredzo

Ungarangarira, kunyange zvazvo zvakadaro, kuti hapana dikanwo yokuti unetseke pamusoro penzira iyo avo vakakupoteredza vanozvibata nayo chero bedzi usingakumbaniri mumasimba masimba iwe umene. Zvisinei, mhoteredzo yako inokutapura. Pana VaEfeso 2:2, Bhaibheri rinotaura nezve“mweya unobata zvino muvana vokusateerera.” Cherekedza kuti nyika ino ine “mweya,” kana kuti chimiro chendangariro chikuru. Uri kwose kwose, wakapararira semhepo iyo imene. Asi cherekedzawo kuti uyu mweya, kana kuti chimiro chendangariro, chino“bata”—simba rokuchinja mifungo yako, mirangariro, uye mufambiro—kana ukazviratidzira umene kwauri. Haungatongogoni zvako kufema uyu mweya une simba ndokusatapurwa!

Muzviitiko zvakawanda zvikurusa makonzati erock kuratidzirwa kune mwero mukuru zvikuru kumudzimu wenyika. Mumwe anogona nenzira iri nyore kukweverwa mumamirire ezvinhu ane nyonga nyonga ayo kazhinji kazhinji anotekeshera—kana kuti mukuridza mhere uye kusimudza maoko uko kunoguma nokuyemura kunodokuva kwokunamata vatambi. Kuyemura kwakanyanyisa kwakadaro kunotora kuyemura uko nenzira yakarurama kuri kwaMwari. Kunosvika pakunamata zvidhori, chimwe chinhu chinoshurikidzwa nenzira yakajeka muMagwaro. (1 VaKorinte 10:14; 1 Johane 5:21) Unoda kupinda mungozi yokubatanidzwa makuri here?

Hakupokanidzwi kutaura kuti makonzati erock akawanda zvikurusa anobatanidza ngozi idzo dzinodzivirira betsero dzipi nedzipi idzo mumwe angawana kupfurikidza nokupinda. Chokwadika, vabereki vako vachataura shoko rokupedzisira pamusoro pokuti kupinda konzati yakati kana kuti kwete kuchabvumidzwa here. Asi kana iwe une rusununguko rwokuita chisarudzo ichocho umene, sarudza nokuchenjera. Pane nzira dzakawanda dzokufarikanya umene idzo dzakanaka uye dzisingabatanidzi ngozi dzokupinda makonzati erock.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya dze“Vechiduku Vanobvunza Kuti  . . . ” pamusoro penziyo dzinooneka muzvinyorwa zvaFebruary 8, March 8, uye April 8, 1993.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Zvinodhaka, mirimo, uye mufambiro woupengo zvinozivikanwa navose pamakonzati e“rock”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe