“Ndakachengeta Kutenda”
YAKATAURWA NESHAMWARI DZABRUNELLA INCONDITI
“CHITANHATU rakanga riri zuva rainonoka zvikuru uye rine ukata. Ndakanga ndiri ndoga zvangu mukamuri, ndichinzwa ndisina tariro. Kwaiita sokunge kufamba mumukoto. Chinhu chiri chose chakanga chakanaka, uye kamwe kamwe, mumwe munhu akarovera suo muchiso changu chaimo, uye pakanga pasina nzira yokubuda nayo, pasinei hapo nokuti ndakaedza zvakaoma sei.”
Kuora mwoyo kukuru kwakasuruvarisa Brunella Inconditi ane makore 15 okukura. Zuva rinokosha zvikurusa muupenyu hwake huduku rakanga richipfuura. Pamberi pezvi gore iroro kuda kwake Jehovha kunokura neBhaibheri kwakanga kwamusunda kutsaurira upenyu hwake kwaari. Muna July 1990 aifanira kubhapatidzwa pa“Mutauro Wakachena” Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha muMontreal, Canada. Panzvimbo pezvo, Brunella akanga odokutarisana nomuedzo wokutenda kwake uyo waizopfuurira kwoupenyu hwake hwasara.
Mazuva maviri asati akarira kuratidzira tsauriro yake kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura, Brunella akaziva kuti aiva neleukemia. Vanachiremba vapachipatara chavana chomunzvimbomo vaida kuvamba kurapa nokukurumidza, naizvozvo Brunella akaramba ari muchipatara.
Mashoko Ake Amene Anoorora Vanachiremba
Brunella aiziva kuti ropa rinoyera kuna Jehovha Mwari. (Revhitiko 17:11) Vabereki vake, Edmondo naNicoletta, vakanga varaira kuti hapana kuisira ropa kwaifanira kushandiswa mukurapwa kwomwanasikana wavo. “Brunella aida kuti vanachiremba vakunzwewo kwaari, kunyange zvazvo akanga ari muduku,” vanoyeuka kudaro baba vake. “Akavaudza zvakasimba kuti aisada kurapa kungaputsa murairo weBhaibheri wo‘kurega ropa.’”—Mabasa 15:20.
Pana July 10, 1990, vanachiremba vatatu nomushandi womuchaunga vakasangana navabereki vaBrunella uye vashumiri vaviri vakabva kuungano yomunzvimbomo yeZvapupu zvaJehovha. Nzvero dzakasimbisa kuti Brunella akanga ane lymphoblastic leukemia yakakomba. Vanachiremba vakatsanangura gadziriro yavo yokurwisa hosha yacho. Vakarondedzera nokungwarira pakutaura kuti yakanga yakaoma zvikuru kurapa. “Mufambiro waBrunella nokutsunga kuteerera Mwari zvakanga zvasiririsa vanachiremba nomushandi womuchaunga. Vakaororwa norudo rwavabereki vake uye netsigiro yeshamwari dzomuungano yechiKristu. Vakaongawo nzira yatainzwisisa nokuremekedza nayo nzvimbo yavo,” anoyeuka kudaro mumwe wavakuru veungano.
Vanachiremba vairangarira kudzivisa kuisira ropa. Brunella aizorapwa zvakakomba namakemikoro, asi kwaizodenha zvishomanene kupfuura nguva dzose. Ikoku kwaizoderedza kuvadziko kumasero ake eropa inoparirwa nokurapa. “Vanachiremba vakarangarira zvinodikanwa zvokunyama, zvemirangariro, uye zvomudzimu zvaBrunella,” anotsanangura kudaro Nicoletta. “Apo takavakumbira kubvunza nyanzvi ine ruzivo rwokuzviwanira mukurapwa kusina ropa kweleukemia youduku, vakabvuma.” Brunella navashandi vapachipatara vakaumba chisungo choushamwari chechidakadaka.
Nharidzano Dzomudzimu
Kunyange zvazvo kurapa kwokutanga kwakabudisa miuyo yakanaka, muedzo waBrunella wakanga uchingovamba. Pakasvika November 1990 hosha yake yakanga yaderera, naizvozvo pasina kunonoka akabhapatidzwa. Achirangarira pamusoro pemwedzi mishomanene yakapfuura, Brunella akabvuma, kuti: “Kwakanga kusitongori nyore. Unoda simba rakawanda, uye unofanira kufunga zvakanaka. . . . Kutenda kwangu kwakaedzwa, asi ndakaramba ndakatsiga, uye ndichiri kuronga kuva nebasa sapiyona wenguva dzose [mushumiri wenguva yakazara].”
Pakuvamba muna 1991, Brunella akatambura hosha imwe cheteyo. Akadokufa achirapwa namakemikoro, asi kushamisiko nomufaro zvomunhu ari wose, akanaya. Pakasvika August akanga asimba zvakakwana zvokupedzera mwedzi wacho muushumiri hwapachena sapiyona webetsero. Chirwere chake chakaipa zvikuru zvakare, uye pakasvika November 1991 muviri wake wakatapurwa munzvimbo dzinoverengeka nekenza. Rimwe boka ravanachiremba pachimwe chipatara rakavamba kumurapa nokupisa.
Kunyange mumigariro yakaoma yakadaro, Brunella akaramba akatsiga uye akazvigadzira amene nharidzano dzomudzimu. Pakutanga kuziva pamusoro peleukemia, akaudzwa kuti angararama mwedzi mitanhatu bedzi. Zvino, rinodokuva gore nehafu gare gare, Brunella akanga achiri kuita gadziriro dzenguva yemberi. “Haana kupambadza nguva mukushanda akananga nharidzano dzake,” akatsinhira kudaro mumwe mukuru weungano. “Kutenda kwaBrunella muParadhiso yaMwari yakapikirwa kwakamutsigira mumuedzo wake wose. Akakura kusvika kuukuru hwechiKristu kunyange zvazvo aiva muduku mumakore. Mufambiro wake nechimiro chake chendangariro zvakanyandura ungano uye zvakawana mwoyo yaavo vaimuziva, kubatanidza vashandi vapachipatara.” Mai vake vanoyeuka, kuti: “Aisatongonyunyuta. Apo mumwe munhu aibvunza kuti ainzwa sei, aipindura achiti, ‘Ndakasimba’ kana kuti, ‘Ndiri nani, uye zvakadini nemi?’”
Nguva Yemberi Yakachengeteka
Brunella akaronga kupinda “Vatakuri Vechiedza” Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha muna July 1992. Pakasvika nguva yekokorodzano, zvisinei, Brunella akanga apinzwa muchipatara, uye upenyu hwake hwakanga hwava kupera. Kunyanguvezvo, akapinda kokorodzano yacho ari muwheelchair, achidisa kuona chinoitika chaKuita Chiri Chakanaka Mumeso aJehovha.
Akadzokera kumusha kumhuri yake kwamazuva mashomanene okupedzisira oupenyu hwake. “Kusvikira pamugumo, aiitira hanya vamwe zvikuru kupfuura iye amene,” anodaro Nicoletta. “Aivakurudzira kufunda Bhaibheri, achivaudza kuti, ‘Tichava pamwe chete muParadhiso.’”
Brunella akafa pana July 27, 1992, akatsiga mutariro yake yorumuko kuupenyu muParadhiso pasi pano. Akanga angovamba bedzi kuronda nharidzano dzake, asi akaronga kupfuudzira nzira yake yakatsaurirwa pashure porumuko rwake. Mazuva mashomanene bedzi asati afa, Brunella akanyora tsamba inotevera, iyo yakaraviwa pahurukuro yokurangarira rufu rwake.
“Shamwari Dzinodiwa:
“Ndinokutendai nokuda kwokuuya. Kuvapo kwenyu kunoreva zvakawanda kumhuri yangu.
“Kuvanhu vakanga vari pedyo neni—takava nezvinoitika zvakawanda. Takava nenguva dzakaipa dzakawanda, asi kwakanga kunewo nguva dzinofadza. Kwakanga kuri kurwa kwakaoma uye kurefu, asi handinzwi kuti ndakundikana. Sezvinotaura Magwaro, ‘ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nzira yangu, ndakachengeta kutenda.’—2 Timotio 4:7.
“Ndakadzidzawo zvakawanda, uye ndakakura zvikuru, uye shamwari dzangu naavo vakanga vakandipoteredza vakaona chinjo yacho. Ndinoda kutenda vanhu ivavo vose vakandipa tsigiro yavo.
“Imi munodavira tsika itsva naJehovha munoziva kuti kuchava norumuko, sokutaura kunoita Johane 5:28, 29. Naizvozvo rambai makasimba muzvokwadi, uye tichakwanisa kuonana zvakare.
“Ndinoda kutenda vanhu vaye vanoziva zvandakava nazvo. Ndinopa mumwe nomumwe wenyu kumbundira kurefu nokutsvoda. Ndinokudai mose.”
Brunella haana kurega upwere hwake kana kuti kurwara kwake zvichisundira mberi tsauriro yake kuna Mwari. Muenzaniso wake wokutenda nokutsunga unokurudzira vaduku navakuru zvakafanana kubvisa chinhu chipi nechipi chingavadzivisa kumhanya nhangemutange youpenyu.—VaHebheru 12:1.