Nzira Yokubata Nayo Nezera Remashoko
TINOFANIRA kutarisana neidi rokuti kune mativi akawanda ezera remashoko rema1990 richapfuurira kutiita kuti tive nefunganyo. Pamusoro pemamwe iwaya, hatina kana kuti tine udzori ushomanene pamusoro pazvo. Kune rumwe rutivi, pane matanho atinogona kutora kubvisa yakawanda, kana isiri yose, yefunganyo yakadaro. Tingataura, ipapo, kuti kurarama muzera remashoko ibasa rinodenha asi rinotusa.
Vagamuchiri Nevapi Vemashoko
Zvimwe tazvikamuranisa nenzira iyi kana kuti kwete, muupenyu hwedu hwose tose tiri vagamuchiri uye tiri vapi vemashoko kusvika kumwero wakati. Uropi hwedu, zvisinei, hunogamuchira uye hunonzvera mashoko nenzira dzakasiyana-siyana. Imwe nzira inobatanidza kukwanisa kunoshamisa kwendangariro kugadzira mashoko tisingazvizivi.
Imwe nzira inobatanidza kugadzira kwemashoko tichiziva zvakadai semukurukurirano, anobatwa nendangariro uye anopinzwa nenzira iri nyore ndokukamuraniswa. Tinokwanisa zvikuru kudzora rudzi urwu rwokugadzirwa kwemashoko—zvose zviri zviviri sevapi uye sevagamuchiri. Pamusoro pekurukurirano dzisina maturo, Bhaibheri rinoyambira nezveavo vasiri“simbe bedzi asi vaitiwo vemakuhwa, [va]singaregi zvavamwe, [va]chitaura zvisakafanira.” (1 Timotio 5:13) Nemamwe mashoko, ngwarira kusapedzera nguva yakawandisa uchitaura zvisina basa kana kuti kunyange mashoko ane ngozi. Usava rudzi rwomunhu anongogara achiita makuhwa. Nguva inokosha nesimba zvinogona kupambadzwa, uye izvi zvinogona kuita kuti isu nevamwe tive nefunganyo. Ungagona kupotsa mikana yokunzwa nokuparadzira mashoko ayo anovaka neanokosha zvechokwadi nokuda kwokupukunyuka munyika ino yatambura.
Mashoko anounganidzwa kupfurikidza nokurava anogadzirwa tichiziva uye nokudaro anotora nguva yakareba zvikurusa. Kutaura kunoratidza kuremedzwa nefunganyo kwokuti, “Ndiri kutadza kupedza zvandinofanira kurava!” kwakarovedzeka zvikuru. Unofunga kuti une zvakawandisa zvokurava nenguva shomanene yokuzviita here? Nemhaka yekudya nguva kunoita kurava, unyanzvi nomufaro wako kazhinji kazhinji zvinorashika muzera rino remashoko ekamwe kamwe. Vakawandisa vanobvumira TV kutora nguva yavo yose. Bva, shoko rakanyorwa richiri nzira yakasimba zvikurusa yokunyandura nayo fungidziro nokufambisa mashoko, pfungwa, uye mirangariro.
Tinogona sei kubudirira apo zvokurava zvakawanda zvinenge zvichida kuti tizvirave uye zvichikwikwidzana neTV, mitambo yemakombiyuta, uye mimwe mibato yenhandaro? Mhinduro yacho kusefa. Kusefa, kuronga kana kuti kuisa zvinokosha pakutanga, zvatinofanira kunzwa, kuona, kutaura, kana kuti kurava zvingagona kubvisa yakawanda yefunganyo yemashoko. Kusefa kunoshanda kunogona kuitwa pamwero miviri.
Tinoda Mashoko Asina Maturo Akawanda Kudaro Here?
Nzwisiso yezvinodikanwa zvedu kazhinji kazhinji inovhiringidzwa nezvinofungwa nevamwe kuti ndozvatinoda kana kuti neizvo unyanzvi hwokushambadza kwezvinobudisa mashoko hunotitungamirira kudavira kuti ndozvatinoda. Kuti tikunde vhiringidziko iyi yeunzanzanza hwemashoko, shandisa mutemo uyu unokosha: Zvichengete zvakapfava! Richard S. Wurman anozvitaura nenzira iyi: “Chakavanzika chokunzvera mashoko kuganhurira nharaunda yako yemashoko kusvika kuizvo zvinokosha kuupenyu hwako . . . Ndinodavira kuti inhema kuti ukava nemikana yakawanda, unogona kuita zviito zvakarurama zvikuru uye uchafarikanya rusununguko rwakawedzerwa. Panzvimbo pezvo, mikana yakawanda zvikuru inoparira funganyo huru zvikuru.”
Naizvoizvo apo tinouya pakurava nekuona TV, zvakanaka kuongorora tsika dzako. Zvibvunze kuti: ‘Izvi zvinokosha pabasa rangu kana kuti muupenyu hwangu here? Ndinofanira kuziva zvose zvisina maturo neguhwa pamusoro pevakakurumbira uye avo vanonzi vanhu vakatsvinda munyika here? Upenyu hwangu hungachinja sei kana ndikasaona purogiramu iyi yeTV, kurava bhuku iri kana kuti magazini iyo, kana kuti kupedza nguva yakawanda kudaro nepepanhau?’ Vamwe vakakwanisa kunzvera kurava nokuona kwavo TV uye vakabvisa zvinhu zvaidzongonyedza ndangariro dzavo uyewo misha yavo. Somuenzaniso, vakasarudza kunyoresa kupepanhau rimwe chete rinobuda mazuva ose. Mapepanhau mazhinjisa ane nhau dzinokosha dzakafanana zvisinei. Vamwe vanhu vakatokumbira zvakananga kuti varege kugamuchira tsamba dzisina basa dzavasina kukumbira mumabhokisi avo etsamba.
Kuchengeta upenyu hwakapfava uye husingadzongonyedzwi kwakakurudzirwa nemunhu mukurusa ati amborarama, Jesu Kristu. (Mateo 6:25-34) Kuva akapfava kunokurudzirwa nokurumbidzwa mutsika dzakawanda dzeAsia uye kunotozivikanwa mutsika dzoKumadokero semutoo wokurarama wakakwirira. Munyori Duane Elgin akataura kuti: “Kurarama zvakapfava zvikuru kurarama nechinangwa uye nekutsauswa kushomanene kusiri madikanwa.”
Zvino, waisa pakutanga mashoko anokosha aunofanira kuva nawo maererano nezvinodikanwa zvako, ita zvimwe chete nezvaunofarira, nemhaka yokuti kufarira ndiro simba rinosunda pakudzidza. Chinetso chiri pano, zvisinei, ndechokutsauranisa pakati pezvinokufadza chaizvoizvo uye izvo ungafunga kuti zvinofanira kukufadza kuti ufadze vamwe—zvichida vanhu vepabasa rako. Asi kana ukagona kuronga kurava kwako uye zvaunoona paTV kana kuti pakombiyuta semarongere aunoita mumwe mubato upi neupi, uchaona kuti kuzvivakira pazvaunofarira chaizvoizvo kunogona kuita kuti upenyu hwako hufadze zvikuru, pasina funganyo isiri madikanwa.
Naizvoizvo, unogona sei kukurira funganyo yemashoko? Ungasatombokwanisa kuibvisa zvachose, asi kutevera mitemo mishoma yataronga kuchabetsera zvikuru. Zvichengete zvakapfava, uye kamuranisa mashoko maererao nezvinodikanwa zvako nezvaunofarira. Nguva iri kuuya apo zvinetso zvose zvoupenyu, kubatanidza funganyo yemashoko, ichava chinhu chomunguva yakapfuura, asi pari zvino, chengeta zvishamiso zvokugadzirwa kwezvinhu zviri munzvimbo yazvo. Zvibate sezvinobatsira kusvika nharidzano. Usava muranda wazvo kana kuti kutyiswa nazvo. Nokudaro, mashoko anokosha achavaka, achakurudzira uye achabetsera, pasina kukuparira kufunganya.
[Bhokisi riri papeji 21]
Imboedza Kuchinjanisa
“Vharisa mubato wekuoneswa zvakawanda paTV, . . . uye shandisira [mari] iyoyo pamwedzi pabhuku rimwe kana kuti mabhuku akawanda akanaka. Mabhuku anopesana neterevhizheni: Anononoka, anobatikanisa, anokuchidzira, anonyandura kufunga uye anokurudzira kufungawo zvinhu zvitsva.”
“Unogonawo kurangarira kuzviganhurira kuisingapfuuri nhamba yakati yemaawa paInternet vhiki rimwe nerimwe, kana kuti zvimwe kudzikamisawo nguva inopedzerwa uchishandisa kombiyuta nenguva yakafanana inopedzerwa pakurava mabhuku.”—Data Smog—Surviving the Information Glut.
[Bhokisi riri papeji 22]
Iva Ishe, Kwete Muranda
“Dzima terevhizheni. Hapana nzira inokurumidza zvikuru yokuwanazve udzori pakukurumidza kwoupenyu hwako, rugare rwomusha wako, uye zvaunofunga isiri kudzima chinhu icho kune vakawanda vedu chinotonga upenyu hwedu. Mamiriyoni evaAmerica vave vachiwana rugare nesimba zvinouya nokushandisa bhatani raOFF, tisingatauri zvedu maawa nemaawa enguva itsva inowanika iyo vanogona kutanga kuita zvimwe zvinhu zvavasina kumbowanira nguva munguva yakapfuura.”—Data Smog—Surviving the Information Glut.
[Bhokisi riri papeji 22]
Ngwarira Internet
Vanhu vounzenza vanoshandisa Internet kuti varonde unzenza hwavo hwevatano uye vanoedza kutaura nevamwe vanoda kana kuti vanyajambwa vasingazivi. Vamwe vanoshandisa Internet kutsigira zvirongwa zvavo pachavo. Vakaramba kutenda vanoitawo maWeb site kuti vabate vasina kuchenjera.
Kungwarira kukuru kunodikanwa apo Internet inoshandiswa, uye zvirokwazvo vabereki vanofanira kutarisira zvikuru upi noupi wevana vavo angave achiishandisa. Ichokwadi kuti pane zvinhu zvinoshanda zvakawanda zvinogona kuwanwa, zvakadai semaraibhurari enzvero, mabhuku, uye nhepfenyuro dzenhau. Somuenzaniso, Watchtower Society nguva pfupi yapfuura yakazivisa nezveWeb site yayo (http://www.watchtower.org), inobetsera kupa mashoko echokwadi pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Kunyange zvakadaro, munhu anofanira kuziva kuti pane dzimwe pesvedzero dzine ngozi zvikurusa, kubatanidza vatano nokuramba kutenda.
MuKristu anofanira kuziva nezvezano raPauro rokuti: “Naizvozvo ndinoreva nokupupura chinhu ichi munaShe, ndichiti, musaramba muchifamba savahedheni, vanofambavo noupenzi hwokurangarira kwavo, . . . vakazvipa vasine hanya kuutere kuti vabate mabasa ose etsvina nokuchiva. Asi imi hamuna kudzidza Kristu saizvozvo.” (VaEfeso 4:17-20) Uyewo, “Asi upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuonga.” (VaEfeso 5:3, 4) Tinofanira kuziva kuti maWeb site mazhinji akaitwa nevanhu vane vavariro dzounzenza nokusatendeseka. Uye masite mazhinji angave asiri ounzenza kana kuti kusatendeseka, zvakadai semapoka okutamba, anongova okupambadza nguva. Kune zvose zvakadaro, tambira kure!