Kubatsira Vana Vane Urema Hwokudzidza
NOMUNYORI WEAWAKE! MUMEXICO
Steven anonetseka nokuverenga. Pose paanoziva kuti achakumbirwa kuverengera kirasi, anorwara nomudumbu.
Pasinei nokukurudzirwa kwaanoitwa nomudzidzisi wake, Maria haagoni kunyatsonyora zvinoverengeka. Zvinomutorera nguva yakawanda kuti azopedza basa rinoitirwa kumba.
Noah anodzokorora kakawanda basa rake rokuchikoro. Kunyange zvakadaro anokanganwa zvaanenge averenga uye anogara achifoira.
STEVEN, Maria, naNoah vanonetseka nokudzidza, vanonyanya kunetseka nokuverenga riri dambudziko rine vakawanda. Somuenzaniso, vanenge vaine urema hunonzi dyslexia (kureva kutadza kuverenga, kuperengera nokunyora) uye vanowanzovhiringidzika nemabhii anenge akada kufanana. Humwe urema hwokudzidza uhwu hunosanganisira dysgraphia (urema hunokanganisa manyorero anoita munhu mabhii) uye dyscalculia (kuomerwa nemasvomhu). Kunyange zvakadaro, vakawanda vane urema hwokudzidza vane njere zviri pakati nepakati kana kuti vanongopfuura zviri pakati nepakati.
Zviratidzo zvourema hwokudzidza zvinosanganisira kunonoka kudzidza mutauro, kunetseka nokunzwisisa mashoko anonzwika zvakafanana, kugara mwana achitadza kudaidza mazwi, kutaura chicheche kwenguva refu, kunetseka nokudzidza mabhii nemanhamba, kusakwanisa kudaidza mabhii zviri nyore, kuvhiringidzwa nemashoko anonzwika zvakafanana, uye kuomerwa nokutevedzera mirayiridzo.a
Kubatsira Mwana Wenyu
Mungaitei kana mwana wenyu achiita seane urema hwokudzidza? Chokutanga, itai kuti aongororwe nzeve nemaziso ake kuitira kuti zvionekwe kuti hazvisi izvo zviri kumutadzisa.b Madaro itai kuti aongororwe kuchipatara. Kana mwana wenyu aine urema hwokudzidza, anoda rubatsiro rwenyu. Yeukai kuti kunetseka nokudzidza hakunei nenjere dzemwana.
Shandisai rubatsiro rupi zvarwo rwokudzidzisa vana rungapiwa nechikoro chavanenge vachipinda, zvakadai sokuva nomudzidzisi akangomirira mwana iyeye chete. Kumbirai mudzidzisi wake kuti ashandire pamwe chete nemi. Zvichida mwana wenyu angabvumirwa kugara kumberi mukirasi uye kupiwa nguva yakawanda yokuti apedze basa rake rechikoro. Mudzidzisi wake angamupa mirayiridzo nomuromo kana kuti yakanyorwa oita kuti mwana wenyu aite mazamanishoni achiita zvokutaura. Sezvo vana vane urema hwokudzidza vachiwanzokanganwa uye vasingarongeki, vanogona kutsvakirwa makopi echipiri emabhuku avanodzidza kuchikoro kuti vaashandise kumba. Vanogona kushandisa kombiyuta inoongorora zviperengo zvemashoko vari kuchikoro kana kuti vachiita basa rinoitirwa kumba.
Zuva rimwe nerimwe wanai nguva pfupi yokuti amboverenga. Zvakanaka zvikuru kuti mwana ane urema hwokuverenga, kuperetera uye kunyora akuverengerei nenzwi riri pamusoro kuitira kuti imi vabereki mumupe mamwe mazano uye mumugadzirise. Chokutanga, imi verengai nenzwi riri pamusoro, muchiita kuti mwana wenyu atevedzere. Zvadaro, verengai mose panguva imwe chete zvinonzwika. Uye chiitai kuti mwana wenyu averenge oga. Itai kuti aise rura yokuyeresa pasi pomutsetse mumwe nomumwe paanenge achiverenga, uye atare mashoko anenge akaoma. Munogona kuita izvi kwemaminitsi 15 pazuva.
Kuti agone masvomhu, zvinotoda muchiita zvinhu zvacho pamwe chete, sokupima mawandiro akaita zvinhu zvamuri kuda kubikisa, kushandisa rura yokuyeresa pakuveza, kana kuti kuenda pamwe chete kunotenga. Pepa rokunyorera masvomhu uye zvinhu zvakadhirowewa zvinogona kubatsira pakuita masvomhu. Kune vaya vanonetseka nokunyora, edzai kushandisa pepa rine mitaro yakatarangana uye penzura dzakakora. Kune tumwe tumavara tune magineti tunogona kunamirwa pachinhu chesimbi, tunogona kubatsirawo mwana wenyu pakuita zviperengo.
Panewo mamwe mazano anobatsira pakutarisira mwana ane ADHD. Musati mataura nemwana ane dambudziko iri, itai kuti mutarisane mumaziso. Itai kuti ave panzvimbo isina zvinomukanganisa paanenge achiita basa rinoitirwa kumba, uye mubvumirei kuti ambopota achizorora. Kana asingagoni kudzikama, mupei mabasa anoenderana nezvaari, zvakadai sokufamba aine imbwa yenyu.
Munogona Kubudirira
Mubatsirei kuita zvaanokwanisa, mukurudzirei kushandisa chipo chaanenge anacho. Murumbidzei uye mupei mubayiro pane zvaanenge aita chero zvipi zvazvo, kunyange zvikava zviduku. Kamurai mabasa makuru kuaita tumabasa tuduku twaanogona kuita nomazvo kuitira kuti anzwe manyukunyuku okubudirira. Shandisai mapikicha kana kuti kudhirowa zvaanofanira kuita kuti apedze basa racho.
Pakupedzisira, kugona kuverenga, kunyora, uye masvomhu zvinobatsira mwana zvikuru. Zivai kuti kana akanyatsokurudzirwa uye akanyatsobatsirwa, mwana wenyu anogona kudzidza—madzidziro ake angasiyana neevamwe uye zvingamutorera nguva.
[Mashoko Omuzasi]
a Urema hwokutadza kudzidza hunowanzoteverwa nechirwere chinonzi, Attention Deficit Hyperactivity Disorder (ADHD), chinooneka nokusadzikama, kuita zvinhu nechivhurumikira pasina kufunga, uye kusakwanisa kuisa pfungwa pazvinhu zvinenge zvichidzidzwa. Ona Mukai! yaMarch 8, 1997, mapeji 27-31.
b Vakomana ndivo vanonyanya kuva nedambudziko rokutadza kuverenga, rokuperengera, rokunyora uye rokusadzikama kakapetwa katatu kupfuura vasikana.
[Bhokisi riri papeji 10]
UREMA HWOKUDZIDZA HWAKAZOBATSIRA
“Pandaitarisa mashoko ari mubhuku, ndaingoona utsi chete chete. Zvainge zvakaita sokuti ndomumwewo mutauro wandisingazivi. Mashoko akanyorwa aisava nomusoro kwandiri kusvikira mumwe munhu andiverengera. Vadzidzisi vaifunga kuti ndaigarira pfungwa, ndaisavaremekedza, ndakanga ndisina shungu kana kuti ndakanga ndisingateereri. Vakanga vakarasika. Ndaiteerera uye ndaiva neshungu chaizvo, asi zvokuverenga nokunyora zvakandiramba. Zvimwe zvidzidzo zvakadai semasvomhu zvakanga zvisina kundiomera. Ndichiri muduku, ndakakurumidza kudzidzira zvinhu zvakadai semitambo, zvokutengesa-tengesa, mabasa aida unyanzvi uye chero chipi zvacho chaida kuitwa nemaoko, chero chaisasanganisira kuverenga nokunyora.
Pave paya, ndakasarudza kushanda nemaoko angu, saka ndakatanga kushanda muindasitiri yokuvaka. Izvi zvakazoita kuti ndiwane chikomborero chokushanda mumapurojekiti eZvapupu zvaJehovha mashanu okuvaka mune dzimwe nyika. Sezvo zvichida kuti ndishande nesimba kuti ndiverenge, ndinoona kuti ndinogona kuyeuka zvakawanda zvandinenge ndaverenga. Somunhu anodzidza Bhaibheri, ndakaona kuti izvi zvinobatsira kunyanya pandinoparidzira. Saka pane kuti ndione dambudziko rangu sourema, ndinotozviona zvichindibatsira.”—Peter, asingagoni kuverenga, kuperetera nokunyora uye mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Vana vanogona kuva nyanzvi pakunzwisisa vachiita zvokuona zvinhu zvacho mupfungwa pavanenge vachinyatsoteerera