Minyengetero Yorugare Pakati Peyeuko Dzehondo
MUNA November 1994, Pope John Paul II akaitisa gungano ramasangano orudzidziso mazhinji muVatican. Minyengetero yorugare rwenyika yakaratidzira nhambo yacho. “Dzipi kana dzipi dzingava rwisano dzomunguva yakapfuura uye kunyange dzazvino uno,” akadaro papa wacho muhurukuro yake yokutanga, “ibasa uye musengwa wedu tose kuita kuti ukama pakati porudzidziso norugare zvizivikanwe zviri nani.”
Nenzira inosetsa, marudzidziso enyika ino ane mukurumbira usina kutsarukana muna ikoku. William Vendley, munyori mukuru womusangano wacho, akabvuma kuti “marudzidziso anobatanidzwa zvikuru murwisano mumativi akasiyana-siyana enyika.” Rangarira kupondwa kwavakawanda muRwanda, nyika yeRoma Katurike zvikurukuru.
Muna May 1994, Pope John Paul II akabvuma kuti ngwavaira yeRwanda yakanga iri “kuparadza rudzi chaikoiko uye kwechokwadi uko, nenzira isingafadzi, kunyange vaKaturike vakaparira.” Kutora rutivi kweKaturike kwakatapura rudaviro rwavanhu muchechi yacho here? “Kupondwa kwavakawanda kwakanetesa kutenda kwavanhu vazhinji,” akadaro André Bouillot, muJesuit weBelgium. Uye nechikonzero chakanaka.
Maererano nomushumo weReuters wakabudiswa muMiami Herald, “vaprista, vafundisi namanani vari pakati pavasungwa 40 000 vechiHutu vari kumirira kutongerwa zviito zvokuparadza rudzi.” The New York Times yakashuma, kuti: “VaRwanda vazhinji vanoti vanabhishopi vavo navanabhishopi vakuru havana kushora kupondwa kwavakawanda nokukurumidza kana kuti nesimba zvakakwana uye kuti vakanga vari pedyo zvikuru neHurumende yaHabyarimana, iyo yakabetsera kurovedza mapoka okuuraya. Anodokuva muprista mumwe akasungwa neHurumende itsva inodzorwa navaTutsi papomero dzokubatira pamwe mukupondwa kwavakawanda.” Nenzira isingashamisi, “Hurumende itsva,” inowedzera kudaro Times, “inoti haidi kuti Chechi yeKaturike ive yakasimba sakare, uye varwi vakanetsa uye kunyange kutyisidzira kusunga vaprista vanonyanyotaurisa uye vanozvimirira.”
Jehovha Mwari anorangarira sei minyengetero yorugare iyo inopiwa navanhu vorudzidziso vane mhaka yeropa? Isaya 1:15 inopindura, kuti: “Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa.”
Munguvayi, vabatiri vechokwadi vaJehovha vanoramba “vasiri rutivi rwenyika” nerwisano dzayo. Mukati mokupondwa kwavakawanda muRwanda, Zvapupu zvaJehovha zvorudzi rumwe norumwe zvakagovera nzvimbo yokutizira mumisha yazvo nokuda kweZvapupu zvakatyisidzirwa zvorumwe rudzi, nokudaro zvichizvidzivirira pangozi youpenyu hwazvo zvimene. “Vazhinji zhinji” veZvapupu, vanotorwa munyika yose kubva mumamiriro ezvinhu ekare ari ose edzinza, vanonyengeterera uye vanotsigira Umambo hwaMwari setariro bedzi yorugare rwechokwadi nechengeteko.—Johane 17:14, NW; Zvakazarurwa 7:9; Mateo 6:9, 10; 24:14.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 18]
Luc Delahaye/Sipa Press