Kudimbuka Gumbo Kana Ruoko—Kunogona Kuitika Kwauri Here?
Benjamin akanga ari panze achidziya mushana wechirimo waidziyisa guta reSarajevo, paakatsika chimbambaira. Gumbo rake roruboshwe rakadimburwa. “Ndakaedza kusimuka,” anoyeuka kudaro Benjamin. “Ndakatadza.” Benjamin ndemumwe chete wevanhu 20 000 vanourawa pagore kana kukuvadzwa nezvimbambaira.
ANGOLA yakazadzwa nezvimbambaira zvingasvika mamiriyoni 15—zvinopfuura chimwe pamurume mumwe nomumwe, mukadzi, nemwana vari munyika yacho. Angola zvino ine vanhu 70 000 vakadimburwa makumbo kana maoko. Nemamiriyoni ayo masere kusvika kugumi ezvimbambaira zvakachererwa muvhu, munyika yose Cambodia ine nhamba hurusa muzana yevanhu vakadimburwa maoko kana makumbo—inofungidzirwa kuva mumwe chete pa236 voga voga. Zvinotaurwawo kuti Bosnia neHerzegovina dzine zvimbambaira zvinopfuura mamiriyoni matatu—59 pasikweya yekiromita yoga yoga.
Asi hadzisi nzvimbo dzasakadzwa nehondo chete dzine vanhu vari kudimbuka makumbo kana maoko. Somuenzaniso, kune vanhu vanenge 400 000 vakadimbuka makumbo kana maoko muUnited States. Pakati pevanhu vakuru vazhinjisa munhamba iyoyo, kudimbuka makumbo kana maoko imhaka yehosha inopfuurira inowanzonzi “peripheral vascular disease,” kana kuti PVD. Iri ishoko rinongoreva hosha dzakawanda. Taber’s Cyclopedic Medical Dictionary rinorondedzera PVD seshoko guru rinobatanidza “hosha dzetsinga dzemakumbo nemaoko dzinobva nedzinoenda kumwoyo, ku[nyanya] mamiriro aya ezvinhu anokanganisa kuyerera zvakanaka kweropa kuenda nokubva kumakumbo nemaoko.” Honzeri huru kupfuura dzose yePVD ihosha yeshuga. Maererano neThe World Health Report 1998, “hosha yeshuga kuvanhu vakuru ichawedzera nekaviri mupasi rose kubva pamamiriyoni 143 muna 1997 kusvika kumamiriyoni 300 pachasvika 2025.”
MuUnited States, njodzi—dzinobatanidza tsaona nemotokari, michina, maturusi emagetsi, uye zvombo—ndizvo honzeri yechipiri yekudimbuka makumbo kana maoko, zvichiparira 20 kusvika ku30 muzana yekudimburwa kwose. Zvimwe zvinokonzera kudimburwa maoko kana makumbo zvinobatanidza nyama inongobunduruka (inenge 6 muzana) uye urema hwokungoberekwa nahwo (inenge 4 muzana).
Kungotaurawo zvishomanana chete, pfungwa yokudimbuka gumbo kana ruoko inokonzera kusagadzikana. Pane nzira ipi neipi here yokuderedza njodzi iyi? Uye kana nechakare wakatodimbuka ruoko kana gumbo, unogona sei kunakidzwa noupenyu hwakanaka? Nyaya dzinotevera dzinokurukura izvi nemimwe mibvunzo.