Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinofanira Kureurura Chivi Changu Here?
“Ndinonyara kwazvo, handizivi chokuita. Ndinoda kuenda kuvabereki vangu, asi ndinonyara zvikuru.”—Lisa.a
AKANYORA kudaro mumwe mukadzi muduku akanga akavhiringidzika. Akanga adanana neasingatendi kwenhambo yemakore mashomanene apo rimwe zuva, akadhakwa, akavatana naye.
Zvinosiririsa kutaura, zvinhu zvakadaro zvinoitika nguva nenguva, kunyange pakati pepwere dzechiKristu. Kana tiri vaduku zvikuru uye tisina ruzivo rwokuzviwanira zvikuru, zvingabvira zvikuru kuita zvikanganiso zvakawanda. Asi nepo iri imwe nyaya kuita chikanganiso chiduku, ndeimwewo nyaya zvikuru kubatanidzwa muchakaipa chakakomba, chakadai seutere. (1 VaKorinte 6:9, 10) Apo ikoko kunoitika, pwere inofanira kuwana betsero. Chinetso ndechokuti hazvisi nyore kuti munhu areurure zvikanganiso zvake.
Mumwe musikana wechiKristu akavatana nemukomana asati aroorwa. Akasarudza kureurura kuvakuru vemuungano yake, achitosarudza musi waaizoita kudaro. Asi akasundira musi wacho mberi. Gare gare, akasundira musi wacho mberi zvekare. Nokukurumidza, gore rose rakanga rapfuura!
“Hapana Chakavanzika”
Kana wakawira muchivi chakakomba, unofanira kuziva kuti kuramba wakanyarara ipfungwa yakaipa zvikuru. Kutanga, chokwadi chinowanzobuda zvisinei. Semwana muduku, Marko akaputsa chokushongedza pamadziro chevhu. “Ndakaedza kuchinamatidza nokungwarira,” anoyeuka kudaro, “asi hapana kupera nguva vabereki vangu vasati vaona mitswe yacho.” Chokwadi, hauchisiri mwana. Asi vabereki vazhinji vanowanzogona kunyumwa apo chimwe chinhu chinenge chisina kururama nevana vavo.
“Ndakaedza kuvanza zvinetso zvangu nenhema,” anobvuma kudaro Ann ane makore 15 okukura, “asi ndakaguma ndave kuita kuti zvinhu zvinyanye kushata.” Kazhinji kazhinji, nhema dzinofumurwa. Uye apo vabereki vako vanowana kuti wakanyepa, sezvingabvira vanogumbuka—kugumbuka zvikuru kupfuura zvavangave vaizoita dai wakanga wabuda pachena pakuvamba.
Chinotokosha zvikuru, Bhaibheri rinoti: “Nokuti hakuna chakavanzika, chisingazooneswi, hakuna chakavigwa, chisingazozikanwi, nokubuda pachena.” (Ruka 8:17) Jehovha anoziva zvatakaita uye zvatiri kuita. Haugoni kumuvanda sezvaisagonawo kuita Adhama. (Genesi 3:8-11) Pashure penguva yakati, zvivi zvako zvingazivikanwawo navamwe.—1 Timotio 5:24.
Kuramba wakanyarara kunogona kukukuvadzawo mune dzimwe nzira. Wezvamapisarema Dhavhidhi akanyora kuti: “Panguva yandakaramba ndinyerere, mafupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose. Nokuti ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu masikati nousiku.” (Pisarema 32:3, 4) Hungu, musengwa wokuchengeta zvakavanzika unogona kukuremedza ndangariro zvikuru. Funganyo nekuva nemhaka, pamwe chete nerutyo rwokufumurwa, zvinogona kukuita kuti unzwe kupera simba zvikuru. Unogona kuvamba kuzviparadzanisa umene neshamwari nemhuri. Ungatonzwa kuti waparadzaniswa naMwari amene! “Ndave ndichibata nehana ine mhaka nokuda kwokuva ndakasuruvarisa Jehovha,” yakanyora kudaro imwe pwere inonzi Andrew. “Zvaindidya.”
Kurega Kunyarara
Pane nzira ipi neipi here yokuwana nayo yamuro pakunetseka kwendangariro uku? Hungu, iripo! Wezvamapisarema akati: “Ndakakuzivisai chivi changu, handina kuvanza chakaipa changu; . . . imi makandikanganwira kuipa kwechivi changu.” (Pisarema 32:5; enzanisa na1 Johane 1:9.) Andrew nenzira yakafanana akawana yamuro chaiyoiyo mukureurura chivi chake. Anoyeuka kuti: “Ndakasvika Jehovha ndokunyengeterera zvapachokwadi kanganwiro yake.”
Unogona kuita zvimwe chetezvo. Nyengetera kuna Jehovha. Anoziva zvawakaita, asi zvibvume kwaari nokuzvininipisa mumunyengetero. Kumbira kanganwiro, usingaregi nemhaka yokuti unonzwa wakanyanya kuipa zvokusabetserwa. Jesu akafa kuitira kuti tigone kufarikanya kumira kwakanaka naMwari pasinei zvapo nokusakwana kwedu. (1 Johane 2:1, 2) Unogonawo kukumbira simba kuti uite kuchinja kunodikanwa. Kurava Pisarema 51 kungabvumikisa kuva kunokubetsera zvikuru mukuita uku kusvika kuna Mwari.
Kuudza Vabereki Vako
Zvakawanda zvinodikanwa, zvisinei, kupfuura kungoreurura kuna Mwari. Unosungirwawo kuudza vabereki vako. Vakarayirwa naMwari kukurera “mukuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Vanogona kuita ikoku bedzi kana vachiziva zvinetso zvako. Zvakare, kuudza vabereki vako kungasava kuri nyore kana kuti kunofadza. Asi pashure pokutsamwa kwavo kwokutanga, sezvingabvira vachadzora ndangariro yavo. Vangatofadzwa nokuti wavimba navo zvakakwana kuzivisa chinetso chako kwavari. Mufananidzo waJesu womwanakomana anopambadza unotaura nezvemumwe murume muduku akawira muutere. Asi apo akareurura pakupedzisira, baba vake vakamugamuchira nemaoko maviri! (Ruka 15:11-24) Pasina mubvunzo vabereki vako nenzira yakafanana vachakuyamura. Pashure pokurangarira zvose, vachiri kukuda.
Chokwadi, ungatya kuti ucharwadzisa vabereki vako. Asi hakusiri kureururwa kwechivi kunorwadzisa vabereki vako; kuitwa kwechivi kunoita kudaro! Kureurura ndiko nhanho yokutanga yokunyaradza kuvadziko iyoyo. Ann, adudzwa pakuvamba, akaudza vabereki vake uye pashure pezvo akanzwa kuzorodzwa kukuru.b
Bva imwe mhinganidzo kukureurura kunyara nokukwenudzwa. Munyori akatendeka Ezra akanga asina kuita zvivi zvacho iye amene, asi apo akareurura zvivi zvevaJudha biyake, akati: “Ndinonyara, ndinotsveruka kusimudzira chiso changu kwamuri Mwari wangu.” (Ezra 9:6) Chaizvoizvo, zvakarurama kunzwa kunyara apo unenge waita chakaipa. Kunoratidzira kuti hana yako ichiri kushanda. Uye pashure penguva yakati kunzwa ikoko kwokunyara kuchaderera. Andrew akakutaura neiyi nzira: “Kwakaoma zvikurusa uye kunokwenudza kureurura. Asi kuziva kuti Jehovha achakanganwira zvikuru iyamuro.”
Kudana Vakuru
Kana uri muKristu, nhau yacho haiperi nokuudza vabereki vako. Andrew anoti: “Ndaiziva kuti ndaifanira kuendesa chinetso changu kuvakuru vomuungano. Yakanga iri yamuro yakadini kuziva kuti vakanga varipo kuti vandibetsere!” Hungu, pwere dziri pakati peZvapupu zvaJehovha dzinogona uye dzinofanira kuenda kuvakuru vomuungano nokuda kwebetsero nekurudziro. Asi nei usingagoni kungonyengetera kuna Jehovha ndokusiira ipapo? Nemhaka yokuti Jehovha akaronzesa vakuru basa roku“rinda mweya yenyu.” (VaHebheru 13:17) Vanogona kukubetsera kudzivisa kuwira muchivi zvakare.—Enzanisa naJakobho 5:14-16.
Usazvinyengedza umene nokurangarira kuti unogona kuzvibetsera umene. Kudai waiva wakasimba zvakakwana kuita kudaro, waizodai wakawira muchivi here pakutanga? Nenzira yakajeka, unofanira kutsvaka betsero yokunze. Andrew akaita kudaro noushingi. Zano rake nderipi? “Ndinokurudzira munhu upi noupi anobatanidzwa muchivi chakakomba, kana kuti akabatanidzwa, kuzarurira Jehovha mwoyo wake uye kumumwe wevafudzi vake.”
Asi unosvika sei chaizvo mukuru? Sarudza mumwe waunonzwa wakasununguka zvine mufungo naye. Ungagona kuvamba nokuti: “Ndinofanira kutaura nezvechimwe chinhu” kana kuti “ndine chinetso” kana kuti kunyange kuti “ndine chinetso uye ndinoda betsero yenyu.” Kuva kwako akatendeseka neakasununguka kuchabetsera zvikuru mukuratidzira rupfidzo rwako uye chishuvo chokuchinja.
‘Ndinotya Kudzingwa’
Zvakadini nebviro iyoyo? Ichokwadi kuti kuita chivi chakakomba kunoita kuti zvibvire kuti mumwe adzingwe, asi hazvingoerekani zvaitika. Kudzinga ndekweavo vanoramba kupfidza—vanoramba nechisimbwa kuchinja. Zvirevo 28:13 inoti: “Unofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; asi unozvireurura, achizvirasha, uchawana nyasha.” Idi rokuti wakasvika vakuru nokuda kwebetsero hufakazi hwechishuvo chako chokuchinja. Vakuru zvikurukuru varapi, kwete varangi. Vanosungirwa kubata vanhu vaMwari nomutsa nechiremera. Vanoda kukubetsera “kugadzirira tsoka [dzako] nzira yakarurama.”—VaHebheru 12:13.
Sezvinobvumwa, uko unyengeri kana kuti kuitwa kwechikanganiso chakakomba kwenguva refu kunobatanidzwa, “mabasa akafanira kutendeuka” anopwisa angave achishaika. (Mabasa 26:20) Pane dzimwe nguva kudzinga kunovapo somugumisiro. Uye kunyange uko muiti wechakaipa anopfidza, vakuru vanosungirwa kuisa chimiro chakati chechirango. Unofanira kushatiriswa kana kuti kutsamwiswa here nechisarudzo chavo? Pana VaHebheru 12:5, 6, Pauro anokurudzira kuti: “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe, usapera mwoyo kana uchirairwa naye; nokuti waanoda Ishe unomuranga, unorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.” Chirango chipi nechipi chaunogamuchira, chirangarire soufakazi hwokuti Mwari anokuda. Yeuka, kupfidza kwapachokwadi kuchatungamirirazve kuukama hwakafanira naBaba vedu vane ngoni, Jehovha Mwari.
Zvinoda ushingi kubvuma zvikanganiso zvako. Asi kupfurikidza nokuita kudaro, unogona kururamisa zvinhu kwete bedzi nevabereki vako asi naJehovha Mwari amene. Usarega rutyo, rudado, kana kuti kukwenudzwa zvichikudzivisa kuwana betsero. Yeuka kuti: Jehovha ano“kanganwira zvikuru.”—Isaya 55:7.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe amazita akachinjwa.
b Nokuda kwamashoko pamusoro pakusvika vabereki vako, ona ganhuro 2 rebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
‘Ndinokurudzira vose vakatadza kuzarurira Jehovha mwoyo yavo.’—Andrew
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kureurura kuvabereki vako kunogona kutungamirira kukumuka mumudzimu