RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 10/8 pp. 27-29
  • Nzira Nhanhatu Dzokuchengeta Utano Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nzira Nhanhatu Dzokuchengeta Utano Hwako
  • Mukai!—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Nzira Nhanhatu Dzokudzivirira Nadzo Utano Hwako
    Mukai!—1997
  • Zvinhu 7 Zvinobatsira Pakuchengetedza Zvekudya Uye Kudya Zvine Utano
    Dzimwe Nyaya
  • Utachiona Pahuchange Husingachakuvadzi Munhu
    Mukai!—2003
  • Zvaungaita Kuti Uve Noutano
    Mukai!—2015
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 10/8 pp. 27-29

Nzira Nhanhatu Dzokuchengeta Utano Hwako

Dambudziko Riri Munyika Dzichiri Kusimukira

VANHU vakawanda nhasi vanofanira kushanda nesimba kuti varambe vakachena, kunyanya munyika dzine mvura shoma yakachena uye dzisina zvimbudzi zvakakwana. Asi, kuramba wakachena kunobatsira chaizvo. Zvinofungidzirwa kuti inopfuura hafu yezvirwere nenzufu pavana vaduku zvinokonzerwa noutachiona hunopinda mumikanwa yavo nemaoko akasviba kana zvokudya kana mvura zvine utachiona. Zvirwere zvakawanda, zvikurukuru manyoka, zvinogona kudzivirirwa nokushandisa mazano anotevera ari mubhuku rinonzi Facts for Life, bhuku reUnited Nations Children’s Fund.

1 Rasa tsvina zvakanaka

Utachiona hwakawanda hunowanika mutsvina. Apo utachiona hunokonzera zvirwere hunopinda mumvura uye muzvokudya kana mumaoko, mumidziyo, kana muzvimwe zvinoshandiswa kugadzira nokupira vanhu zvokudya, zvinogona kupfuudzwa nomukanwa zvomedzwa, poguma pava nechirwere. Nzira yakanakisisa yokuti utachiona hwakadaro husapararire ndeyokurasa tsvina yose. Tsvina yevanhu inofanira kupinda muchimbudzi. Iva nechokwadi kuti hapana tsvina yemhuka pedyo nemisha, migwagwa, kana nzvimbo dzinotambira vana.

Kana pasina zvimbudzi, cherera tsvina yacho pasi nokukurumidza. Yeuka kuti tsvina yose ine utachiona hunogona kukonzera zvirwere, kunyange yevacheche. Tsvina yevana inofanirawo kuenda muchimbudzi kana kuchererwa pasi.

Chenesa zvimbudzi nguva dzose. Zvimbudzi zvisingagweji mvura ngazvigare zvakavharwa uye zvinogweja ngazvigwejwe.

2 Geza maoko ako

Unofanira kugeza maoko ako nguva dzose. Kuageza nesipo nemvura kana nemadota nemvura kunobvisa utachiona. Kugeza maoko nemvura hakuna kukwana—maoko acho ose anofanira kugezwa nesipo kana nemadota nemvura.

Zvinokosha kugeza maoko ako pashure pokuzvibatsira kuchimbudzi uye wapedza kubvisa tsvina kacheche kana mwana aita tsvina. Uyewo, geza maoko ako pashure pokubata mhuka, usati wabata zvokudya, uye usati wapa vana zvokudya.

Kugeza maoko kunobatsira vanhu kuti vasave nemakonye anokonzera zvirwere. Makonye aya madukusa kuti uaone usina maikorosikopu. Anogara mutsvina uye muweti, mumvura yakajenga uye muvhu, nomunyama mbishi kana isina kunyatsoibva. Nzira huru yokuti utachiona husapinde mumuviri ndeyokugeza maoko ako. Uyezve, nokupfeka shangu paunenge uri pedyo nezvimbudzi, unogona kudzivisa utachiona hunenge huripo kupinda mumuviri wako nomuganda retsoka dzako.

Vana vanowanzoisa maoko avo mumiromo yavo, saka vageze maoko nguva dzose, zvikurukuru pashure pokuita tsvina uye vasati vadya. Vadzidzise kugeza maoko avo uye kusatambira pedyo nechimbudzi, kana nzvimbo dzine tsvina.

3 Geza chiso chako zuva nezuva

Kukubatsira kuti usave nezvirwere zvemaziso, geza chiso chako nesipo nemvura zuva roga roga. Zviso zvevana zvinofanirawo kugezwa. Chiso chine tsvina chinokwezva nhunzi, idzo dzinotakura utachiona. Utachiona uhwu hunogona kukonzera zvirwere zvemaziso uye kunyange upofu.

Ongorora maziso evana vako nguva dzose. Maziso ane utano hwakanaka manyoro uye anobwinya. Kana maziso akaoma, akatsvuka, kana kuti achivava kana kuti achibudisa mvura, mwana wacho anofanira kuongororwa nomushandi wezveutano kana nachiremba.

4 Shandisa mvura yakachena chete

Mhuri dzinova nezvirwere zvishoma kana dzichishandisa mvura yakachena uye dzichiichengeta isina utachiona. Pamwe mvura yako yakachena kana ichibva mupombi dzakaiswa zvakanaka uye dzinotarisirwa zvakanaka kana mumatsime asingarasirwi tsvina. Mvura yomumapondi, nzizi, uye yomumatengi asingavharwi nematsime haiwanzovi yakachena, asi inogona kuva yakanaka ikaviriswa.

Matsime anofanira kuvharwa. Migomo, tambo, uye magaba zvinoshandiswa kucheresa nokuchengetera mvura zvinofanira kugezwa nguva dzose zvochengetwa munzvimbo yakachena, kwete pasi. Mhuka hadzifaniri kuregwa dzichisvika panzvimbo dzine mvura yokunwa uye panzvimbo dzinogara vanhu. Usashandisa mishonga yokuuraya zvipembenene kana makemikari pedyo nepanobva mvura yokunwa.

Mumusha, mvura inofanira kuchengetwa yakachena, iri mumudziyo wakavharwa. Zvakanaka kwazvo kuva nomudziyo wemvura une pombi. Kana pasina pombi, mvura yacho inofanira kucherwa nekapu yakachena. Mvura yokunwa haimbofaniri kubatwa nemaoko asina kuchena.

5 Dzivirira zvokudya pautachiona

Nokunyatsobika zvokudya zvako, unogona kuuraya utachiona. Zvokudya, zvikurukuru nyama uye huku, zvinofanira kunyatsobikwa. Utachiona hunokurumidza kuwanda muzvokudya zvinodziya. Saka, zvokudya zvinofanira kudyiwa nokukurumidza sezvinobvira zvapedza kubikwa. Kana uchida kuchengeta zvokudya kwenguva inopfuura maawa maviri, iva nechokwadi chokuti zvachengetwa munzvimbo inopisa kana kuti inotonhora. Uyewo, kana uchida kuchengetedza zvokudya zvakabikwa kuti zvizodyiwazve, zvivhare. Izvi zvinozvichengetedza panhunzi nezvipembenene. Zvokudya zvisati zvadyiwa, zvidziise.

Mukaka womuzamu ndiwo wakanakisisa uye usina ngozi kuvacheche nevana vaduku. Mukaka wemhuka uchangoviriswa kana wakagadzirwa kuti usakora wakachengeteka kudarika usina kuviriswa. Usashandise mabhodhoro omukaka, kutoti watanga waachenesa nemvura inopisa usati waashandisa. Mabhodhoro omukaka anowanzotakura utachiona hunokonzera manyoka. Zviri nani kuyamwisa vana kana kuvanwisa mukaka nekapu yakachena.

Geza michero yako nemiriwo uchishandisa mvura yakachena. Izvi zvinonyanya kukosha kana zvichizopiwa vacheche nevana zvisina kubikwa.

6 Rasa marara ose ari mumba

Nhunzi, mapete, makonzo, uye zvipembenene zvose zvinotakura utachiona. Zvisikwa izvi zvinowanda mumarara. Kana marara asingatakurwi kwaunogara, rasa marara omumba mako mugomba raanogona kufushirwa kana kupiswa zuva roga roga. Chengeta musha wako wakachena uye usina marara nemvura ine tsvina.

Kana ukagara uchishandisa mazano aya, nenguva isipi uchawana kuti anenge atova mararamiro ako ezuva nezuva. Haana kuoma uye haadi mari yakawanda kuti uashandise, asi achachengetedza utano hwako nehwemhuri yako.

[Mufananidzo uri papeji 27]

Kusina zvimbudzi, cherera pasi tsvina nokukurumidza

[Mufananidzo uri papeji 27]

Geza maoko ako nguva dzose

[Mufananidzo uri papeji 28, 29]

Mhuri dzinova nezvirwere zvishoma kana dzikashandisa mvura yakachena uye dzichiichengeta isina utachiona

[Mifananidzo iri papeji 28]

Geza chiso chako nesipo nemvura zuva roga roga

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kana uchida kuchengeta zvokudya kuti zvizodyiwazve, zvivhare

[Mufananidzo uri papeji 29]

Marara omumba anofanira kuchererwa pasi kana kupiswa zuva roga roga

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe