Chikonzero Nei Vakawanda Vane Zvikwereti
MICHAEL naReena vakapemberera anivhesari yavo yokutanga yomuchato kupfurikidza nokudzokera kunzvimbo yezororo ravo revachangobva kuchata. Asi pamavambo egore rechipiri reroorano yavo, vakatarisana neidi risingafadzi. Pasinei zvapo nekuti vakaita rutsuta zvikuru sei, vaisagona kuripira mabhiri avo ose.
Rangarira vamwe varoorani. Robert akanga ane chikwereti chiduku bedzi chemari yokubetsera vadzidzi kudzidza pakoreji chokuripira apo akaroora Rhonda, uye iye akanga achifanira kuripira motokari bedzi. Robert anoti: “Tose tiri vaviri takashanda nguva yakazara, uye pamwe chete taiwana $28 320 pamwedzi. Asi hapana kwatakanga tichisvika.” Rhonda anotsinhira, kuti: “Hapana zvinhu zvakawanda zvipi nezvipi zvatakanga tatenga kana kuti kuita chinhu chipi nechipi chinoshamisira. Ndaisagona kunzwisisa chaizvoizvo kuti mari yedu yakanga ichienda kupi.”
Robert naRhonda vakanga vasiri simbe. Uyewo Michael naReena vakanga vasiri. Chii chakanga chiri chinetso chavo? Zvikwereti zvekadhi rokutenga nechikwereti. Mukati megore rokutanga reroorano, Michael naReena vaiva nechikwereti che$134 400 pamakadhi avo okutenga nechikwereti. Pashure pemakore maviri eroorano, chikwereti chaRobert naRhonda pamakadhi avo chakaita hwerengedzo ye$57 600.
Anthony, samhuri wezera repakati nepakati, akatarisanawo nedambudziko remari roupenyu hwake. Zvinetso zvake, zvisinei, zvakanga zvisina chokuita nemakadhi okutenga nechikwereti. Muna 1993 kambani yaaishandira yakaderedza ukuru hwayo, uye Anthony akarasikirwa nenzvimbo yake youmanija yaibhadhara $460 800 pagore. Pashure paikoko, kugovera mhuri yake ine vanhu vana kwakava chinetso chikuru nokuda kwake. Nenzira yakafanana, Janet, mubereki asina mukwanyina anogara muNew York City, aidokusakwanisa kuripira ndyiko nemari yaaiwana yegore negore inenge $105 600.
Nepo kuri kwechokwadi kuti zvinetso zvakawanda zvikurusa zvemari zvinogona kuderedzwa nokushandisa zvakanaka, idi nderokuti tiri kurarama munguva apo vakawanda vanotambudzwa nokufamba “noupenzi hwokurangarira kwavo.” (VaEfeso 4:17) Grace W. Weinstein, mubhuku rake rinonzi The Lifetime Book of Money Management, anotsinhira, kuti: “Yakawanda yemiitiro yemazano emari yachinja, yashandurwa neupfumi husingafanoziviswa, zvimiro zvendangariro zvitsva kukushandisa nokuchengeta, uye mararamire anochinja.” Munyika yakaita manyama amire nerongo yatiri kurarama mairi, vanhu vakawanda zvikuru vari kukuwana kuchiramba kuchioma nenzira inowedzera kushandisa zvakanaka mari yomunhu oga neyemhuri.
Nenzira inofadza, Michael naReena, Robert naRhonda, Anthony, uye Janet vakakwanisa kushandisa zvakanaka mari dzavo. Tisati tarangarira chakavabetsera, ngatinzverei chimiro chokuwana mari kuri nyore nyore icho chakawedzera kunhamo dzemari dzevakawanda—hungu, makadhi okutenga nechikwereti.