Zvapupu zvaJehovha Chishandiswa Mukufambira Mberi Kwokuvhiya Mwoyo
DAILY News yeNew York yaAugust 27, 1995, yakapa mushumo wayo musoro unoti, “Kuvhiya Kusina Ropa.” Wakadudza kuti New York Hospital-Cornell Medical Center ya“izowadzanyura nzira yechinjo huru yokuita nayo kuvhiya mwoyo kunodzivisa ropa kusvika mauri—kuvhiya kwakafanana kwaidiwa nguva pfupi yapfuura neaichimbova Meya David Dinkins—pasina kurasikirwa nerakawanda sedonhwe reropa.”
“Vasundwa neitiro hanya dzeZvapupu zvaJehovha,” pepa racho rakadaro, “chishamiso chomuitiro wacho mutsva . . . chicharatidzirwa mumazana ezviuru zvamadhora mumari inochengetedzwa yezvipatara nengozi yakaderera zvikuru yokushatiswa kweropa nokuda kwavarwere.” Dr. Todd Rosengart, mutungamiriri wepurogiramu yokuvhiya kusina ropa yechipatara, akati: “Tava zvino kukwanisa kuderedza chitsama chokuisira ropa kuri madikanwa mukati mouku kuvhiya kubva pamayuniti maviri kusvikira kumana enguva dzose pamurwere kuenda kuzero.”
Dr. Karl Krieger, muvhiyi wemwoyo wechipatara, uyo akabetsera kutanga muitiro wacho, akati: “Kupfurikidza nokubvisa kudikanwa kweropa rinopiwa nezvinhu zvinogadzirwa neropa, tinoderedzawo ngozi yemafivha akati apashure pokuvhiya nehosha dzinowanzova dzine chokuita nokuisira ropa.”
Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti “kudziviswa kwokupfuura kweropa napamwoyo pasina kushandisa ropa kunoderedza nguva inopedzwa munzvimbo inotarisirwa vanorwara zvakakomba pashure pokuvhiya—kubva pamaawa 24 kana kuti anopfuura kusvikira kumaawa matanhatu bedzi. Varwere vanosarudzwa nokuda kwokuvhiya kusina ropa vakanga vachikwanisa kuwanazve utano hwavo ndokukurumidza kubuda muchipatara neanosvika maawa 48.” Ikoko kunoreva kuchengetedza mari zvikuru nokuda kwezvipatara, hurumende, uye makambani einishuwarenzi. Dr. Rosengart akafungidzira kuti “uku kuvhiya kunogona kuchengetedza inenge $13 600 pamurwere.”
Nhau yeDaily News yakapfuurira, kuti:
“Nenzira inosetsa, kuvhiya kutsva kwakasundwa kwete nesangano rezvoupfumi kana kuti kunyange rezvokurapa, asi nokurangarira kukuru kworudzidziso. Nzanga yeZvapupu zvaJehovha—ine zvitendero zvinorambidza kushandiswa kwokuisira ropa—yakanga ichitsvaka betsero nokuda kwemitezo yakwegura yaikurirwa nehosha yomwoyo. . . .
“Pakukurudzira kwenzanga yeZvapupu zvaJehovha, vanachiremba vakabatanidza mitoo yavo yokuchengetedza ropa nemirimo mitsva. Vakawanawo nzira itsva yokushandisa nayo muchina wenguva dzose wemwoyo nemapapu unoshandiswa kuchengeta varwere vari vapenyu mukati mokuvhiya mwoyo.
“Mukuwedzera kuvarwere 40 veZvapupu zvaJehovha vanobatanidza fundo yokutanga yokurapa, mwedzi mitanhatu yapfuura boka reNew York-Cornell rakatanga kuvhiya kwacho munzanga yose zvayo yavarwere. ‘Kubvira panguva iyeyo, vakapedza kuvhiya kunodzivisa kupfuura kweropa napamwoyo kusina ropa kunotevedzana 100 pasina nzufu,’ akadaro Krieger. Mwero wokufa wokuvhiya kunodzivisa kupfuura kweropa napamwoyo kwenguva dzose unenge 2.3%.”
Munyika yose zvipatara 102 zvakawedzera mapurogiramu okuvhiya kusina ropa kuzvivako zvazvo, zvichiita kuti iyi miitiro yakakotsekana yokuvhiya ive inowanika kunzanga yose zvayo yavarwere mupasi rose.