Pasi Redu Rinokuvadzwa Nyore Nyore Zvakadini Nenguva Yemberi?
MAKORE mazana maviri akapfuura, nyanzvi yezvehurumende yeAmerica Patrick Henry akati: “Hapana nzira yandinoziva nezvayo yokufanotaura pamusoro penguva yemberi kunze kwokuhwirudzura zvakaitika munguva yakapfuura.” Munguva yakapfuura, munhu akakuvadza mhoteredzo. Achatanga kuzvibata munzira iri nani here munguva yemberi? Kusvika panguva ino, zviratidzo zvacho hazvipi tariro.
Kunyange zvazvo fambiro mberi inorumbidzwa yakati yakaitwa, yave iri zvikurukuru yapamusoro, ichibata nezviratidzo panzvimbo pezvisakiso. Kana imba ine mapuranga ari kuora, kupenda mapuranga acho hakusati kuchizodzivisa kuwa kwayo. Kugadziridza kukuru kwokuchinja mavakirwo kunogona kuidzivirira. Nenzira yakafanana, panofanira kuva nokuchinja mutoo wenzira iyo munhu anoshandisa nayo pasi rino. Kudzorwawo zvako kwekuvadziko hakuzati kuchizoringanira.
Ichinzvera migumisiro yamakore 20 okudzora mhoteredzo muUnited States, imwe nyanzvi inogumisa kuti “denho pamhoteredzo haigoni kudzorwa nenzira inobudirira, asi inofanira kudziviswa.” Sezviri pachena, kudzivisa kushatiswa kuri nani zvikuru pane kugadzirisa tapuro dzako dzakaipa dzapashure. Asi kuwana nharidzano yakadaro kwaizoda chinjo huru zvirokwazvo munzanga yomunhu uye muchinangwa chebhizimisi guru. Bhuku rinonzi Caring for the Earth rinobvuma kuti kutarisira pasi kunoda “mipimo, upfumi nenzanga dzakasiyana nezhinjisa dzakatekeshera nhasi.” Ndeipi mimwe yeiyi mipimo inofanira kuchinjwa nokuda kwokuchengetedza pasi?
Zvisakiso Zvakadzika Midzi Zvenjodzi Yacho
Udyire. Kuisa fariro dzepasi pamberi peidzo dzavanhu vanoshandisa zvisina kufanira ndiro danho rokutanga riri madikanwa mukudzivirira mhoteredzo. Kunyange zvakadaro, vashomanene vanoda kurega mararamiro okupfuma, kunyange zvazvo angava achiparadza pasi nokuda kwezvizvarwa zvomunguva yemberi. Apo hurumende yeNetherlands—imwe yenyika dzakashatiswa zvikuru dzeWestern Europe—yakaedza kuganhurira kufamba kwemotokari sorutivi rwenhimbe yokurwisa kushatisa, chishoro chakapararira chakadzongonyedza chirongwa chacho. Kunyange zvazvo migwagwa yeNetherlands iriyo yakazadzwa zvikurusa munyika, vatyairi vemotokari vakanga vasingatongodisi kurega rusununguko rwavo.
Fariro yomunhu oga inotapura vaiti vezvisarudzo pamwe chete nevamwe vanhu vose zvavo. Vezvamatongerwo enyika vanozengurira kushandisa miitiro yemhoteredzo iyo ingavaparira kurasikirwa namavhoti, uye vemaindasitiri vanoramba zvikarakadzo zvipi nezvipi izvo zvingatyisidzira zvimuko nokuwedzera kwepfuma.
Makaro. Pakunouya kuchisarudzo pakati pezvimuko nokuchengetedza, mari inowanzova inokurira. Maindasitiri ane simba anosimudzira kuderedza kudzorwa kwokushatisa kana kuti kudzivisa mitemo yehurumende chose chose. Kuvadziko yacho kuozone layer inoratidza ichi chinetso. Kare saMarch 1988, sachigaro wekambani huru yemakemikoro yeUnited States akati: “Panguva ino, ufakazi hwesayenzi hahunongedzeri kukudikanwa kwokuderedzwa kukuru kwokubudiswa kweCFC.”
Kambani imwe cheteyo, zvisinei, yakarumbidza kurega kugadzirwa kwemachlorofluorocarbon (maCFC) chose chose. Kuchinja chimiro chendangariro here? “Kwakanga kusina chokuita nokuti mhoteredzo yakanga iri kukuvadzwa here kana kuti kwete,” akatsanangura kudaro Mostafa Tolba, mutarisiri weUnited Nations Environment Programme (UNEP). “Kwakanga kuchingova bedzi [pamusoro pokuti] ndiani akanga achizowana betsero yezvo[upfumi] pana ani.” Zvino vezvesayenzi vazhinji vanoziva kuti kuparadzwa kweozone layer ndokumwe kwengwavaira dzemhoteredzo dzakaipa zvikurusa dzakaitwa nomunhu munhau.
Kusaziva. Zvatinoziva zvinopfuurwa nezvatisingazivi. “Tichiri vanoziva zvishomanene zvikuru pamusoro pokuwanda kwoupenyu mumasango anonaya mvura zvikuru enzvimbo dzinopisa dzapasi,” anotsanangura kudaro Peter H. Raven, mutungamiriri weMissouri Botanical Garden. “Nenzira inoshamisa, tinoziva zvakawanda—zvakawanda zvikuru—pamusoro pepamusoro pemwedzi.” Kumwe cheteko ndokwechokwadi pamusoro pemhepo yakapoteredza pasi. Icarbon dioxide yakawanda zvakadini yatinogona kuramba tichipinza mudenga pasina kutapura mamiriro okunze epasi? Hakuna anoziva. Asi seizvo magazini yeTime yakataura, “kusaitira hanya kuisa chisiko kukuedza kukuru kwakadaro apo mugumisiro wacho unenge usingazivikanwi uye migumisiro inobvira ichityisa zvikuru kurangarira.”
Maererano nefungidziro dzeUNEP, kunobvira kuti kuparara kweozone panosvika mugumo wegumi rino ramakore kuchaparira pakupedzisira mazana ezviuru ezvirwere zvitsva zvekenza yeganda gore riri rose. Tapuro pambesanwa nenzvimbo dzokuredza ichiri isingazivikanwi, asi inokarirwa kuva huru.
Mirangariro yokusaona zvemberi. Mukusafanana nedzimwe ngwavaira, zvinetso zvemhoteredzo zvinouya patiri nenzira isingaoneki. Ikoku kunodzongonyedza kuedza kwokuparira chiito chakabvumiranwa kuvadziko yechigarire isati yaitwa. Bhuku rinonzi Saving the Planet rinoenzanisa mamiriro edu ezvinhu azvino neayo avakwiri vakanga vodokuparara vakanga vari muTitanic yakakuvadzwa muna 1912: “Vashomanene vanoziva ukuru hwengwavaira inobvira.” Vanyori vacho vanodavira kuti pasi rinogona bedzi kuchengetedzwa kana vezvamatongerwo enyika nevezvebhizimisi vakanangana nechokwadi ndokufunga pamusoro pezvigadzikiso zvenguva refu zvinobudirira panzvimbo pebetsero dzechinguvana.
Zvimiro zvendangariro zvoudyire. PaEarth Summit muna 1992, gurukota reSpain Felipe González akaonesa kuti “chinetso chacho ndechemunyika yose, uye chigadzikiso chacho hachigoni kuva chimwe kunze kwechemunyika yose.” Ikoko kutaura kwakarurama, asi kuwana zvigadzikiso izvo zvinogamuchirika mupasi rose ibasa rinoodza mwoyo. Nhume yeUnited States kuEarth Summit yakati nenzira yakajeka: “VaAmerica havasati vachizosiya mararamiro avo.” Nyanzvi yemhoteredzo yeIndia Maneka Gandhi, kune rumwe rutivi, akanyunyuta kuti “mwana mumwe muMadokero anodya zvakawanda seizvo vanhu 125 vaizodya muMabvazuva.” Akataura kuti “kunodokuva kuipa kwemhoteredzo kwose muMabvazuva kuri nemhaka yokushandisa kuri muMadokero.” Nguva nenguva, kuedza kwenyika dzakawanda kuvandudza mhoteredzo kwakaputsika nemhaka yefariro dzenyika dzoudyire.
Pasinei zvapo neizvi zvinetso zvikuru, pane zvikonzero zvokutarira kunguva yemberi nechivimbo. Chimwe chazvo kunaya kwomuitiro wedziviriro wepasi redu.
Kupora Kwapasi
Somuviri womunhu, pasi rinokwanisa kuzviporesa rimene zvinoshamisa. Muenzaniso wakatanhamara waikoku wakaitika muzana ramakore rakapfuura. Muna 1883 chitsuwa chokuputika kwegomo cheIndonesia cheKrakatau (Krakatoa) chakabudisa zvinhu nesimba mukuputika kukuru uko kwakanzwika kure neanenge makiromita 5 000. Anodokuva makubhiti makiromita 21 ezvinhu akakandirwa mudenga, uye zvikamu zviviri zvezvitatu zvechitsuwa chacho zvakanyangarikira pasi pegungwa. Mwedzi mipfumbamwe gare gare chiratidzo bedzi choupenyu chakanga chiri dzvatsvatsva risingaoneki nameso. Nhasi chitsuwa chacho chose chakafukidzwa nemiti mizhinji yenzvimbo dzinopisa dzapasi, iyo inogovera zvokudya kumazana amarudzi eshiri, zvinoyamwisa, nyoka, uye zvipembenene. Pasina panikiro uku kunaya kwakatsigirwa nokudzivirirwa uko chitsuwa chacho chinowana sorutivi rweUjung Kulon National Park.
Kuvadziko yomunhu inogonawo kubviswa. Rikapiwa nguva, pasi rinogona kuzviporesa rimene. Mubvunzo ndouyu, Vanhu vachapa pasi zororo rarinoda here? Sezvinobvira kwete. Asi kune mumwe Munhu akatsunga kurega pasi redu kuti rizvidzosere kumumiriro wenguva dzose—Uyo akarisika.
“Pasi Ngarifare”
Mwari haana kumboda kuti munhu aparadze pasi. Akaudza Adhama ku‘rima nokutarisira’ bindu reEdheni. (Genesi 2:15) Itiro hanya yaJehovha yokudzivirira mhoteredzo yakaratidzirwawo mumitemo mizhinji yaakapa kuvaIsraeri. Somuenzaniso, vakaudzwa kurega kurima munda kamwe chete pamakore manomwe ari ose—gore reSabata. (Eksodho 23:10, 11) Apo vaIsraeri vakafuratira kazhinji kazhinji iwoyu nemimwe mirayiro youmwari, Jehovha akabvumira vaBhabhironi pakupedzisira kubvisa vanhu munyika yacho, iyo ipapo yakava dongo kwamakore 70 “kusvikira nyika yafarira masabata ayo.” (2 Makoronike 36:21) Nemhaka yeuyu muenzaniso wapakuvamba wenhau, hakushamisi kuti Bhaibheri rinotaura kuti Mwari acha“paradz[a] avo vanoparadza nyika” kuitira kuti pasi rigonaya padenho yomunhu yemhoteredzo.—Zvakazarurwa 11:18.
Chiito ichocho, zvisinei, chichangova bedzi danho rokutanga. Kupona kwepasi, seizvo wezvesayenzi yezvipenyu Barry Commoner anoonesa nenzira yakarurama kuti, “kunotsamira zvakaenzana pakugumisa hondo nechisiko uye pakugumisa hondo pakati pedu timene.” Kuti vawane nharidzano iyeyo, vanhu vapasi vanofanira ku“dzidziswa naJehovha” kutarisirana uye kutarisira musha wavo wapasi. Somugumisiro, rugare rwavo ruchava “rukuru.”—Isaya 54:13.
Mwari anotipikira kuti kuchava nokugadziridzwa kwemhoteredzo nezvinhu zvadzo zvipenyu zvapasi. Panzvimbo pokuwedzera nenzira isingadzorwi, magwenga acha“tumbuka seruva.” (Isaya 35:1) Panzvimbo peperevedzo yezvokudya, kuchave ne“zviyo zvizhinji pasi.” (Pisarema 72:16) Panzvimbo pokufa nokushatiswa, nzizi dzapasi dzicha“uchir[a].”—Pisarema 98:8.
Chinjo yakadaro ichava inobvira rini? Apo “Jehovha amene [anenge] ava mambo.” (Pisarema 96:10, NW) Kutonga kwaMwari kuchavimbisa chikomborero nokuda kwechinhu chipenyu chiri chose chiri papasi. “Pasi ngarifare,” anodaro wezvamapisarema. “Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri mariri; masango ngaafare kwazvo, uye chinhu chiri chose chiri maari. Ipapo miti yose yesango ichaimbira mufaro.”—Pisarema 96:11, 12, New International Version.
Pasi rakakomborerwa noMusiki waro uye rinotongwa mukururama rine nguva yemberi yakaisvonaka. Bhaibheri rinorondedzera migumisiro yacho, richiti: “Kururama norugare zvakasvetana. Zvokwadi inomera pasi; kururama kwakatarira pasi kuri kudenga. Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.” (Pisarema 85:10-12) Apo zuva iroro rinosvika, pasi redu richave richisiri mungozi nokusingaperi.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Kufanana nomuviri womunhu, pasi rine simba rinoshamisa rokuzviporesa rimene