AIDS—Denda Racho Riri Kupfuurira
KAREN akakurira kumavirira kweUnited States.a SeChapupu chaJehovha, akakura ane tsika dzakanaka muupwere hwake hwose. Muna 1984, paaiva nemakore 23, akaroorwa naBill, uyo akanga ava Chapupu kwemakore maviri bedzi. Vakakomborerwa nevana vaviri, mukomana nemusikana.
Pakasvika 1991 rudo rwavo rwakanga rwakura, uye vakanga vachigutsikana nokufara. Gare gare gore iroro, Bill akaita gwapa jena risingaperi parurimi rwake. Akaenda kuna chiremba.
Chinguvana pashure pezvo, Karen nevana vaiva panze vachitsvaira mashizha. Bill akagara pamusuo akadaidza Karen kuzogara pedyo naye. Akamubata nomuchiuno ndokutaura nemisodzi mumaziso ake kuti aimuda uye kuti aida kugara naye nokusingaperi. Saka misodzi yaiva yei? Chiremba aifungidzira kuti Bill akanga atapukirwa neutachiona hweHIV, vhairasi inokonzera AIDS.
Mhuri yakaongororwa. Bill naKaren vaiva neutachiona. Bill akanga atapukirwa asati ava Chapupu chaJehovha; uyewo, akanga azadza Karen utachiona. Vana vakaonekwa vasina utachiona. Mumakore matatu, Bill akafa. Karen anoti: “Handizivi kuti ndotsanangura sei manzwire aunoita kuona murume akanga akaisvonaka waunoda uye waunoda kugara naye nokusingaperi achineta zvishoma nezvishoma achiondoroka kusara ganda nemapfupa. Ndakachema usiku huzhinji. Akafa kwasara mwedzi mitatu kuti zuva rokupemberera muchato weroorano yedu yemakore gumi risvike. Aiva baba nomurume akanaka.”
Kunyange zvazvo chiremba akataurira Karen kuti aizokurumidza kutevera murume wake, achiri mupenyu. Hosha yacho zvino yava AIDS ichiri kutanga.
Karen munhu mumwe chete wevanhu vanenge mamiriyoni 30 vari kurarama iye zvino neHIV/AIDS, nhamba yakakura kupfuura kusanganisa vanhu vose vanogara muAustralia, Ireland, neParaguay. Africa inofungidzirwa kuva nevanhu vakadaro vane mamiriyoni 21. Maererano nenhamba dzeUnited Nations, panoperera zana rino remakore, nhamba iyoyo inogona kuwedzera kusvika kumamiriyoni 40. Mamwe mashoko anobva kuUN anotaura kuti hosha yacho yakaenzana nematenda makurusa akamboitika. Pavanhu vari munyika vane makore ari pakati pe15 ne 49 vanoziva vakadzi kana varume, munhu 1 pa100 akatozadzwa HIV. Pavanhu ava munhu 1 chete pa10 ndiye anozviziva kuti akatapukirwa. Mune dzimwe nharaunda dzeAfrica, 25 muzana yevanhu vakuru yakatapukirwa.
Kubva zvakatanga denda racho muna 1981, vanhu vanofungidzirwa kuva mamiriyoni 11,7 vakafa neAIDS. Zvinofungidzirwa kuti muna 1997 moga, vanhu vanenge mamiriyoni 2,3 vakaparara. Zvisinei, pane zvikonzero zvitsva zvokukarira zvinhu zviri nani muhondo yokurwa neAIDS. Mumakore mashomanene apfuura, nhamba yevanhu vatsva vane AIDS munyika dzakapfuma yakaderera. Uyewo, mirimo inoita seingangoshanda inopa vane hosha tariro yeugwinyi huri nani neupenyu hurefu.
Unogona sei kuzvidzivirira paAIDS? Ndezvipi zvakawanika zvino zvino munhau dzekurapa nenhomba? Hosha yacho ichazombokurirwa here? Mibvunzo iyi ichapindurwa munyaya dzinotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.