RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 10/8 pp. 9-11
  • Pakupedzisira—Hurumende Ichagumisa Utsotsi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pakupedzisira—Hurumende Ichagumisa Utsotsi
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Ngwavaira Yomunyika Yose”
  • Hurumende Ichagumisa Utsotsi
  • Nyika Isina Utsotsi
  • Apo Kwakanga Kusina Utsotsi
    Mukai!—1998
  • Neiko Kune Utsotsi Hwakawanda Kudaro?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Kurwisa Kugumisa Utsotsi
    Mukai!—1996
  • Hondo Isingahwinhwi Mukurwisana Neutsotsi
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 10/8 pp. 9-11

Pakupedzisira—Hurumende Ichagumisa Utsotsi

BHAIBHERI rakafanotaura kuti muzuva redu vanhu vaizova “vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka.” (2 Timotio 3:2, 3) Marudzi akadaro evanhu anoita utsotsi.

Sezvo vanhu vachiita utsotsi, kusvika kuukuru hwavanochinja nokuda kwezviri nani, utsotsi hunoderera. Asi hakuna kutombova kuri nyore kuti vanhu vachinje nokuda kwezviri nani. Nhasi kwakaoma zvikuru kupfuura nakare kose, nokuti kubva muna 1914, gore rakabvumikiswa nokuverenga nguva kweBhaibheri, tave tichirarama mu“mazuva okupedzisira” etsika ino yezvinhu. Seizvo Bhaibheri rakafanotaura, iyi nhambo inoratidzirwa ne“nguva dzokutambudzika.” Idzi nguva dzakaoma dzinoparirwa naSatani Dhiyabhorosi, tsotsi hurusa inopfuura ose, uyo “akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.”—2 Timotio 3:1; Zvakazarurwa 12:12.

Ikoko kunotsanangura kuwedzera kwanhasi kwoutsotsi. Satani anoziva kuti iye netsika yake vachakurumidza kuparadzwa. Mukati menguva pfupi yasara, anotsvaka munzira iri yose inobvira kusimudzira muvanhu miitiro yakashata inodudzwa muna 2 Timotio ganhuro 3. Nokudaro, kuti hurumende igumise utsotsi, inofanira kubvisa pesvedzero yaSatani ndokubetserawo vanhu kuchinja kuitira kuti vagorega kuita nenzira yarondedzerwa pamusoro apa. Asi hurumende ipi neipi inokwanisa kuita iri basa rinopfuura romunhu here?

Hapana hurumende yomunhu inokwanisa kuita ikoku. J. Vaskovich, mudzidzisi womutemo muUkraine, anokarakadza “kudikanwa kwesangano rinokwanisa rakarovedzeka, iro raizobatanidza ndokutsinhiranisa nhamburiko dzemasangano ose enyika neevanhu.” Uye Purezidhendi Fidel Ramos wePhilippines akataura pamusangano wenyika pamusoro poutsotsi, kuti: “Nemhaka yokuti kuitwa kwezvinhu zvazvino uno kwakaita nyika yedu duku, utsotsi hwakakwanisa kudarika miganhu yenyika uye hwakakura kuva chinetso chinobatanidza nyika dzakawanda. Somugumisiro mhinduro dzinofanira kuva nenzira yakafanana dzinobatanidza nyika dzakawanda.”

“Ngwavaira Yomunyika Yose”

Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose isangano rinobatanidza nyika dzakawanda. Kubvira pakuumbwa kwaro, rakatsvaka kurwisa utsotsi. Asi harisisinazve mhinduro dzinopfuura idzo dzine hurumende dzenyika. Bhuku rinonzi The United Nations and Crime Prevention rinotsinhira, kuti: “Utsotsi hwomunyikamo hwakapfuura kudzora kwenyika zhinjisa dzimwe nedzimwe uye utsotsi hunobatanidza nyika dzakawanda hwakawedzera kupfuura zvikuru panogona kusvikwa nenzanga yenyika dzakawanda. . . . Utsotsi hunoitwa nemapoka ematsotsi akarongwa hwakawedzera kusvika kuukuru hunotyisa, zvikurukuru nemigumisiro yakakomba mumasimba masimba omuviri, kutyisidzira uye ushati hwevakuru vakuru vehurumende. Ugandanga hwakauraya makumi ezviuru avanyajambwa vasina mhaka. Kutengeserana mirimo inokotsirisa inopinda muropa kunokuvadza vamwe kwava ngwavaira yomunyika yose.”

James Madison, purezidhendi wechina weUnited States, akamboti: “Mukugadza hurumende iyo ichatarisirwa nevanhu vachitonga vanhu, chinetso chikuru ndechokuti: munofanira kutanga kugonesa hurumende kudzora vadzorwi; uye tevere ndokuisungira kuzvidzora imene.” (Enzanisa naMuparidzi 8:9.) Naizvozvo mhinduro inoshanda yaizova kutsiva hurumende “dzinotarisirwa navanhu vachitonga vanhu” negadziriro umo Mwari aizodzora. Asi mhinduro yakadaro ndeyechokwadi here?

Hurumende Ichagumisa Utsotsi

VaKristu vechokwadi vanodavira izvo Bhaibheri rinotaura pamusoro poUmambo hwaMwari.a Ihurumende chaiyoiyo. Kunyange zvazvo Umambo hwacho husingaoneki nemhaka yokuva mudenga, zvahwakaita pasi pano zvinooneka. (Mateo 6:9, 10) Inoumbwa naKristu Jesu nevanhu vane 144 000 vanotorwa ku“bva kumarudzi ose, nendimi dzose, navanhu vose, nendudzi dzose . . . [kuti] vabate ushe panyika.” Iyi hurumende ine simba ichatonga [“boka guru,” NW] ravadzorwi avo, seizvo Bhaibheri rinofanotaura, vanobvawo “kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” (Zvakazarurwa 5:9, 10; 7:9) Nokudaro, vose vari vaviri vatongi nevadzorwi vanobva munyika dzakawanda, vanhu vakabatana zvechokwadi vanobva mumarudzi ose, vane tendero youmwari.

Zvichigamuchira kutonga kwaMwari, Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kukurira zvikuru chinetso choutsotsi pakati pazvo zvimene. Sei? Kupfurikidza nokudzidza kukoshesa uchenjeri hwenheyo dzeBhaibheri, kupfurikidza nokudzishandisa muupenyu hwazvo, uye kupfurikidza nokuzvibvumira zvimene kusundwa nesimba rakasimba zvikurusa riri muchisiko, Mudzimu waMwari, nechibereko chawo—rudo. Shoko raMwari rinoti: “Fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.” (VaKorose 3:14) Munyika dzinopfuura 230, Zvapupu zvaJehovha zvinoshandisa urwu rudo nechinzwano, zvichiratidzira nzira iyo Umambo hwaMwari huri kutoita nayo nhano dzokugumisa utsotsi.

Ikoku kunogona kuenzanisirwa nemigumisiro yenzvero ya1994 umo Zvapupu zvaJehovha 145 958 zviri muGermany zvakatora rutivi. Zvizhinji zvazvo zvakabvuma kuti zvaitofanira kukurira zvikanganiso zvakakomba kuti zvive Zvapupu. Zvakasundwa kuita kudaro kupfurikidza nokufunda kwazvo Bhaibheri. Somuenzaniso, 30 060 zvakakurira kupindwa muropa nefodya kana kuti mirimo; 1 437 zvakarega kubhejera; 4 362 zvakaruramisa mufambiro wamasimba masimba kana kuti woutsotsi; 11 149 zvakakurira miitiro yakadai segodo kana kuti ruvengo; uye 12 820 zvakadzorera runyararo rwomumusha paupenyu hwemhuri hwokukakavadzana.

Kunyange zvazvo izvi zvakawanwa zvaibatanidza Zvapupu zvaJehovha zviri munyika imwe bedzi, zvinofananidzira Zvapupu zviri munyika yose. Rangarira, somuenzaniso, mumwe muduku wokuUkraine anonzi Yuri. Panguva yaakatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, akanga ari mvangamakomwe. Akanga atoenda kuMoscow uko aiziva kuti mapoka acho aizoita kuti “basa” rake rive nyore zvikuru.

Muna 1993, Yuri akanga ari muMoscow zvekare, pakati pemapoka evanhu. Asi hapana nomumwe wevanhu vanopfuura 23 000 vakanga vari paLocomotive Stadium paChishanu, July 23, vaifanira kumutya, nokuti akanga ava zvino mumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvirokwazvo, Yuri akanga ari pachikuva achitora rutivi mupurogiramu yakapiwa kuvateereri venyika dzakawanda. Achinja nokuda kwezvakanaka, anoteerera murayiro weBhaibheri, unoti: “Wakaba, ngaarege kubazve.”—VaEfeso 4:28.

Vamwe vazhinji vakafanana naYuri vakarega upenyu hwoutsotsi kuti vakwanirise nokuda kwoupenyu munyika itsva yaMwari yokururama. Ikoku kunosimbisa uchokwadi hweizvo Changamire Peter Imbert, aichimbova mukuru mukuru wemapurisa weBritain, akataura, kuti: “Utsotsi hwaigona kudzorwa nokukurumidza zvikuru kudai munhu ari wose akanga achidisa kuita nhamburiko.” Purogiramu yedzidzo yeBhaibheri inopiwa nehurumende yaMwari inogovera vanhu vane mwoyo yakatendeseka sundo yavanoda “kuita nhamburiko yacho.”

Nyika Isina Utsotsi

Utsotsi muchimiro chipi nechipi hunoratidzira kushayikwa kwokuda vamwe. VaKristu vanotevera muenzaniso waJesu, uyo akati: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose.” Uye, “Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.”—Mateo 22:37-39.

Hurumende bedzi yakatsaurirwa kukugumisa utsotsi kupfurikidza nokudzidzisa vanhu kuteerera iyi mirayiro miviri Umambo hwaMwari. Nhasi, Zvapupu zvinopfuura mamiriyoni mashanu zvinobetserwa nouyu murayiridzo. Zvakatsunga kusarega zvimiro zvendangariro zvoutsotsi zvichisimba mumwoyo yazvo, zvakagadzirira kuita nhamburiko yomunhu oga ipi kana ipi iri madikanwa kuti zviparire nyika isina utsotsi. Izvo Mwari akaita muupenyu hwazvo zvinongova hazvo rumbonera rweizvo achaita munyika yake itsva mukutonga kwehurumende yake yokudenga. Fungidzira nyika isina kudikanwa kwemapurisa, vatongi, magweta, kana kuti majeri!

Kuwana ikoku pamwero womunyika yose kuchabatanidza chinjo hurusa yehurumende munhau, ichaparirwa naMwari amene. Dhanieri 2:44 inoti: “Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” Mwari achapwanyawo Satani, achigumisa pesvedzero yake yakaipa.—VaRoma 16:20.

Kana hurumende dzevanhu dzangotsiviwa bedzi nehurumende yaMwari yokudenga, vanhu havasati vachizotongotongana. Madzimambo okudenga—madzimambo anotoveri pamusoro pengirozi—acharayiridza rudzi rwomunhu munzira dzokururama. Ipapo, kunenge kusisinazve kuuraya, kudenha kwegasi rine muchetura, kana kuti mabhomba emagandanga! Kunenge kusisinazve kusaruramisira kwenzanga uko kunobereka utsotsi! Kunenge kusisinazve vapfumi nevarombo!

Purofesa S. A. Aluko, weObafemi Awolowo University muNigeria, akatsinhira, kuti: “Varombo havagoni kurara usiku nemhaka yokuti vane nzara; vapfumi havagoni kurara nemhaka yokuti varombo vakasvinura.” Asi nokukurumidza munhu ari wose achave achikwanisa kurara zvakanaka achiziva kuti hurumende—hurumende yaMwari—yagumisa pakupedzisira utsotsi!

[Mashoko Omuzasi]

a Nokuda kwetsananguro ine udzame yechiri Umambo hwaMwari uye nzira iyo huchabetsera nayo rudzi rwomunhu runotenda, tapota rava bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Yaichimbova mbavha nanyajambwa wayo, zvino vabatanidzwa sehama dzechiKristu

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe