Mashoko Ehasha, Kuora Mwoyo
“Iwe mananaire fuza!”a Mumwe mukadzi wokuJapan anonyatsoyeuka mashoko iwayo—aigaropotserwa paakanga ari mwana muduku. Nani? Vana vechikoro? Vatevedzani? Aiwa. Nevabereki vake. Anoyeuka kuti: “Ndaiwanzoora mwoyo nemhaka yokuti kunditsvinyira kwacho kwaindirwadza zvikuru.”
Mumwe murume ari muUnited States anoyeuka kuti semwana, ainzwa kutya nokufunganya pari pose apo baba vake vaiuya kumba. “Kusvika muzuva ranhasi ndichiri kugona kuyeuka zvakajeka ruzha rwematai panofamba motokari ichiuya kumba,” anoyeuka kudaro, “uye ndichiri kuyeuka kutya kwandainzwa. Hanzvadzi yangu duku yaivanda. Baba vangu vainyanyisa uye vaigara vachititukira kusaita basa zvakanaka pamabasa ose ataiita.”
Hanzvadzi yomurume uyu inowedzera kuti: “Handiyeuki mumwe wevabereki vangu achimbotimbundira, achimbotitsvoda, kana kuti achimbotaura chinhu chipi nechipi chakadai sokuti ‘ndinokuda’ kana kuti ‘ndinodada newe.’ Uye kumwana, kusatongonzwa kuti ‘ndinokuda’ kwakangoita sokunzwa kuti ‘ndinokuvenga’—zuva riri rose roupenyu hwake.”
VAMWE vangataura kuti kurwadziwa uko vanhu ava vakatambura sevana kwakanga kuri kuduku. Zvirokwazvo hazvishamisi kuti vana vataurirwe mashoko ehasha, asina mutsa nekubata kwoutsinye. Izvi handizvo zvinotaurwa mumisoro yenhau yomumapepanhau inokatyamadza nepurogiramu pfupi dzemuTV dzinopisa tsitsi. Kukuvara kwacho hakuoneki. Asi kana vabereki vakabata vana vavo zvisina kunaka nenzira dzakadaro zuva roga roga, tapuro dzacho dzingava dzinoparadza kunyange zvakadaro—uye dzinogara kwoupenyu hwose.
Rangarira kuongororwazve kwemuna1990 kwenzvero yakaitwa muna 1951 iyo yakanzvera miitiro yokurera vana yakashandiswa paboka ravana vemakore mashanu. Vanzveri vakakwanisa kuronda vazhinji vevana ava, zvino vave nezera riri pakati pemakore 40 ne60, kuti vanzwisise tapuro dzenguva refu dzokurerwa kwavo. Nzvero itsva yakagumisa kuti vana vakaguma vave nenguva yakaomesesa muupenyu, vakanga vasina rugare rwendangariro, uye vakanga vane nguva yakaoma muroorano, ushamwari, uye kunyange pabasa, vaisava vana vevabereki varombo kana kuti vevabereki vapfumi uyewo kunyange vevabereki vari kunetseka zviri pachena. Vakanga vari vana vane vevabereki vakanga vasingaswederi pedyo nevana vavo uye vasina ushwamwari uye vairatidzira chidakadaka chishomanene kana kuti kusaratidzira.
Zvakawanika izvi mufananidzo bedzi usina kunyatsojeka wechokwadi chakanyorwa anenge makore 2 000 akapfuura chokuti: “Madzibaba, regai kunetsa [tsamwisa, NW] vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.” (VaKorose 3:21) Kutukwa nokuremedzwa mupfungwa nevabereki zvirokwazvo kunotsamwisa vana uye kunogona kuvaparira kuora mwoyo somugumisiro.
Maererano nebhuku rinonzi Growing Up Sad, kwakanga kusiri kare kare apo vanachiremba vaifunga kuti kwakanga kusina chinhu chakadai sekuora mwoyo kwouhwana. Asi nguva nezvakaitika zvakabvumikisa neimwe nzira. Nhasi, vanyori vanobvuma kuti, kuora mwoyo kwouhwana kunozivikanwa uye kwakanyatsokurumbira. Pakati pezvinokuparira pane kurambwa nokubatwa zvisina kunaka nevabereki. Vanyori vacho vanotsanangura kuti: “Mune zvimwe zviitiko mubereki anogara achingotsoropodza mwana nokumunyadzisa. Mune zvimwe zviitiko panongova hapo nomukaha muukama hwemubereki nemwana: kuda mwana kwomubereki hakutongoratidzwi. . . . Mugumisiro wacho unosuruvarisa zvikurukuru kuvana vevabereki vakadaro nemhaka yokuti kumwana—kana kuti kumunhu akura, panhau iyi—rudo rwakaita sechiedza chezuva nemvura kumuti.”
Kupfurikidza norudo rwavabereki, kana rukaratidzirwa zvakajeka uye pachena, vana vanodzidza chokwadi chinokosha: Vanodiwa; vanokosha. Vazhinji vanovhiringidza murangariro uyu nechimiro chokuzvikudza, kuzvida kupfuura vamwe. Asi munyaya ino, izvozvo handizvo zviri kurehwa. Mumwe munyori anoti mubhuku rake pamusoro penhau yacho: “Nzira iyo mwana wako anozvirangarira nayo inopesvedzera rudzi rweshamwari dzaanosarudza, nzira iyo anobata nayo nevamwe, rudzi rwomunhu waanoroora, uye kuti achaita zvakawanda sei muupenyu.” Bhaibheri rinobvuma kuti zvinokosha sei kuzvirangarira nenzira yakadzikama, nokusazvikudza apo rinoronga semurayiro mukuru wechipiri: “Ida wokwako sezvaunozvida iwe.”—Mateo 22:38, 39.
Zvakaoma kufungidzira mubereki upi noupi ane pfungwa dzakakwana achida kuparadza chimwe chinhu chinokosha uye chisingatani kuparara sekuzviremekedza kwemwana. Zvino, nei zvichigaroitika? Uye zvinogona kudziviswa sei?
[Mashoko Omuzasi]
a MuchiJapanese, noroma baka!