RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 1/8 pp. 11-13
  • Neiko Shamwari Yangu Yandinodisisa Yakatama?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Neiko Shamwari Yangu Yandinodisisa Yakatama?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutarisana Neidi
  • Kuchengeta Mikana Yekurukurirano Yakazaruka
  • Kuvhara Mukaha Wacho
  • Chengeta Chiono Chakarurama
  • Nei Ndisingagoni Kuchengeta Shamwari?
    Mukai!—1996
  • Unogona Kuva Shamwari yaJehovha
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Bhaibheri Rinotii Nezveushamwari?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Mwari Anokukoka Kuti Uve Shamwari Yake
    Unogona Kuva Shamwari yaMwari!
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 1/8 pp. 11-13

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Neiko Shamwari Yangu Yandinodisisa Yakatama?

‘UNORATIDZIKA sekunge kuti warasikirwa neshamwari yako yaunodisisa.’ Vanhu vachataura ikoku apo mumwe munhu anoratidzika kuva akasuwa zvishoma kana kuti akaora mwoyo. Asi apo unenge warasikirwa chaizvoizvo neshamwari yako yapamwoyo, kutaura kwacho kunova nerevo zvikuru.

Pashure pezvose, ushamwari hwechokwadi chimwe chinhu chaicho uye chinokosha. Bhaibheri rinoti: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibetsere pakutambudzika.” (Zvirevo 17:17) Shamwari dzakanaka dzinotigovera ushamwari netsigiro. Dzinotibetsera kukura mumurangariro nomumudzimu. Nepo shamwariwo hadzo kana kuti vazivikanwi vangava vakawanda, vanhu vamwe navamwe avo unogona kuvimba navo zvapachokwadi nokutaura zvakavanzika kwavari kazhinji kazhinji vashoma.

Naizvozvo kana shamwari yako yapamwoyo yakatama, kunonzwisisika kuti unganzwa usichabetseri chinhu. Imwe pwere inonzi Bryan yakayeuka manzwire ayakaita apo shamwari yayo yapamwoyo yakatama. “Ndakatyiswa, ndakava noushoma, uye ndakakuvadzwa,” iye akataura kudaro. Zvichida unonzwa nenzira imwe cheteyo.

Kutarisana Neidi

Kurangarira zvikonzero nei shamwari yako yakatama kungabetsera. Zvirokwazvo, yakanga isiri mhaka yekusaonga ushamwari hwako. Kutama kwazova rutivi rwakakurumbira rwoupenyu hwazvino uno. Gore rimwe nerimwe muUnited States moga, vanhu vanopfuura mamiriyoni 36 vanotama! Maererano neU.S. Bureau of Census, wokuAmericawo zvake achatama ka12 muupenyu hwake.

Neiko kutama kwose ikoku? Zvikonzero zvacho zvinosiyana-siyana. Mhuri zhinji dzinotama kuti dziwane mabasa ari nani nedzimba. Munyika dzichiri kusimukira, hondo neurombo zvakamanikidza mamiriyoni emhuri kutama. Uye sezvo pwere dzinoyaruka, zhinji dzinosarudza kutama ndokuzviraramira. Dzimwe dzinobva kuti dziroore. (Genesi 2:24) Bva dzimwe dzingatama kuti dzironde fariro dzomudzimu. (Mateo 19:29) Pakati peZvapupu zvaJehovha, vazhinji vanosiya kufadza kwemhoteredzo dzakarovedzanwa nadzo munharaunda kuti vabatire—zvimwe kunyange nyika dzokumwe—kune dikanwo huru zvikuru yavashumiri vechiKristu. Vamwe vanotama mukati menyika yavo yakatsaukana kuti vabatire paBheteri, sokudanwa kunoitwa zvivako zvokutarisira basa reZvapupu zvaJehovha. Hungu, kunyange zvazvo tichida shamwari dzedu, tinofanira kukurangarira seidi roupenyu kuti sezvo nguva inopfuura, ivo vachatama sezvinobvira.

Chipi kana chipi chingava chikonzero chokutama kweshamwari yako, ungashamiswa kuti uchazombokurira sei kurasikirwa kwacho. Asi nepo kuri kwomuzvarirwo kuti inzwei ushoma uye kuora mwoyo kwechinguvana, zvimwe unoziva kuti kunyanyotapurika ndokugara pamba usingafari hakuvandudzi zvinhu napaduku pose. (Zvirevo 18:1) Naizvozvo ngatitarirei zvimwe zvinhu zvinogona kubetsera.

Kuchengeta Mikana Yekurukurirano Yakazaruka

“Ziva kuti ushamwari hwenyu hauna kupera,” akapa zano kudaro Bryan muduku. Hungu, kuita kuti shamwari yako yapamwoyo itame kuchachinja ukama hwenyu chaizvoizvo, asi hakurevi kuti ushamwari hwenyu hunofanira kuguma. Mupi wezano wevechiduku Dr. Rosemarie White akati: “Kurasikirwa kwakaoma zvikuru panhambo ipi neipi youpenyu, asi nzira yokubata nako iri bedzi kungofunga nezvako sechinjo, uye kwete mugumisiro.”

Chii chaunogona kuita kuti uchengete suo roushamwari rakazaruka? Rangarira nhoroondo yeBhaibheri yaDhavhidhi naJonatani. Pasinei zvapo nemusiyano mukuru wezera, vakanga vari shamwari dzapedyosa zvikuru. Apo mamiriro ezvinhu akamanikidza Dhavhidhi kutizira muutapwa, havana kuparadzana pasina kutaura shoko. Mukupesana, vakasimbisa ushamwari hwavo husingagumi, vachitoita sungano, kana kuti chibvumirano, chokuramba vari shamwari.—1 Samueri 20:42.

Nenzira yakafanana, ungataura neshamwari yako isati yaenda. Ita kuti shamwari yako izive kuti unokoshesa ushamwari hwacho zvikuru sei uye kuti unoda sei kuti mikana yekurukurirano irambe yakazaruka. Patty naMelina, shamwari dzapamwoyo idzo zvino dzakaparadzaniswa namakiromita ane 8 000 enyika negungwa, vakaita zviito chaizvoizvo. “Tinoronga kuramba tichikurukurirana,” anotsanangura kudaro Patty. Rongedzero dzakadaro dzingakundikana, zvisinei, kutoti ukaita gadziriro chaidzo.—Enzanisa naAmosi 3:3.

Bhaibheri rinotiudza kuti apo muapostora Johane akanga asingakwanisi kuona shamwari yake Gayo, akaramba achikurukura naye kupfurikidza ‘nokumunyorera neingi nepeni.’ (3 Johane 13) Mungabvumiranawo kutumirana tsamba kana kuti kadhi nguva dzose, zvichida kamwe pavhiki kana kuti kamwe pamwedzi. Uye kana vabereki vako vasingarambi mabhiri ekuridza runhare kunzvimbo iri kure, zvichida munogona kuridzirana nguva nenguva ndokutaurirana zvinhu zvitsva zviri kuitika muupenyu hwenyu. Kana kuti mungabvuma kutumirana mashoko akarekodwa pakaseti kana kuti patepi yevhidhiyo. Mukufambira mberi kwenguva, kungabvira kuronga shanyo yekupera kwevhiki kana kuti zororo pamwe chete. Nokudaro ushamwari hunogona kupfuurira kukura.

Kuvhara Mukaha Wacho

Kunyange zvakadaro, kuenda kweshamwari yapamwoyo kuchasiya mukaha muupenyu hwako. Somugumisiro, ungawana kuti une nguva yakawanda inowanika. Eya, usapambadza nguva iyoyo. (VaEfeso 5:16) Ishandise kuita chimwe chinhu chinobudirira—zvichida unogona kudzidza kuridza chiridzwa, kudzidza mutauro mutsva, kana kuti kuronda basa rokuzvifadza. Kutumwa neavo vanoda betsero imwe nzira ine chimuko yokushandisa nguva. Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, unogona kuwedzera goverano yako mumubato wokuparidza pachena. (Mateo 24:14) Kana kuti unogona kutanga chirongwa chinofadza chefundo yeBhaibheri.

Zvakare, muapostora Pauro akarayira vaKristu muKorinte ku“kurisw[a]”—ndiko kuti, kubatanidza vamwe muboka ravo reshamwari. (2 VaKorinte 6:13) Zvichida wakapedza nguva yakawanda kwazvo neshamwari imwe chete bedzi zvokuti wakafuratira humwe hushamwari hunobvira. Pwere pakati peZvapupu zvaJehovha dzinowana kuti mikana kazhinji kazhinji yakawanda muungano dzavo dzomunzvimbomo. Naizvozvo edza kusvika kumisangano yeungano nokukurumidza uye kuramba uripo kwechinguvana pashure pacho. Ikoku kuchakupa nguva yakawanda yokuziva vamwe vanhu. Kokorodzano dzechiKristu uye kuungana kuduku kwoushamwari kunogovera mimwe mikana yokuita shamwari itsva.

Shoko renyevero, kunyange zvakadaro, rakakodzera: Usakurumidza zvakadaro kuita shamwari itsva zvokuti unovamba kusanosonganirana nepwere dzisingagoverani nharidzano dzako dzomudzimu nemipimo zvinokosha. Dzakadaro dzinogona kukuwisira pasi uye dzinogona kukuitira zvakaipa zvizhinji kupfuura zvakanaka. (Zvirevo 13:20; 1 VaKorinte 15:33) Omerera kupwere dzine ndangariro yomudzimu dzine mukurumbira womufambiro wakanaka.

Apo unowana mumwe munhu akadaro, sakurira ushamwari kupfurikidza nokuronga kuita chinhu chimwe pamwe chete. Goveranai zvokudya. Shanyirai miziyamu. Famba fambai. Rongai kupedza zuva muushumiri hwechiKristu pamwe chete, muchishanyira vanhu nemashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Nguva nenhamburiko, ushamwari hutsva hunogona kukura. Nemhaka yokuti rudo rwechiKristu runotambanuka—ku‘nokurisa’ kuti mubatanidze vamwe—apo unoita shamwari itsva, haufaniri kunzwa kuti uri kuva asina kuvimbika kushamwari yako yakatama.

Unogonawo kushandisa mukana wacho kuva pedyo zvikuru neavo vanokuda zvikurusa—vabereki vako. Ivo vanogona kuva betsero huru, kunyange zvazvo pakutanga unganzwa zvisina kunaka pamusoro pokutsvaga songanirano yavo. Pwere inonzi Josh yakati: “Ndakadokuzvimanikidza kupedza nguva navo, sezvo ndakanga ndisiri pedyo naamai vangu kana kuti baba panguva yacho. Asi zvino vava shamwari dzangu dzepedyo zvikurusa!”

Yeukawo kuti uchine shamwari iri mumatenga. Semataurire anoita Dan ane makore 13 okukura, “hausiri woga chaizvoizvo nokuti uchina Jehovha.” Baba vedu vokudenga vanowanikwa nguva dzose kwatiri kupfurikidza nomunyengetero. Ivo vachakubetsera kugonana neuyu mumiriro wezvinhu wakaoma kana ukavimba navo.—Pisarema 55:22.

Chengeta Chiono Chakarurama

Mambo Soromoni akachenjera akapa iri zano: “Usati: Mazuva ekare anopfuura azvino nokunaka neiko?” (Muparidzi 7:10) Namamwe mashoko, usaramba uchifunga nguva yakapfuura; shandisa nguva iripo nemikana yayo yose. Bill, zvino ari kumakore ake okuvamba okuma20, akaita izvozvo chaizvoizvo apo akarasikirwa neshamwari yake yaaidisisa. Anoyeuka kuti: “Pashure pechinguvana ndakatanga kuita shamwari itsva uye handina kurambira pane nguva yakapfuura zvikuru. Ndakaedza kugadzirira remangwana uye kurarama munguva iripoyi.”

Izvi zvikarakadzo zvingabetsera, bva kuchiri kunosuruvarisa apo shamwari yaunodisisa inotama. Kungava nguva yakati rebei yeuko dzenguva dzinofadza dzawakava nadzo dzisingachakurwadzi. Ingoyeuka bedzi, chinjo rutivi rwoupenyu uye inokugovera mukana wokukura. Nepo kungasaratidza kuva kunobvira kutsiva shamwari chaiyo zvachose chose, unogona kuvamba mavara achaita kuti u“dikanw[e] naJehovha uye navanhuwo.” (1 Samueri 2:26) Apo unoita izvozvo, uchava une mumwe munhu nguva dzose wokudana kuti ishamwari!

[Mufananidzo uri papeji 13]

Kuoneka shamwari yako yapamwoyo chiitiko chinorwadza zvikuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe