Rusununguko Rwokutaura Mumusha Chinhu Chine Ngozi Chodokuitika Here?
APO mumwe munhu anoshevedzera zvenhema kuti “Mwoto!” muhoro yemitambo ine vanhu vakatsvikinyidzana uye vamwe vanotsikwa kusvikira vafa muchipatapata chisingadzoreki chokubuda, munhu wacho ashevedzera haafaniri kuva nemhaka yenzufu netsaona dzinoguma dzaitika here? Apo mumwe munhu anoti, “handibvumirani nezvaunotaura, asi ndichatsigira kodzero yako yokuti uzvitaure,” ikoko kunoreva kuti unopiwa masimba akazara, rusununguko rusina kuganhurirwa, kuti utaure pachena chipi nechipi chaunoshuva, pasinei zvapo nemigumisiro yacho here? Variko vanofunga saizvozvo.
MuFrance, somuenzaniso, apo vaimbi verap vakatsigira kuurawa kwamapurisa uye apo mapurisa akaurawa nevamwe vakanzwa nziyo dzacho, vaimbi vacho verap vaisafanira kupiwa mhaka here nokuda kwokunyandura kwavo masimba masimba? Kana kuti vanofanira kudzirirwa here nomutemo wekodzero dzavanhu dzinokosha? Apo vanoparadzira mashoko neredhiyo neterevhizheni uye mibatanidzwa yekombiyuta vanoita kuti mativi emitambo akajeka emasimba masimba nevatano awanike kuvana, vamwe vavo vanotevedzera aya mativi emitambo vachiguma vazvikuvadza vamene nevamwe, ko vaparadziri vezvinhu zvakadaro havafaniri kugoverana mhaka yacho here?
Nzvero yakaitwa neAmerican Psychological Association “inofungidzira kuti mwana womuenzaniso, anotarisa TV maawa 27 pavhiki, achaona kuponda 8 000 uye zviito 100 000 zvemasimba masimba kubvira pazera ramakore 3 kusvikira ku12,” yakashuma kudaro magazini yeU.S.News & World Report. Vabereki vanogona kufuratira izvi here sezvisina pesvedzero pavana vavo? Kana kuti zvingabatanidza here “ngozi iripo neyakajeka”? Ndipo here apo chirambidzo chinofanira kuiswa kana kuti ganhuriro inoiswa pakutaura kwakasununguka?
Imwe nzvero yakaitwa nevanodzidza ndangariro vepayunivhesiti yakaratidza kuti apo mifananidzo inosetsa ye“magamba akakurumbira anogara achirwa” yakaratidzwa nguva dzose rimwe boka revane makore mana okukura uye “mifananidzo inosetsa yakadzikama, isinganyanduri” kune rimwe boka, vaya vakaona magamba achiita chiito vaiva nebviro huru zvikuru yokurova nokupotsera zvinhu pashure pacho. Uyewo tapuro yemasimba masimba eTV haitsakatiki pashure poupwere. Imwe nzvero yeyunivhesiti, yakawana kuti pashure pokucherekedza vana 650 kubva muna 1960 kusvikira muna 1995 uye ichitarisa miitiro yavo yokutarira terevhizheni nomufambiro, yakawana kuti avo vakatarira terevhizheni ine masimba masimba zvikurusa sevana vakakura kuti vapinde mumufambiro woukono zvikurusa sevanhu vakuru, kubatanidza kubata vakwanyina zvisina kufanira uye kutyaira vakadhakwa.
Nepo vamwe vana vangasabvuma tapuro idzo terevhizheni nebhaisikopu zvinova nadzo pavari, vamwe vachadaro. Muna 1995, Children Now, boka revatsigiri reCalifornia, rakanzvera vana 750, vemazera emakore 10 kusvikira ku16. Vatanhatu mugumi, nzvero yacho yakaratidza kudaro, vakataura kuti vatano muTV inopesvedzera vana kuita vatano pazera duku zvikuru.
Vamwe vangaramba kuti masimba masimba omuterevhizheni nemabhaisikopu angasarangarirwa sezvinhu chaizvoizvo nevana uye kuti mabhaisikopu anotyisa ose iwayo haasi kuvatapura. “Kana zvakadaro,” rakatsinhira kudaro pepanhau reBritain, “nei mukuru wechikoro ari munzvimbo iri nechapakati peAmerica aifanira kuudza zviuru zvevana kuti makanga musina Teenage Mutant Ninja Turtles mupombi dzokufambisa mvura netsvina dzomunzvimbomo? Vaduku vacho vanoyemura Turtles [Kamba] vakanga vachikambaira vachipinda mupombi dzacho kuti vadzitsvake, ndicho chikonzero nei.”
Nhasi gakava guru riri kuitika pamusoro peizvo vamwe vanorangarira semutsaukano wemanomano pakati pokutaura kwakasununguka nemasimba masimba anoparirwa nekutaura kunorwisana nokubvisa pamuviri munzvimbo zhinji muUnited States. Vanhu vanotaura zvinorwisana nokubvisa pamuviri vanogunun’una pachena kuti vanachiremba nevashandi vepakiriniki avo vanobvisa pamuviri imhondi uye havana kodzero yokurarama ivo vamene. Vashomanene vanoshingaira vanorayira kuurawa kwavanachiremba ava nevabetseri vavo. Tsori dzinoparadzirwa kuti dzitore nhamba dzemotokari dzevakadaro, uye mazita avo nekero zvinogoverwa. Somugumisiro, vanachiremba nemitezo yevashandi vepakiriniki vakapfurwa ndokuurawa.
“Iyi haisiri nhau yokutaura kwakasununguka,” akachema kudaro purezidhendi wePlanned Parenthood Federation of America. “Ikoku kwakafanana nokushevedzera kuti, ‘Mwoto!’ muhoro yomutambo ine vanhu vakatsvikinyidzana. Tine horo yemitambo ine vanhu vakatsvikinyidzana; ingotarira pakuwanda kwokuponda pamakiriniki mumakore mashomanene akapfuura.” Avo vanotsigira masimba masimba aya vanotaura kuti vari kungoshandisa bedzi kodzero yavo sezvinovimbiswa muAmerica’s First Amendment—rusununguko rwokutaura. Uye naizvozvo zvinoramba zvichingodaro. Hondo pamusoro pekodzero iyi ichapfuurira kurwiwa mumapepanhau evanhu vose, uye matare achafanira kugadzikisa nhau yacho, kwete nokuda kwokugutswa kwavose, nenzira isingafadzi.
Izvo Vabereki Vanogona Kuita
Misha inofanira kuva nzvimbo dzokuvanda dzevana, kwete nzvimbo umo vanogona kuva vananyajambwa vari nyore kuna avo vaizoshandisa zvisina kufanira nokuvabata zvisina kufanira, kana kuti umo unhu hwakadzikama hunogona kupesvedzera kuti kuratidzire kuchinja-chinja kwezvimiro zvendangariro zvemasimba masimba padzimwe nguva. “Unganzwa une chokwadi chokuti mwana wako haasati achizongova ane masimba masimba pasinei zvapo nokuona nguva dzose zvemasimba masimba omuTV,” akadaro purofesa wepayunivhesiti yeUnited States achitaura nevabereki. “Asi haugoni kuva nechokwadi chokuti mwana wako haazopondwi kana kuti kuremadzwa nemwana womumwewo, akarerwa achiona zvakafanana nguva dzose.” Ipapo akakurudzira, kuti: “Kuganhurira vana kuona masimba masimba emuTV kunofanira kuva rutivi rwendaza yezvichakurukurwa zveutano hwavanhu vose, pamwe chete nezvigaro zvekotsekano zvomumotokari, herimeti dzepabhasikoro, kubaya nhomba nezvokudya zvinovaka muviri zvakanaka.”
Kana usati waizobvumira munhu wausingazivi kupinda mumusha mako ndokushandisa mutauro unotuka ndokutaura nenzira yakaipa kumwana wako pamusoro pevatano nemasimba masimba, ipapo usabvumira redhiyo neterevhizheni kuva munhu wausingazivi iyeye. Ziva nguva yokuidzima kana kuti yokuchinja chiteshi. Ziva zviri kutariswa nemwana wako, muzvose zviri zviviri muterevhizheni nepakombiyuta, kunyange pakavanzika mukamuri rake. Kana achiziva kushandisa kombiyuta nemibatanidzwa inowanika kwaari, mungashamiswa nokuziva zvaanodyisa ndangariro yake madekwana mamwe namamwe. Kana usingatenderi zviri kutarirwa nemwana wako, taura chete kuti aiwa uye tsanangura kuti chikonzero nei. Haasati achizofa kana akaganhurirwa.
Pakupedzisira, dzidzisa vana vako kurarama mukuwirirana nenheyo dzaMwari uye kwete mumuitiro yetsika ino yakaipa yezvinhu—nokutaura nezviito zvayo zvakaipa uye zvamasimba masimba. (Zvirevo 22:6; VaEfeso 6:4) Muapostora Pauro akapa vaKristu zano rakakodzera nguva iro isu tose tinofanira kuteerera. “Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuonga.”—VaEfeso 5:3, 4.
[Mifananidzo iri papeji 10]
Dzimwe purogiramu dzeTV dzingatungamirira kuutsotsi nounzenza