RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 8/8 pp. 20-22
  • Nei Iri Mhaka Yangu Nguva Dzose?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Iri Mhaka Yangu Nguva Dzose?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Vabereki Vachiwanira Mhaka
  • Mhuri Dzinotambudzwa
  • Kubata Nokupomerwa Mhaka Kusina Ruramisiro
  • Ndinogona Sei Kumisa Kupomerwa Mhaka Nguva Dzose?
    Mukai!—1997
  • Vabereki, Dzidzisai Vana Venyu Norudo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Ndinofanira Kuitei Kana Vabereki Vangu Vachipopotedzana?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Vabereki Vari Voga, Zvinetso Zvakawanda
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 8/8 pp. 20-22

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Iri Mhaka Yangu Nguva Dzose?

“Baba vangu vanorwadzwa nezvinhu zvisingawirirani nomuviri wavo uye vanofanira kushanda navanhu vanosvuta. Apo vanouya kumba, dzimwe nguva vanenge vakagumbuka zvikuru. Vachashaya zvinhu uye vanondipomera mhaka nokuda kwazvo. Apo ndinovaudza kuti ndivo vakachirasa, vanondipengera uye vanondiudza kuti ndaisafanira kuve ndavaruramisa.”—Musikana wechiduku.

UNORANGARIRA pane dzimwe nguva kuti ndiwe mupomerwi wemhaka dzose wemhuri here? Kunoratidzika sokuti pasinei zvapo nokuti chii chinova chisina kururama, ndiwe unopomerwa mhaka here? Kunoratidzika kuva kwakadaro kuna Joy wamakore 14 okukura. Anogara mumhuri ine mubereki mumwe uye kazhinji kazhinji anotarisira hanzvadzi yake duku nomunin’ina. “Ndinenge ndiri muuriri hwapasi apo vanotanga kurwa,” anonyunyuta kudaro Joy. “Vari kuita noufuza uye nouhwana, asi apo Baba vanouya kumba, vanondipopotera vachidaidzira nemhaka yokuti ndanga ndisipo kuti ndizvidzivise.”

Kana vabereki vako vachikudaidza kuti akajaidzwa, nyope, kana kuti asina kuvimbika kana kuti kushandisa mamwe mazita anoita sokunge kuti zvikanganiso zvako hazviruramisiki, pane dzimwe nguva kungatoratidzika sokuti vanokarira kuti ukundikane. Mhuri yaRamon yakamunemera kuti purofesa anovarairwa—zita ramadunhurirwa raaivenga zvikuru. Iwe nenzira yakafanana ungavenga zita ramadunhurirwa kana kuti chiratidzo chinobudisa pachena zvikanganiso zvako, kunyange kana rikataurwa nechidakadaka. Panzvimbo pokukusunda kuti uvandudze, iri zita rakashata ringasimbisa bedzi murangariro wokuti nguva dzose ndiwe une mhaka.

Kupomerwa kunogona kuva kunorwadza zvikurukuru apo kunoratidzika sokunge kuti mugumisiro worusaruro. “Ndiri mwana wapakati,” anodaro wechiduku anonzi Frankie, “uye ndini nguva dzose ndinoipirwa zvikurusa nenhau.” Kungaratidzika sokuti vakoma navanin’ina vako nguva dzose havana mhaka asi kuti iwe unonzi une mhaka pachiratidzo chokutanga chechinetso.

Nei Vabereki Vachiwanira Mhaka

Chokwadika, ndokwemuzvarirwo kuti vabereki varuramise vana vavo apo vanokanganisa. Chikonzero chacho, kugovera ruramiso inobetsera, yakanaka ndeimwe yenzira idzo vabereki vanotya Mwari vanorera nadzo vana vavo “pakuranga nokurayira kwaShe.” (VaEfeso 6:4) Pane dzimwe nguva, kunyange zvazvo zvakadaro, kunyange vabereki vakanakisisa vanogona kunyanyisa kana kuti kunyange kukurumidza kusvika kumhedziso dzisina kururama. Yeuka chiitiko chakaitika apo Jesu akanga ari muduku. Panhambo iyi Jesu akanga ashayikwa. Zvakaitika kuti Jesu akanga ari mutemberi yaMwari, achiva nekurukurirano dzeBhaibheri. Kunyange zvaive zvakadaro, apo vabereki vake vakamuwana, mai vake vakabvunza kuti: “Mwana watiitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takakutsvaka tichichema.”—Ruka 2:48.

Sezvo Jesu akanga akakwana, pakanga pasina chikonzero chokutya kuti angapinda mumuitiro wokusindimara. Asi savabereki vose vane rudo, mai vake vakanzwa vaine mutoro nokuda kwomwana wavo uye vakaita neshungu, zvichida vachitya kuti fariro dzake dzakanakisisa dzakanga dzotyisidzirwa. Nenzira yakafanana, vabereki vako vanganyanyisa pane dzimwe nguva, kwete nemhaka yokuti vari kuedza kuva vanonetsa kana kuti vane utsinye, asi nemhaka bedzi yokuti vanokuitira hanya chaizvoizvo.

Zivawo, kuti, tiri kurarama mu“nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Vachishanda nokutarisira musha wenyu, vabereki vako vari pasi pedzvinyiriro yakati, uye ikoku kunogona kutapura mabatire avanokuita. (Enzanisa naMuparidzi 7:7.) Mumwe mushandi wezvoutano hwendangariro akacherechedza kuti: “Mune dzimwe mhuri, kana paine chinotambudza chiri kuitika, vabereki vanogona kushatirwa uye ndokuita zvisarudzo zvechimbichimbi kunyange zvazvo pane dzimwe nguva dzose vari vanhu vanoruramisira.”

Vabereki vanorera vari voga vangava vakarerekera zvikurukuru kukupedzera kangaidziko dzavo pavana vavo, nemhaka bedzi yokuti havana mukwanyina wokukurukura naye zvinhu. Sezvinobvumwa, kugamuchira dzvinyiriro nemhaka yekangaidziko yomunhu oga yomubereki hakufadzi. Lucy ane makore 17 okukura anoti: “Kana ini ndikaita chimwe chinhu uye kana ndichikodzera kurangwa, ikoku kwakarurama. Asi kana ini ndikarangwa nemhaka yokuti twaamai vangu twakakwidza, ikoku hakusi chaizvoizvo kururamisira.”

Kuda mumwe mwana kupfuura mumwe ndechimwe chikonzero. Kunyange zvazvo mubereki kazhinji kazhinji achida vana vake vose, hakusati kuri kusingazivikanwi kuti akweverwe kune mumwe mwana.a (Enzanisa naGenesi 37:3.) Kurangarira kuti ndiwe mwana anodiwa zvishoma iko pachako kunorwadza. Asi kana kuchiratidzika sokuti zvinodikanwa zvako zviri kufuratirwa kana kuti kazhinji kazhinji unopomerwa mhaka yezvinhu zvaitwa navakoma kana kuti vanin’ina vako, ruvengo rwune chokwadi chokuvapo. “Ndine uyu munin’ina, Darren,” anodaro Roxanne muduku. “Iye ingirozi duku yaAmai. Vanopomera ini mhaka nguva dzose, kwete zvachose Darren.”

Mhuri Dzinotambudzwa

Mumhuri dzinofara kupomera kusina ruramiso kungaitika panhambo nenhambo. Asi mumhuri dzinotambudzwa mungava nomuitiro unopfuurira wavabereki vanopomera, nyadzisa, uye vanoninipisa. Pane dzimwe nguva kupomera kunotoperekedzwa ne“shungu dzose, nehasha, nokupopota, nokutuka.”—VaEfeso 4:31.

Pwere inogona kupomerwa mhaka nokuda kwokunyanduka kwakadaro kwomubereki here? Ichokwadi kuti mwanakomana kana mwanasikana asingateereri anogona ku“chemedza” mubereki. (Zvirevo 17:25) Zvisinei, kuvabereki uko Bhaibheri rinoti: “Musatsamwisa [chaizvoizvo, “kunyandurira kuhasha”] vana venyu.” (VaEfeso 6:4) SavaKristu vose, mubereki anofanira kuratidzira kuzvidzora, “achitsungirira pakuitirwa zvakaipa.” (2 Timotio 2:24) Nokudaro apo mubereki anorasikirwa nokuzvidzora, haagoni kuti kunosakiswa nezvikanganiso zvomwana wake.

Hondo dzamashoko dzingava ufakazi hwokuti mubereki ari kutambura dzvinyiriro yemirangariro, kuora mwoyo, kana kuti anozvirangarira saasina ukoshi. Kungaratidzirawo zvinetso zvakadai sedzvinyiriro dzeroorano kana kuti udhakwa. Mukuwirirana namamwe manyuko, vana vavabereki vakapindwa muropa nemirimo kazhinji kazhinji vanova vapomerwi vemhaka. “Hapana chavanoita chakarurama. Vangadaidzwa kuti ‘benzi,’ ‘rombe,’ ‘ane udyire,’ nezvimwewo. Mitezo yemhuri ipapo inoisa ngwariro pamwana iyeyo (kana kuti vana) se‘chinetso’ chazivikanwa uye kunoita kuti vasaone mirangariro yavo vamene isingafadzi nezvinetso.”

Kubata Nokupomerwa Mhaka Kusina Ruramisiro

Dr. Kathleen McCoy anocherechedza kuti: “Kunemera, kuninipisa uye kutsoropodza hunhu [hwo]mwana . . . kunogona kuva chisakiso chokurasikirwa nokuzviremekedza, kuora mwoyo nokuva asingakurukuri kwowechiduku.” Kana kuti seizvo Bhaibheri pacharo rinotaura, kubata nehasha kunogona kuva ‘kunetsa’ vana uye kunovaparira kuva vaka“ora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Ungavamba kuzvifunga seakakundikana asina ukoshi. Ungakudziridzawo mirangariro yakaipa kuvabereki vako. Ungagumisa kuti kune zvishoma zvaunogona kuita kuti uvafadze uye kuti hapana chikonzero chokuedza. Hasha noruvengo zvinogona kuvapo, zvichikuparira kuramba chirango chipi nechipi—kunyange kutsoropodza kunovaka.—Enzanisa naZvirevo 5:12.

Unogona sei kugonana? Zvizhinji zvichatsamira pamamiriro ako chaiwo ezvinhu. Wadii kumira ndokudzeya kuti uone zvinhu nenzira chaiyoiyo? Somuenzaniso, ichokwadi chaichoicho kuti ndiwe unopomerwa mhaka nguva dzose here? Kana kuti kungava here kuti vabereki vako vanorerekera kukuti ivei vanonyanyotsoropodza bedzi pane dzimwe nguva uye vanotaura zvisiri izvo here? “Tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji,” rinodaro Bhaibheri, uye ikoku kunobatanidza vabereki. (Jakobho 3:2) Naizvozvo kunyange vabereki vako vachiti nyanyisei panhambo nenhambo, iwe unofanira kunyanyisawo here? Zano reBhaibheri riri pana VaKorose 3:13 ringashanda zvakanaka sezvarinoti: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe; Ishe sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemiwo.”

Kuzviisa munzvimbo yavabereki vako kunogona kukubetsera kuita izvozvi. Zvirevo 19:11 inoti: “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake; kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.” Kana baba vako vachiratidzika kuva vakagumbuka apo vanouya kumba vachibva kubasa uye vanokupomera chimwe chinhu chausina kuita, pane dikanwo yokuti uiite nhau huru here? Kunzwisisa kuti zvichida vakagumbuka kana kuti vaneta ndiko bedzi kunodikanwa kukubetsera ‘kukanganwira kudarika kwavo.’

Zvakadini, kunyange zvazvo zvakadaro, kana kupomerwa kusina ruramisiro kusiri bedzi kushatirisana kwapane dzimwe nhambo asi kuri kwenguva dzose uye kusingadzoreki? Nyaya inotevera ichakurukura mitoo yokuvandudza nayo mamiriro ako ezvinhu.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Neiko Mukoma Wangu Nehanzvadzi Vakaoma Zvikuru Kugarisana Navo?” iri muchinyorwa chedu chechiNgezi chaJuly 22, 1987.

[Mufananidzo uri papeji 21]

Hakusi kusaruramisira kuti mubereki agovere zano rinogadzirisa apo rinodikanwa

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe