RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 7/8 pp. 3-4
  • Musha Wenyika Yose Asi Uchiri Wakakamuka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Musha Wenyika Yose Asi Uchiri Wakakamuka
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Marudzi Anosangana
  • Chikonzero Nei Vanhu Vachiramba Vakakamuka
  • Kuvenga Mamwe Madzinza Kunopembedzwa Here?
    Mukai!—2003
  • Chii Chichapedza Kusagarisana Kwemarudzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Kuparadza Masvingo Ndokuvaka Mabhiriji
    Mukai!—1996
  • Nyika Inogona Kubatanidzwa Here?
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 7/8 pp. 3-4

Musha Wenyika Yose Asi Uchiri Wakakamuka

YAKANYORWA NEMUNYORI WEMUKAI! MUNIGERIA

WATI wambonzwa ngano dzorudzi rwavanhu vakanga vasina muromo uye naizvozvo vaisagona kudya kana kuti kunwa here? Vainzi vairarama nokunhuhwidza, zvikurukuru maapuro. Hwema hwakashata hwaivauraya.

Kwaivewo nengano dzevanhu vekuMadokero kweAfrica vaive nendarama yokutengesa. Mumwe kaputeni wechikepe chokuPortugal wenguva yacho akashuma, kuti: “Zvinhambwe zvinamazana maviri seri kwoumambo hwe[Mali], munhu anowana imwe nyika iyo vagari vayo vane misoro nemazino embwa uye miswe seyembwa. Ava Vatema vanoramba kupinda mukurukurirano nemhaka yokuti havadi kuona vamwe vanhu.” Idzodzo dzakanga dziri dzimwe dzepfungwa dzechienzi dzaidavirwa makore mazhinji akapfuura, zera rokufamba nokupangura risati rasvika.

Marudzi Anosangana

Nhau dzakadaro dzaidavirwa zvakakomba kwemazana emakore. Asi sezvo vapanguri vakapangura pasi, vakashayiwa vanhu vasina miromo vanonhuhwidza maapuro, vakashayiwa vanhu vane misoro yembwa. Nhasi hakuchina chakavanzika pamusoro peavo vanogara kunze kwemiganhu yedu. Nyika yazova musha wenyika yose. Terevhizheni inopinza nyika dzokumwe nevamwe vamarudzi mukamuri dzedu dzokutandarira. Kufamba nendege kunoita kuti kuve kunobvira kushanyira nyika idzodzo mumaawa; mamiriyoni evanhu anodaro gore rimwe nerimwe. Vamwe vari kufamba nemhaka yezvikonzero zvoupfumi kana kuti zvematongerwe enyika. Mushumo weUnited Nations Population Fund, unoti: “Pamwero usina kumbozivikanwa munhau—uye une chokwadi chokuwedzera—vanhu kupota nyika yose vari kusimuka ndokutama vachitsvaka upenyu huri nani.” Vanenge vanhu vane mamiriyoni 100 vanogara kunze kwenyika yavakaberekerwa.

Nenzira inowedzera kune kudyidzana mune zveupfumi pakati penyika. Mubatanidzwa wenyika yose wekurukurirano, kufanana negadziriro huru yetsinga, unobatanidza nyika iri yose yapasi. Sezvo pfungwa, mashoko, uye ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu zvinochinjanwa, tsika dzinosangana uye dzinokodzerana. Munyika yose vanhu vanopfeka zvakafanana zvikuru kupfuura nakare kose. Maguta enyika ane zvinhu zvakawanda zvakafanana—mapurisa, hotera dzoumbozha, zvokufambisa, zvitoro, mabhanga, kusvibiswa. Nokudaro, sezvo marudzi enyika anosangana, tinoona icho vamwe vanorondedzera setsika yenyika iri kubuda.

Chikonzero Nei Vanhu Vachiramba Vakakamuka

Asi nepo marudzi netsika zvichivhengana, nenzira yakajeka havasiri vose vanorangarirana sevakoma nevanin’ina. “Munhu ari ose anokurumidza kupomera mutorwa,” akanyora kudaro munyori wemitambo wokuGreece anopfuura makore 2 000 akapfuura. Nenzira inosuruvarisa, zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nhasi. Ufakazi hwacho hunoonekwa nyore nyore mumishumo yemapepanhau yeumbimbindoga, kuvengwa kwevanhu vokumwe, “kuparadza dzinza,” rwisano yemadzinza, nyongori dzorudzidziso, kupondwa kwavasiri varwi, minda yokuurayira, misasa yokubata chibharo, kutambudza, kana kuti kuparadza rudzi.

Chokwadika, vazhinjisa vedu tinogona kuita zvishomanene kana kuti hapana chatinogona kuita kuchinja zviitiko zverwisano dzemadzinza. Tingasatotapurwa zvakananga nazvo. Nokuda kwavazhinji vedu, zvisinei, zvinetso zvinobva mukushayikwa kwekurukurirano nevabvakure vatinosangana navo—vavakidzani, vashandi biyedu, kana vokuchikoro biyedu.

Hakuratidziki sokwechienzi here kuti marudzi emapoka emadzinza akasiyana-siyana kazhinji kazhinji kwazvo anokuwana kwakaoma kuvimbana nokunzwisisana? Kunyange zvazvo zvakadaro, nyika yedu ndeyemhatsa huru, mhatsa isina mugumo. Vazhinjisa vedu tinoonga mhatsa huru yemafashafasha ezvokudya, nziyo, uye ruvara pamwe chete nemarudzi mazhinji emiti, shiri, uye mhuka. Asi neimwe nzira kuonga kwedu mhatsa hakuwanzobatanidza vanhu vasingafungi nokuita nenzira imwe cheteyo yatinoita nayo.

Panzvimbo pokutarira mativi akanaka emhatsa pakati pemarudzi, vazhinji vanowanzonangidzira ngwariro pakusawirirana ndokukuita hwaro hwegakava. Nei ikoku kwakadaro? Ibetseroi iripo mukuedza kukurukura navanhu vane tsika dzakasiyana nedzedu timene? Tingaputsa sei masvingo ekurukurirano ndokuatsiva nemabhiriji? Nyaya dzinotevera dzichaedza kupindura mibvunzo iyoyo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe