RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 4/8 p. 15
  • Mvura Noutano Hwako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mvura Noutano Hwako
  • Mukai!—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Chinhu Chinokosha Muupenyu—Mvura
    Mukai!—2003
  • Nyika iri Kupererwa Nemvura Here?
    Mukai!—2001
  • Mvura Inotubuka Kuti Ipe Upenyu Husingaperi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Uko Nhamo Yacho Yakakura Zvikuru
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 4/8 p. 15

Mvura Noutano Hwako

“HAUGONI kuvimba nenyota kuti uzive kuti imvura yakawanda zvakadini inodikanwa nomuviri wako,” inodaro magazini inonzi Health. Asi, kunwa mvura yakawanda kunokosha pakushanda zvakanaka kwemuviri nendangariro dzedu, uye kunyange kuchitarisiko chedu. Miviri yedu inoramba ichirasikirwa nemvura kupfurikidza nedikita, misodzi, uye weti pamwe chete nokufema kwedu. Iyi mvura inorasika inofanira kutsiviwa. Inodikanwa yakawanda zvakadini? Zviremera zvakawanda zvinokurudzira kunwa magirazi emvura masere kana kupfuura—mapaindi mana—mazuva ose.

Nei? Mvura inokosha pakufambiswa kwezvokudya mumiviri yedu uye pakubvisa tsvina. Inodikanwa pakudzora kudziya kwemuviri wedu uye kupfavisa majoini edu. “Kunyange kuperevedza kwayo kushoma kunogona kukusiya uchinzwa waneta . . . kana kuti uchirwara,” inodaro Health. “Kupera mvura mumuviri chikonzero chinowanzofuratirwa chinoparira kuneta.” Magazini yacho inokurudzira kuti: “Usafurirwe nekuva mvura kwekofi netii, zvinwiwa zvine caffeine, uye zvinodhakisa; zvinotoparira chaizvoizvo kupera mvura mumuviri.” Caffeine nezvinodhakisa zvinoshanda sezvinoitisa weti zvichiparira kurasikirwa kwemuviri nemvura.

Mukuwedzera, “ganda rako rinoda mvura kuti rirambe rakapfava uye richitsvedzerera.” Kubatsira izvi, mafuta anopfavisa ganda angazorwawo paganda. Asi haawedzeri mvura. Panzvimbo pezvo, anodzivirira nokunama kunochengetedza mvura itori muganda. Kuchengetedza mvura iyi kunova kunokosha zvikuru nezera, sezvo ganda redu richitadza kuchengeta mvura sezvatinokura.

Nenzira isingafadzi, muchikamu chikuru chenyika, nhamburiko yakati inodikanwa kuti mvura yakakwana, yakachena iwanike. Asi kufira zviripo. Zvirokwazvo, inwa mvura yakawanda, uye shandisa iyi nzira yakapfava kuti utarisike nokunzwa zvakanakisisa!

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe