Nei Munin’ina Wangu Achiwana Ngwariro Yose?
“Chinondinetsa ndechokuti apo vanin’ina nehanzvadzi dzangu vanoita misikanzwa, vanowana ngwariro huru zvikuru—yakanaka neyakaipa. Asi sezvo ini ndichiteerera, havandipi ngwariro.”—Kay ane makore 18.a
“Hanzvadzi dzangu nevanin’ina vanopiwa ngwariro huru uye vanobatwa zviri nani. Ngwariro ipi kana ipi yandinowana zvikurukuru rinenge riri zano. Ndaizonzwa zviri nani kudai ndaiziva kuti naivowo vanopiwa zano.”—Ruth ane makore 15.
“Kunoratidzika kwandiri kuti vakoma nehanzvadzi dzangu vanowana maropafadzo akawanda nengwariro.”—Bill ane makore 13.
KUBVA pazuva ratinoberekwa, tose zvedu tinoda ngwariro inobva kuvabereki vedu. Uye kana uchirangarira kuti hausi kuwana mugove wako wakafanira wayo, zvinonzwisisika kuti unganzwa wakuvadzwa uye washatiriswa. Zvakadaro zvikuru kana zvichiratidzika kuti mutevedzani wako—dangwe, gotwe, ane tsika dzakanaka zvikurusa, kana kuti kunyange asingateereri zvikurusa—ari kupiwa ngwariro nguva dzose. Ungatonzwa sezvakaita Dhavhidhi apo akanyora kuti: “Ndakanganikwa sowakafa usati achafungwa; ndava somudziyo wakaputsika.”—Pisarema 31:12.
Kuona mutevedzani achiwana ngwariro yaungada kuva nayo pachako kunogona kurwadza. Asi zvinoreva hazvo kuti haudiwi here? Nyangwe. Pane dzimwe nguva pwere dzinowana ngwariro yomuraudzo nemhaka yokuti dzine mano anoshamisa kana kuti dzine ushamwari. Kenneth ane makore 11 okukura anoti: “Kunyange zvazvo munin’ina wangu, Arthur, achingova zvake mugiredhi rechitatu, ava kuridza chiridzwa neboka ravaimbi vomugiredhi rechishanu. Anogonawo mitambo nenhamba. Kutaura idi, kuchikoro anowana maA muzvidzidzo zvake zvose. Pane dzimwe nguva ndinofunga kuti vanhu vanomuda kupfuura ini, asi handimuitiri godo. Zvimwe, ndinomuitira zvishomanene.”
Asi pane pwere dzinoratidzika sedzinowana nguva yakawandisa yevabereki vadzo nemhaka bedzi yokuti matangwe—kana kuti magotwe. Bhaibheri rinoti nezvemurume muduku Josefa: “Zvino Israeri wakanga achida Josefa kupfuura vana vake vose, nokuti wakanga ari mwanakomana woutana hwake.” (Genesi 37:3, 4) Kune rumwe rutivi, Todd ane makore 18 okukura akafunga kuti mukoma wake aidiwa nemhaka yokuva kwake dangwe. Anoyeuka kuti: “Pane imwe nguva takakumbirwa kuunza mufananidzo wekacheche wataidisisa kuti ugoshandiswa kuchikoro. Ndakangogona kuwana mifananidzo mishomanene bedzi yangu ndimene uye ndakaona yakawanda kwazvo yemukoma wangu. Zvakaita kuti ndishamisike kuti nei.”
Kazhinji kazhinji, kunyange zvakadaro, ngwariro yomuraudzo iri kupiwa nemhaka yokuti mutevedzani ari kuva nezvinetso—zvichida zvinetso zvausiri kuziva. “Apo ndaiva nemakore anenge 16 okukura, hanzvadzi yangu yakava nenguva yakaoma,” anotsanangura kudaro Cassandra, zvino ava nemakore 22 okukura. “Akanga asina chokwadi chokuti aida chaizvoizvo kubatira Jehovha, uye vabereki vangu vakaisa inenge ngwariro yavo yose paari. Panguvayo, ndakanga ndisinganzwisisi kuti nei. Ndairangarira kuti vakanga vasingatombondiitiri hanya zvavo. Zvakandiita kuti ndinzwe ndasuruvara uye ndafuratirwa—ndakashatirwawo.”
Chikonzero Nei Vachiratidza Rusaruro
Pane dzimwe nguva, zvisinei, vabereki vane mhaka yorusaruro chairwo. Vamwe mai vakabvuma kuti: “Ndinoziva kuti mwanakomana wangu, Paul, nenzira inorwadza anoziva nezvekudada kwedu nomwanasikana wedu. Akatiudza zvakananga kuti, ‘Imi naBaba munotarisana nguva dzose apo Liz anotaura chimwe chinhu.’ Pakutanga hatina kuziva zvaaireva. Ipapo takaziva kuti nguva dzose taikandirana ziso raiti ‘akaisvonaka sei.’ Sezvo akaita kuti tizive, takaita nhamburiko chaiyo kuti tisazvipamhezve.”
Asi nei vabereki vachimboratidza rusaruro? Kurerwa kwavo vamene kungava chisakiso. Somuenzaniso, kana mai vako vakakura vari gotwe, vangava pedyo zvikuru negotwe ravo. Vasingazvizivi, vangaritsigira. Kana kuti mubereki anganzwa achikweverwa kumwana waanowirirana naye kana kuti anofarira zvaanofarira. Rangarira icho Bhaibheri rinotaura pamusoro paIsaka naRebheka pamusoro pevakomana vavo mapatya, Jakobho naEsau: “Vakomana vakakura; Esau akava mudzimba wakachenjera, murume wesango; Jakobho wakanga ari murume wakarurama, waigara mumatende. Isaka akada Esau, nokuti waida nyama yemhuka, asi Rebheka wakanga achida Jakobho.”—Genesi 25:27, 28.
Unofanira kuitei kana vabereki vako vachiratidzika sevanoda mumwe wevatevedzani vako?b Ungaedza kutaura navabereki vako nezvazvo nenzira yakaterama, isiri yokupa mhaka. (Zvirevo 15:22) Kupfurikidza nokuvateerera noruremekedzo, ungakwanisa kuona zvinhu nemaonere avo. Izvi zvingabatsira kupedza kukangaidzika mwoyo kwako. (Zvirevo 19:11) Mumwe wechiduku anoti: “Zvakandinetsa chaizvoizvo kuti Mai vangu vaikweverwa zvikuru kuhanzvadzi yangu kupfuura kwandiri. Apo ndakavabvunza nezvazvo, vakatsanangura kuti sezvo iye akafanana zvikuru naBaba, vanokweverwa kwaari. Uye sezvo ini ndakafanana zvikuru navo, Baba vanokweverwa kwandiri. Nenzira yakafanana, nemhaka yokuti ivo neni takafanana zvikuru, tinoshatirisana. Uye nemhaka yokuti baba vangu nehanzvadzi yangu vakafanana zvikuru, havatani kutsamwisana. Vangozvitsanangura nenzira iyoyo bedzi—kunyange zvazvo zvisina kunyanyondifadza—ndaigona kuzvigamuchira.”
Kubatwa Zvisina Kuenzana—Kusaruramisira Here?
Nei, kunyange zvakadaro, vabereki vasingagoni kungobata munhu ari wose zvakanyatsofanana? Beth, zvino ane makore 18, anoti: “Apo ndaiva nemakore anenge 13, ndainzwa kuti hanzvadzi yangu duku neni taifanira kubatwa zvakaenzana—zvakanyatsofanana. Asi nguva dzose ndini ndaipopoterwa, nepo iye aisarangwa muchinhu chiri chose. Uye aipedza nguva yakawanda zvikuru naBaba vachigadzira motokari. Zvairatidzika kuva kusaruramisira.”
Asi kubatwa zvisina kuenzana hakusi hako kusaruramisira. Rangarira kuti Jesu Kristu akabata sei vaapostora vake. Pasina mubvunzo aida vose vari 12, bva akakoka vatatu vavo chete kuti vaone zviitiko zvakati, kubatanidza kumutswa kwomwanasikana waJairosi nokuchinja chitarisiko. (Mateo 17:1; Marko 5:37) Kupfuurirazve, Jesu aiva noushamwari chaihwo hwapedyo nomuapostora Johane. (Johane 13:23; 19:26; 20:2; 21:7, 20) Kwaiva kusaenzanisa here? Chokwadi. Kwakanga kuri kusaruramisira here? Nyangwe. Nokuti nepo Jesu angave akakweverwa zvikurukuru kuna vamwe, haana kufuratira zvinodikanwa zvavamwe vaapostora vake.—Marko 6:31-34.
Nenzira yakafanana, kungava kuti mumwe wevatevedzani vako anowana ngwariro chaiyo nemhaka younyanzvi, unhu, kana kuti zvinodikanwa. Nomuzvarirwo, izvi zvinogona kurwadza kucherechedza. Asi mubvunzo ndouyu, Zvinodikanwa zvako zviri kufuratirwa chaizvoizvo here? Apo unoda zano ravabereki vako, kubatsirwa, kana kuti kutsigirwa, vanokupa here? Kana zvakadaro, unogona kutaura chaizvoizvo kuti uri nyajambwa wokusaruramisira here? Bhaibheri rinotikurudzira kubata vamwe “maererano nezvinodikanwa zvavo.” (VaRoma 12:13, NW) Sezvo iwe nevatevedzani vako muri vanhu vane zvinodikanwa zvakasiyana-siyana, hazvitombobvira kuti vabereki venyu vakubatei zvakafanana nguva dzose.
Beth, anokorwa mashoko pamavambo, nokudaro akasvika pakunzwisisa kuti kubata zvakaenzana hakusi nguva dzose kururamisira uye kururamisira hakusi nguva dzose kuenzanisa. Anoti: “Ndakasvika pakunzwisisa kuti hanzvadzi yangu neni tiri vanhu vaviri vakasiyana uye tinoda kubatwa zvakasiyana. Ndichitarisa shure, ndinoshamiswa kuti ndakatadza sei kuzvinzwisisa apo ndaiva muduku zvikuru. Ndinofunga kuti anongova maonere aunoita zvinhu pazera iroro.”
Kudzidzira Kuva Anonzwisisa
Hongu, “maonere aunoita zvinhu” ane zvakawanda zvokuita nemaitire ako kumamiriro ako ezvinhu. Semagirazi matema, mirangariro yako inogona kuchinja maonere ako zvinhu. Uye chinodikanwa chemirangariro chokuda ngwariro yavabereki netendero chakasimba. Vanzveri Stephen Bank naMichael Kahn vanoti: “Kunyange kudai vabereki vaikwanisa kuita chiroto chisingabviri chokubata zvakaenzana vana vavo vakasiyana-siyana zvikuru, mwana mumwe nomumwe aizoona vabereki sevanoda mumwe wevamwe vana.”
Somuenzaniso, rangarirazve zvakataurwa nepwere nhatu dzanokorwa mashoko pamavambo. Chinetso chavo chaizoratidzika kuva chiri pachena kunze kwerimwe idi: Vatevedzani! Hongu, mumwe nomumwe anofunga kuti vamwe vari kuwana ngwariro huru uye kuti iye ndiye ari kufuratirwa! Kazhinji kazhinji, ipapo, maonere edu zvinhu akati shatiswei. “Unozvidzora pamashoko ake, une [nzwisiso, NW],” inodaro Zvirevo 17:27. Kuva anonzwisisa kuona zvinhu sezvazviri chaizvoizvo uye pasina kwawakarerekera, kwete nemirangariro yako. Kunzwisisa kungakubatsira kuziva kuti kunyange zvazvo vabereki vako vangasakubatai mose zvakafanana, vanokuitirai hanya mose! Kuziva izvi kunogona kukubatsira kudzivisa kushatirwa nokukasharara.
Zvakadini, kunyange zvakadaro, kana zvichiratidzika sezvechokwadi kuti hausi kuwana mugove wako wakafanira wengwariro? Unogona kuitei? Izvi zvicharangarirwa muchinyorwa chinotevera cheMukai!
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe emazita akachinjwa.
b Nyaya inotevera ichatsanangura zvizere nyaya yokubata norusaruro.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kubatwa zvisina kuenzana kunogona kuratidzika sokusaruramisira