Vechiduku Vanobvunza Kuti. . .
Nei Ndisingagoni Kudzidza?
“Ndaisada kuuya kumba,” anoyeuka kudaro Jessica, “ndokutarisana nevabereki vangu. Zvakare ndakanga ndakundikana makosi anoverengeka.”a Pazera ramakore 15, Jessica akangwara uye akanaka. Asi kufanana nepwere zhinji, ane nguva yakaoma pamusoro pemamakisi ake.
UDOFO kuchikoro kazhinji kazhinji ndiwo mugumisiro womurangariro wokusakendenga pamusoro pedzidzo kana kuti pamusoro pomudzidzisi womunhu. Asi ikoko hakuna kudaro naJessica. Anongokuwana kwakaoma zvikuru kubata pfungwa dzakaoma. Nenzira yomuzvarirwo, ikoku kwakaita kuti kuve kwakaomera Jessica kubudirira musvomhu. Uye kunetseka mukurava kwakamuita kuti kumuomere kuita zvakanaka mune zvimwe zvidzidzo.
Maria, kune rumwe rutivi, haagoni kuperetera zvakarurama. Anogara achiviga zvinonyorwa zvaanonyora pamisangano yechiKristu nokuti anonyara nezvikanganiso zvake zvezviperengo. Jessica kana kuti Maria havasati vari vasingagoni, zvisinei. Jessica anogona kwazvo kubata nevanhu zvokuti anobatira semumiririri akagadzwa, kana kuti mugadzirisi wezvinetso akagadzwa nechikoro, apo chinetso chinomuka pakati pevekuchikoro biyake. Uye pane zvechikoro Maria ari mu10 vokutanga muzana vomukirasi make.
Chinetso chacho: Jessica naMaria vane zvinetso zvokudzidza. Nyanzvi dzinodavira kuti vanenge 3 kusvika ku10 muzana vevana vose vangave nezvinetso zvakafanana mukudzidza. Tania, uyo zvino ave mumakore ake apakuvamba okuma20, ari kutambura neinonzi Attention Deficit Hyperactivity Disorder (ADHD).b Anoti: “Ndine nguva yakaoma nemisangano yechiKristu, fundo yomunhu oga, uye minyengetero nemhaka yokukundikana kwangu kupa ngwariro kana kuti kunyange kugara zvakanaka. Ushumiri hwangu hunotapurwa nemhaka yokuti ndinochinja-chinja nhau nokukurumidza zvikuru zvokuti munhu upi noupi aenderane nazvo.”
Kana chisingavi pamwe chete nekuva nezvokuita zvakawanda, chinetso chacho chinonzi Attention Deficit Disorder (ADD). Vanhu vane chinetso ichochi vanowanzorondedzerwa sevanovhakachisa pfungwa. Pamusoro paivavo vane ADD, nyanzvi yezvokushanda kwetsinga dzomuviri Dr. Bruce Roseman akati: “Vanogara mberi kwebhuku kwemaminiti 45, hapana chinoitika.” Nokuda kwechimwe chikonzero vane chinetso pakupa ngwariro.
Vanzveri vezvokurapa vanodavira kuti vachangobva kuvamba kunzwisisa chinoparira zvinetso izvi. Bva, zvizhinji zvichiri zvisingazivikanwi. Uye miganhu iri pakati pezvinetso zvakasiyana-siyana nourema inovhiringidza kudzidza haina kujeka nguva dzose. Pasinei nechisakiso chaichoicho kana kuti zita rinopiwa chinetso chakati—zvichida chinetso nokurava, kuyeuka, kupa ngwariro, kana kuti kuva nezvokuita zvakawanda—chinetso chacho chinogona kuvhiringidza dzidzo yomunhu uye chinogona kuparira kutambura kukuru. Kana une chinetso chokudzidza unogona sei kuchikurira?
Denho Dzokukurira
Rangarira Jessica, adudzwa musumo. Atsunga kukurira chinetso chake chokurava, akaramba achiedza kurava mabhuku akasiyana-siyana. Chinjo yakasvika apo akawana bhuku renhetembo raimufadza. Akawana bhuku rakafanana, iro rakabata ngwariro yake zvikuru. Gare gare akafarira mabhuku enyaya dzinotevedzana, uye kurava zvishoma nezvishoma kwakava chinetso chiduku. Chidzidzo chokudzidza ndechokuti kupfuurira kunobetsera. Iwewo unogona kukurira chinetso chokudzidza kana kuti ungangogona kuita fambiro mberi huru muna ikoko kupfurikidza nokusarega.—Enzanisa naVaGaratia 6:9.
Zvakadiniko nokubata nechinetso chehanganwa? Imwe nzira inokosha yokupedza nayo chinetso chacho inotsamira pachirevo, chokuti: “Kudzokorora ndiko kunoparira kuyeuka.” Nicky akawana kuti kudzokorora achitaura oga zvaainzwa nokurava kwakamubetsera kuyeuka zvinhu. Kuedze. Kungakubetserawo. Nenzira inokosha, munguva dzeBhaibheri vanhu vaitaura mashoko, kunyange apo vaizviravira. Nokudaro, Jehovha akarayira munyori weBhaibheri Joshua, kuti: “Unofanira kurava [Mutemo waMwari] nenzwi rakaderera masikati nousiku.” (Joshua 1:8, NW; Pisarema 1:2) Nei kutaura mashoko kwakanga kuchikosha kudaro? Nemhaka yokuti kuita kudaro kwakabatanidza pfungwa mbiri—yokunzwa uye kuona—uye kwakabetsera kusimbisa zvikuru pandangariro yomuravi.
Nokuda kwaJessica, kudzidza svomhu kwakanga kuri basa guru. Zvisinei, akaedza kudzidza mitemo yesvomhu kupfurikidza nokuidzokorora—padzimwe nguva achipedza yakawanda sehafu yeawa pamutemo. Nhamburiko dzake pakupedzisira dzakabatsira. Naizvozvo dzokorora, dzokorora, dzokorora! Muitiro wokuchenjera ndewokuchengeta pepa nepenzura zviri pedyo paunenge uchiteerera mukirasi kana kuti kurava kuitira kuti ugogona kunyora zvinonyorwa.
Kunokosha kuti uzvipire kukudzidza. Kuite muitiro kusara pashure pechikoro nokutaura nevadzidzisi vako. Svika pakuvaziva. Vaudze kuti une chinetso chokudzidza asi wakatsunga kuchikurira. Vadzidzisi vazhinjisa vachave vachidisa kubetsera. Naizvozvo kumbira betsero yavo. Jessica akaita izvozvo uye akagamuchira betsero yaidikanwa zvikuru kubva kumudzidzisi ane tsitsi.
Dzidza Kupa Ngwariro
Zvinobetserawo kuzvigadzira umene muitiro wenharidzano netuso. Kugadza nharidzano yakananga—ngatiti yokupedza chikamu chakati chemugove webasa rinoitirwa kumba—usati wavhura terevhizheni kana kuti nziyo dzaunodisa zvikuru kunogona kukusunda kupa ngwariro. Iva nechokwadi chokuti nharidzano dzaunogadza dzine mufungo.—Enzanisa naVaFiripi 4:5.
Padzimwe nguva kuita chinjo dzinovaka mumhoteredzo yako kunogona kubetsera. Nicky akaronga kuti agare pamberi pekirasi yake pedyo nomudzidzisi kuti ape ngwariro iri nani. Jessica akakuwana kuchibetsera kuita basa rinoitirwa kumba pamwe chete neimwe shamwari inofunda zvikuru. Ungakuwana kuchibetsera kungoita kuti kamuri rako rive rinofadza nerinozorodza.
Kuderedza Kusagadzikana
Kana uchiva nezvokuita zvakawanda, kufunda kunogona kuva muedzo wakaoma unorwadza. Zvisinei, dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti kuva nezvokuita zvakawanda kunogona kutungamirirwa kukuva kusimbisa muviri. “Ufakazi huri kuwedzera,” inotsinhira kudaro U.S.News & World Report, “zvokuti simba romunhu rokudzidza zvitsva nokuyeuka mashoko ekare zvinovandudzwa nechinjo dzomuzvarirwo muuropi dzinounzwa hwokurovedza muviri kunowedzera kufema oxygen.” Nokudaro, uwandu hune mwero yokurovedza muviri—kushambira, kumhanya, kutamba bhora, kuchovha bhasikoro, skating, nezvimwe zvakadaro—kunogona kuva kwakanaka nokuda kwezvose zviri zviviri muviri nendangariro.—1 Timotio 4:8.
Mushonga unorumbidzwa navanachiremba nguva dzose nokuda kwevhiringidziko mukufunda. Kunotaurwa kuti vaduku vane 70 muzana vanotambudzwa neADHD avo vakapiwa mushonga wokupengenutsa vakadavidza. Kana uchigamuchira mushonga wacho inhau yokuti iwe nevabereki vako musarudze pashure pokurangarira ukombi hwechinetso chacho, kuvadziko dzapashure dzinobvira, uye nezvimwe zvinhu.
Chengeta Kuzviremekedza Kwako
Nepo Chinetso mukufunda chisingarangarirwi sechinetso chendangariro, chinogona kuva nemigumisiro yemirangariro. Mubatanidzwa wekurambwa kwenguva dzose uye kutsoropodzwa kunobva kuvabereki navadzidzisi, migumisiro yakashata kana kuti yakaderera yokuchikoro, uye shaiko yeshamwari dzapedyo kunogona kuvamba kuzviremekedza kushoma. Dzimwe pwere dzinovanza uku kunzwa nokuita hasha nokuratidza tyisidziro.
Asi haufaniri kurasikirwa nekuzviremekedza kwako nemhaka yezvinetso zvokudzidza.c “Vavariro yangu,” inodaro imwe nyanzvi inobata nepwere dzine zvinetso zvokudzidza, “kuchinja chimiro chavo chendangariro kuupenyu—kubva pakuti ‘ndiri benzi, uye handigoni kuita chinhu chipi nechipi chakarurama’ . . . kuti vati ‘ndiri kukurira chinetso, uye ndinogona kuita zvakawanda kupfuura zvandati ndambofunga kuti ndaigona.’”
Kunyange zvazvo usingagoni kuita zvakawanda pamusoro pechimiro chendangariro chavamwe, unogona kupesvedzera chako umene. Jessica akaita ikoko. Iye anoti: “Apo ndakazviera ndimene ndichitsamira paizvo vana vari pachikoro vakataura kwandiri nokutumidza kwavo mazita okutsvinya, ndakanga ndichida kutiza pachikoro. Asi zvino ndinoedza kufuratira izvo vanotaura ndokuramba ndichiita unani hwangu. Kwakaoma, asi ndinofanira kuramba ndichizviyeuchidza, asi kunoshanda.”
Jessica aifanira kurwisana nerimwe idi. Hanzvadzi yake huru yakanga iri mudzidzi anogona ane magiredhi emaA bedzi bedzi. “Zvaisiiparadza kuzviremekedza kwangu,” anodaro Jessica, “kusvikira ndaregedza kuzvienzanisa ndimene nayo.” Naizvozvo rega kuzvienzanisa umene nevamwe vana vomumhuri mako.—Enzanisa naVaGaratia 6:4.
Kutaura kushamwari inovimbwa kuchakubetserawo kuisa zvinhu munzvimbo yazvo yakarurama. Shamwari yechokwadi ichanamatira kwauri noruvimbiko sezvaunoedza kuvandudza. (Zvirevo 17:17) Shamwari yenhema, kune rumwe rutivi, ichakuparadza kana kuti zvimwe ichakupa chiono chisina kururama. Naizvozvo sarudza shamwari dzako nokungwarira.
Kana une chinetso chokudzidza, unogamuchira sezvinobvira ruramiso zhinji kupfuura dzimwe pwere. Asi usarega ikoko kuchikupa chiono chakashata chako umene. Tarira chirango munzira youmwari, sechimwe chinhu cheukoshi hukuru. Yeuka, chirango chinopiwa navabereki vako ufakazi hwokuti vanokuda uye vanoda zvakanakisisa nokuda kwako.—Zvirevo 1:8, 9; 3:11, 12; VaHebheru 12:5-9.
Aiwa, zvinetso zvako zvokudzidza hazvifaniri kukuodza mwoyo. Unogona kuita chimwe chinhu pamusoro pazvo ndokurarama upenyu hunobudirira. Asi pane chikonzero chinotova chikuru chetariro. Mwari akapikira kuunza nyika itsva yokururama umo zivo ichange yakawanda uye umo vhiringidziko iri yose yendangariro uye nomuviri icharuramiswa. (Isaya 11:9; Zvakazarurwa 21:1-4) Naizvozvo iva akatsunga kudzidza zvizhinji pamusoro paJehovha Mwari nezvinangwa zvake, ndokuita mukuwirirana nezivo iyoyo.—Johane 17:3.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
b Tapota ona nyaya dzinotevedzana “Understanding Difficult Children” muchinyorwa chechiNgezi chaNovember 22, 1994, cheMukai! uye nyaya inoti “Does Your Child Have Learning Problems?” muchinyorwa chechiNgezi chaMay 8, 1983.
c Ona nyaya inoti “Young People Ask . . . How Can I Build My Self Respect?” muchinyorwa chechiNgezi chaApril 8, 1983, cheMukai!
[Mufananidzo uri papeji 30]
Iva nomusengwa wokudzidza