RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 1/8 pp. 14-15
  • Dambudziko raMaggy Nechikomborero Changu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dambudziko raMaggy Nechikomborero Changu
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukomborerwa Nemwana Ane Utano Hwakanaka
  • Kutarisana Norufu uye Kugonana Narwo Pashure
  • Tsigiro Inobva kuvaKristu Biyedu
  • Mifarwa Zvino uye Kariro Dzenguva Yemberi
  • “Iye Zvino Ndava Kuda Ushumiri!”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
  • Hatisati Tiri Vezvamashiripiti Kana Kuti vaMwari
    Mukai!—1994
  • Kutarisana Nemiedzo Musimba raMwari
    Mukai!—2000
  • “Ndakachengeta Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 1/8 pp. 14-15

Dambudziko raMaggy Nechikomborero Changu

Chipiri, May 2, 1995, rakanga riri zuva iro mwanasikana wangu akaberekwa uye mudzimai wangu akafa. Nenzira inosuruvarisa, Maggy haana kutongoona chiso chemwana wake. Zvino tariro yangu ndeyokusuma Tamara kuna amai vake apo vanomutswa.

PASHURE pokunge tave takaroorana kwemakore 16, mudzimai wangu, Maggy, akaudzwa nachiremba wake kuti akanga ane kenza yezamu uye akanga ane mwedzi yakati bedzi yokurarama. Akanga ari makore mashanu apfuura. Ndinoonga, kuti Maggy akakwanisa kurarama zvakanaka kwazvo mukati memakore iwayo okupedzisira oupenyu hwake. Marwadzo acho akadokuva asingatsungiririki nechokumugumisiro bedzi.

Nemhaka youkombi hwekenza yake, vanachiremba vakataura kuti pakanga pane mukana muduku wokuti iye ave nepamuviri. Naizvozvo unogona kufungidzira kukatyamadzwa kwedu apo mukati memuitiro weultrasound wenguva dzose wokutarira kukura kwemapundu ekenza, vakaona mwana munhumbu yake! Akanga ari musikana. Maggy akanga ane pamuviri pane mwedzi mina nehafu. Akazadzwa nomufaro nekariro yokuva amai kwenguva yokutanga.

Maggy akaita zvakakwana chose chose chinhu chiri chose chaaigona kuva nechokwadi chokuti mwana wacho aizoberekwa ane utano hwakanaka. Akangwaririra zvokudya zvake, uye kunyange mukati mevhiki mbiri dzokupedzisira dzoupenyu hwake, apo marwadzo akava akakomba, akatora zvinonyaradza marwadzo apo bedzi akanga asichagoni kutsungirira marwadzo acho.

Kukomborerwa Nemwana Ane Utano Hwakanaka

PaChitanhatu, April 29, Maggy akava nokurova kwechipfuva kukuru ndokuti: “Ndinofunga ndichafa.” Ndakagara naye kupera kwevhiki kwose. Pashure pokudana chiremba musi weMuvhuro, ndakamuendesa kamwe kamwe kuchipatara chiri muMontreal, Canada, kusiri kure nomusha wedu muSt. Jérôme.

Kunenge kuma5:30 mangwanani akatevera, mukoti akafamba achipfuura napasuo rekamuri raMaggy ndokucherekedza kuti akanga akasuruvara. Sezviri pachena, aiva nehosha yemwoyo. Chiremba akadanwa nokukurumidza mukamuri rapamberi. Kunyange zvazvo Maggy akafa, boka rezvokurapa rakakwanisa kuponesa mwana wedu. Tamara akaberekwa nguva yokuberekwa isati yakwana nemwedzi miviri nehafu uye aiva nouremu hwemakirogiramu 1,1.

Sezvo uwandu hweropa raTamara hwakanga hwakaderera, vanachiremba vakanga vachida kuisira ropa. Zvisinei, panzvimbo pezvo vakakurudzirwa kushandisa homoni yeerythropoietin inoita zvokugadzirwa. Vakaita izvozvo, uye apo kushandiswa kweichi chinhu kwakabvumikisa kubudirira mukuwedzera uwandu hweropa rake, mumwe mukoti akati: “Vanoregerei kushandisa iyoyo kuvacheche vose?”

Tamara akanga ane zvimwe zvinetso zvaibatana nekuberekwa nguva isati yakwana, asi izvozvi zvose zvakapedzwa. Kutaura idi, apo Dr. Watters, nyanzvi yegadziriro huru yetsinga, akamunzvera gare gare, akaudza mukoti wacho kuti: “Ndinofunga kuti wandipa mwana asiriye wokuti ndinzvere; anoratidzika kuva akakwana chose chose kwandiri.”

Kutarisana Norufu uye Kugonana Narwo Pashure

Kutarira Maggy achifa kwakanga kwakandiomera. Ndakanzwa ndisingabetseri chinhu kwazvo. Kwakanga kwakaoma zvikuru kutaura pamusoro porufu rwaMaggy. Bva, ndakaita saizvozvo apo hama dzangu dzechiKristu nehanzvadzi dzakauya kuchipatara. Marwadzo acho akapera zvishoma nezvishoma pandaitaura zvikuru pamusoro parwo. Papi kana papi pandairava nyaya yeNharireyomurindi kana kuti Mukai! inonditapura zvikurukuru, ndaiiisa parutivi pachikamu chezvinhu zvomunhu oga cheraibhurari yangu ndokuibudisa ndokuirava sezvandainzwa kudikanwa kwayo.

Imwe denho yave iri kuuya kumusha kuimba isina chinhu. Ushoma hwakaoma zvikuru kugonana nahwo. Murangariro uyu uchiripo, kunyange zvazvo ndichibetserwa noushamwari hwechiKristu hunovaka. Maggy neni taisiita chinhu chiri chose pamwe chete, uye taikurukura pamusoro pechinetso chandaizova nacho noushoma. Iye akanga achida kuti ndiroorezve. Bva, zvinhu hazvisiri nyore saizvozvo.

Tsigiro Inobva kuvaKristu Biyedu

Handizivi zvandaizodai ndakaita pasina betsero yeDare Rokubata Nechipatara (HLC) reZvapupu zvaJehovha. Mangwanani ayo Maggy akafa, Chapupu chine ruzivo chemuHLC chakanga chiripo pachipatara chacho uye chakandigovera betsero yandaida.

Vashandi vepachipatara vakaororwa nebetsero yandakagamuchira kubva kuungano yedu yechiKristu muSt. Jérôme kubatanidzawo ungano dziri munharaunda yacho. Usiku uhwo rufu rwaMaggy rwakaziviswa pamusangano wedu wechiKristu, shamwari dzinodiwa dzinopfuura 20 dzakadavidza kupfurikidza nokugovera betsero yadzo. Tsigiro yacho yakanga iri huru zvirokwazvo.

Shamwari dzakandigadzirira zvokudya; rutivi runoomesa zvinhu nechando rwefiriji yangu rwakanga rwakazara kwemwedzi yakati. Mhuri yangu uye hama dzechiKristu nehanzvadzi dzakatarisira kunyange kuwanira mwanasikana wangu mbatya. Vakandiunzira zvinhu zvakawanda kwazvo zvokuti ndakanga ndisina nzvimbo yakakwana yokuzvichengetera zvose.

Mifarwa Zvino uye Kariro Dzenguva Yemberi

Tamara anondibetsera kuchengeta ndangariro yangu iri kure nokurasikirwa kwangu. Anyatsonditora mwoyo wangu. Zuva rimwe nerimwe apo ndinomukwazisa ndichitaura kuti “mangwanani akanaka,” anonyemwererawo zvikuru, anotanga “kutaura,” uye anovheyesa maoko ake nemakumbo, achifara zvikuru.

Somuzivi wemitumbi yomuchadenga asina ruzivo rwokuzviwanira, ndinokarira kubata Tamara pamakumbo angu ndokumuita kuti atarire nomutelescope yangu zvinoshamisa zvomudenga zvoMuiti wedu Mukuru, Jehovha. Kufungisisa upenyu husingagumi muParadhiso pasi pano manyuko chaiwoiwo enyaradzo. Uye kuziva kuti iyi ndiyo kariro iri pamberi paTamara kunondipa mufaro wakawedzerwa.—Pisarema 37:9-11, 29.

Ndichifunga zviitiko zvamakore mashanu apfuura, ndinogona kuzvirondedzera zvakanakisisa sezvose zviri zviviri zvinotambudza zvikuru nezvinofadza. Ndakadzidza zvakawanda pamusoro pangu ndimene uye pamusoro poupenyu humene. Ndinomirira nguva yemberi nokudisa apo, sekurondedzera kunoita Bhaibheri, “rufu [rusinga]chazovipo, kana kuchema, kana kurira kana kutambudzika [kusingazo]vipo.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Ipapo, murumuko, Maggy achakwanisa kutura befu pasina marwadzo. Kupfuura zvose, tariro yangu yakasimba nechishuvo ndeyokuvapo kuti ndisume Tamara kuna Maggy, kuti agogona kuona kasikana kaduku ako akaitira zvakawanda zvikuru kwazvo.—Yakataurwa naLorne Wilkins.

[Mifananidzo iri papeji 14]

Ndiine mudzimai wangu

[Mufananidzo uri papeji 14]

Mwanasi kana wedu, Tamara

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe