Vabereki Vari Voga, Zvinetso Zvakawanda
“Ndinonetseka zvikuru. Ndinopedza usiku hwakawanda muchimbudzi ndichichema. Zvakandiomera chaizvo.”—JANET, AMAI VASINA MURUME VANE VANA VATATU.
ZVINHU zvinoita kuti mubereki ave oga zvakawanda. Dzimwe mhuri dzinosiyiwa dziine mubereki mumwe zvakonzerwa nehondo, zvinhu zvakadai sokudengenyeka kwepasi, kana chirwere.
Vabereki vevamwe vana vanosarudza kuti vasaroorana. Somuenzaniso, muSweden vana vanoda kusvika hafu vanoberekwa nevanhu vasina kuroorana. Kurambana kunoitawo kuti pave nedzimba dzine mubereki ari oga. Kutsvakurudza ruzivo kunoratidza kuti vana vokuAmerica vanodarika zvikamu 50 kubva muzana vachararama mudzimba dzine mubereki ari oga pane imwe nguva muuduku hwavo.
Kunzwisisa Zvinetso Zvacho
Vanaamai vachangobva kuva chirikadzi vane mutoro chaiwo wokutakura. Vanofanira kutarisira imba yavo panguva imwe vachichema murume wavo afa. Kujaira kwavo basa iri kunogona kutora mwedzi yakawanda, kunyange makore, sezvavanoedza kurarama vari muzvinetso zvemari uye kutakura mutoro wokunyaradza vana vavo. Chirikadzi ingazviwana zvakaoma kuti itange kuita mimwe mitoro iyi inenge yawedzera. Izvi zvinogona kusiya mwana asina anorayira zvakakwana panguva yaanenge achida zvikuru kutarisirwa nokunyaradzwa.
Vanaamai vasina kuroorana nababa vomwana wavo kakawanda vanenge vari vaduku uye vasina ruzivo rwoupenyu. Vanogona kunge vasina kuwana mukana wokupedza chikoro. Vane mukana wakakura wokuva varombo uye vanopinda basa risingabhadhari nokuti vanenge vasina unyanzvi hwebasa. Pasina kubatsirwa nehama, dzakadai sevabereki vavo, vanenge vanewo mumwe mutoro wokuona kuti pavanenge vasipo mwana wavo atarisirwa. Amai vacho vasina kuroorwa vanogona kunge vachitambura mupfungwa, zvakadai sokunzwa kunyara uye kusurukirwa. Vamwe vangatya kuti kuvapo kwomwana kunodzima mukana wose wokuzowana wokuroorana naye akakodzera. Vana vari mudzimba dzakadaro pavanokura, ivowo vanogona kunetseka nemibvunzo isina anopindura yekwavakabva uye nechido chokuzivikanwa nomubereki asipo.
Saizvozvowo, vabereki vari kurambana vanotambura zvikuru mupfungwa. Vamwe vabereki vanotsamwa zvikuru nokurambana kwacho. Kuzviona sevanhu vasina basa uye kunzwa sevasingadiwi kunogona kutadzisa vamwe vabereki kuwana nguva yokunyaradza vana vavo. Vanaamai vangada kupinda mabasa kokutanga vanganetseka nokurarama nomutoro wokutarisira imba. Vanganzwa kuti havana nguva kana simba rokurera vana, avowo pachavo vanenge vachitofanira kuedza kukurira kuchinja kwapakarepo kunovapo nokurambana kwevabereki vavo.
Zvinetso Zvinowanikwa Nevabereki Vakarambana
Vabereki vari voga vanoona kuti zvinodiwa nomwana wavo mumwe nomumwe zvakasiyana uye zvinongochinja-chinja. Kana vari vabereki vari voga nemhaka yokuti vakarambana, zvinogona kunetsa chaizvo kuti vawane mukana wokudzidzisa vana vavo zvokunamata.
Somuenzaniso, vamwe vabereki vari Zvapupu zvaJehovha vakarambana nevarume kana navadzimai vavo vangasava ivo vakanzi vachengete vana vavo nedare. Vakatsvaka kuti vavashanyire panguva yavangagona kupinda musangano wechiKristu. Urongwa uhwu hwokuti mwana ashanye hunogona kuita kuti mwana asangane neungano yechiKristu nguva nenguva, zvinova zvinobatsira zvikuru vana vane vabereki vakarambana.
Vabereki vakarambana vane mikana mishoma yokuonana nevana vavo vanofanira kutsvaka nzira dzokuva nechokwadi chokusimbisira vana vavo kuti vanovada. Kuti abudirire, mubereki anofanira kuziva uye kunzwisisa kuchinja kunoita zvinhu zvinodiwa nomwana. Izvi zvinonyanya kuitika apo mwana anotanga kuyaruka uye paanowedzera kufarira mitambo neshamwari.
Mubereki anobudirira anonzwisisawo zvinogonekwa nomwana, unhu hwake, uye mafungiro ake. (Genesi 33:13) Mubereki nomwana vanotandara pamwe chete vachikurukurirana uye vaine ushamwari hwapedyo. Hapana anenge achizeza kukurukura nomumwe. Mwana anenge achiziva zviri kuitika muupenyu hwomubereki uye mubereki anenge achiziva zviri kuitika muupenyu hwomwana.
Kunzwisisa Kunodiwa
Kana vabereki varambana, vana vanobatsirwa nokuramba vachiona vabereki vose. Tomboti vabereki vacho vane zvitendero zvakasiyana; mumwe wacho mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye mumwe haasi. Kukurukura nguva dzose pasina kuvanzirana kunobatsira kudzivisa makakatanwa asina nebasa rose. “Ivai nomukurumbira wokuva vanhu vanonzwisisa,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaFiripi 4:5, Phillips) Vana vanofanira kudzidziswa kuremekedza kodzero yevabereki vose yokuita zvinhu zvechitendero chavo.
Mubereki asiri Chapupu angaomerera pakuti mwana apinde minamato kuchechi kwake. Mubereki ari mumwe weZvapupu zvaJehovha angaita sei? Angataurirawo mwana wacho zvaanodavira. Nokufamba kwenguva, mwana wacho angaita chisarudzo chake maererano nechitendero, sezvakaita Timoti muduku, uyo angave akadzidziswa chokwadi cheBhaibheri naamai naambuya vake. (2 Timoti 3:14, 15) Kana mwana wacho zvakamuomera kupinda minamato mune chimwe chitendero, zvichida angafunga nezvomunhu anotaurwa muBhaibheri Naamani, uyo pashure pokuva munamati wechokwadi akaramba achiita basa rake rokuperekedza mambo ainamata paimba yaRimoni. Nhoroondo iyi ingasimbisira mwana wacho nezvorudo rwaJehovha nokunzwisisa zvisinei nokuvapo kwake pamitambo yechitendero yaasina kujaira.—2 Madzimambo 5:17-19.
Mubereki anobudirira anokwanisa kuumba kufunga kwomwana kana vana uye kunzwisisa manzwiro avo. (Dheuteronomio 6:7) Ichokwadi kuti vabereki vasina kumboroora kana kuroorwa vanganzwa kunyara nezvoupenyu hwavaimborarama. Zvisinei, vabereki vakadaro vanoda kuyeuka kuti vana vane vabereki vaviri. Vana vanoda kuziva vabereki vose, uye vanoda kunzwa kuti vanodiwa, kwete kuti vanongova tsaona dzakangoitika. Nokutaura noruremekedzo nezvomubereki asipo uye kupa mhinduro dzinonzwisiswa nomwana wezera rake, kana kuti dzaanoda kuziva, mubereki anogona kuita kuti mwana ave nechivimbo.
Vabereki vanofanira kuyeuka kuti zvinofungwa nomwana nezvorudo, chiremera uye simba zvinoumbwa nokuwirirana kunoita mwana nomubereki wake. Nokuratidza chiremera nesimba murudo, mubereki wechiKristu anogona kuita zvakawanda kuti agadzirire mwana kuti ave noushamwari hworudo naJehovha uye kuremekedza marongerwo ezvinhu muungano.—Genesi 18:19.
Kushandira Pamwe Kwevana Kunokosha
Vana vanorarama mumhuri dzine mubereki ari oga vanofanirawo kuziva kuti kushandira pamwe kwavo kunokosha kuti mhuri ibudirire. (VaEfeso 6:1-3) Kuteerera kwavo chiremera chomubereki kunoratidza kuti vanoda mubereki wavo uye vanoremekedza kuedza kukuru kunoitwa nomubereki wacho kuti agovere mhuri yakakotsekana uye inofara. Sezvo kukurukurirana kuchiitwa nevanhu vaviri, vana vari mumhuri ine mubereki ari oga vanofanira kuyeuka kuti vanofanira kuda kutsigira kwomubereki wacho kuti mumhuri murambe muine kukurukurirana kwakanaka.—Zvirevo 1:8; 4:1-4.
Vana vakadaro kakawanda vanofanira kutarisira mitoro nokukurumidza kupfuura vaya vanorarama mudzimba dzine vabereki vose. Nokurayiridza kworudo uye kwokushivirira, vakomana nevasikana vachagona kuva nechivimbo uye vachaona kuti vanokosha sezvavanowana ruzivo rwoupenyu pazera duku. Uyewo, mamwe mabasa anogona kupiwa vana kuitira kuti vabatsire mukufamba zvakanaka kwemba.
Izvi hazvirevi kuti chinangwa chomubereki ari oga ndechokuita kuti vana vake vave vanhu vakuru vave kuzvionera ivo vari vaduku vasina basa nokutungamirirwa nevabereki. Chokwadi, hakusi kuchenjera kusiya mwana muduku ari oga kana kuti asina anorayira.
Vabereki vari voga kakawanda vanorasika pakufunga kuti vanofanira kuva tsika nditsikewo nevana vavo. Nepo kushamwaridzana kwepedyo kuchidiwa, vabereki vari voga vanofanira kugara vachiziva kuti vana vanoda mubereki uye kuti mwana haasati akura mupfungwa zvokuti ave iye wokuudza zvakavanzika. Vana vako vanoda kuti uite somubereki.
Vabereki vari voga nevana vanoshandira pamwe muushamwari hune rudo vanogona kuita kuti mhuri ibudirire. Sezvo vana vakawanda vari kuramba vachirererwa mudzimba dzine mubereki ari oga, munhu wose anofanira kuziva zvinetso chaizvo zviri kusanganwa nazvo nevabereki vari voga nevana vavo uye voda kuvakurudzira uye kutsigira norudo.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 9]
Zvinoitika Kuvana
Vabereki vari voga kakawanda vangava nenguva shoma yokuva nomwana mumwe nomumwe pane zvaizoitwa nevabereki vaviri. Dzimwe nguva mubereki ari oga anogara nomumwe asiri murume kana kuti mudzimai wake. Zvisinei, kubika mapoto hakuna kugadzikana sezvakaita vanhu vakaroorana. Vana vanorarama mumhuri dzakadaro vane mukana wakakura wokurarama nevakuru vakasiyana-siyana muupenyu hwavo.
Maererano nezvimwe zvidzidzo zvakaitwa, “paavhareji, vana vanobva mumhuri dzine mubereki ari oga vane mukana wakakura wokusava noutano hwakanaka kana zvichienzaniswa nevana vanokurira mumhuri dzine vabereki vose.” Zvisinei, kunyatsoongorora zvidzidzo zvakadaro kunoratidza kuti kushaya mari chingava “chikonzero chimwe chete chikuru chinonyanya kuita kuti pave nomusiyano muvana vanobva mumarudzi emhuri akasiyana-siyana.” Zvisinei, izvi hazvirevi kuti vana vanobva mumhuri dzine mubereki ari oga vanototi vakundikane chete. Nokutungamirirwa kwakanaka uye kurovedzwa, vanogona kukurira zvinhu zvakashata zvavanosangana nazvo.