Zvimiro Zvendangariro Zviri Kuchinja Zvinomutsa Mibvunzo Mitsva
“CHINJO HURU YEVATANO,” “kupengeswa nevatano kunowedzera,” “chinjo huru yetsika.” Mashoko akadaro akazivisa zvimiro zvendangariro zviri kuchinja zvevatano, zvikurukuru pakati pema1960 uye pashure pacho. Vazhinji vakagamuchira kutaura kwokuti “kubika mapoto,” uko kwakaratidzira muraramiro umo vanhu vakaramba roorano noumhandara.
Kuzivisa pachena kwemunyori Ernest Hemingway kwokuti, “Chinokuita kuti unzwe zvakanaka pashure ndicho chakanaka, uye chinokuita kuti usanzwe zvakanaka pashure ndicho chakashata,” kungapfupikisa zvakanaka chimiro chendangariro cheavo vakabatwa muzvipikirwa zverusununguko rwevatano nokugutsikana. Kugamuchirwa kwouhwu uzivi kwakaruramisa ukama hwevatano hwechinguvana nevakwanyina vanoverengeka kupfurikidza nahwo vanhu vacho, vanhurume nevanhukadzi, vakaedza zvishuvo zvavo vamene zvevatano. “Kugutswa” kwevatano kwaisava nemiganhu. Piritsi rokudzivisa kubata pamuviri, rakatangwa mugumi remakore rimwe chetero, rakaparira kumwe kuedza vatano kusingadzorwi.
Zvisinei, AIDS nedzimwe hosha dzinopfuudzwa muvatano zvakava nhaka youyu muraramiro wemadiro. Zvimiro zvendangariro zvevatano zvechizvarwa chisina kuchena zvakaneteswa. Makore akati akapfuura, magazini yeTime yakaratidzira musoro mukuru unoti “Vatano muma80—Chinjo Huru Yapfuura.” Uku kuzivisa kwakanga kwakavakirwa zvikurukuru pahosha dzinopfuudzwa muvatano dzakapararira idzo dzakanga dzatapura vazhinji vokuAmerica. Kusvikira panguva ino, nhamba yose yevanorwara neAIDS munyika yose yasvika nhamba inokatyamadza yevanoda kusvika mamiriyoni 30!
Kutya hosha dzinopfuudzwa muvatano kwakaparira kumwe kuchinja chimiro chendangariro kwevazhinji pamusoro peukama hwevatano hwechinguvana. Chinyorwa cha1992 cheUS, magazini yezvevaraidzo, chichishuma pamusoro penzvero yehurumende, chakati: “Vakadzi vasina kuroorwa vanenge mamiriyoni 6,8 vakachinja mufambiro wavo wevatano nemhaka yokutya AIDS nedzimwe hosha dzinopfuudzwa muvatano.” Mukuwirirana nenyaya yacho, shoko racho rakajeka: “Vatano haisi nhau yenhando. Iite uchiziva kuti uri kuzviisa mungozi.”
Aya makumi emakore asina kugadzikana akatapura sei zvimiro zvendangariro zveukama hwevatano? Zvidzidzo zvipi nezvipi zvakadzidzwa mukunyanyisa kunoratidzirwa nokubika mapoto kwemakumi emakore achangobva kupfuura aya uye muzvinhu chaizvoizvo zvinopengenutsa zvehosha dzinopfuudzwa muvatano zvema80 here? Kutangwa kwedzidzo yevatano muzvikoro zvehurumende kwakabetsera vakomana nevasikana kugonana nenzira inobudirira nezvishuvo zvavo zvevatano here? Ndeipi iri nzira yakanakisisa yokutarisana nayo nedenho yezvimiro zvendangariro zvanhasi zvakachinja zvezvishuvo zvevatano?