Kushandiswa kweGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta—Chenjerera Njodzi Dzacho!
1 Vanhu vaJehovha vanofadzwa nokusonganirana kwakanaka nevamwe. Vanofadzwa nekukurukurirana zvakaitika muushumiri hwomumunda uye vanoonga kunzwa nezvezviitiko zvinoitika zvine chokuita neZvapupu zvaJehovha uye basa roUmambo munyika yose. Vanoda kuudzwa nezvezvinhu zvipi nezvipi zvinokosha zvingaitika kuhama dzedu, zvakadai sechinetso kana kuti njodzi isingakonzerwi nemunhu, uye vanoda kuziva kana pane chimwe chinhu chavangaita kuti vabetsere. Kuva nehanya kwakadaro kunoratidza kubatana kwehama, kuchiratidza kuti tinoda vamwe zvechokwadi.—Joh. 13:34, 35.
2 Nhasi, tinonzwa nezvezviitiko zvenyika nokukurumidza. Nhepfenyuro dzeredhiyo neterevhizheni dzinotepfenyura zviri kuitika panguva iyoyo sezvazviri chaizvo kuvateereri munyika yose. Runhare rwunoitawo kuti kukurukura nokukurumidza nevanhu vari munyika yose kubvire. Imwe nzira ichangobva kutangwa yekukurukurirana iri kuwana mukurumbira wakanyanya iGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta.—Ona Mukai!, yechiNgezi yaJuly 22, 1997.
3 Kugadzirwa kworunhare kwakazarura nzira inokurumidza yokukurukurirana kwevanhu munyika yose. Kunyange zvazvo runhare ruchishandiswa zvikuru, kungwarira kunodiwa munzira yarunoshandiswa, sezvarunogona kuva chishandiso chokusonganirana kana kuti chezviito zvisina kururama, uye kushandiswa kwakapfuuridza kworunhare kunogona kudhura. Terevhizheni neredhiyo zvinokwanisa kudzidzisa. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti zhinji dzepurogiramu dzacho dzine tsika dzakashata, uye kunyatsodziteerera kupambadzwa kwenguva. Uchenjeri hunotigombedzera kuti tive vanonyatsosarudza mukushandisa terevhizheni neredhiyo.
4 Gadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta inoita kuti munhu akurukure nevamwe vanhu vane mamiriyoni munyika yose zvisingadhure, uye inovhura mukana wekuwana mashoko akawanda. (Mukai!, yaJanuary 8, 1998) Zvisinei, kushandiswa kwekusasarura kweGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta, kunogona kupinza munhu munjodzi huru yomudzimu netsika. Zvingaitika sei?
5 Vakawanda vari kunetseka pamusoro pemashoko ari kuwanika zviri nyore anoratidza magadzirirwe anoitwa zvombo, kusanganisira mabhomba. Maindasitiri ari kunyunyutira nguva iri kupambadzwa nevashandi vachishandisa Gadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta. Zvakawanda zvave zvichinyorwa mumabhuku edu pamusoro penjodzi dzomudzimu dziri pachena dzinosanganwa nadzo muGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta. Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta dzakawanda dzinoratidza chisimba neunzenza izvo zvisina kutombokodzera vaKristu. (Pis. 119:37) Kuwedzera kunjodzi idzi, kune imwe njodzi inonyengera iyo Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kungwarira zvikurukuru. Njodzi iyoyo chii?
6 Ungakoka munhu wausingazivi mumusha mako usina kutanga waziva kuti iye ndiani here? Zvakadii kana pasina mazivire aungamuita? Ungabvumira munhu akadaro wausingazivi kuti ave nevana vako vari voga here? Izvi zvinogona kuitwa zvisina mubvunzo neGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta.
7 Tsamba Dzomukombiyuta dzinogona kutumirwa nekugamuchirwa kubva kune vanhu vausingazivi. Izvi ndizvo zvinoitika pamunokurukurirana nekombiyuta vanhu vose vachikwanisa kupindira kana kuti muimba yevakurukuri vakawanda vakarangana. Vanoitawo izvi dzimwe nguva vangati Zvapupu zvaJehovha, asi kazhinji havasi. Mumwe munhu angati ipwere nepo asiri. Kana kuti mumwe munhu angatonyepa kuti ndewerudzi rwakati.
8 Mashoko anosvitswa kwauri angauya akaita sezvinhu zvakaitika kana kuti tsinhiro pamusoro pezvatinodavira. Mashoko aya anopfuudzwa kune vamwe avowo, vanozoramba vachiapfuudza kune vamwe. Kazhinji mashoko acho haapupurirwi uye angasava echokwadi. Tsinhiro dzacho dzingava dzokuita kuti vaone kuparadzira pfungwa dzevakaramba kutenda.—2 VaT. 2:1-3.
9 Uchifunga nezvenjodzi idzi, kana uchishandisa Gadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta, zvibvunze kuti: ‘Ndinoishandisirei? Pane mukana here wokuti ndingakuvadzwa mumudzimu nemashandisire andiri kuiita? Ndingave ndiri kubetserawo kukuvadzwa mumudzimu kwevamwe here?’
10 Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta dze“Zvapupu zvaJehovha”: Somuenzaniso, chimbofunga kuti nzvimbo dzeGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta dzakaitwa nevanhu vanozviti Zvapupu zvaJehovha. Vanokukumbira kuti uvhure pane nzvimbo dzavo kuti urave zvakaitika zvakatumirwa nevamwe vanozviti Zvapupu. Unokurudzirwa kutaurawo zvaunofunga nemaonero aunoita mabhuku eSosaiti. Vamwe vanorumbidza mharidzo dzinogona kushandiswa muushumiri hwomumunda. Nzvimbo idzi dzinoita kuti pave neimba dzevakurukuri vakarangana dzekuti vazvibatanidze nemakombiyuta, zvichibvumira kukurukurirana zvakananga nevamwe, zvakafanana nokutaura parunhare. Dzinowanzoratidza dzimwe nzvimbo dzaungakurukura neZvapupu zvaJehovha munyika yose nekombiyuta. Asi zvechokwadi ungataura kuti vasonganiri ava havana kunge vadyarwa nevakaramba kutenda here?
11 Kukurukurirana neGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta kungasawirirana nezvinorumbidzwa pana VaEfeso 5:15-17. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchinyatsongwarira kuti kufamba kwenyu kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera, muchizvitengera nguva yakafanira, nokuti mazuva akaipa. Nemhaka yeizvi musava mapenzi, asi rambai muchinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii.”
12 Ungano yechiKristu ndiwo mutoo waMwari waanotidyisa nawo mumudzimu achishandisa “muranda akatendeka, akangwara.” (Mat. 24:45-47) Musangano raMwari, tinowana nhungamiro nedziviriro zvinotichengeta takaparadzana nenyika uyewo zvinotiita kuti tirambe takabatika mubasa raShe. (1 VaK. 15:58) Munyori wepisarema akazivisa kuti akava nemufaro uye akanzwa akachengeteka pakati pevanhu vaMwari. (Pis. 27:4, 5; 55:14; 122:1) Ungano inotsigirawo nekubetsera mumudzimu avo vanosonganira nayo. Imomo, ungawana boka reshamwari dzine rudo, dzine hanya, uye dzinotarisira—vanhu vaunoziva pachako vakagadzirira nevanoda kubetsera uye kunyaradza vamwe munguva dzokuora mwoyo. (2 VaK. 7:5-7) Nhengo dzeungano dzinodzivirirwa negadziriro yeMagwaro yokudzinga avo vanotadza vasingapfidzi kana kuti vanotsigira kufunga kwevakaramba kutenda. (1 VaK. 5:9-13; Tito 3:10, 11) Tingatarisira kuwana gadziriro idzi dzakafanana here patinosonganira nevamwe nomuGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta?
13 Zvave zviri pachena kuti hakuna zvakadaro. Zvakajeka kuti dzimwe Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta mutoo wokuparadzira mashoko evakaramba kutenda. Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta dzakadaro dzingataura zvimwe zvakasiyana, uye avo vanotsigira Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta vangatsanangura zvakawanda kusimbisa kuti ivo zvechokwadi Zvapupu zvaJehovha. Vangatokumbira mashoko kwauri kuti vave nechokwadi kuti uri mumwe weZvapupu zvaJehovha.
14 Jehovha anoda kuti ushandise njere. Nei? Nokuti anoziva kuti dzichakuchengeta panjodzi dzakasiyana-siyana. Zvirevo 2:10-19 inotanga nokuti: “Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, zivo ichafadza mweya wako; kungwara kuchakurindira, njere dzichakuchengeta.” Kukuchengeta pachii? Pazvinhu zvakadai se“nzira yezvakaipa,” vaya vanorasa makwara akarurama, uye vanhu vanorarama vachiita unzenza neunyengeri.
15 Patinoenda kuHoro yoUmambo, hapana mubvunzo kuti tine hama dzedu. Tinovaziva. Hapana anoda kugutswa nezveizvi nokuti rudo runoratidzwa nehama runoita kuti zvive pachena. Hazvidiwi hazvo kuti semunhu oga tibudise magwaro anopupurira kuti isu zvechokwadi tiri mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndikoku kwatinowana kukurudzirana kwechokwadi kwakataurwa nezvakwo naPauro pana VaHebheru 10:24, 25. Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta dzinokurudzira kukurukurirana nekombiyuta hadzigoni kuvimbwa nadzo kugovera izvi. Kuyeuka mashoko ePisarema 26:4, 5 kunogona kuita kuti tingwarire njodzi dzingangosanganwa nadzo zviri nyore pakushandisa Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta muGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta.
16 Vanoshandisa Gadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta vakasununguka kuwana mashoko ose avanoda pane anochengetwa neanowanikwa muGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta. Kazhinji, vana nepwere ndivo vasingambotani kutapurwa neutsotsi uye kushandiswa zvisina kunaka neizvi. Vana vanovimba, vanoda kuziva, uye vanonetseka kuti vaongorore zvinhu zvitsva zviri kuitika mune zvemakombiyuta. Naizvozvo vabereki vanofanira kutarisira vana vavo ndokuvapa nhungamiro inoshanda yeMagwaro nezvokushandisa Gadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta, sekutungamirira kwavaizongovaita mukusarudza kwavanoita nziyo kana kuti mabhaisikopo.—1 VaK. 15:33.
17 Zvinosuruvarisa kuti, vamwe vaimbova hama nehanzvadzi dzedu vakadzingwa nemhaka yeushamwari hwakatanga nekusangana nevanhu venyika mukukurukurirana nekombiyuta vanhu vose vachikwanisa kupindira muGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta uye pakupedzisira zvakaita kuti vaite unzenza. Vasingadaviri zvinokatyamadza, vakuru vakanyora tsamba vachiti chaizvoizvo vamwe vakasiya varume kana kuti vakadzi vavo kuti vatevere ukama hwakatanga neGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta. (2 Tim. 3:6) Vamwe vanhu vakaramba chokwadi nemhaka yokudavira mashoko anopiwa nevakaramba kutenda. (1 Tim. 4:1, 2) Tichifunga nezvenjodzi dzose idzi dzakakomba, hazviratidzi here kuva zvine musoro kungwarira kubatanidzwa mukukurukurirana neGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta? Zvechokwadi, kushandisa uchenjeri, zivo, kungwara, uye njere zvinotaurwa pana Zvirevo 2:10-19 zvinofanira kutichengeta mune izvi.
18 Zvinocherekedzwa kuti, kwave kune vanhu vakawanda vakatanga Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta sezviri pachena kuti vaparidze mashoko akanaka. Dzakawanda dzenzvimbo idzi dzinotsigirwa nehama dzisina kuchenjera. Dzimwe nzvimbo dzingatsigirwa nevakaramba kutenda vanoda kukwezva vasina chavanofungira. (2 Joh. 9-11) Huchitsinhira kana zvichidiwa kuti hama dzedu dzitange Nzvimbo Dzokubudisira Mashoko Pakombiyuta dzakadaro, Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 1997, peji 3, hwakati: “Hapana kudiwa kwokuti munhu upi noupi agadzirire mashoko okushandisa muGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta pamusoro peZvapupu zvaJehovha, mabasa edu, kana kuti zvatinodavira. Nzvimbo yedu inozivikanwa [www.watchtower.org] inopa mashoko akarurama kune vapi nevapi vanoada.”
19 Zvokushandisa Pakudzidza Pachishandiswa Gadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta Here? Vamwe vakafunga kuti vari kuitira hama basa nokutumira mashoko akanzverwa ane chokuita nemabasa atinoitira Mwari akasiyana-siyana. Somuenzaniso, mumwe munhu anganzvera mashoko ane chokuita nendaza yehurukuro yavose ndokuitumira, achifunga kuti mashoko akadaro achabetsera avo vanoda kugadzirira ndaza yakafanana. Vamwe vangatumira magwaro ose eFundo yeNharireyomurindi ichaitwa kana kuti vangapa munobva mashoko eChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari kana kuti Fundo Yebhuku Yeungano. Vamwe vangapa mazano nokuda kwemharidzo dzoushumiri hwomumunda. Zvakadaro zvinobetsera zvechokwadi here?
20 Mabhuku akagoverwa nesangano raJehovha anoita kuti pfungwa dzedu dzifunge zvinovaka ndokutirovedza “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaH. 5:14) Tingati here izvi zviri kuitwa kana vamwe vachitiitira basa rekunzvera?
21 VaBheriya vaitaurwa se“vane pfungwa dzakanaka zvikuru kupfuura vaTesaronika.” Nei? Nokuti “vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda zvikuru, vachinyatsonzvera Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.” (Mabasa 17:11) Kunyange zvazvo Pauro naSirasi vakavaparidzira, vaisagona kuita kuti chokwadi chive chavo vasina kubatanidzwa pachavo.
22 Kushandisa zvakanzverwa nomumwe munhu muhurukuro kana kuti mukugadzirira mimwe misangano chaizvoizvo kunoita kuti chinangwa chefundo yomunhu oga chisashanda. Hachisi chido chako here chekuvaka kutenda kwako pachako muShoko raMwari? Uchivakira pakugutswa kwako pachako, ipapo unogona kuratidza pachena kutenda kwako—muhurukuro dzako, mune zvaunotsinhira pamisangano, uye muushumiri hwomumunda. (VaR. 10:10) Kushandisa zvakanzverwa nomumwe munhu hazvikodzeri zvinotsanangurwa pana Zvirevo 2:4, 5 zvoku‘ramba uchitsvaka uye kutsvakisisa zivo chaiyo yaMwari sepfuma yakavanzwa’ pachako.
23 Somuenzaniso, pakutarira magwaro muBhaibheri rako pachako, unogona kudzokorora nokupfupikisa mashoko akapoteredza erugwaro rumwe nerumwe. Unogona ‘kutsvaka zvinhu zvose nokururama,’ sezvakaita Ruka paakanyora Evhangeri yake. (Ruka 1:3) Kuedza kwakawedzerwa kuchakubetserawo kuva nounyanzvi mukutarira magwaro muushumiri uye pakupa hurukuro. Vakawanda vakataura kuti vanoororwa neZvapupu zvaJehovha nokuti zvinoziva mashandisirwe emaBhaibheri azvo. Nzira bedzi inoita kuti izvi zvishande kwatiri ndeyokuti tiuite muitiro wedu kutarira magwaro mumaBhaibheri edu pachedu.
24 Kushandisa Nguva Yedu Nokuchenjera: Chimwe chinhu chokufunga munhau iyi chine chokuita nenguva inopedzerwa pakugadzirira, kurava, uye kupindura mashoko anotumirwa nomuGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta. Pisarema 90:12 rinotikurudzira kunyengetera kuti: “Tidzidzisei kunatsoverenga mazuva edu, kuti tizviwanire mwoyo wakachenjera.” Pauro akati: “Nguva yasara ipfupi.” (1 VaK. 7:29) Uyezve akati: “Saka, chero bedzi tine nguva yakafanira nokuda kwazvo, ngatiitirei vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama nesu mukutenda.”—VaG. 6:10.
25 Zano rakadaro rinosimbisa kudiwa kwekuti tive vakachenjera mukushandisa nguva yedu. Zvinobatsira zvakadini kupedza nguva tichirava Shoko raMwari! (Pis. 1:1, 2) Ndiyo songaniro yakanaka zvikuru yatingava nayo. (2 Tim. 3:16, 17) Vabereki, muri kudzidzisa vana venyu kukosha kwekushandisa nguva yavo nokuchenjera mukutevera zvinhu zvoUmambo here? (Mup. 12:1) Nguva inopedzerwa mufundo yemunhu oga neyemhuri, kupinda misangano, uye ushumiri hwomumunda inokosha zvikuru kupfuura nguva inopedzerwa mukuvhura Gadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta, uchitarisira kuwana zvinhu zvinobetsera.
26 Munhau iyi, kuchenjera kuisa pfungwa dzedu pazvinhu zvomudzimu uye pane zvinhu izvo zvakakodzera uye zvinokosha muupenyu hwedu sevaKristu. Izvi zvinoda kuti tiite zvisarudzo zvakanyatsofungwa kana toreva nezvemashoko akafanira nguva yedu nepfungwa. SevaKristu, izvo zvakakodzera muupenyu hwedu zvakapfupikiswa naKristu, uyo akati: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mat. 6:33) Haufari zvikuru upenyu hwako pahunozadzwa nekutevera zvinhu zvoUmambo panzvimbo pechimwe chinhu chipi nechipi here?
27 Tsamba Yemukombiyuta muGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta: Kunyange zvazvo kukurukurirana zvakaitika kwauri semunhu oga kana kuti kupanana pfungwa pakati pemhuri kana kuti shamwari dzinogara kure zvakakodzera, rudo zvechokwadi here kupfuudza izvi nekuna vamwe vangasaziva mhuri yako kana kuti shamwari? Kana kuti izvi zvinofanira kutumirwa nePeji Yokubudisira Mashoko Pakombiyuta kuti munhu wose angorava here? Idzi tsamba dzomunhu oga dzinofanira kukopwa ndokutumirwa chero kune vanhu vaungaziva kana kuti vausingazivi here? Zvakangofanana, kana ukagamuchira tsamba kubva kune vamwe dzisina kunyorerwa iwe, rudo here kudzipfuudza kune vamwe?
28 Zvakadini kana chakaitika chacho chaunopfuudza chisina kururama? Uku hakungavi kupfuudzawo zvinhu zvisiri zvechokwadi here? (Zvir. 12:19; 21:28; 30:8; VaK. 3:9) Chokwadi, kuramba ti“chinyatsongwarira kuti kufamba kwe[d]u kurege kuva sevanhu vasina kuchenjera asi sevakachenjera” kungatiita kuti tifunge izvi. (VaE. 5:15) Tinofara sei kuti Yearbook, Nharireyomurindi, uye Mukai! zvakazara nezviitiko zvinopupurirwa zvinotikurudzira uye zvinotiita kuti tirambe tichifamba “munzira”!—Isa. 30:20, 21.
29 Kunewo imwe njodzi. Muapostora Pauro achireva nezvevamwe akati: “Dzinodzidza kuve dzisina basa, dzichifamba-famba nedzimba; hungu, kwete bedzi kuva dzisina basa, asiwo dzinoita makuhwa nedzinopindira munhau dzevamwe vanhu, dzichitaura zvinhu zvadzisingafaniri kutaura.” (1 Tim. 5:13) Izvi zvinopesana nokupedza nguva nekuedza kuita zvose zvatingagona kuti tipfuudze mashoko asina basa kuhama dzedu.
30 Fungawo nezvekuti zvinotora nguva yakawanda zvakadini kuti uenderane neTsamba Dzomukombiyuta dzakawanda. Zvinofadza kuti bhuku rinonzi Data Smog rakati: “Mumwe zvaanopedza nguva yakawanda achishandisa kombiyuta, tsamba dzomukombiyuta dzinokurumidza kuchinja kubva pakuva chinhu chitsva chinonyandura kukuva mutoro unopedza nguva, netsamba dzakawanda dzokurava nekupindura zuva nezuva kubva kune vamwe vedu, kushamwari, mhuri, . . . uye kuvashambadzi.” Uyezve, rinoti: “Vanongokumba mashoko ose avanowana vachiisa mukombiyuta vakawanda vakawana muitiro wakaipa wekutumira mashoko ose anovaraidza avanogamuchira—majee, ngano dzomutaundi, tsamba dzinotumirwa kuvanhu vakawanda, uye zvimwe—kumunhu wose ari mubhuku ravo rekero dzemakombiyuta.”
31 Izvi zvave zviri zvechokwadi muTsamba Dzomukombiyuta dzinotenderedzwa pakati pehama dzakawanda—zvinhu zvakadai semajee kana kuti nyaya dzinosekesa dzeushumiri; nhetembo dzinofungidzirwa kuti dzakavakirwa pane zvatinodavira; mienzaniso inobva muhurukuro dzakasiyana-siyana dzakanzwiwa kumagungano, makokorodzano, kana kuti kuHoro yoUmambo; zvakaitika muushumiri hwomumunda; nezvimwewo—zvinhu zvinoratidzika sezvisina mhaka zvachose. Vakawanda vanowanzotumira Tsamba Dzomukombiyuta dzakadaro vasina kuongorora kwadzabva, zvichiita kuti zviome kuziva kuti ndiani chaizvoizvo akadzinyora, izvo zvinofanira kuita kuti munhu ashamiswe kana mashoko acho ari echokwadi.—Zvir. 22:20, 21.
32 Tsamba dzinowanzova dzisina basa dzakadaro hadzisi rudzi rwemashoko anopa utano ayo Pauro aifunga paakanyorera Timoti, achiti: “Ramba wakabata muenzaniso wemashoko anopa utano awakanzwa kwandiri nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu.” (2 Tim. 1:13) “Mutauro wakachena” wechokwadi cheMagwaro une “muenzaniso wemashoko anopa utano” akavakirwa zvikurukuru pamusoro weBhaibheri wekurevererwa kweuchangamire hwaJehovha neUmambo. (Zef. 3:9) Tinofanira kuedza nepatinogona napo pose kupa nguva yedu yose yatinowana uye simba kuti titsigire kurevererwa kweuchangamire hwaJehovha uku.
33 Sezvo tiri munguva chaiyo yomugumo wegadziriro ino yezvinhu, yava nguva yokuramba takangwarira. Bhaibheri rinonyevera kuti: “Svinurirai, rindai. Muvengi wenyu Dhiyabhorosi, anofamba-famba seshumba inodzvova, iri kutsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Pet. 5:8) Uyezve rinoti: “Shongai nhumbi dzose dzokuzvidzivirira nadzo dzinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi.”—VaEf. 6:11.
34 Kana ikashandiswa zvisina kufanira, Gadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta ingava mutoo uyo Satani anonyengera nawo avo vanonyengedzwa nesimba rayo. Kunyange zvazvo ingabetsera zvisingaendi kure, kune njodzi kana ikasashandiswa nokungwarira. Zvikurukuru vabereki vanoda kuva nehanya nekushandisa kunoita vana vavo Gadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta.
35 Kuramba une pfungwa iri pakati nepakati yeGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta idziviriro. Tinoonga chiyeuchidzo chakakodzera nguva chakapiwa naPauro chokuti: “Vari kushandisa nyika [vave] sevasiri kuishandisa zvizere; nokuti mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” (1 VaK. 7:29-31) Kufunga nezvezvinhu izvi kuchatibetsera nemhuri dzedu kuti tirambe tisingatsauswi nezvose izvo nyika inogovera, kusanganisira zvinowanikwa muGadziriro Yokukurukurirana Nekombiyuta.
36 Zvinokosha kuti tirambe tiri pedyo nehama dzedu muungano ndokushandisa nguva yasara nokuchenjera, tichizviita vanowanikwa mukufambisira mberi zvinodiwa zvoUmambo. Sezvo gadziriro ino inosvika pedyo nemugumo wayo, hati“charambi [ti]chifambazve sokufamba kunoita mamwe marudzi mukusabetsera kwepfungwa dzawo,” asi ngati“ramb[e]i [ti]chinzwisisa kuti kuda kwaJehovha chii.”—VaEf. 4:17; 5:17.