Mhinduro Yapasi Rose—Zvinobvira Here?
NYANZVI dzinobvumirana kuti tibhii (TB) chinetso chapasi rose chinoda mhinduro yapasi rose. Hapana nyika inogona kudzora TB iri yoga, sezvo mamiriyoni evanhu achiyambuka miganhu yenyika vhiki riri rose.
Kubatana kwemarudzi akawanda, vakawanda vanodavira kudaro, kunoda kuti marudzi akapfuma abatsire marudzi ane urombo, ayo anyanya kutambudzwa neTB. Sezvinotaura Dr. Arata Kochi kuti, “zvinganakira nyika dzakapfuma kana dzikabatsira nyika dzisina kunyatsosimukira kurwisa tibhii, nyika dzavo vamene dzisati dzava nhandare yokurwira.”
Asi marudzi akapfuma, akabatikana nezvaanorangarira sezvinokosha zvikuru uye zvinetso, haana kukurumidza kubatsira. Dzimwe nyika dzine urombo pachadzo kazhinji kazhinji dzinofuratira utano panzvimbo pezvo, dzichidururira mari muzvombo zvehondo. Pakasvika pakati pa1996, gumi muzana bedzi yevarwere veTB venyika vakanga vachirapwa nomutoo weDOTS, vashoma zvikuru kuti vadzivise murakatira wacho pakunyanyoipa.
WHO inotaura kuti: “Zivo nemirimo isingadhuri yokurapa TB yave iripo kwemakumi emakore. Chinodiwa nenyika zvino inhamburiko yevanhu vane simba, vane pesvedzero uye vane tsitsi avo vachava nechokwadi chokuti mishonga iyi inoshandiswa nenzira inobudirira munyika yose.”
Rukundo Rwunouya
Tinogona kutarisa nechivimbo kuvanhu vane simba nepesvedzero kuti vapedze chinetso chacho here? Wezvemapisarema akafuridzirwa weBhaibheri akanyora kuti: “Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira.” Ndekuna ani, ipapo, kwatinogona kuisa chivimbo? Rugwaro rwacho rwunopfuurira kuti: “Unomufaro munhu uyo kana Mwari waJakobho ari mubatsiri wake, Unotarira kuna Jehovha Mwari wake. Iye, wakaita kudenga napasi, negungwa, nezvose zviri mukati mazvo.”—Pisarema 146:3, 5, 6.
SoMurongi noMusiki wapasi, Jehovha Mwari ane zvose zviri zviviri simba nouchenjeri zvokupedza hosha. Ane tsitsi here? Kupfurikidza nomuporofita wake akafuridzirwa, Jehovha anopikira kuti: “Ndichavanzwira tsitsi [vanhu vangu], somunhu unonzwira tsitsi mwanakomana wake unomubatira.”—Maraki 3:17.
Ganhuro rokupedzisira reBhaibheri rinorondedzera chiono chakapiwa muapostora Johane. Akaona “muti woupenyu, unobereka zvibereko zvamarudzi ane gumi namaviri, uchiita zvibereko zvaro mwedzi mumwe nomumwe.” Iyi miti yokufananidzira nemichero yainobereka inomirira gadziriro dzaMwari dzichagonesa vanhu vanoteerera kurarama nokusingaperi pasi pano.—Zvakazarurwa 22:2.
Achipfuurira Johane akanyora kuti: “Namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.” Mashizha okufananidzira anoreva zvikomborero zvinobva kuna Mwari zvichaguma nokuporeswa kworudzi rwomunhu, mose muri muviri mumudzimu nomunyama. Nokudaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti munyika itsva yakarurama pasi pokutonga kwaMwari, TB ichakundwa zvachose chose uye nokusingaperi.—Zvakazarurwa 21:3, 4.
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Mwari anopikira kurapwa kwechigarire kworudzi rwomunhu