Kodzero Dzevanhu Vose—Chinhu Chaichoicho Chenyika Yose!
“CHII chinokonzera kuputswa kwekodzero dzevanhu?” rimwe gweta rekodzero dzevanhu ragara nebasa rakabvunzwa. “Kukara,” rakapindura kudaro rimwe gweta. “Kukara simba rematongerwe enyika neupfumi.” Uye sezvo kukara kuchibva mupfungwa yomunhu, kuputswa kwekodzero dzevanhu kunoratidza zvakaita pfungwa. Chimwe chinokonzera urudzi. Pfungwa yokuti nyika yangu ndiyo inofanira kuenda pokutanga inokuchidzira kuputswa kwekodzero dzevanhu. Nokudaro, kodzero dzevanhu dzicharemekedzwa bedzi ‘kana hurumende yenyika yose ikavapo inogona kuona kuti zvinhu zviri kuitwa here,’ anodaro purofesa wemutemo noupfumi wechiDutch anonzi Jan Berkouwer.
Nemamwe mashoko, kuti kodzero dzevanhu chive chinhu chaichoicho chenyika yose, zvinhu zvinenge zviviri zvinofanira kutanga zvaitika: kuchinja pfungwa uye kuchinja hurumende. Kutarisira izvi kuti zviitike kutarisira zvinhu zvisingafi zvakaitika here?
Zvikonzero Zviviri Zvokuchinja
Makore Gumi Edzidzo Yekodzero Dzevanhu eUN paava kupinda mugore rawo rechishanu, kwemakore akawanda purogiramu yedzidzo yemarudzi akawanda, isiri yehurumende yanga ichibudirira pakuchinja pfungwa dzemamiriyoni evanhu. Semugumisiro, vanhu ava vanobata vamwe vanhu sevanhu. Purogiramu iyi, inoitwa neZvapupu zvaJehovha, iri kuitwa munyika dzinopfuura 230. Nei ichibudirira?
Chimwe chikonzero ndechokuti, purogiramu iyi yedzidzo yeBhaibheri inoita kuti vanhu vanzwisise zviri nani kwakabva kodzero dzevanhu. Mutemo Wekodzero Dzevanhu Wenyika Yose unoti munhu ane kodzero nemhaka yekuti munhu anofunga uye ane tsika.
Munhu anofanira kunge akawana simba rake rokufunga nehana kunzvimbo yakakwirira. (Ona bhokisi rakanzi “Kwakabva Kodzero Dzevanhu,” riri papeji 13.) Kuziva nzvimbo iyi yakakwirira, yaMwari kunokupa chikonzero chakasimba chokuremekedza mumwe munhu. Saka unoremekedza vamwe sevanhu kwete nemhaka bedzi yokuti hana yako inokuita kuti udaro asi, zvinotokosha kupfuura izvozvo, nemhaka yokuti kuremekedza kwako Musiki wako kunokuita kuti ubate chisiko chake noruremekedzo. Kuona nhau yacho munzira mbiri idzi kwakabva pamashoko aJesu Kristu anoti: “Ida Ishe, Mwari wako, nomwoyo wako wose, nomweya wako wose, nokufunga kwako kwose” uye, “Ida wokwako, sezvaunozvida iwe.” (Mateo 22:37-39) Munhu anoremekedza Musiki zvikuru haambovhiringidzi kodzero dzemumwe wake, nokuti inhaka yakabva kuna Mwari. Munhu anoputsa kodzero dzevanhu imbavha yenhaka.
Dzidzo Inoita Kuti Pave Nomusiyano
Purogiramu yedzidzo yeBhaibheri yeZvapupu zvaJehovha inobudirira zvakadini pakuderedza kuputswa kwekodzero dzevanhu? Nzira yakanakisisa yokupindura nayo mubvunzo iwoyo ndeyokutarisa zvakaitwa nepurogiramu yacho, nokuti sokutaura kwakaita Jesu, “uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.”—Mateo 11:19, NW.
Mashoko anozivikanwa zvikuru akanyorwa pamadziro eUnited Nations Plaza muNew York City anoti: “Vachapfura mapanga avo kuita magejo. Namapfumo avo kuva mapanga okuchekerera miti: Rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi banga. Uye havazodzidzizve kurwa.” Nemashoko iwayo akatorwa mubhuku reBhaibheri raIsaya ganhuro rechipiri, ndima yechina, King James Version, UN inoratidza nzira hurusa yekuderedza nayo kuputswa kwekodzero dzevanhu—kugumisa hondo. Pamusoro pezvose, ‘hondo inotorwisana nekodzero dzevanhu,’ sekutaurwa kwazvinoitwa nerimwe bhuku reUN.
Purogiramu yedzidzo yeZvapupu zvaJehovha inoti pfuurei pfungwa yokunyora mashoko aIsaya pamadziro. Ino“nyora” mashoko aIsaya pamwoyo yevanhu. (Enzanisa naVaHebheru 8:10.) Sei? Purogiramu yacho inobvisa mhinganidzo dzemadzinza uye inokoromora madziro eurudzi nokudzidzisa maonere eBhaibheri emarudzi: Kune rudzi rumwe chete bedzi—rudzi rwevanhu. (Mabasa 17:26) Vakanyoresa mupurogiramu yacho vanova nechishuvo chokuva “vateveri vaMwari,” uyo anotaurwa nezvake muBhaibheri kuti: “Haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.”—VaEfeso 5:1; Mabasa 10:34, 35.
Semugumisiro wedzidzo iyi inobva muBhaibheri, mamiriyoni evanhu nhasi “haazodzidzizve kurwa.” Kuchinja kwepfungwa nemwoyo kwakaitika. Uye kuchinja kwacho kunogara. (Ona bhokisi rakanzi “Dzidzo Inoitirwa Rugare,” riri papeji 14.) Iye zvino, vanhu vanopfuura 1 000 pazuva, paavhareji, vanopedza kosi dzokufunda zvinhu zvinokosha dzinoitiswa neZvapupu zvaJehovha uye vanokumbanira boka revanhu ava vari munyika yose vanoda rugare.
Kuchinja kwepfungwa nokusarudza kuremekedza kodzero dzevanhu uku kupfurikidza nokuramba kupinda muhondo kwakadzika midzi sei? Kwakadzika zvikuru. Somuenzaniso: Kudzama kwakaita maremekedzero anoita Zvapupu kodzero dzevanhu kwakaedzwa zvakakomba muHondo Yenyika II, kunyanya muNazi Germany. Wezvenhau Brian Dunn akataura kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisingadyidzani nechiNazi. Zvinhu zvinokosha zvikurusa zvavaisabvumirana nazvo nevaNazi kwaiva kusabatanidzwa kwavo mune zvematongerwe enyika. Izvi zvaireva kuti hapana mutendi aizobata zvombo.” (The Churches’ Response to the Holocaust) MuA History of Christianity, Paul Johnson akataura kuti: “Vakawanda vakatongerwa rufu nemhaka yekuramba kuita basa rehondo . . . , kana kuti vakapedzisira vava muDachau kana kuti mumisha inochengeterwa mapenzi.” Kunyange zvakadaro, vakaramba vakatsiga. Nyanzvi yezvenzanga Anna Pawełczyńska akarondedzera Zvapupu izvozvo se“kachitsuwa kevanhu vaisabvumirana nezvisizvo kaiva pakatikati perudzi rwaitambudzwa.”
Imbofungidzira zvako kuti kuderera kwekuputswa kwekodzero dzevanhu kwakadini kwaizovapo munyika yose kudai vanhu vose vakanga vakadai nhasi uye ‘vasingadzidzizve hondo’!
Hurumende Yenyika Yose—‘Kufungidzira’ Here?
‘Kuchinja pfungwa ibasa rakaoma, asi kugadzira hurumende yenyika yose Kufungidzira,’ mumwe mushandi weUN akataura kudaro. Uye ndizvo chaizvo, chokwadi chokuti marudzi haadi kupa simba rawo UN, kana chero sangano ripi zvaro, chinosimbisa mhedziso iyi. Zvisinei, vanoramba pfungwa yehurumende yenyika, sevanhu, “vanofanira kunzwa vane mutoro wokutaura imwe nzira yekupedza nayo zvinetso zvenyika. Zvisinei, dzimwe mhinduro dzisiri yadudzwa, hadziwaniki,” anodaro purofesa Berkouwer. Pari kurehwa mhinduro dzinobva kuvanhu. Asi kune mhinduro inobva kusimba rinopfuura remunhu. Ndeipi iyoyo?
Sekuratidza kunongoita Bhaibheri kuti masimba anoparira kunzwa kuda kodzero dzevanhu anobva kuMusiki, rinotiudzawo kuti ndiye anopa hurumende yenyika inoita kuti pave nechokwadi chokuti dzaremekedzwa. Hurumende yokudenga iyi haioneki asi iriko. Chokwadi ndechokuti, mamiriyoni evanhu, zvichida vasingazivi, vanonyengeterera hurumende iyi pavanonyengetera Munyengetero waShe: “Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.” (Mateo 6:10) Mutungamiriri akasarudzwa naMwari wehurumende iyoyo yoUmambo Muchinda Worugare, Jesu Kristu.—Isaya 9:6.
Hurumende yenyika iyi ichabudirira kugadzira mararamire anoremekedza kodzero dzevanhu uye echigarire, pamusoro pezvimwe zvose, nokubvisa hondo nokusingaperi. Bhaibheri rinoporofita kuti: “[Musiki] Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna vuta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomoto.”—Pisarema 46:9.
Izvi zvichaitika nokukurumidza sei munyika yose? Purogiramu yokufunda Bhaibheri inopiwa neZvapupu zvaJehovha inobatanidza mhinduro dzinogutsa dzomubvunzo uyu. Tinokukurudzira kuziva mamirire epurogiramu iyi.a Kana une basa nekodzero dzevanhu, hauzogumburwi.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida kuwana mashoko akawanda pamusoro pepurogiramu iyi yedzidzo yeBhaibheri, ona vabudisi vemagazini ino kana Zvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yako. Purogiramu iyi inopiwa pasina muripo.
[Bhokisi riri papeji 13]
Kwakabva Kodzero Dzevanhu
Chikamu 1 cheMutemo Wekodzero Dzevanhu Wenyika Yose chinotaura kuti “vanhu vose vanoberekwa vakasununguka vakaenzana pachiremera nekodzero.” Kodzero dzevanhu nokudaro dzinorondedzerwa sekodzero dzokuberekwa nadzo dzinoerera kubva kuvabereki kuenda kuvana, sezvinongoita rwizi runounzira mvura vanogara pamahombekombe arwo. Rwizi urwu rwekodzero dzevanhu rwakatangira kupi?
Maererano neMutemo Wekodzero Dzevanhu Munyika Yose, vanhu vane kodzero nokuti “vakapiwa pfungwa nehana.” Rimwe bhuku reUN rinotsanangura kuti: “Nokuti munhu anofunga uye ane tsika, akasiyana nezvimwe zvipuka zviri panyika uye nokudaro ane maruramiro okuwana dzimwe kodzero norusununguko zvisingawanwi nezvimwe zvipuka.” (Ndisu tatsveyamisa mashoko.) Naizvozvo, kugona kufunga uye kuva nehana kunonzi ndiko kunoita kuti munhu afanirwe nekodzero dzevanhu. Saka kana zvakadaro, kwakabva simba romunhu rokufunga nehana ndiko kwakabvawo kodzero dzevanhu.
Kuvatsigiri vekodzero dzevanhu vanodavira mhindumupindu, mashoko okuti kodzero dzevanhu dzakabatana nekufunga nehana anomutsa chinetso. Bhuku rinotsanangura mhindumupindu rinonzi Life Ascending rinobvuma kuti: “Patinobvunza kuti mutoo [mhindumupindu] wacho . . .waigona sei kudai wakagadzira mavara akadai sekuda runako nechokwadi, kunzwira tsitsi, rusununguko, uye, kunyanya, makurire akaita musiyano weunhu hwemunhu, tinoshamiswa.” Uye tinenge takarurama. Pamusoro pezvose, kutaura kuti simba rekufunga nehana rinobva kumadziteteguru asiri vanhu uye asingafungi uye asina hana pachawo zvakafanana nokutaura kuti rwizi runobva mutsime risina mvura.
Sezvo masimba emunhu okufunga nehana asingagoni kubva pazvinhu zvisiri vanhu, masimba aya anofanira kuve akabva kusimba rinopfuura vanhu. Vanhu chete ndivo vane mavara akabatana nekodzero dzevanhu—kufunga nehana—nokuti kusiyana nemhuka, vanhu vakasikwa no“mufananidzo” waMwari, rinotsanangura kudaro Bhaibheri. (Genesi 1:27) Naizvozvo, sokutaura kunoita bhuku rinonzi Human Rights—Essays on Justification and Applications, mhinduro inobvumika yemubvunzo wokuti nei vanhu vane kodzero ndeyokuti “vanoberekwa vachikosha kana kuti vane chiremera kana kuti . . . vana vaMwari.”
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 14]
Dzidzo Inoitirwa Rugare
Makore akati apfuura, hondo payaisakadza nyika dzeBalkan, Branko akanga achishanda semurindiri anogara nepfuti pane imwe kiriniki yaiva munharaunda yeCroatia muBosnia.b Chiremba wepo akanga achidzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye humwe usiku akatsanangurira Branko zvaakanga adzidza mufundo yake. Zvakanzwiwa naBranko zvakamuita kuti aise zvombo zvake pasi. Imwe nguva gare gare, atamira kune imwe nyika yeEurope, Branko akapinda musangano weZvapupu zvaJehovha, uye ikoko akaona Slobodan.
Slobodan aibvawo kuBosnia. Akanga arwa muhondo imwe cheteyo saBranko—asi ari kune rimwe boka. Slobodan akanga arwira vaSerb vairwisa vaCroatia. Panguva yakazosangana vaviri ava, Slobodan akanga atova Chapupu chaJehovha, uye akazvipira kufunda Bhaibheri naBranko, aimbova muvengi wake. Sezvo fundo yacho yakapfuurira, kuda Musiki, Jehovha, kwaBranko kwakakura. Nenguva isipi akafunga zvokuva Chapupu chaJehovha.c
Slobodan pachake akanga avawo Chapupu abatsirwa neaimbova muvengi wake. Sei? Pashure pokubva munzvimbo yairwiwa hondo muBosnia, Slobodan akashanyirwa naMujo, uyo aibvawo kuBosnia asi akanga arererwa muchitendero chakasiyana kwazvo nechaSlobodan. Zvino Mujo aiva Chapupu chaJehovha. Kunyange zvazvo vaimbova vavengi, Slobodan akabvuma kufunda Bhaibheri naMujo uye gare gare akatora danho rokuva Chapupu chaJehovha.
Chii chakakonzera varume ava kukurira ruvengo rwedzinza rwakadzika midzi ndokuchinja kubva pakuva vavengi kuva shamwari? Nekufunda kwavo Bhaibheri, vakatanga kuda Jehovha. Pashure paizvozvo, vakabvuma ‘kudzidziswa naMwari kudanana.’ (1 VaTesaronika 4:9) Sokucherechedzwa kunowanzoitwa Zvapupu zvaJehovha naWojciech Modzelewski, “chinhu chikuru chinoita kuti vave vanhu vane rugare ipfungwa yokutevedzera nheyo dziri muBhaibheri iye zvino.”
[Mashoko Omuzasi]
b Mazita ose adudzwa mubhokisi iri akachinjwa.
c Zvakafadza Branko ndezvokuti, akazoziva gare gare kuti, chiremba akanga atanga kutaura naye akavawo Chapupu chaJehovha.
[Mifananidzo iri papeji 11]
Kuchinja pfungwa nehurumende—kuchazomboitika here?
[Kwazvakatorwa]
U.S. National Archives photo
[Mifananidzo iri papeji 12, 13]
Dzidzo inobva muBhaibheri iri kukonzera kuchinja pfungwa kwakanaka