RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 10/8 pp. 6-8
  • Kurwisa Kugumisa Utsotsi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kurwisa Kugumisa Utsotsi
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Uyu Murangariro Wakanyanya Kushata Here?
  • Hurumende Dziri Kuedza
  • Kurasikirwa Nechivimbo
  • Hondo Isingahwinhwi Mukurwisana Neutsotsi
    Mukai!—1998
  • Mapurisa—Remangwana Rawo Rakadini?
    Mukai!—2002
  • Neiko Kune Utsotsi Hwakawanda Kudaro?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Nyika Isina Utsotsi Iri Kupi?
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 10/8 pp. 6-8

Kurwisa Kugumisa Utsotsi

“PWERE Dzinoti Kufinhwa Ndicho Chisakiso Chikuru Choutsotsi Hwavaduku,” wakazivisa kudaro musoro mukuru mupepanhau rakatanhamara reBritain. “Rwisano Yomumusha Inopiwa Mhaka Nokuda Kwoutsotsi Hunowedzera,” rakadaro rimwe. Uye rechitatu rakati: “Kupindwa Muropa ‘Kunokuchidzira Zviuru Zvoutsotsi.’” Magazini inonzi Philippine Panorama yakagumisa kuti 75 muzana youtsotsi hwose hwamasimba masimba muManila hwakaitwa navashandisi vemirimo.

Zvimwe zvisakiso zvingabetserawo kukukuchidzira mufambiro woutsotsi. “Urombo mukuenzanisa neupfumi hukuru” ndehumwe hwakanongedzerwa kwahuri nomukuru mukuru wemapurisa weNigeria. Dzvinyiriro yavaenzani nekariro shoma dzebasa, kusavapo kwezvinodzivisa zvakasimba zvepamutemo, kuputsika kwemipimo yemhuri kukuru, kushayikwa kwokuremekedza chiremera nomutemo, uye masimba masimba akanyanyisa ari mumafirimu nemavhidhiyo zvinonongedzerwawo.

Chimwe chisakiso ndechokuti vanhu vazhinji havachadaviri kuti utsotsi hausati huchibhadhara chaizvoizvo. Imwe nyanzvi yemagariro evanhu paBologna University muItaly yakatsinhira kuti mukati menhambo yemakore mazhinji, “nhamba youmbavha hwakashumwa yakawedzera nepo nhamba yavanhu vakawanirwa mhaka nokuda kwahwo yakaderera.” Akatsinhira kuti “nhamba yokuwanirwa mhaka mukuenzanisa nenhamba yehwerengedzo youmbavha hunoshumwa yakaderera zvikuru kubva ku50 kuenda ku0,7 muzana.”

Anosuruvarisa asi ari echokwadi mashoko eThe New Encyclopædia Britannica, anoti: “Utsotsi hunowedzera hunoratidzika kuva rutivi rwenzanga dzose dzazvino dzine maindasitiri akawanda, uye hapana kubudirira mumutemo kana kuti kutarisirwa kwematorongo zvinogona kuratidzirwa kuva zvakava netapuro yakatanhamara pachinetso chacho. . . . Nokuda kwenzanga yazvino yakaitwa taundi, umo kuwedzera kwezvoupfumi nokubudirira kwomunhu oga zviri mipimo yakatanhamara, hapana chikonzero chokufungidzira kuti mwero youtsotsi haisati ichizopfuurira kuwedzera.”

Uyu Murangariro Wakanyanya Kushata Here?

Mumiriro wacho wezvinhu wakanyanya kushata zvakadaro here? Dzimwe nharaunda hadzishumi kuderera kwoutsotsi here? Chokwadi, dzimwe dzinodaro, asi nzvero dzinogona kuva dzinonyengera. Somuenzaniso, kwakashumwa kuti utsotsi muPhilippines hwakaderera ne20 muzana pashure pokunge kurambidzwa kwepfuti kwatangwa. Asi Asiaweek yakatsanangura kuti mumwe mukuru mukuru anodavira kuti mbavha dzemotokari nemakororo emabhangi akanga arega kuba motokari nokuba mumabhangi uye akanga “achinjira kukunyerudza.” Kubiwa kwemabhangi kushoma zvikuru nokubiwa kwemotokari kwakaparira kuderera muhwerengedzo yezviitiko zvoutsotsi, asi uku kuderera kwakarasikirwa nerevo yako huru nemhaka yokuwedzera kwakapetwa kana kwokunyerutsa!

Ichishuma pamusoro peHungary, magazini inonzi HVG yakanyora, kuti: “Kuchienzaniswa nehafu yokutanga ya1993, nhamba dzoutsotsi dzakaderera ne6,2 muzana. Izvo mapurisa akakanganwa kududza ndezvokuti kuderera kwacho . . . kuri zvikurukuru nemhaka yechinjo dzokutarisira.” Mwero wemari uyo zviitiko zvoumbavha, unyengeri, kana kuti kuparadza zvainyorwa pauri munguva yakapfuura wakawedzerwa ne250 muzana. Naizvozvo utsotsi hwezvinhu hunobatanidza mipimo iri pasi pouyu mwero hahuchanyorwi. Sezvo utsotsi hunobatanidza zvinhu huchiita zvikamu zvitatu kubva muzvina zvoutsotsi hwose munyika yacho, kuderera kwacho kwakanga kusitongori kwechokwadi.

Kusvika panhamba dzakarurama dzoutsotsi kwakaoma sezvinobvumwa. Chimwe chikonzero ndechokuti utsotsi huzhinji—zvimwe hunosvika 90 muzana muzvikamu zvakati—hahushumwi. Asi kupikisa kana utsotsi hwakaderera kana kuti kuwedzera hakuna basa chaizvoizvo. Vanhu vanoshuva kuti utsotsi hubviswe, kwete bedzi kuderedzwa.

Hurumende Dziri Kuedza

Nzvero ya1990 yeSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose yakaratidzira kuti nyika dzakasimukira zvikuru dzinopedzera avhareji ye2 kusvika ku3 muzana yemari yadzo inochengetwa yegore negore pakudzora utsotsi, nepo nyika dzichiri kusimukira dzinopedzera inotova yakawanda, avhareji ye9 kusvika ku14 muzana. Kuwedzera uwandu hwemapurisa nokuvagovera zvishandiso zviri nani kunotora nzvimbo yokutanga mune dzimwe nharaunda. Asi migumisiro yakavhengana. Vamwe vagari vomuHungary vanonyunyuta, kuti: “Hapatongorina mapurisa akakwana okubata matsotsi asi pane akakwana nguva dzose okubata vaputsi vemitemo yezvinofamba mumugwagwa.”

Hurumende zhinji dzakawana misi ichangobva kupfuura iyi kuva kuri madikanwa kuita mitemo youtsotsi yakaoma zvikuru. Somuenzaniso, sezvo “kunyerudza kuri kuwedzera muLatin America yose,” inodaro magazini inonzi Time, hurumende imomo dzakadavidza nemitemo iyo iri “zvose zviri zviviri yakaoma neisingashandi. . . . Kuita mitemo hakuna kuoma,” inobvuma kudaro, “kuishandisa kwakaoma zvikuru.”

Kunofungidzirwa kuti muBritain zvirongwa zvokurinda zvomunharaunda zvinopfuura 100 000, zvinofukidza inenge misha mamiriyoni mana, zvaivapo muna 1992. Zvirongwa zvakafanana zvakaitwa muAustralia pakati pema1980. Chinangwa chazvo, inodaro Australian Institute of Criminology, ndechokuderedza utsotsi “kupfurikidza nokuwedzera kuziva kwevagari vemo pamusoro pekotsekano yavose, kupfurikidza nokunatsa zvimiro zvendangariro nomufambiro zvevagari vemo mukushuma utsotsi nezviitiko zvinonyumwirwa munharaunda uye kupfurikidza nokuderedza kusava nedziviriro pautsotsi nebetsero yokuzivikanwa kwezvinhu uye kuiswa kwezvishandiso zvinoshanda zvechengeteko.”

Terevhizheni inoshanda netambo dzemagetsi inoshandiswa mune dzimwe nzvimbo kubatanidza makamba emapurisa nenzvimbo dzebhizimisi. Makamera evhidhiyo anoshandiswa nemapurisa, mabhangi, uye zvitoro sezvinodzivisa utsotsi kana kuti sechishandiso chokuziva nacho vaputsi vemitemo.

MuNigeria mapurisa ane nzvimbo dzokunzverera mumigwagwa mikuru munhamburiko dzokubata nadzo makororo nevanomisa motokari ndokudziba. Hurumende yakagadza boka rechinguvana rine mutungamiriri mumwe mumiitiro isina kururama yokutengeserana kuti rirwise unyengeri. Matare anosimudzira ukama hwemapurisa nenzanga anoumbwa nevatungamiriri venzanga anozivisa mapurisa nezvomubato woutsotsi nevanhu veunhu hunopanikirika.

Vanoshanyira Philippines vanocherekedza kuti misha haiwanzosiyiwi isina aripo uye kuti vanhu vazhinji vane imbwa dzokurinda. Vanamuzvinabhizimisi vanopinza basa varindi vechengeteko yomunhu oga kuti vadzivirire mabhizimisi avo. Zvishandiso zvokudzivirira umbavha zvemotokari zvinotengwa zvikuru. Vanhu vanokwanisa kuita kudaro vanopinda munzvimbo dzakachengetedzwa zvikuru kana kuti furati.

Pepanhau reLondon rinonzi The Independent rakatsinhira, kuti: “Sezvo chivimbo mukudzora kwemutemo chinoderera, vagari vemo vari kuronga dziviriro yenzanga dzavo vamene munhamba dzinowedzera.” Uye vanhu vakawanda zvikuru vari kuva nezvombo ivo vamene. MuUnited States, somuenzaniso, kunofungidzirwa kuti mhuri yechipiri iri yose ine pfuti inenge imwe.

Hurumende dziri kuita nguva dzose mitoo mitsva yokurwisa nayo utsotsi. Asi V. Vsevolodov, weAcademy of Home Affairs muUkraine, anoonesa kuti mukuwirirana nemanyuko eUN, vanhu vazhinji zvikuru vane unyanzvi vari kuwana “mitoo yechienzi yokuita nayo mubato woutsotsi” zvokuti “kurovedzwa kwevashandi vanoita kuti mutemo ushandiswe” hakugoni kuzvikurira. Matsotsi akangwara anopinzazve zvitsama zvikuru zvemari mumabhizimisi nemabasa enzanga, achibatana nenzanga uye “achizviwanira amene nzvimbo dzakakwirira munzanga.”

Kurasikirwa Nechivimbo

Nhamba inowedzera yavanhu vari mune dzimwe nyika vari kutosvika pakudavira kuti hurumende imene rutivi rwechinetso chacho. Asiaweek yakanokora mutungamiriri weboka rinorwisa utsotsi seanoti: “Inenge 90% yevanonyumirwa vatinosunga mapurisa kana kuti zvimwe varwi.” Ingave yechokwadi kana kuti kwete, mishumo yakafanana neuyu yakatungamirira mumwe muiti womutemo kutsinhira, kuti: “Kana avo vakapika kutsigira mutemo vari ivo vamene vaputsi vomutemo, nzanga yedu iri muchinetso.”

Zvinonyadzisa zvoushati zvinobatanidza vakuru vakuru zvakakangaidza hurumende mumativi akasiyana-siyana enyika, kuchinetesazve chivimbo chomugari wemo. Kunze kwokurasikirwa nokuvimba nokukwanisa kwehurumende kudzora utsotsi, vanhu vari kupanikira zvino kutsunga kwadzo kuita kudaro. Mumwe mudzidzisi akabvunza, kuti: “Izvi zviremera zvingagona sei zvino kurwisa utsotsi apo izvo zvimene zvinobatanidzwa zvikuru mahuri?”

Hurumende dzinouya uye hurumende dzinoenda, asi utsotsi hunoramba huripo. Bva, pane nguva iri kuuya nokukurumidza apo utsotsi hunenge husisipozve!

[Mifananidzo iri papeji 7]

Zvinodzivisa utsotsi: Kamera yeTV inoshanda netambo dzemagetsi nemuchina unonzvera, gedhi resimbi rinovhara richibva kumusoro, uye murindi ane imbwa yakarovedzwa

[Mufananidzo uri papeji 8]

Utsotsi hunoita vanhu vasungwa mudzimba dzavo vamene

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe