Kuwana Mhinduro Yakanakisisa
SHOKO RAMWARI, Bhaibheri, rinotaura nezvenguva apo hurumende yaMwari yokudenga ichave yapedza zvinetso zvose zvorudzi rwomunhu, izvo zvinobatanidza zvino chinetso chokushatisa kunoitwa nemotokari. Uhwu Umambo hwaMesiya, uhwo vazhinji vakadzidziswa kunyengeterera, huchagovera mhinduro yakanakisisa kupfurikidza nokugadzira motokari isingashatisi chose chose here? Kana kuti mhinduro yacho yakanakisisa ichawanwa kupfurikidza nokubvisa motokari dzose mupasi here? Sezvo Bhaibheri risingatipi mhinduro chaiyoiyo, hapana chinhu chatinogona kuita chinopfuura kumirira ndokuona.—Mateo 6:9, 10.
Asi tinogona kuva nechokwadi chokuti: Hurumende yaMwari haisati ichizobvumira kushatisa kuti kushatise mavara anokwezva echisiko muParadhiso ichadzorerwa iyo Umambo hwacho huchaunza.—Isaya 35:1, 2, 7; 65:17-25.
Sezvo avo vanonamatira kuShoko raMwari vari kutorovedzwa nokuda kwoupenyu munyika itsva isina kushatisa, vanofanira kurangarira sei pamusoro pokushandiswa kwemotokari nhasi? Mukai! yaJune 22, 1987 yechiNgezi yakabata nenhau inoti “What is Happening to Our Forests?” (Chii Chiri Kuitika Kumasango Edu?) Yakashuma kuti vamwe vezvesayenzi vanofunga kuti pane batano pakati pezvinoshatisa mhepo zviri muzvinobudiswa nemotokari nemasango ari kuparara. Ikoku kwakaparira mumwe muravi anoitira hanya kunyorera Watch Tower Society achibvunza kana mukurangarira iri idi kwaizova kwakarurama nokuda kwavaKristu kutyaira motokari. Aida kuziva kana kuita kudaro kwaizoratidza kusaremekedza chisiko chaJehovha.
Tsamba yake yakapindurwa, murutivi, sezvinotevera: “Zvapupu zvaJehovha zvinoteerera nenzira yokutendeka mirau yemhoteredzo yakaiswa nezviremera zvehurumende kuti zvideredze kushatisa. (VaRoma 13:1, 7; Tito 3:1) Kuita nhano dzinopfuura idzo hurumende inoda kunosiyirwa kumano okusarudza omunhu wacho. Kana mumwe munhu akasarudza kusatyairazve motokari, iyoyo inhau yake yomunhu oga. Nyaya yacho yeMukai! yakaratidza kuti vamwe vanhu vanorangarira sei, zvisinei, kupfurikidza nokutaura papeji 8, kuti: ‘Vazhinji vari kuita nhano dzinoshanda dzokuderedza kushatiswa kwemhepo kusvika kumwero unobvira zvine mufungo. Vari kutyaira vasingamhanyi zvikuru, vari kufamba zvishoma, vari kukumbanira kufamba nemotokari imwe vakawanda, vari kushandisa peturu isina kuiswa lead, uye vari kuteerera mirau yokusashatisa yakaiswa nehurumende.’”
Dzikamo yechiKristu
Iyi mhinduro yakaratidza dzikamo yechiKristu. Kunofanira kuyeukwa kuti motokari handidzo bedzi mukushatisa. Ndege nezvitima—kutaura idi, zvizhinjisa zvokufambisa zvazvino uno—zvinoita kudaro. Asi iyi mitoo yezvokufambisa haina kugadzirwa nechinangwa chaicho chokushatisa. Kushatisa kunovapo somugumisiro itapuro yokuwedzera, kunosuruvarisa asi kunoparirwa nezivo yakaganhurirwa nezvimiro zvendangariro zvisina kukwana.
Nharireyomurindi yaJanuary 1, 1993, peji 31, yakakurukura iyi nhau, ichiti: “SeZvapupu zvaJehovha, tinoitira hanya zvikuru zvinetso zvizhinji zvezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo zviri kutapura zvino musha wedu wapasi. Kupfuura vanhu vazhinjisa, isu tinonzwisisa kuti pasi rakasikwa kuti rive musha wakachena, wakanaka nokuda kwemhuri yakakwana yomunhu. (Genesi 1:31; 2:15-17; Isaya 45:18) . . . Nokudaro kwakarurama kuita nhamburiko dzakadzikama, dzine mufungo kudzivisa kuwedzera nenzira isiri madikanwa kukushatisa kwomunhu kunopfuurira pasi redu. Cherechedza, kunyanguvezvo, shoko rokuti ‘kune mufungo.’ . . . Vanhu vaMwari havafaniri kukanganwa zvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo. Jehovha aida vanhu vake vakare kuita nhano dzokurasa tsvina, nhano idzo dzaiva nerevo yezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo pamwe chete noutsanana. (Dheuteronomio 23:9-14) Uye sezvo tichiziva murangariro wake waavo vanoparadza pasi, zvamazvirokwazvo hatifaniri kufuratira zvinhu zvatinogona kuita kuchengeta mhoteredzo yakachena. . . . Kutambanuko uko muKristu achasvika muna ikoku, zvisinei, inhau yomunhu oga kutoti kuchidikanwa nomutemo. . . . Vanhu vasina kukwana havatani kuwira mumusungo wokuva vanyanyisi. . . . Nhamburiko dzomunhu dzokubvisira pasi zvinetso zvaro zvikuru zvezvinhu zvipenyu nemhoteredzo yazvo, kubatanidza kushatisa, hadzisati dzichizobudirira zvizere. Kungava nefambiro mberi pano napapo, asi mushonga bedzi unogarisa unoda kupindira kwaMwari. Nokuda kweichi chikonzero tinonangidzira nhamburiko dzedu nepfuma pamhinduro youmwari, panzvimbo pokuedza kubvisa zviratidzo zvapamusoro.”
VaKristu vakadzikama sezvavanochengeta nheyo dzeBhaibheri, vachiyeuka basa roumwari ravakagamuchira rokuparidza shoko roUmambo hwaMwari mupasi rose. (Mateo 24:14) Hapana chimwe chinhu chinokosha zvikuru kana kuti chekurumidziro hurusa kupfuura ichocho! Kana mitoo yechokufambisa yazvino uno nekurukurirano ichigona kubetsera vaKristu kuita uyu musengwa, vane chikonzero chiri chose chokuishandisa. Panguva imwe cheteyo, vanodzivisa kushatisa zvisina kufanira kana kuti namaune. Nokudaro vanochengeta hana yakanaka pamberi pavose vari vaviri munhu naMwari.
Naizvozvo kunyange zvazvo isu nhasi tisingazivi chaizvoizvo kuti chinetso chokushatisa nechemotokari chichapedzwa sei pakupedzisira, tinoziva kuti chichapedzwa. Kutaura idi, mhinduro yakanakisisa yava pedyo zvikuru.
[Bhokisi riri papeji 23]
Kurwisa Kushatisa
• Kufamba kana kuti kutasva bhasikiro pakunobvira
• Kutora rutivi mukufamba nemotokari imwe makawanda
• Kuita kuti motokari isevhiswe nguva dzose
• Kungwarira kushandisa mafuta anoshatisa zvishoma
• Kudzivisa kufamba kusiri madikanwa
• Kutyaira uchimhanya zvine mwero asi zvakadzikama
• Kushandisa zvokufambisa zvavose pakunobvira napakwakakodzera
• Kudzima injini panzvimbo pokungoshanda pasina apo motokari yacho inomira kwourefu hwenguva hupi nohupi