RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 12/8 pp. 18-20
  • Ndinogona Sei Kubata Norusaruro?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinogona Sei Kubata Norusaruro?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Dzora Rurimi Rwako!
  • Kusateerera Kwousindimari
  • Ngozi Yokuzviparadzanisa
  • Ngozi Yegodo
  • Nei Munin’ina Wangu Achiwana Ngwariro Yose?
    Mukai!—1997
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisagare Ndichingotevedzera Mukoma Wangu?
    Mukai!—2003
  • Ndichafanana Nomukoma Wangu Here?
    Mukai!—1993
  • Neiko Vabereki Vangu Vasingandinzwisisi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 12/8 pp. 18-20

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinogona Sei Kubata Norusaruro?

“Munin’ina wangu mudiki kwandiri nemakore maviri uye anowana ngwariro yose. . . . Hazviratidziki kuva kururamisira.”—Rebecca.a

MUNIN’INA wako paanowana ngwariro huru, unganzwa wasiyiwa zvikuru. Uye kana une mutevedzani ane mano akatanhamara, ari kuva nezvinetso zvakakomba, kana kuti ane zvaanofarira kana kuti mavara ounhu akafanana neevabereki vako, ungave nokurwa chaikoiko kuti uwane ngwariro ipi neipi! Paunonyanya kuzvifunga, ndipo paunganyanya kunzwa wakuvadzwa uye washatirwa.b

Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera kuti: “Ityai, murege kutadza; tauriranai nemwoyo yenyu panhovo dzenyu, muti mwii.” (Pisarema 4:4) Apo unenge wakagumbuka uye wakashatirwa, sezvingabvira zvikuru ungataura kana kuti kuita chimwe chinhu chaungazodemba gare gare. Yeuka kutsamwa kwakaita Kaini pamusoro penzvimbo inodikanwa iyo munin’ina wake, Abheri, akafarikanya naMwari. Mwari akamunyevera kuti: “Zvivi zvinokuvandira pamukova; zvichakutsvaka, asi iwe unofanira kuzvikunda.” (Genesi 4:3-16) Kaini akakundikana kudzora mirangariro yake, uye mugumisiro wacho wakanga wakashata zvikuru!

Chokwadi, hausi kuda kuva mhondi saKaini. Kunyange zvakadaro, rusaruro rwunogona kunyandura pfungwa dzakaipa nemirangariro. Ngozi nokudaro dzingave dziri kuvandira pamukova wako! Ndedzipi dziri dzimwe dzacho? Uye unogona sei kukurira mamiriro acho ezvinhu?

Dzora Rurimi Rwako!

Apo Beth akanga ane makore 13, akarangarira kuti vabereki vake vaida kahanzvadzi kake uye vaimubata nokusaruramisira. Anoyeuka kuti: “Ini namai vangu taipopotedzana kakawanda zvikuru, asi hazvina chazvakaita. Ndakanga ndisiri kuteerera zvavakanga vachitaura, uye ivo vakanga vasiri kuteerera zvandakanga ndichitaura, naizvozvo hapana chakaitwa.” Zvimwe wakacherechedzawo kuti kupopota kunongoita kuti mamiriro ezvinhu akaipa atonyanyoipa. VaEfeso 4:31 inoti: “Shungu dzose, nokutsamwa, nehasha, nokupopota, nokutuka, nezvakaipa zvose, ngazvibviswe kwamuri.”

Haufaniri kupopota kuti zvauri kutaura zvinzwisiswe. Kusvika kwakaterama kazhinji kazhinji kunoshanda zviri nani. Zvirevo 25:15 inoti: “Mubati unokundwa kana achiitirwa mwoyo murefu, uye rurimi runyoro runovhuna mapfupa.” Naizvozvo kana vabereki vako vachiratidzika kuva vane mhaka yorusaruro, usapopote nokupomera mhaka. Mirira nguva yakakodzera, uye ipapo taura navo nenzira yakaterama, yokuremekedza.—Enzanisa naZvirevo 15:23.

Kana ukaisa ngwariro pazvikanganiso zvevabereki vako kana kuti kuvazvidza nemhaka “yokusaruramisira” kwavo, uchangovasundira kure kana kuti kuvaita kuti vazvidzivirire. Panzvimbo pako isa ngwariro pamatapurirwe awakaitwa nezviito zvavo. (‘Zvinondirwadza zvikuru pamunondifuratira.’) Sezvingabvira zvikuru vachakurangarira nenzira yakakomba. Uyewo, “kurumidz[a] kunzwa.” (Jakobho 1:19) Kungava kuti pamwe vabereki vako vane chikonzero chakanaka chokupa mutevedzani wako ngwariro yomuraudzo. Zvichida ari kuva nezvinetso zvausiri kuziva.

Asi zvakadini kana usingatane kupenga ndokutaura nokukurumidza apo unenge washatirwa? Zvirevo 25:28 inoenzanisa “munhu usingadzori mweya wake” neguta “rakaputswa”; angangokurirwa nemirangriro yake amene isina kukwana. Kune rumwe rutivi, mano okudzora mirangariro yako chiratidzo chesimba! (Zvirevo 16:32) Wadini kumira, ipapo, kusvikira wadzikama usati wataura mirangariro yako, zvichida kunyange kumira kusvikira zuva rinotevera? Ungawanawo zvichibetsera kubva panzvimbo yacho, zvichida kumbofamba-famba kana kuti kurovedza muviri. (Zvirevo 17:14) Kupfurikidza nokungwarira muromo wako, unogona kudzivisa kutaura chimwe chinhu chinokuvadza kana kuti choupenzi.—Zvirevo 10:19; 13:3; 17:27.

Kusateerera Kwousindimari

Imwe ngozi yokudzivisa kusateerera. Marie ane makore gumi nematanhatu okukura akacherechedza kuti kahanzvadzi kake kaisatomborangwa apo kaidzongonyedza fundo yeBhaibheri yemhuri. Agumburwa nourwu rwairatidzika sorusaruro, aka“ramwa,” achiramba kutora rutivi mufundo yacho. Wakamboshandisa here zano rokunyarara kana kuti kuratidza kusabatira pamwe apo wairangarira kuti chimwe chinhu chakanga chisina kunaka?

Kana zvakadaro, ziva kuti mazano akadaro okusindimara anopesana nomurayiro weBhaibheri wokuremekedza nokuteerera vabereki vako. (VaEfeso 6:1, 2) Kupfuurirazve, kusateerera kunokuvadza ukama hwako nevabereki vako. Zviri nani kutaura zvinetso zvako nevabereki vako. Zvirevo 24:26 inoratidza kuti “unopindura namashoko akarurama” anoremekedzwa nevamwe. Apo Marie akakurukura nhau yacho namai vake, vakasvika pakunzwisisana, uye zvinhu zvakatanga kuvandudzika.

Ngozi Yokuzviparadzanisa

Imwe nzira isina kunaka yokubata nayo norusaruro kuzviparadzanisa nemhuri yako kana kuti kutsvaka ngwariro yevasingatendi. Izvi ndozvakaitika kuna Cassandra: “Ndakazviraura kubva mumhuri yangu ndokutendeukira kushamwari dzokunyika dzandakaita kuchikoro. Ndakatoita vakomana, uye vabereki vangu havana kuzviziva. Ipapo ndakaora mwoyo zvikurusa uye ndakava nehana ine mhaka nokuti ndaiziva kuti ndakanga ndisiri kuita chakarurama. Ndaida kubuda mumamiriro acho ezvinhu, asi ndaisaona chaizvo nzira yokuudza nayo vabereki vangu.”

Kuzviparadzanisa nemhuri yako nevaunonamata navo kune ngozi—zvikurukuru apo unenge wakagumbuka uye usiri kufunga zvakajeka. Zvirevo 18:1 inonyevera kuti: “Unozviparadzanisa navamwe, unongotsvaka kuda kwake, unorwa nouchenjeri hwose kwahwo.” Kana ukawana zvakaoma kusvika vabereki vako panguva ino, tsvaka shamwari yechiKristu seinorondedzerwa pana Zvirevo 17:17: “Shamwari inoda nguva dzose; hama inoberekerwa kuti ibatsire pakutambudzika.” Kazhinji kazhinji “shamwari inoda” inowanika nyore nyore pakati pemitezo yakakura mumudzimu yeungano.

Cassandra akawana “shamwari inoda” panguva yaaida kubatsirwa: “Apo mutariri wedunhu [mushumiri anofambira] akashanyira ungano yedu, vabereki vangu vakandikurudzira kushanda naye. Iye nomudzimai wake vaizvininipisa kwazvo, uye vakandifarira zvaibva pasi pemwoyo. Ndaigona chaizvoizvo kutaura kwavari. Handina kurangarira kuti vaizondipa mhosva. Vakaziva kuti nemhaka bedzi yokuti unorerwa somuKristu hazvirevi kuti wakakwana.” Kurudziro yavo nezano ravo rechikuru zvaiva chaizvo izvo Cassandra aida!—Zvirevo 13:20.

Ngozi Yegodo

Zvirevo 27:4 inonyevera kuti: “Hasha dzinokuvadza, uye kutsamwa kunokukura; asi ndiani ungamira pamberi pegodo?” Shanje negodo nokuda kwomutevedzani anodiwa zvakasunda dzimwe pwere kuzviito zvokukurumidza. Mumwe mukadzi akareurura kuti: “Apo ndaiva muduku, ndaiva nebvudzi dete, shoma, rakatsvukuruka uye munin’ina wangu aiva nerakawanda rakaisvonaka rine ruvara rwendarama raisvika muchiuno chake. Baba vangu nguva dzose vairumbidza bvudzi rake. Vaimudaidza kuti ‘Rapunzel’ wavo. Humwe usiku apo akanga akarara, ndakatora chigero chamai chemachira, ndakanyahwairira kumubhedha wake ndokugera bvudzi rakawanda serandaigona.”—Siblings Without Rivalry, rakanyorwa naAdele Faber naElaine Mazlish.

Hazvishamisi, ipapo, kuti godo rinorondedzerwa muBhaibheri serimwe rema“basa enyama.” (VaGaratia 5:19-21; VaRoma 1:28-32) Zvisinei, ku“panga kuita shanje” kuri matiri tose. (Jakobho 4:5, NW) Naizvozvo kana ukazviwana uchironga kupinza mutevedzani wako munhamo, kumuita kuti atarisike zvakashata, kana kuti neimwe nzira kumuderedza, godo ringadaro riri ku“vandira pamukova,” richiedza kukutonga!

Unofanira kuitei kana ukazviwana uchichengeta mirangariro yakadaro inokuvadza? Kutanga, edza kunyengetera kuna Mwari nokuda kwomudzimu wake. VaGaratia 5:16 inoti: “Fambai nomweya, ipapo hamungaiti kuchiva kwenyama.” (Enzanisa naTito 3:3-5.) Zvingabetserawo kunzvera mirangariro yako pamusoro pomutevedzani wako. Unogona chaizvoizvo kutaura kuti hauna rudo rwakati nokuda kwake—pasinei zvapo noruvengo rwako here? Eya, Magwaro anotiudza kuti “rudo haruna godo.” (1 VaKorinte 13:4) Nokudaro rega kuramba uchifunga pfungwa dzakaipa, dzinomutsa godo. Edza kufara naye kana iye ari kuwana ngwariro chaiyo inobva kuvabereki vako.—Enzanisa naVaRoma 12:15.

Kurukurirano dzako nevabereki vako dzingabvumikisawo kuva dzinobatsira munhau iyi. Kana vakapwiswa nezvekudikanwa kwokukupa ngwariro yakawedzerwa, izvi zvichakubatsira zvikuru kubvisa mirangariro yegodo kuvatevedzani vako. Asi zvakadini kana zvinhu zvikasavandudzika pamusha uye rusaruro rwuchipfuurira? Usashatirwa, kupopota, kana kuti kupandukira vabereki vako. Edza kuchengetedza chimiro chendangariro chokubatsira, nokuteerera. Kana zviri madikanwa, tsvaka betsero kuvakakura mumudzimu mukati meungano yechiKristu. Kupfuura zvose, swedera pedyo naJehovha Mwari. Yeuka mashoko owezvamapisarema anoti: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.”—Pisarema 27:10.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe emazita akachinjwa.

b Ona nyaya inoti “Nei Munin’ina Wangu Achiwana Ngwariro Yose?” iri muchinyorwa cheMukai!, chaNovember 8, 1997.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kutsanangura kuti uri kunzwa wafuratirwa kungapedza chinetso chacho

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe