RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 11/8 pp. 2-4
  • “Denda Rinoparadza Zvisati Zvamboitika Muupenyu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Denda Rinoparadza Zvisati Zvamboitika Muupenyu”
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • AIDS Inopararira muAfrica
  • Kupararira Nokukurumidza kweAIDS Mune Dzimwe Nyika
  • Mushonga weAIDS—Uri Kudiwa Nokukurumidza!
    Mukai!—2004
  • Nhamba Dzevanorwara neAIDS Dzinoshamisa!
    Mukai!—2001
  • AIDS Inopararira muAfrica
    Mukai!—2002
  • Kubetsera Avo Vane AIDS
    Mukai!—1994
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 11/8 pp. 2-4

“Denda Rinoparadza Zvisati Zvamboitika Muupenyu”

NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA“

Panyika hapana hondo inoparadza sezvinoita denda reAIDS.”—COLIN POWELL, MUNYORI WENYIKA YEUNITED STATES.

MUSHUMO wokutanga weAIDS (acquired immunodeficiency syndrome, kushaya kwomuviri simba rokurwisa kana kudzivirira zvirwere) wakavapo muna June 1981. “Hapana kana mumwe wedu akanga aripo mazuva iwayo okutanga kuzivikanwa kweAids angadai akafungidzira kuzokura kwedenda racho kwavapo zvino,” anodaro Peter Piot, mukuru anoona nezvokufambiswa kweJoint United Nations Programme on HIV/AIDS (UNAIDS). Mumakore 20 wave mukondombera mukurusa usati wamboonekwa, uye zviratidzo zviri kuti uchawedzera.

Zvinofungidzirwa kuti vanhu vanodarika mamiriyoni 36 vakatapukirwa neHIV (human immunodeficiency virus, utachiona hunoita kuti muviri utadze kudzivirira zvirwere), uye vamwe mamiriyoni 22 vakaurayiwa neAIDS.a Muna 2000, vanhu mamiriyoni matatu vakafa neAIDS pasi pose, vanhu vakawanda zvikuru pagore kupfuura imwe nguva kubva mukondombera wacho watanga. Izvi zvakangodaro pasinei nokushandiswa kwemishonga inoita kuti utachiona husaberekana, kunyanya munyika dzakapfuma.

AIDS Inopararira muAfrica

Nyika dzeAfrica dziri kumaodzanyemba kweSahara, dzine vanhu vakatapukirwa vanofungidzirwa kuva mamiriyoni 25,3 dzazova dambiro romukondombera wacho. Mudunhu iri chete, vanhu mamiriyoni 2,4 vakafa neAIDS muna 2000 chete, zvinova zvikamu 80 kubva muzana pane vakafa pasi pose. AIDS ndicho chinhu chikuru chinouraya vanhu mudunhu racho.b

South Africa ndiyo ine vanhu vakawanda zvikuru vanayo kupfuura dzimwe nyika dzose pasi pose, vanofungidzirwa kuva mamiriyoni 4,7. Munyika iyi vana 5 000 vanoberekwa vaine utachiona hweHIV mwedzi mumwe nomumwe. Mumashoko aakataura paInternational AIDS Conference yechi13, yakaitirwa muDurban muna July 2000, aimbova Mutungamiriri weSouth Africa Nelson Mandela akati: “Takavhundutswa nokuziva kuti muSouth Africa, pavechiduku vedu vaviri, mumwe chete wavo, kureva kuti hafu yavo, achafa neAIDS. Chinhu chinonyanya kutyisa ndechokuti kutapukirwa kwose uku, kwatinoona kuchiratidzwa nenhamba, pamwe nokutambura kwevanhu kunovapo . . . zvinogona kunge zvakadziviswa, uye zvinogona kudziviswa.”

Kupararira Nokukurumidza kweAIDS Mune Dzimwe Nyika

Mwero wokupararira uri kurambawo uchiwedzera nokukurumidza muEastern Europe, Asia, neCaribbean. Pakapera 1999, nhamba yevakanga vatapukirwa muEurope yakanga iri 420 000. Pakupera kwa2000, nhamba iyoyo yakafungidzirwa kuti yakawedzera kuva 700 000.

Kuongororwa kwakaitwa mumaguta makuru matanhatu omuAmerica kwakaratidza kuti 12,3 kubva muzana yevanhu vane HIV ingochani dzechirume vachiri vadiki. Uyezve, zvikamu 29 kubva muzana bedzi zvevaya vakanga vaine HIV ndivo vaiziva kuti vakanga vatapukirwa. Anodzidza nezvomukondombera wacho aitungamirira kuongorora uku akati: “Takaodzwa mwoyo nokuziva kuti vanhu vakawanda vaiva neHIV vakanga vasingazvizivi kuti vakatapukirwa. Izvi zvinoreva kuti vanhu vachangobva kutapukirwa vari kuparadzira utachiona hwacho vasingazvizivi.”

Pamusangano wenyanzvi dzinodzidza nezveAIDS muSwitzerland muna May 2001, chirwere ichi chakanzi “denda rinoparadza zvisati zvamboitika.” Sezvacherechedzwa, kupararira kweAIDS kwave kwakanyanya kurutivi rweAfrica rwokumaodzanyemba kweSahara. Nyaya yedu inotevera inoratidza kuti nei zvakadaro.

[Mashoko Omuzasi]

a Nhamba dzashandiswa ifungidziro dzakabudiswa neUNAIDS.

b Ona Mukai! yaMarch 8, 2001, mapeji 14-15.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

“Chinhu chinonyanya kutyisa ndechokuti kutapukirwa kwose uku . . . pamwe nokutambura kwevanhu kunovapo . . . zvinogona kunge zvakadziviswa, uye zvinogona kudziviswa.”—NELSON MANDELA

[Mufananidzo uri papeji 2, 3]

Vanhu vakawanda vane utachiona hweHIV havazvizivi kuti vanahwo

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

UN/DPI Photo 198594C/Greg Kinch

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe