RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 12/8 pp. 16-17
  • Zvakavanzika Zvokutsumwaira Kwemhuka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakavanzika Zvokutsumwaira Kwemhuka
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Shasha Dzokurara
  • Kurara ‘Ichibhururuka’?
  • Kurara Pasi Pemvura
  • Kuchengeta Ziso Rimwe Rakavhurika
  • Ndingaita Sei Kuti Ndiwane Nguva Yakakwana Yekurara?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Kurara—Hakunyanyi Kukosha Here Kana Kuti Kunokosha?
    Mukai!—2003
  • Kurara Kwaunofanira Kuita
    Mukai!—2004
  • Zvaungaita Kuti Ubatwe Nehope
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 12/8 pp. 16-17

Zvakavanzika Zvokutsumwaira Kwemhuka

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUKENYA

KURARA—tinopedza chinenge chikamu chimwe muzvitatu choupenyu hwedu tiri muchimiro ichocho chokuzorora. Hakusi kupambadza nguva nyangwe napaduku pose, kurara kunoratidzika kuva kunogutsa zvinodikanwa zvinokosha zvemirangariro nemuviri zvinoverengeka. Kurara nokudaro kunogona kurangarirwa sechipo chinokosha chinobva kuna Mwari.—Enzanisa nePisarema 127:2.

Hazvishamisi, kurara kunoitawo basa guru mumhuka. Zvirokwazvo, marudzi mazhinji anokwanisa kurara munzira dzinoshamisa, pane dzimwe nguva dzinosetsa, uye kazhinji kazhinji dzisiri dzenguva dzose. Ngatirangarirei mienzaniso mishomanene.

Shasha Dzokurara

Munhu upi noupi ati amboona shumba yakarara nemanhede makumbo akarinzwa mudenga masikati makuru anopisa omuAfrica angagumisa zvakanaka kuti iyi mhando yekiti inotyisa inyoro sekiti yapamba. Zvitarisiko zvinonyengera, zvisinei. Munyori wemuzana remakore rechi17 Thomas Campion akanyora kuti: “Ndiani angada kushatirisa shumba yakarara?” Hongu, kunyange shumba yakasimba inoda kurara—anenge maawa 20 pazuva—kuitira kuti iite mararamire ayo sechikara.

Rangarirawo, tuatara, mhuka yakaita sedzvinyu ine usimbe inowanwa muNew Zealand. Inopedza inenge hafu yegore yakavanda zvishoma. Chokwadi, tuatara ine usimbe kwazvo zvokuti inotorara ichitsenga zvokudya zvayo! Asi kurara kwose ikoko sezviri pachena kunoiitira zvakanaka zvakati, nemhaka yokuti masaindisiti anofungidzira kuti dzimwe tuatara dzinogona kurarama kwemakore anenge 100!

Kufanana nengano yemunhu akarara kwemakore 20 yeRip Van Winkle, zvimwe zvisikwa zvinorarawo kwenhambo refu dzenguva. Ndiyo nzira iyo zhinjisa dzadzo dzinopukunyuka nayo mwaka yechando inotonhora. Mukugadzirira, mhuka inoita mafuta akawanda achaichengeta ine chokudya mukati menhambo yayo refu yokurara. Chii, zvisinei, chinodzivisa mhuka dzinotsumwaira kuoma nechando? Seizvo bhuku rinonzi Inside the Animal World rinotsanangura, uropi hunoparira kuchinja kwemakemikari muropa remhuka yacho, kuchiparira kusaoma nechando kwomuzvarirwo. Sezvo kupisa kwemuviri kwemhuka yacho kunodzikira kupfuura zvishomanene panoomesa chando, kurova kwemwoyo wayo kunodzikira kusvika kuchidimbu chokurova kwawo kwenguva dzose; kufema kwayo kunoderera. Hope huru ipapo dzinovamba, uye dzinogona kutora vhiki zhinji.

Kurara ‘Ichibhururuka’?

Dzimwe mhuka dzinorara nenzira dzisiri dzenguva dzose zvikuru. Rangarira shiri yomugungwa inonzi sooty tern. Apo sooty tern duku inobuda mudendere rayo, inoenda kugungwa uye inoramba ichibhururuka kwemakore mashoma anotevera! Sezvo isina minhenga isinganyorovi uye isina makumbo akaita seedhadha seayo edzimwe tern dzinogona kumhara mumvura, sooty tern inodzivisa kunyura mugungwa. Inovhima nokubata hove duku pamusoro pemvura.

Asi inorara rini? Bhuku rinonzi Water, Prey, and Game Birds of North America rinoti: “Hakuratidziki sokuti dzinorara mugungwa sezvo minhenga yadzo yaizonyorova. Mamwe masaindisiti anokarakadza kuti shiri idzi dzingarara dzichibhururuka.”

Kurara Pasi Pemvura

Hove dzinorara here? Maererano neThe World Book Encyclopedia, pakati pemhuka dzine musana “dzinokambaira bedzi, shiri, uye dzinoyamwisa dzinorara chaizvoizvo, nokuchinja mumaitiro muuropi.” Kunyange zvakadaro, hove dzinofarikanya nhambo dzokuzorora dzakaita sokurara—kunyange zvazvo zhinjisa dzisingagoni kuvhara maziso adzo.

Dzimwe hove dzinorara norutivi rwadzo; dzimwe, dzakaita manhede kana kuti dzakamira. Dzimwe hove dzakati sandarara, seflounder, dzinogara pasi pengungwa dzakasvinura. Apo dzinenge dzakarara, dzinoita sedziri kuyangarara mainji mashomanene kubva pasi.

Hove inonzi parrot yakaisvonaka ine muitiro wainoita isati yarara wakasiyana: Inopfeka “nguo yokurara nayo.” Sezvo nguva yayo yokuzorora inoswedera pedyo, inobudisa madzihwa, kana kuti rute, runofukidza muviri wayo chose chose. Nechinangwa chei? “Sezvinofungidzirwa kudzivisa mhuka dzinoidya kuti dzi[saione],” anodaro munyori wezvemuzvarirwo Doug Stewart. Inobuda munguo yayo yerute apo inomuka.

Seal nenzira yakafanana dzine muitiro unofadza wadzinoita dzisati dzarara unonzi kuvhuta. Dzinozadza makurokuro adzo nemweya sebharumu, dzichiita rudzi rwakati rwebhachi rokuponesa upenyu romuzvarirwo. Dzakayangarara nenzira iyi, dzinogona kurara sezvadzinoyangarara dzakamira mumvura mhino dzadzo dzakabudiswa kunze nokuda kwokufema.

Kuchengeta Ziso Rimwe Rakavhurika

Chokwadika, kurara musango kunoita kuti mhuka igone kudyiwa zvikuru nezvikara. Zvisikwa zvizhinji nokudaro zvinorara rimwe ziso rakavhurika, sokunge zvakadaro. Uropi hwadzo hunoramba hwakamuka kusvika pamwero wakati padzinenge dzakarara, zvichidzibvumira kuita chimwe chinhu nemhaka yeruzha rupi norupi runoreva kuti kune ngozi. Bva zvimwe zvisikwa zvinopukunyuka kupfurikidza nokuramba zvichimuka zvichitarira. Somuenzaniso, shiri dzinorara dziri boka dzinopota dzichivhura ziso ndokutarira, dzichinzvera kana pane ngozi.

Matanga emharapara kana kuti mbizi muAfrica nenzira yakafanana dzinoritarisirana munguva dzokuzorora. Pane dzimwe nguva danga rose richarara pasi dzakamisa misoro yadzo kuratidza kumuka. Panhambo nenhambo, imwe mhuka ichashanduka ndokurara norumwe rutivi yakati rukutu pasi muhope huru. Pashure pemaminiti mashomanene, imwe nhengo yedanga racho inoita jana rayo.

Nzou nenzira yakafanana dzinorara sedanga. Huru dzacho, zvisinei, kazhinji kazhinji dzinoramba dzimire ndokurara zvishoma, dzichivhura maziso adzo panhambo nenhambo, dzichisimudza nokutambanudza nzeve dzadzo huru kuti dzinzwe ruzha rupi norupi rwengozi. Dzichidzivirirwa nevarindi vakuru ava, mhuru duku dzakasununguka kutambarara norutivi rwadzo ndokurara zvikuru. Mubhuku rake Elephant Memories, munyori Cynthia Moss anoyeuka achiona danga rose richienda kunorara: “Kutanga mhuru duku, tevere huru dzacho, uye pakupedzisira hadzi huru dzose dzakazvambarara pasi ndokurara. Muchiedza chomwedzi dzairatidzika sematombo makuru mapfumbu, asi ngonono dzadzo dzinonzwika, dzorugare dzaipesana nechiono chacho.”

Tichine zvakawanda zvokudzidza pamusoro pemiitiro yokurara yemhuka. Asi apo unorangarira zvishomanene zvikuru zvatinoziva, hausundwi here kuti ufungisise uchenjeri hunoshamisa hwoUyo aka“sika zvinhu zvose”?—Zvakazarurwa 4:11.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe