Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kugonana Nokurwara Kwazvo?
JASON aiva namakore 18 bedzi, asi kwairatidzika sokunge kuti vavariro dzake dzose dzoupenyu zvino dzakanga dzisingasvikiki. Akanga achikarira kubatira nguva yakazara somushumiri wechiKristu, asi ipapo akaziva kuti aiva nehosha yeCrohn—hosha yomudumbu inorwadza nokupedza simba. Nhasi, zvisinei, Jason ari kugonana nenzira inobudirira namamiriro ake ezvinhu.
Zvichida iwewo uri kubata nechirwere chakakomba. Muchinyorwa chakapfuura, Mukai! yakarangarira denho dzinotarisana navanhu vaduku vakaita sewe.a Ngationei zvino kuti unogona sei kubata zvakanakisisa namamiriro ako ezvinhu.
Chimiro Chendangariro Chakanaka
Kugonana nenzira inobudirira nechirwere chipi nechipi kunobatanidza chimiro chendangariro chakanaka. Bhaibheri rinoti: “Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; asi mweya wakaputsika ungamutswa nani?” (Zvirevo 18:14) Mifungo isingafadzi, yokusava netariro nemirangariro zvinoita kuti kupora kuve kwakaoma zvikuru. Jason akawana ikoku kuva kwechokwadi.
Pakutanga, Jason aifanira kurwisa mirangariro yakaipa, yakadai sokushatirwa, iyo yakanga ichimuodza mwoyo. Chii chakabetsera? Anotsanangura kuti: “Nyaya dzomuNharireyomurindi neMukai! pamusoro pokuora mwoyo dzakandibetsera chaizvoizvo kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka. Zvino ndinoedza kutarisana nezuva rimwe chete panguva.”b
Carmen ane makore 17 okukura nenzira yakafanana akadzidza kufunga pamusoro pezvinhu zvakanaka. Kunyange zvazvo achitambura nokuperevedza kweropa, anofunga nezvezvikomborero zvake. “Ndinofunga nezvevamwe vanorwara zvikuru kupfuura zvandiri uye avo vasingagoni kuita zvinhu izvo ndinogona kuita,” anodaro. “Uye ndinoonga ndokusazvinzwira urombo kwazvo.”
Zvirevo 17:22 inoti: “Mwoyo wakafara unobatsira munhu kupora.” Vamwe vangarangarira kuti kuseka hakuna kufanira mukutarisana nechirwere chakakomba. Asi kuseka nesonganiro inofadza zvinonyevenutsa ndangariro yako nokuwedzera kuda kwako kurarama. Kutaura idi, mufaro ivara raMwari, chimwe chezvibereko zvomudzimu waMwari. (VaGaratia 5:22) Mudzimu iwoyo unogona kukubetsera kunzwa uchifara kunyange zvazvo uri kurwisa chirwere.—Pisarema 41:3.
Kuwana Chiremba Anonzwisisa
Kuva nachiremba anonzwisisa vanhu vaduku kunobetsera zvikuru. Zvinodikanwa zvendangariro nezvemirangariro zvomunhu muduku kazhinji kazhinji zvakasiyana neizvo zvomukuru. Ashley aiva namakore gumi bedzi okukura apo aifanira kuenda kuchipatara kunorapwa mota rinouraya romuuropi. Chiremba waAshley akabata naye netsitsi uye namashoko aaigona kunzwisisa. Akamuudza nzira iyo chirwere chake amene chomuuhwana chakanga chamusunda nayo kuva chiremba. Nounyoro asi zvakajeka akamutsanangurira kurapa kunokarakadzwa, naizvozvo akaziva zvokukarira.
Iwe navabereki vako muchada kutsvaka varapi vanokuremekedzai uye vanonzwisisa zvinodikanwa zvenyu. Kana nokuda kwechikonzero chakati usinganzwi zvakanaka nenzira ine mufungo netarisiro yauri kuwana, inzwa wakasununguka kutaura itiro hanya dzako kuvabereki vako.
Rwira Utano Hwako
Kunokoshawo kuti urwise chirwere chako munzira iri yose yaunogona. Somuenzaniso, dzidza zvakawanda sezvaunogona pamusoro pamamiriro ako ezvinhu. “Munhu [“ane zivo,” NW] une simba,” chirevo cheBhaibheri chinodaro. (Zvirevo 24:5) Zivo inobvisa kutya zvisingazivikanwi.
Mukuwedzera, munhu muduku anoziva anogona kubatanidzwa zvikuru mukurapwa kwake uye anokwanisa zviri nani kubatira pamwe nako. Angadzidza, somuenzaniso, kuti haafaniri kurega kushandisa mushonga waakanyorerwa pasina mvumo yachiremba. Carmen, adudzwa pamusoro apa, akarava mabhuku pamusoro peperevedzo yeropa, sezvakaita vabereki vake. Zvavakadzidza zvakavabetsera kuwana kurapa uko kwaigona kubetsera Carmen zvikurusa.
Bvunza chiremba wako mibvunzo yakananga—kanopfuura kamwe kana kuri madikanwa—kana usina kujekerwa nenhau yakati. Panzvimbo pokutaura izvo unofunga kuti chiremba anoda kunzwa, tsanangura nokutendeseka zvauri kufunga nekurangarira. Sezvinotaura Bhaibheri, “pasingaranganwi mano anokona.”—Zvirevo 15:22.
Pane imwe nguva Ashley airatidzika kuva asingakurukuri zvikuru pamusoro pechirwere chake. Aingotaura bedzi kuna mai vake pamusoro pacho. Mumwe mushandi wewerofeya akachenjera akamubvunza pachivande kuti: “Unorangarira kuti zvimwe hausi kuudzwa chinhu chiri chose here?” Ashley achivimba naye akabvuma. Naizvozvo mukadzi wacho akaratidza Ashley zvinyorwa zvake zvokurapa uye akazvitsanangura kwaari. Iye akakumbirawo vanachiremba kupedza nguva yakawanda vachitaura naAshley zvakananga, panzvimbo pokungotaura nezvake. Kupfurikidza nokutaura iye pachake pakupedzisira, Ashley akakwanisa kuwana betsero yaaida.
Tsigiro Inobva Kune Avo Vakakupoteredza
Apo mutezo upi noupi wemhuri unenge uchirwara zvakakomba, inova nhau yemhuri, inoda nhamburiko yakabatana. Mhuri yaAshley neungano yechiKristu vakabatana kuti vamutsigire. Ungano yakayeuchidzwa panhambo nenhambo kuti aiva muchipatara. Mitezo yeungano yakamushanyira nguva dzose, uye yakabetsera mhuri nebasa rapamba nokugadzirirwa kwezvokudya kusvikira mhuri yagona kudzokera kumuraramiro wenguva dzose. Vana vomuungano vakashanyira Ashley muchipatara apo akanga asinganyanyorwari zvokusada vanhu. Ikoku kwakanga kwakanakira kwete Ashley bedzi asiwo shamwari dzake duku.
Vamwe vasati vagona kukupa betsero, kunyange zvakadaro, vanofanira kuziva kuti unoida. Carmen anovimba navabereki vake navakuru veungano nokuda kwetsigiro yemirangariro neyomudzimu. Iye anovimbawo naavo vari muchikoro avo vanogoverana zvitendero zvake zvechiKristu kuti vave vanotsigira. “Ivo vanondiitira hanya,” anodaro Carmen, “uye ndinonzwa kuti ndinotarisirwa.”
Chikoro chako chingakwanisa kugovera zano rinobetsera rezvokurapwa kana kuti rezvemari uye chingatogovera kunyange betsero yakati yomunhu oga. Somuenzaniso, mudzidzisi waAshley akakurudzira kirasi yake kunyorera Ashley nokumushanyira. Kana vadzidzisi vako vasinganzwisisi zvinetso zvaunotarisana nazvo, kungava madikanwa kuti vabereki vako vakurukure mamiriro ako ezvinhu nokuremekedza nezviremera zvechikoro.
Shandisa Ndangariro Nomuviri Nokuchenjera
Apo unenge uchirwara zvikuru, ungasakwanisa kuita chinhu chipi nechipi asi nangidzira simba raunaro pakuva nani. Kana usina kupedzwa simba chose chose, kune zvinhu zvakawanda zvinovaka zvaunogona kuita. Munyori Jill Krementz akatsinhira pamusoro pezvaakacherechedza apo akanga achinzvera kuti anyore bhuku rake How It Feels to Fight for Your Life: “Kwave kuchindisuruvarisa kupedza makore maviri ndichifamba ndichidzika mumakoridho omuchipatara uye kuve ndakaona vana vakawanda kwazvo vakatarisa TV. Tinofanira kukurudzira ava vaduku kurava zvakawanda. Mubhedha wechipatara inzvimbo yakaisvonaka yokurovedza uropi hwako.”
Ungave uri pamba kana kuti muchipatara, kurovedza mano ako endangariro kunogona kazhinji kazhinji kukubetsera kunzwa zviri nani. Wakaedza kunyora matsamba kana kuti nhetembo here? Kudhirowa kana kuti kunyora mapikicha? Zvakadiniko nokudzidzira kuridza chiridzwa kana mamiriro ako ezvinhu achibvumidza? Kunyange neganhuriro dzoutano, kune zvinobvira zvakawanda. Zvirokwazvo, chinhu chakanakisisa chaunogona kuita ndiko kutanga muitiro wokunyengetera kuna Mwari nokurava Shoko rake, Bhaibheri.—Pisarema 63.6.
Kana mamiriro ako ezvinhu achibvumidza, kushanda kwakafanira kunogonawo kukubetsera kunzwa zviri nani. Nokuda kweichi chikonzero nzvimbo dzokurapirwa kazhinji kazhinji dzine zvirongwa zvokurapa nokurovedza miviri nokuda kwavarwere vaduku. Muzviitiko zvakawanda kurovedza kwakafanira hakubetseri bedzi kupora kwomuviri asiwo kunokubetserawo kuramba uchifara.
Usarega!
Mukutarisana nokutambura kukuru, Jesu akanyengetera kuna Mwari, akavimba Naye, uye akanangidzira ngwariro panguva yake amene yemberi inofadza panzvimbo pamarwadzo. (VaHebheru 12:2) Akadzidza muzvakaitika zvake zvakaoma. (VaHebheru 4:15, 16; 5:7-9) Akagamuchira betsero nekurudziro. (Ruka 22:43) Akanangidzira ngwariro pagarikano yavamwe panzvimbo penhamo yake amene.—Ruka 23:39-43; Johane 19:26, 27.
Kunyange zvazvo ungave uchirwara zvikuru, iwewo ungabatira sekurudziro kuvamwe. Nokuda kwomushumo wechikoro, mukoma waAshley, Abigail, akanyora kuti: “Munhu wandinoyemura zvikurusa munin’ina wangu. Kunyange zvazvo iye achifanira kuenda kuchipatara ndokuiswa mushonga nomutsinga nokubayiwa majekiseni akawanda, anongobuda achinyemwerera!”c
Jason haana kurega vavariro dzake, akangodziti gadziridzei chete. Zvino vavariro yake ndeyokubatira kune kushayikwa kukuru kwavaparidzi voUmambo hwaMwari. Somuchiitiko chaJason, iwe ungasakwanisa kuita zvose zvaunoshuva. Chinhu chinokosha ndiko kudzidza kurarama maererano neganhuriro dzako umene, uchiva asinganyanyozvidziviriri kana kuti asingangwariri. Vimba naJehovha kuti akupe uchenjeri nesimba kuti uite zvakanakisisa zvaunogona. (2 VaKorinte 4:16; Jakobho 1:5) Uye yeuka, nguva ichasvika apo pasi rino richava paradhiso, umo musi“na ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Hungu, rimwe zuva uchava akagwinya zvakare!
[Mashoko Omuzasi]
b Ona Nharireyomurindi, yaOctober 1, 1991, peji 15; March 1, 1990, mapeji 3-9; uye Mukai! yechiNgezi, October 22, 1987, mapeji 2-16; November 8, 1987, mapeji 12-16.
c Onawo Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rakaburitswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., mapeji 116-27.
[Mufananidzo uri papeji 19]
Mukoma Abigail anoyemura ushingi hwaAshley