Kutsvaka Mhinduro Dzinogamuchirika
MOTOKARI handidzo bedzi dzinoparira kushatisa. Dzimba dzavanhu, mafekitari emabhizimisi, uye nzvimbo dzinogadzirwa magetsi zvinofanirawo kugoverana mutoro wacho. Zvisinei, rutivi urwo motokari dzinoita mukuparira kushatisa kwenyika yose rukuru.
Kutaura idi, 5000 Days to Save the Planet inopfuurira, kuti: “Kudai idzi kuvadziko dzose dzaifanira kunzverwa—zvikurukuru kuvadziko kumhoteredzo yedu yokubudisa carbon dioxide—ipapo zvimwe motokari dzaisazotongogadzirwa.” Kunyange zvakadaro, inobvuma, kuti: “Asi ichocho ndichinotsiva icho vagadziri vemotokari, kana zvimwe vezvebhizimisi rokugadzira migwagwa, kana kuti masangano ehurumende, kana kuti zvirokwazvo vanhu vose zvavo, vane upenyu hunoramba huchitsamira pakushandisa motokari dzavo vamene, vasina kugadzirira kurangarira.”
Ruzivo rwokugadzira zvinhu urwo rwakasvitsa munhu pamwedzi harufaniri kukwanisa kugadzira motokari isingashatisi here? Kuita hakutongovi kuri nyore sokutaura, naizvozvo kutozosvikira mhinganidzo dzokugadzira motokari isingashatisi dzagona kukurirwa, kutsvaka dzimwe mhinduro dzinogamuchirika kunopfuurira.
Kuderedza Zvinoshatisa
Muma1960 United States yakaita mutemo wairayira kuiswa kwezvinodzora pamotokari kuti zviganhurire kubudiswa kwezvinoshatisa. Dzimwe nyika nehurumende dzanguve dzaita zvimwe chetezvo.
Zvinochinja zvinobudiswa nemotokari kuva zvisingakuvadzi, izvo zvinoda kushandiswa kwepeturu isina lead, zviri kushandiswa zvikuru zvino kubvisa zvinoshatisa zvinokuvadza. Pakati pa1976 na1980, pashure pokunge vanofamba nemotokari vakawanda vavamba kushandisa peturu isina lead, mwero welead uri muropa ravokuAmerica wakaderera nechikamu chimwe chezvitatu. Uye wakaita zvakanaka kuderera, nokuti lead yakanyanyisa inogona kutapura gadziriro yetsinga ndokupinganidza mano okudzidza. Nenzira inosuruvarisa, zvisinei, nepo kuderera kwemwero yelead kwakaitika munyika zhinji dzakasumukira, zvimwe chetezvo hazvigoni kutaurwa nezvenyika dzakasumukira zvishoma.
Kubudirira kwezvinochinja zvinobudiswa nemotokari kuva zvisingakuvadzi kunofadza, asi kushandiswa kwazvo kunoramba kuri kunoitiranwa nharo. Nemhaka yokuderera kwokushanda zvikuru uko kwakavapo apo lead yakanga isichawedzerwi, zviri muhydrocarbon zvepeturu zvakachinjwa. Ikoku kwakaguma nokuwedzera kwezvinobudiswa kwezvimwe zvinhu zvinoparira kenza, zvakadai sebenzene netoluene, zvine mwero yezvinobudiswa izvo zvinochinja zvinobudiswa nemotokari kuva zvisingakuvadzi zvisingaderedzi.
Kunze kwezvo, zvinochinja zvinobudiswa nemotokari kuva zvisingakuvadzi zvinoda kushandiswa kweplatinum. Mukuwirirana naPurofesa Iain Thornton, weImperial College muBritain, imwe yetapuro dzazvo kwave kuri kuwedzera kweplatinum inoiswa muguruva romurutivi memigwagwa. Akanyevera nezvebviro yokuti “platinum inonyunguduka ingagona kupinda mumuitiro wenhevedzano yezvokudya.”
Pasinei zvapo nebudiriro ipi neipi ye“zvinochinja zvinobudiswa nemotokari kuva zvisingakuvadzi muNorth America, Japan, South Korea nedzimwe nyika dzinoverengeka dzeEurope,” 5000 Days to Save the Planet inobvuma nenzira yapachokwadi kuti, “kuwedzera kukuru kwemotokari munyika yose kwakabvisa chose chose betsero dzokunaka kwemhepo.”
Kuderedza
Mumwe mutoo wokuderedza zvinobudiswa nemotokari kutyaira usingamhanyisi. Asi muUnited States, dzimwe hurumende dzakawedzera munguva pfupi yapfuura ganhuriro dzemwero wokumhanya. MuGermany kuisa ganhuriro hakuna kurovedzeka. Vagadziri vemotokari vanosimbisa mano okugadzira motokari dzakasimba idzo dzinobvumira nenzira iri nyore mwero wokumhanya wakafanira nokuda kwedaro refu mukupfuura makiromita 150 paawa vanopesana nenzira yomuzvarirwo, sezvakaita vatyairi vakawanda. Kunoratidzika zvino, zvisinei, kuti vokuGermany vakawanda zvikuru vari kudisa kugamuchira ganhuriro dzokumhanya kwete bedzi nokuda kwezvikonzero zvemhoteredzo asiwo nokuda kwekotsekano.
Mune dzimwe nyika vatyairi vanodikanirwa kumhanya zvishoma apo kushatiswa kunosvika mwero isingafadzi—kana kuti zvichida kurega kutyaira zvachose. Nzvero ya1995 yakaratidzira kuti 80 muzana yavokuGermany vaizobvuma kutangwa kweganhuriro dzemwero yokumhanya kana mwero yeozone yaizova yakanyanyokwira. Maguta akawanda munyika yose, kubatanidza Athens neRome, akatoita nhano dzokuganhurira kutyaira mumamiriro akati ezvinhu. Mamwe ari kurangarira kuita zvimwe chetezvo.
Kushandisa Mabhasikoro
Kuti aderedze zvinofamba mumugwagwa, mamwe maguta akatanga mitengo chaiyo nokuda kwokufamba namabhazi. Mamwe anogovera kufamba nebhazi kwapachena nokuda kwevatyairi avo vanoripira mari shoma kuti vapake motokari dzavo munzvimbo dzokupaka dzinowanika. Mamwe maguta akachengeta mativi emigwagwa nokuda bedzi kwamabhazi namatekisi kuti agowedzera izvi zvimiro zvechokufambisa.
Nzira itsva yokurwisa nayo chinetso chacho yakatsinhirwa munguva pfupi yapfuura muThe European, kuti: “Vapesvedzerwa nenhimbe muNetherlands mukupera kwama1960, vokuDenmark vanokwanisa kuita nzira dzokugonana nadzo nechinhu vakawana zano rokuderedza naro kushatiswa kwemhepo nokunyanyowandisa kwezvinofamba mumugwagwa kupfurikidza nokunyengetedza vanhu kushandisa mabhasikoro panzvimbo pemotokari.” Mabhasikoro anoiswa munzvimbo dzakasiyana-siyana mumigwagwa yose yeCopenhagen. Kukanda mari yesimbi mumuchina kunobudisa bhasikoro nokuda kwokushandisa. Mari yacho inoiswa inogona kutorwazve apo bhasikoro racho rinodzoserwa gare gare munzvimbo yakakodzera. Nguva ichabvumikisa kana iri zano richizobvumikisa kuva rinoshanda ndokuva rakarovedzeka.
Kuti akurudzire kushandiswa kwamabhasikoro panzvimbo pemotokari, mamwe maguta eGermany anobvumira vatasvi kuchovha mabhasikoro nomumigwagwa inoenda kurutivi rumwe vachienda kwainobva! Sezvo chinenge chikamu chimwe chezvitatu chenzendo dzose muguta uye chinopfuura chikamu chimwe chezvitatu cheidzi dziri mumaruwa dziri pfupi zvikuru namakiromita matatu, vagari vazhinji vomuguta vangagona kufamba zhinji dzacho zvichida netsoka kana kuti nebhasikoro. Ikoku kwaizobetsera kuderedza kushatiswa; panguva imwe cheteyo, vatasvi vaizove vachiwana kurovedza muviri kunodikanwa.
Kugadzirazve
Basa rinopfuurira pakugadzira motokari dzisingashatisi. Motokari dzinoshanda nemabhatiri dzakagadzirwa, asi dzakaganhurirwa kana toreva nezvokumhanya nenguva yokushanda. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvemotokari dzinoshandisa simba remagetsi ezuva.
Imwe bviro iri kunzverwa kushandisa hydrogen semafuta. Hydrogen inotsva pachiva nokunenge kusabudiswa kwezvinoshatisa, asi mutengo wayo unodzivisa.
Achiziva kudikanwa kwokugadzirazve motokari, purezidhendi weUnited States Clinton akazivisa muna 1993 kuti hurumende nebhizimisi remotokari reUnited States zvaizobatira pamwe mukugadzira motokari yeramangwana. Akataura kuti: “Tichaedza kuvamba basa roruzivo rwokugadzira zvinhu guru zvikuru kupfuura ripi neripi iro nyika yedu yati yamboedza.” Kana kuchava kunobvira “kugadzira motokari inoshanda zvakakwana uye yakanakira zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo nokuda kwezana ramakore rechi21,” iyo akataura pamusoro payo, kunoramba kuri kusingazivikanwi. Zvirongwa zvine chinangwa chokubudisa muenzaniso wokutanga mukati memakore gumi—zvisinei, pamutengo mukuru.
Vamwe vagadziri vemotokari vari kushanda pamarudzi ayo anoshanda nezvose zviri zviviri peturu nemagetsi. Yatovapo muGermany—nokuda kwomutengo mukuru—imotokari duku inomhanya zvikuru inoshanda nemagetsi inokwanisa kuwedzera mwero wokumhanya mukati memasekondi mapfumbamwe kubva pakumira kuenda kumakiromita 100 paawa, ichifambira mberi kusvika kumwero wayo wokumhanya wapamusoro we180. Asi pashure pamakiromita 200, mabhatiri anopera mwoto ndokumira kusvikira mabhatiri ayo agona kuchajiswazve kweanenge maawa matatu. Nzvero inopfuurira, uye imwe fambiro mberi inokarirwa.
Runongova Bedzi Rutivi Rwechinetso Chacho
Nzira yokubvisa nayo zvinobudiswa zvinochetura inongova bedzi rutivi rwechinetso chacho. Motokari dzinoparirawo ruzha, chimwe chinhu icho munhu upi noupi anogara pedyo nomugwagwa unoshandiswa zvikuru anosanoziva. Sezvo ruzha rwemotokari runopfuurira ruchigona kutapura zvakakomba utano, irworwuwo rutivi rukuru rwechinetso chacho runoda kupedzwa.
Vadi vezvinhu zvomusikirwo vachaonesawo kuti rutivi rukuru rwenyika yorunako rwomusikirwo ruri kukuvadzwa nemamaira emigwagwa mikuru yakashata, pamwe chete nenzvimbo dzebhizimisi dzisingafadzi kuona nezvikwangwani izvo zvingava murutivi mayo. Asi sezvo nhamba yemotokari inowedzera, ndizvo zvinoita kudikanwa kwemigwagwa yakawanda.
Dzimwe motokari, pashure pokushatisa kwamakore dzichishandiswa navaridzi vadzo, dzinopfuuridzira nzira dzadzo dzokushatisa kunyange “pashure pokuparara.” Zvimigweje zvakaraswa, zvinobatira bedzi sezvinhu zvisingafadzi kuona, zvazova chinetso chikuru zvokuti mutemo waitofanira kuitwa mune dzimwe nzvimbo kudzivisa kuzadza nyika kusina kufanira. Motokari yakakwana, iyo yakagadzirwa nezvinhu zvokushandisa washandisazve zvinhu zviri nyore, ichazombogadzirwa here? Motokari yakadaro haisi pedyo kupi nokupi.
“VokuGermany vazhinjisa vanoitira hanya zvikuru mhoteredzo,” rinotsinhira kudaro pepanhau renguva pfupi yapfuura, richiwedzera kuti, “asi vashoma vanoita nenzira inowirirana.” Mukuru mukuru wehurumende anonokorwa mashoko seanoti: “Hapana munhu anofunga nezvake amene saiye ane mhaka, uyewo hapana anodisa kuva anonzi ane mutoro.” Hungu, zvinetso zvakaoma kupedza munyika inoratidzirwa navanhu “vanozvida” uye “vasingadi kuyanana.”—2 Timotio 3:1-3.
Zvisinei, kutsvaka mhinduro dzinogamuchirika kunopfuurira. Mhinduro yakanakisisa kukushatisa nemotokari inogona kutongowanwa here?
[Mufananidzo uri papeji 21]
Kushatisa kungagona kuderedzwa kupfurikidza nokushandisa kwedu chokufambisa chavose here, kufamba nemotokari imwe makawanda, kana kutasva bhasikoro here?