RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 6/8 pp. 4-7
  • Chii Chinopesvedzera Chimiro Chako Chendangariro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chii Chinopesvedzera Chimiro Chako Chendangariro?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinonyandura Vatano Zvinoivhiringidza
  • Vezvevarayidzo Vanoshandisa Zvisakafanira Vatano
  • Mabasa Anochinja Anomonyanisa Zvimiro Zvendangariro
  • Dzidzo Yevatano Muzvikoro
  • Rudo Nomusengwa Chii?
  • Zvimiro Zvendangariro Zviri Kuchinja Zvinomutsa Mibvunzo Mitsva
    Mukai!—1997
  • Neiko Kwakaoma Zvikuru Kurega Kufunga Pamusoro Peane Mutezo Wakasiyana Wokubereka Nawo?
    Mukai!—1994
  • Kuita Bonde Vanhu Vasati Varoorana
    Mukai!—2013
  • Kutarisana Nedenho Yacho
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 6/8 pp. 4-7

Chii Chinopesvedzera Chimiro Chako Chendangariro?

MAKORE anenge 2 700 akapfuura, munyori akafuridzirwa akanyora chirevo chinoita kuti munhu afunge chinoti: “Benzi rinoti kuita zvakaipa hutamba.” (Zvirevo 10:23) Uchokwadi hwaizvozvi hwave huri pachena zvikurukuru kubvira panguva yechinjo huru yevatano. Kutyisa kweAIDS kusati kwasvika, chimiro chendangariro chakapararira chaiva chekuti vatano yaiva ‘mutambo wekutora rutivi mauri’ uye kuti sundo yevatano inofanira kugutswa ‘pasinei zvapo nemigumisiro yacho.’ Ichi chimiro chendangariro chakachinja here? Kwete chaizvoizvo.

Kupengeswa nevatano kwanhasi kuchiri kuparira “vakapindwa muropa nokukwezvwa,” ‘vapariki vepanhambo nenhambo,’ uye “zvikara zvevatano,” avo vanopikisa kuti tsika inhau yomunhu oga uye kuti kubika mapoto nevakwanyina vakawanda ndekwemusikirwo. (Ona bhokisi rinoti “Mararamiro Ezvevatano,” riri papeji 6.) Vanoti ‘hapana anokuvadzwa’ nokuva nevatano naani naani zvake, chero bedzi zvichiitwa nevanhu vakuru vanobvumirana. Muna 1964, nyanzvi yemagariro evanhu Ira Reiss yeYunivhesiti yeHurumende yeIowa yakarondedzera ikoku so“kusadzora rudo.”

Bhishopi weAnglican weEdinburgh, Scotland, anoratidzika kuva anonzwa nenzira imwe cheteyo, nokuti akataura kuti vanhu vakaberekerwa kuti vave nevavanodanana navo vazhinji. Muhurukuro pamusoro pevatano nechiKristu, akati: “Mwari aiziva paakatigadzira kuti akanga atipa sundo yevatano yemukati kuti tiende ndokugutsa zvishuvo zvedu. Akatipa mavara okugara nhaka emadiro. Ndinofunga kuti kwaizova kusina kururama kuti chechi ipe mhosva vanhu vakatevera kunzwa kwavo kwemuzvarirwo.”

Murangariro wakadaro wakanaka here? Mubayiro wekubika mapoto chii? Ukama hwechinguvana nevakwanyina vevatano vanotevedzana hunounza gutsikano nomufaro here?

Kupararira munyika yose kwehosha dzinopfuudzwa muvatano uye chinhu chaichoicho chemamiriyoni epamuviri pekunze kwemuchato, zvikurukuru pakati pevachiri kuyaruka, zvinopupurira kukundikana kweuzivi hwakadaro. Maererano nemagazini yeNewsweek, muUnited States moga, hosha dzinopfuudzwa muvatano dzinotambudza vachiri kuyaruka vanofungidzirwa kuva mamiriyoni matatu gore rimwe nerimwe. Zvakare, vazhinji veava “vanhu vakuru vanobvumirana” vanoratidzika kuva “vasina rudo chairwo” kana kuti pfungwa yemutoro kumwana asati azvarwa uyo anowanzovapo, uye nokukurumidza vanotsvaka kubvisa pamuviri. (2 Timotio 3:3) Ikoku kunoita kuti mwana asati azvarwa arasikirwe neupenyu hwake, sezvo anobviswa nenzira youtsinye pana mai vake. Mubayiro wacho kuna mai vaduku ungava kuora mwoyo kukuru uye kuva nemhaka izvo zvingaramba zvichivanetsa nguva dzose kweupenyu hwavo hwose.

Pakati pema90 muBritain moga, ndyiko yemari yetapuro yechinjo huru yevatano yakanga iri mabhiriyoni $200 anokatyamadza gore negore, akadaro Dr. Patrick Dixon. Mubhuku rake rinonzi The Rising Price of Love, Dr. Dixon akasvika paiyi nhamba kupfurikidza nokunyora ndyiko yokurapa hosha dzinopfuudzwa muvatano, kubatanidza AIDS; ndyiko yokuchatanura; ndyiko yenzanga yokurera mwana kwomubereki mumwe; uye ndyiko yokurapwa kwemhuri uye mwana. Sezvakashumwa muThe Globe and Mail, pepanhau rezuva nezuva reCanada, Dr. Dixon anogumisa kuti: “Chinjo huru muukama hwevatano iyo yakativimbisa rusununguko yasiya vazhinji vari muusungwa, vari munyika yakaparadzwa nenyongano yevatano, ngwavaira, kusurukirwa, marwadzo emirangariro, masimba masimba uye kubatwa zvisina kufanira.”

Asi neiko pane kupengeswa nevatano kunopfuurira, kudiwa kweukama hwechinguvana, uye kuomerera pakubika mapoto kwokusazvidavirira? Nezvibereko zvakashata zvakadaro zvinooneka muaya makumi matatu emakore, chii chinotsigira uku kupengeswa kunoparadza?

Zvinonyandura Vatano Zvinoivhiringidza

Zvinonyandura vatano zvakanongedzerwa kwazviri sechimwe chisakiso mukutsigira kupengeswa nevatano. Akapindwa muropa nevatano akazvibvumira oga anonyora mupepanhau reThe Toronto Star kuti: “Ndakarega midzanga makore mashanu akapfuura, zvinwiwa zvinodhaka makore maviri akapfuura, asi hapana chinhu chave chakaoma zvikuru muupenyu hwangu kuti ndirege kupfuura kupindwa kwangu muropa nevatano uye zvinhu zvinoinyandura.”

Anopwiswawo kuti vachiri kuyaruka avo vasina kudzivirirwa kuzvinhu zvinonyandura vatano zvinoramba zvichigoverwa vanova nemurangariro wakavhiringidzwa womufambiro wevatano. Vanoita zvinofungidzirwa zvevatano ndokuwana ukama chaihwoihwo huri zvose zviri zviviri husinganzwisisiki uye hwakaoma. Izvozvi zvinotungamirira kukuzviparadzanisa uye zvimwe zvinetso, chimwe chazvo chikuru chiri kuoma kwekuumba zvisungo zvinogarisa zvorudo.

Vezvevarayidzo Vanoshandisa Zvisakafanira Vatano

Mararamiro emadiro anobatanidza vakwanyina vevatano vakawanda, vakaroorana zvapamutemo kana kuti kwete, akaitwa zvikuru uye akaratidzirwa pachena nevezvevaraidzo. Kuratidzirwa kusina rudo nokunozvidzisa kwokuva pedyo kwezvevatano paterevhizheni kunotsigira kupengeswa nevatano, kuchipa chizvarwa chino murangariro wakavhiringidzwa womufambiro wevatano wevanhu. Zvinobudisa varaidzo zvakawanzoenzanisa zvenhema vatano isiri yeroorano nokuva pedyo kworudo. Vatsigiri vanonyanyisa avo vanonamata vanhu vevaraidzo vanoratidzika kuva vasingakwanisi kutsauranisa pakati pechishuvo chevatano chisingadzorwi norudo, pakati poushamwaridzani hwevatano hwechinguvana nomusengwa wenguva refu, kana kuti pakati pefungidziro nechinhu chaichoicho.

Nenzira yakafanana, kazhinji kazhinji zvikuru vezvekuzivisa vakashandisa zvisakafanira vatano sechishandiso chezvekutengeserana. Yazova “chinhu chisingabatanidzi mirangariro yevanhu chinoshandiswa kuendesa ngwariro kuchinhu chiri kuziviswa,” akadaro murapi wezvevatano. Vazivisi vakashandisa zvisakafanira vatano nokuitwa kwevatano kwakabatanidzwa noupenyu hwakanaka, bva uku ndekumwe “kuvhiringidzwa kwomurangariro wevatano” kwezana ramakore rechi20, seizvo magazini inonzi Family Relations yakatsinhira.

Mabasa Anochinja Anomonyanisa Zvimiro Zvendangariro

Mhoteredzo yenzanga iri kuchinja uye kutanga kutengeswa kwepiritsi rokudzivisa kubata pamuviri muna 1960 zvakachinja mufambiro wevatano wemamiriyoni avakadzi. Piritsi racho rakapa vakadzi kuenzana kunofungidzirwa kwevatano nevarume, rusununguko rwevatano kana kuti kuzvimirira kusina kumbowanikwa munguva yakapfuura. Kufanana nevarume, vaigona zvino kuedza ukama hwechinguvana, vasingadzorwi nokutya pamuviri pasingadikanwi. Vachizvigutsa murusununguko rwavo rwevatano, vanhurume nevanhukadzi nenzira yakafanana vakasundira mhuri yenguva dzose uye mabasa evatano pedyo zvikuru nokuda kutsakatika.

Munyori weBhaibheri wezana remakore rokutanga akataura nezvevanhu vakadaro kuti: “Vane meso azere noupombwe, asingaregi kutadza; . . . vane mwoyo wakadzidziswa kuchiva; . . . vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka.”—2 Petro 2:14, 15.

Dzidzo Yevatano Muzvikoro

Nzvero yeUnited States yevanhukadzi vasina kutongoroorwa vane 10 000 vezera rechikoro chepamusoro yakaratidzira kuti “zivo, sezvinoratidzirwa nemakosi edzidzo yevatano uye zivo pamusoro pokudzora kubata pamuviri inoshumwa navaridzi,” haina kuva netapuro pamwero wokuva nepamuviri pokunze kwemuchato kwevachiri kuyaruka. Kunyange zvakadaro, zvimwe zvikoro zvehurumende zviri kudavidza kukupararira kwacho kupfurikidza nokupa vadzidzi vazvo makondomu epachena, kunyange zvazvo uyu muitiro uri kuitiranwa nharo zvikuru.

Mumwe mudzidzi wechikoro chepamusoro ane makore 17 akabvunzurudzwa nepepanhau reCalgary Herald akati: “Iidi kuti ruzhinji rwevachiri kuyaruka vari muchikoro chepamusoro vari kuva nevatano . . . , kunyange vane makore 12 ekukura.”

Rudo Nomusengwa Chii?

Rudo, kuvimba, uye kuva pamwe chete kunokosheswa hazvisi zvinhu zvepashure zvinongoerekana zvavapo zvichida zvokukwezva kwevatano kwekamwe kamwe kana kuti kugutsa zvishuvo zvevatano. Vatano yoga haigoni kuparira rudo rwechokwadi. Rudo nokuva pedyo zvinoitwa mumwoyo yevanhu vaviri vanoitirana hanya avo vakazvipira kuvaka ukama hwechigarire.

Ukama hwechinguvana hunosiya munhu asisina kuchengeteka pakupedzisira, ari oga, uye zvimwe ava kutambudzwa nehosha inopfuudzwa muvatano yakadai seAIDS. Vatsigiri vokubika mapoto vangasanorondedzerwa nemashoko anowanwa pana 2 Petro 2:19 anoti: “Vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene varanda vokuora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake.”

Sangano reChechi yeAnglican romutoro wenzanga rakabudisa mushumo waro muna June 1995, waiva nomusoro unoti “Chimwe Chinhu Chokupemberera.” Mukupesana zvikuru nezano reBhaibheri, sangano racho rakakurudzira chechi “kubvisa kutaura kwokuti ‘kubika mapoto’ ndokubvisa chimiro chayo chendangariro chekupa mhaka avo vanogara pamwe chete pasina kuroorana,” maererano neThe Toronto Star. Mushumo wacho wakarumbidza kuti “ungano dzinofanira kugamuchira vanogara pamwe chete semurume nemukadzi, kuvateerera, kudzidza kubva kwavari, . . . kuitira kuti vose vazive kuvapo kwaMwari muupenyu hwavo.”

Jesu aizodai akadana vatungamiriri vorudzidziso vakadaro kutii? Pasina mubvunzo “mapofu anotungamirira.” Uye zvakadiniko nezveavo vanotevera vatungamiriri vakadaro? Akati: “Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ose ari maviri.” Iva nechokwadi chokuti, Jesu akataura nenzira yakajeka kuti “upombwe” ne“ufeve” zviri pakati pe“zvinosvibisa munhu.”—Mateo 15:14, 18-20.

Neizvi zvinhu zvakasiyana-siyana zvinovhiringidza uye kushandisa zvisakafanira vatano, munhu anogona sei, uye zvikurukuru pwere, kusununguka mukuva anopengeswa nevatano? Chakavanzika choukama hwokufara, hwenguva refu chii? Nyaya inotevera ichanangidzira ngwariro paizvo vabereki vanogona kuita kuti vabetsere pwere kugadzirira nokuda kwenguva yemberi.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]

MuUnited States moga, hosha dzinopfuudzwa muvatano dzinotambudza vachiri kuyaruka vanofungidzirwa kuva mamiriyoni matatu gore rimwe nerimwe

[Bhokisi riri papeji 6]

Mararamiro Ezvevatano

Vakapindwa Muropa Nokukwezvwa: Vanopengeswa nokudanana, naizvozvo vanodanana vadananazve nevakasiyana-siyana nokukurumidza sezvo kufadza kworudo rwokuhunguka kunonyangarika. Kutaura kwacho kwakatangwa naDr. Michael Liebowitz, weNew York State Psychiatric Institute.

Vapariki vepanhambo nenhambo: Vanhu vanopfuura nomunhevedzano yokudanana inobatanidza miitiro yepamutemo yeroorano, chatanuro, uye kuroorazve vanodanwa neiyi nzira nenyanzvi dzemagariro evanhu.

Zvikara Zvevatano: Vanotsvaka kuratidzira ushingi hwavo hwevatano kupfurikidza nokuva nevakwanyina vakawanda, anotsinhira kudaro Luther Baker, purofesa wenzvero dzemhuri uye murapi akabvumikiswa wezvevatano. Kutaura kwacho kunoshandisirwawo zvino vanobata vana zvisakafanira.

[Mufananidzo uri papeji 7]

Zvinonyandura vatano zvinopinda muropa uye zvinotungamirira kumurangariro wakavhiringidzwa womufambiro wevatano

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe