Kuwedzera Kudiwa Kwomushonga Nokuvhiya Zvisina Ropa
“Vose vari kushandisa ropa uye kutarisira varwere vakavhiyiwa vanofanira kufunga nezvokuvhiya pasina kuisira ropa.”—Dr. Joachim Boldt, purofesa wezvokuoma kwenhengo dzomuviri, Ludwigshafen, Germany.
NHAMO yeAIDS yamanikidza vasayendisiti uye vanachiremba vokuvhiya kuti vatore mamwe matanho kuita kuti imba yokuvhiyira ive yakakotsekana. Zviri pachena kuti izvi zvakareva kuongororwa kwakanyanya kweropa. Asi nyanzvi dzinoti kunyange matanho aya haaiti kuti pave nokuisira ropa kusina njodzi zvachose. “Kunyange sezvo nzanga iri kushandisa mari nezvinhu zvakawanda kuita kuti ropa rive risina njodzi kukunda kare,” inodaro magazini inonzi Transfusion, “tinodavira kuti varwere vacharamba vachiedza kudzivisa kuisirwa ropa nemhaka bedzi yokuti ropa [rinopiwa] harimbofi rakava risina njodzi zvachose.”
Hazvishamisi kuti vanachiremba vakawanda havachadi kunyanya kuisira ropa. “Kuisira ropa chaizvoizvo hakuna kunaka, uye tiri kuita zvatingagona kukudzivisa pamunhu wose,” vanodaro Dr. Alex Zapolanski, vokuSan Francisco, California.
Vanhu vakawandawo vava kuziva njodzi dzokuisirwa ropa. Kutaura zvazviri, kuongorora kwakaitwa muna 1996 kwakaratidza kuti 89 muzana yavanhu vokuCanada vangada havo zvinotsiva pane kuisirwa ropa rakapiwa. “Havasi vanhu vose vangaramba kuisirwa ropa romumwe munhu sezvinoita Zvapupu zvaJehovha,” inodaro Journal of Vascular Surgery. “Kunyange zvakadaro, njodzi yokutapukirwa nechirwere uye yokutadza kushanda zvakanaka kwegadziriro yokudzivirira muviri zvinopa uchapupu hwakajeka hwokuti tinofanira kutsvaka zvinotsiva nokuda kwavarwere vedu vose.”
Nzira Inodiwa Navamwe
Zvinofadza kuti pane zvinotsiva—mushonga nokuvhiya zvisina ropa. Varwere vakawanda vanozviona kwete sezvinhu zvokupedzisira asi senzira inodiwa, vaine chikonzero chakanaka. Stephen Geoffrey Pollard, chiremba wokuvhiya anopa mazano wokuBritain, anoti mwero wokuwana chirwere uye kufa pakati pevanovhiyiwa pasina kuisira ropa “wakangoda kufanana noweavo vanoisirwa ropa, uye kakawanda havazowani utachiona hunouya vavhiyiwa kana kuti zvimwe zvinhu zvinokonzerwa neropa.”
Kurapa pasina kuisira ropa kwakatanga sei? Neimwe pfungwa mubvunzo uyu unoshamisa, nokuti kurapa pasina kuisira ropa kwakanga kuripo kuisira ropa kusati kwava kushandiswa. Kutaura zvazviri, ruzivo rwokuisira ropa rwakafambira mberi kusvika padanho rokuti rwakanga rwava kushandiswa mukuvamba kwezana ramakore rechi20. Kunyange zvakadaro, mumakumi amakore achangobva kupfuura aya vamwe vakanyanya kurumbidza kuvhiya pasina kuisira ropa. Somuenzaniso, muma1960 mumwe chiremba anovhiya akakurumbira Denton Cooley akaita kumwe kuvhiya mwoyo kwokutanga pasina kushandisa ropa.
Nokuwanda kwokuzvimba chiropa muvarwere vanoisirwa ropa muma1970, vanachiremba vakawanda vakavamba kutsvaka zvinotsiva ropa. Pakazosvika ma1980 zvikwata zvakawanda zvavanachiremba zvakanga zvava kuvhiya pasina kuisira ropa. Zvadaro, vanhu vakawanda pavakatanga kutapukirwa nechirwere cheAIDS, zvikwata izvi zvakabva zvanyanya kubvunzwa nevamwe vaida kushandisa nzira dzakafanana. Muma1990 zvipatara zvakawanda zvakatanga zvirongwa zvinoita kuti varwere vasarudze kana vachida kurapwa pasina kuisirwa ropa.
Zvino vanachiremba vava kushandisa nzira dzokurapa pasina kuisira ropa mukuvhiya uye kurapa kwechimbichimbi izvo zvaida kuisira ropa kare. “Kuvhiyiwa kukuru kwomwoyo, kwetsinga, kwehosha dzavanhukadzi nedzokubereka, kwetsandanyama nemapfundo, uye kwedundira kwava kugona kuitwa zvinobudirira pasina kushandisa ropa kana zvinhu zviri muropa,” anodaro D. H. W. Wong, muCanadian Journal of Anaesthesia.
Chimwe chinhu chakanakira kuvhiya pasina kuisira ropa ndechokuti kunoita kuti pave nokutarisira kuri nani. “Unyanzvi hwachiremba hunokosha zvikuru kwazvo mukudzivisa kurasikirwa neropa,” anodaro Dr. Benjamin J. Reichstein, mukuru mukuru wokuvhiya muCleveland, Ohio. Imwe magazini yezvemitemo yokuSouth Africa inoti mune zvimwe zviitiko kuvhiya pasina kuisira ropa kunogona kuva “kunokurumidza, kwakachena uye kusingadhuri.” Inowedzera kuti: “Kumwe kutarisirwa pashure pokuvhiya mune zvimwe zviitiko kwakava kwakachipa uye kusingadi nguva yakawanda.” Izvi zvinongova zvikonzero zvishoma nei zvipatara zvinenge 180 munyika yose pari zvino zvine zvirongwa zvokuwana unyanzvi hwomushonga nokuvhiya zvisina ropa.
Ropa neZvapupu zvaJehovha
Nemhaka yezvikonzero zviri muBhaibheri, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba kuisirwa ropa.a Asi zvinobvuma—uye zvinotsvaka zvikuru—zvokurapa zvinotsiva ropa. “Zvapupu zvaJehovha zvinotsvaka nokushingaira kurapa kwakanakisisa,” akadaro Dr. Richard K. Spence, paaiva mukuru mukuru wokuvhiya pachipatara chiri muNew York. “Seboka, izvo varwere vakadzidza zvikuru avo chiremba wokuvhiya achasangana navo.”
Vanachiremba vakawanda vakaona nzira dziri nani dzokuvhiya pasina kuisira ropa paZvapupu zvaJehovha. Funga zvakaitwa nachiremba anovhiya mwoyo Denton Cooley. Mumakore 27, chikwata chake chakavhiya mwoyo pasina kuisira ropa Zvapupu zvaJehovha zvinokwana 663. Zvakaitika zvinoratidza kuti kuvhiya mwoyo kunogona kuitwa kuchibudirira pasina kushandisa ropa.
Chokwadi, vakawanda vakatsoropodza Zvapupu zvaJehovha nemhaka yokuramba kwazvo kuisirwa ropa. Asi rimwe bhuku rinotungamirira rakabudiswa neAssociation of Anaesthetists of Great Britain and Ireland rinodana chisarudzo cheZvapupu zvaJehovha kuti “chiratidzo chokuremekedza upenyu.” Kutaura zvazviri, zvakaitwa neZvapupu zvaJehovha zvakaita kuti pave nokurapa kusina njodzi kuvanhu vose. “Zvapupu zvaida kuvhiyiwa zvakaratidza nzira uye zvakapa simba rokuti pave nokufambira mberi munhau inokosha youtano muNorway,” vanonyora kudaro Purofesa Stein A. Evensen, veNorway’s National Hospital.
Kuti zvibatsire vanachiremba mukurapa vasingashandisi ropa, Zvapupu zvaJehovha zvakatanga chirongwa chinobatsira chokutaurirana. Pari zvino, Matare Okubata Nechipatara anopfuura 1 400 munyika yose akagadzirira kupa vanachiremba uye vanoongorora mabhuku ezvokurapa kubva pamabhuku akaunganidzwa enyaya dzinopfuura 3 000 dzine chokuita nomushonga nokuvhiya zvisina ropa. “Hazvisi Zvapupu zvaJehovha chete, asi kuti varwere vose zvavo, nhasi havachanyanyi kuisirwa ropa nemhaka yebasa raMatare Okubata Nechipatara eZvapupu,” vanodaro Dr. Charles Baron, purofesa paBoston College Law School.b
Mashoko nezvomushonga nokuvhiya zvisina ropa akaunganidzwa neZvapupu zvaJehovha abatsira vakawanda mune zvokurapa. Somuenzaniso, mukugadzirira mashoko ebhuku rakanzi Autotransfusion: Therapeutic Principles and Trends, vanyori vacho vakabvunza Zvapupu zvaJehovha kuti zvivape mashoko nezvezvinotsiva kuisira ropa. Zvapupu zvakafara kuvapa mhinduro. Gare gare vakazonyora vachitenda, kuti: “Mukurava kwedu nezvenyaya iyi, hatina kumboona zvinhu zvakadaro zvakanyatsoongororwa, zvakakwana zvenzira dzokudzivisa kuisira ropa romumwe munhu.”
Kubudirira mune zvokurapa kwakaita kuti vakawanda vafunge nezvomushonga usina ropa. Izvi zvichatisvitsa kupi? Purofesa Luc Montagnier, avo vakawana kuti kune utachiona hweAIDS, vanoti: “Kuchinja kwokufunga kwedu munyaya iyi kunoratidza kuti nerimwe zuva kuisira ropa kuchapera zvachose.” Panguva ino, zvinotsiva kuisira ropa zviri kutoponesa upenyu.
[Mashoko Omuzasi]
b Kana akakumbirwa kuuya, Matare Okubata Nechipatara anodzidzisawo vashandi vomuzvipatara. Uyezve, kana akakumbirwa kubatsira zvakananga, anobatsira varwere kuti vakurumidze, kunyatsotaurirana navanachiremba, uye kupfuurira kutaurirana nachiremba ari kumutarisira.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 7]
Zvinotaura Vamwe Vanachiremba
‘Kuvhiya pasina kuisira ropa hakusi kweZvapupu zvaJehovha bedzi asi kuti kwavarwere vose. Ndinofunga kuti chiremba wose anofanira kuita izvi.’—Dr. Joachim Boldt, purofesa wezvokuoma kwenhengo dzomuviri, Ludwigshafen, Germany.
“Nepo kuisira ropa kwava nenjodzi shoma nhasi pane kare, kuchiri nenjodzi, kusanganisira kurambwa kweropa negadziriro yokudzivirira muviri uye kuzvimba chiropa kana kutapukirwa nezvirwere zvinopfuudzwa pabonde.”—Dr. Terrence J. Sacchi, mutevedzeri wapurofesa wemishonga pakiriniki.
“Vanachiremba vakawanda vanongoerekana vaisira ropa uye vanongoisira pose pose uye vasingasaruri. Ini handidaro.”—Dr. Alex Zapolanski, mukuru mukuru wokuvhiya mwoyo paSan Francisco Heart Institute.
“Handioni kuvhiyiwa kupi nokupi kwakanaka kwomudumbu momurwere ane utano kuchida kuisira ropa.”—Dr. Johannes Scheele, purofesa wokuvhiya, Jena, Germany.
[Mifananidzo]
Dr. Terrence J. Sacchi
Dr. Joachim Boldt
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Mushonga Nokuvhiya Zvisina Ropa
Dzimwe Nzira Dzacho
Zvinhu zvakaita mvura mvura: Mvura yeRinger, dextran, hydroxyethyl starch, uye zvimwe zvinoshandiswa kuti ropa rirambe rakawanda, kuchidzivisa kuva neropa shoma rinotenderera mumuviri. Zvimwe zvakaita mvura mvura zviri kuedzwa zvino zvinogona kufambisa oxygen.
Mishonga: Mapuroteni akagadzirwa nenyanzvi dzichishandisa magene anogona kuita kuti masero matsvuku eropa (erythropoietin), maplatelet eropa (interleukin-11), uye masero machena eropa akasiyana-siyana (GM-CSF, G-CSF) zvitange kugadzirwa. Kumwe kurapa kunoderedza kurasikirwa neropa rakawanda mukuvhiya (aprotinin, antifibrinolytics) kana kuti kubatsira kuderedza kubuda ropa rakanyanya kuwanda (desmopressin).
Zvigadzirwa zvinodzivirira ropa: Machira akarukwa ecollagen necellulose anoshandiswa kumisa kubuda kweropa kana akashandiswa. Zvokunamisa zveFibrin zvinogona kuvhara zvironda kana kuti kufukidza nyama inenge ichibuda ropa.
Kuwanazve ropa: Michina yokuwanazve ropa inodzorera ropa rinenge rarasika mukuvhiya kana kuti mukukuvara zvikuru. Ropa rinocheneswa uye rinodzorerwa kumurwere risina kumbofurwa nemhepo. Muzviitiko zvakaipisisa zvikuru, marita eropa anogona kuwanikwa pachishandiswa nzira yakadaro.
Zvokuvhiyisa: Zvimwe zvinhu zvokuvhiyisa zvinoshandiswa kucheka uye kusona tsinga dzeropa panguva imwe chete. Zvimwe zvinhu zvokuvhiyisa zvinogona kunama kubuda ropa panyama yakakura. Zvokuvhiyisa zviduku-duku zvinoona zviri mukati zvinoita kuti kuvhiya kuitwe pasina kurasikirwa neropa kunobatanidzwa nokucheka kwakakura.
Nzira dzokuvhiya: Kunyatsogadzirira kuvhiya, uyewo kubvunza vamwe vanachiremba vane ruzivo, kunobatsira chikwata chinovhiya kuti chidzivise njodzi. Kukurumidza kumisa kubuda kweropa kunokosha zvikuru. Kunonoka kunopfuura maawa 24 kunowedzera mukana wokuti murwere afe. Kuita kuti kuvhiya kwakakura kuite kuduku kuduku kunoita kuti kurasikirwa neropa kuve kushoma.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 10]
Mushonga Usina Ropa “Inzira” Itsva “Yokutarisira Nayo Here”?
MUKAI! yakakurukura kubatsira kunoita mushonga nokuvhiya zvisina ropa nenyanzvi ina munyaya idzi.
Kunze kwavarwere vanoramba kuisirwa ropa nemhaka yezvikonzero zvechitendero, ndianizve angafarira mushonga usina ropa?
Dr. Spahn: Pachipatara chedu vanokumbira mushonga usina ropa kakawanda vanenge vari varwere vanonyatsoziva zvakawanda.
Dr. Shander: Muna 1998 nhamba yavarwere vakaramba ropa nemhaka yezvikonzero zvomunhu oga yakakunda nhamba yavarwere vakaramba ropa nemhaka yezvikonzero zvechitendero.
Dr. Boyd: Somuenzaniso, kune varwere vane kenza. Zvakaratidzwa kakawanda kuti kana vakasaisirwa ropa, vanonaya zviri nani uye kashoma kudzokerwa nechirwere chacho.
Dr. Spahn: Kazhinji tinorapa vanapurofesa vokuyunivhesiti nemhuri dzavo tisingashandisi ropa. Kunyange vanachiremba vokuvhiya vanoti tirege kuisira ropa! Somuenzaniso, mumwe chiremba wokuvhiya akauya nomukadzi wake, aida kuvhiyiwa. Akati: “Ivai nechokwadi nechinhu chimwe—kuti haaisirwi ropa!”
Dr. Shander: Vanoshanda mudhipatimendi rangu rokuoma kwenhengo dzomuviri vakati: ‘Varwere ava vasiri kuisirwa ropa vari kuitawo nani uye zvichida vanotova nani zvikuru. Nei tichifanira kuva nenzira mbiri dzokutarisira? Kana iyi iriyo nzira yokutarisira yakanaka kukunda dzose, tinofanira kuishandisa kumunhu wose.’ Saka iye zvino tiri kutarisira kuti mushonga usina ropa uve nzira yokutarisira nayo.
Mr. Earnshaw: Ichokwadi kuti kuvhiya pasina kuisira ropa kunonyanya kushanda kuZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, uku ndiko kurapa kwatinoda kuita munhu wose.
Kusashandisa ropa kunodhura here kana kuti kwakachipa?
Mr. Earnshaw: Hakudi mari yakawanda.
Dr. Shander: Pane kuderera kwe25 muzana pamari inoshandiswa pamushonga usina ropa.
Dr. Boyd: Kunyange dai chiricho chikonzero chiripo chete, tinofanira kuushandisa.
Tafambira mberi zvakadini mukurapa pasina kuisira ropa?
Dr. Boyd: Ndinofunga kuti tafambira mberi zvikuru. Hazvisati zvapera. Nguva nenguva, tiri kuwana chikonzero chitsva chokurega kushandisa ropa.
[Mifananidzo]
Mr. Peter Earnshaw, FRCS, chiremba anopa mazano kune vakaremara, London, England
Dr. Donat R. Spahn purofesa wezvokuoma kwenhengo dzomuviri, Zurich, Switzerland
Dr. Aryeh Shander mutevedzeri wapurofesa wezvokurapa kuoma kwenhengo dzomuviri, United States
Dr. Mark E. Boyd purofesa wezvokuzvarwa kwavana uye zvirwere zvamadzimai, Canada
[Bhokisi riri papeji 11]
Zvinofanira Kuitwa Nomurwere
▪ Taura nachiremba wako nezvenzira dzinotsiva kushandisa ropa usati warwara. Izvi zvinonyanya kukosha kuvadzimai vakazvitakura, vabereki vane vana vaduku, uye vachembera.
▪ Nyora zvaunoda, kunyanya kana pepa rapamutemo richiwanika rokushandisira chinangwa ichi.
▪ Kana chiremba wako asiri kuda kukurapa asingashandisi ropa, tsvaka chiremba achaita zvaunoda.
▪ Sezvo zvimwe zvinotsiva ropa zvichida nguva kuti zvishande, usaverengera kutsvaka kurapwa kana uchiziva kuti unofanira kuvhiyiwa.