Nzira Nhanhatu Dzokudzivirira Nadzo Utano Hwako
YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUNIGERIA
MAERERANO neWorld Health Organization (WHO), inenge 25 muzana yevanhu vanogara munyika ichiri kusimukira havagoni kuwana mvura yakachena. Vanopfuura 66 muzana—vanhu vanenge mabhiriyoni 2,5—havarasirwi tsvina zvakakwana. Migumisiro nokuda kwevakawanda ihosha norufu.
Mumamiriro ezvinhu akadaro, kuva ane utsanana idenho. Bva, kana ukaita utsanana hwomunhu oga mararamiro ako, uchazvidzivirira pahosha dzakawanda. Hedzino nhanho nhanhatu dzaunogona kutora kuti uzvidzivirire nemhuri yako pamajemusi anogona kupinda mumuviri mako ndokuparira utano husina kunaka.
1. Geza maoko ako nesipo nemvura pashure pokubata tsvina uye usati wabata zvokudya.
Nzira inokosha yokudzivirira nayo chirwere ndeyokuva nechokwadi chokuti sipo nemvura zviripo nguva dzose kuitira kuti ari wose ari mumhuri yako agogona kugeza maoko ake. Sipo nemvura zvinobvisa majemusi mumaoko—majemusi ayo zvimwe angapinda muzvokudya kana kuti mumukanwa. Sezvo vana vaduku vachiwanzopinza zvigunwe zvavo mumukanwa, zvinokosha kuti vageze maoko avo nguva dzose, zvikurukuru usati wavapa zvokudya.
Zvinokosha zvikuru kugeza maoko ako nesipo pashure pokushandisa chimbudzi, usati wabata zvokudya, uye pashure pokupukuta mucheche kana kuti mwana achangobva kuita tsvina.
2. Shandisa chimbudzi.
Kudzivisa kupararira kwemajemusi, zvinokosha kurasa tsvina zvakanaka. Zvirwere zvakawanda, zvikurukuru manyoka, zvinobva mumajemusi omutsvina yevanhu. Majemusi aya anogona kupinda mumvura yokunwa kana kuti muzvokudya, mumaoko, kana kuti mumidziyo uye panoshandiswa kugadzirira zvokudya kana kuti kudyira. Apo izvozvo zvinoitika, vanhu vanogona kumedza majemusi ndokurwara.
Kubatsira kudzivisa izvi, shandisa chimbudzi. Tsvina yemhuka inofanira kuchengetwa iri kure nemisha nematsime emvura. Ungashamisika kuziva kuti tsvina yevacheche neyevana vaduku ine ngozi zvikuru kupfuura yevakuru. Naizvozvo kunyange vaduku vanofanira kudzidziswa kushandisa chimbudzi. Apo vana vanoitira tsvina kune imwe nzvimbo, tsvina yavo inofanira kukurumidza kubviswa yoiswa muchimbudzi kana kuti kufushirwa.
Zvimbudzi zvinofanira kuchengetwa zvakachena uye zvakavharwa.
3. Shandisa mvura yakachena.
Mhuri dzine mvura yakawanda yakachena, yomupombi dzinorwara zvishoma kupfuura dzisina. Avo vasina mvura yomupombi vanogona kudzivirira utano hwavo kupfurikidza nokuchengeta matsime akavharwa uye nokuchengeta mvura ine tsvina iri kure neyokunwa, yokugeza, kana kuti yokuwachisa. Zvinokoshawo kuchengeta mhuka dziri kunze kwemba uye dziri kure nemvura yokunwa.
Imwe nzira yokuzvidzivirira pahosha ndeyokuchengeta migomo, tambo, uye majagi zvinoshandiswa kucheresa nokuchengeta mvura zvakachena sezvinobvira. Zviri nani, somuenzaniso, kuturika mugomo pane kuusiya uri pauriri.
Mvura yokunwa inochengetwa mumba inofanira kuchengeterwa mumudziyo wakachena, wakavharwa. Kuchera mvura mumudziyo iwoyo kunofanira kuitwa nomukombe kana kuti komichi yakachena. Usabvumire vanhu kunyika maoko avo mumvura yokunwa kana kuti kunwira mumudziyo wokuchengetera mvura.
4. Virisa mvura yokunwa kutoti ichibva pakanaka nokuunzwa nepombi.
Mvura yakachena yokunwa kazhinji kazhinji inobva mupombi. Mvura inobva kumwe sezvingabvira zvikuru ine majemusi, kunyange zvazvo ingaratidzika kuva yakachena.
Kuvirisa mvura kunouraya majemusi. Naizvozvo apo unochera mvura mumadziva, hova, kana kuti matangi, kuchenjera kuivirisa ndokurega ichitonhora usati wainwa. Mvura yokunwa isina majemusi zvikurukuru inokosha nokuda kwevacheche nevana vaduku, sezvo vachidzivisa majemusi zvishoma pane vakuru.
Kana zvisingabviri kuvirisa mvura yokunwa, ichengetere mumudziyo wakavharwa wakaitwa nepurasitiki inoonesa zviri mukati kana kuti negirazi. Ipapo ita kuti mudziyo wacho ugare pazuva kwemazuva maviri usati washandisa mvura yacho.
5. Chengeta zvokudya zvako zvakachena.
Zvokudya zvinodyiwa zvisina kubikwa zvinofanira kucheneswa zvakanaka. Zvimwe zvokudya zvinofanira kunyatsobikwa, zvikurukuru nyama nehuku.
Zvakanakisisa kudya zvokudya nokukurumidza zvichangobva kubikwa; nenzira iyoyo hazviwani nguva yokuora. Kana uchifanira kuchengeta zvokudya kweanopfuura maawa mashanu, unofanira kuzvichengeta zvichipisa kana kuti zviri mufiriji. Usati wazvidya, unofanira kunyatsozvidziyisazve.
Nyama isina kubikwa kazhinji kazhinji ine majemusi, naizvozvo haufaniri kuirega ichiguma zvokudya zvawabika. Pashure pokugadzira nyama isina kubikwa, chenesa midziyo nepawashandira payaguma.
Pokugadzirira zvokudya nguva dzose panofanira kuchengetwa pakachena. Zvokudya zvinofanira kuvharwa ndokuchengetwa pasingasviki nhunzi, makonzo, mbeva, uye dzimwe mhuka.
6. Pisa kana kuti fushira marara omumba.
Nhunzi, idzo dzinoparadzira majemusi, dzinoda kuberekera mumarara ezvokudya. Naizvozvo marara omumba haafaniri kurasirwa pasi. Zuva nezuva, anofanira kufushirwa, kupiswa, kana kuti kuraswa neimwe nzira.
Kupfurikidza nokushandisa nhungamiro idzi, unogona kubatsira kuzvidzivirira nemhuri yako pamanyoka, cholera, typhoid, mahwemusi, chepfu yezvokudya, uye zvimwe zvirwere zvakawanda.
Kwazvakabva: Facts for Life, rakabudiswa pamwe chete neUnited Nations Children’s Fund, United Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization, uye WHO.