RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 1/8 p. 3
  • Kufa Kunokwikwidzana Nehondo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufa Kunokwikwidzana Nehondo
  • Mukai!—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Rukundo Nenhamo
    Mukai!—1998
  • Kudzivirira Kutsva Mukurwisana—neTibhii
    Mukai!—1999
  • Tiibhii Inodzorera!
    Mukai!—1996
  • Mhinduro Yapasi Rose—Zvinobvira Here?
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 1/8 p. 3

Kufa Kunokwikwidzana Nehondo

APO Marilyn ane makore 23 okukura akapera muviri ndokunzwa apera simba, akafungidzira kuti zvingava nechekuita napamuviri paakanga achangobva kuva napo. Airambawo achikosora izvo akaudza chiremba wake. Akataura kuti yaiva hosha yechubhu yokufema nayo yokumusoro uye akamunyorera mishonga. Gare gare, apo kudikitira usiku kwakatanga, Marilyn akatanga kunetseka chaizvoizvo. Akadzokera kuna chiremba wake, uyo akaronga kuti atorwe X-ray yomuchipfuva.

Pakasviba paiva paX-ray paida chiito chokukurumidza, asi Marilyn aisagona kusvikwa nefoni. “Chiremba akanga afonera amai vangu ndokuvaudza kuti ndakanga ndichirwara zvikuru,” akadaro Marilyn. “Amai vangu vakauya kuzonditsvaka ndokundiudza kuti ndiende kuna [chiremba] nokukurumidza. Akandiendesa kuchipatara uko ndakatorwa imwe X-ray uye vakandichengeta muchipatara.”

Marilyn akakatyamadzwa nokuziva kuti aiva netibhii (TB). Akafunga kuti aizofa, asi pashure pokurapwa nemirimo inorwisa TB, akakurumidza kunaya.

Kushamisika kwaMarilyn kuti aiva neTB kunonzwisisika. Kutozosvikira nguva pfupi yapfuura, kunyange nyanzvi dzakawanda dzezvokurapa dzaidavira kuti TB yakanga yakurirwa munyika yakabudirira. “Ndaifunga kuti yakanga yapera pakapera denda,” akadaro mubatsiri wapakiriniki pane imwe nzvimbo inorapirwa muLondon. “Asi apo ndakauya kuzoshanda pano, ndakawana kuti yaivako uye iri kuwedzera zvikuru mukati meguta.”

Munzvimbo umo TB yakanga yanyangarika, yadzoka; umo yakaramba irimo, yatonyanya kuipa. Panzvimbo pokukurirwa, TB muurayi akaenzana nehondo nenzara. Rangarira:

◼ Pasinei zvapo nezvinoshamisa zvokurapa kwazvino uno, anopfuura makore zana apfuura TB yakauraya vanhu vanenge mamiriyoni 200.

◼ Vanhu vanosvika kumabhiriyoni maviri—chikamu chimwe muzvitatu chevagari venyika—vakatozadzwa nebacillus yeTB, rumwe rudzi rwoutachiona. Mukuwedzera, mumwe munhu anozadzwa neTB sekondi iri yose!

◼ Muna 1995 nhamba yevanhu vairwara TB yaiva anenge mamiriyoni 22. Vanoda kusvika mamiriyoni matatu vakafa, vazhinjisa vavo vari munyika ichiri kusimukira.

Nemirimo ine simba inowanika yokurwisa TB, nei hosha iyi ichipfuurira kutambudza rudzi rwomunhu? Ichazombokurirwa here? Pane nzira ipi neipi yokuzvidzivirira pairi here? Nyaya dzinotevera dzichapindura mibvunzo iyi.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

New Jersey Medical School—National Tuberculosis Center

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe