RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 8/8 pp. 27-28
  • Unogona Kusarudza Ramangwana Rako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unogona Kusarudza Ramangwana Rako
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakafanosarudzwa uye Kuzvisarudzira
  • Chinokonzera Nomugumisiro
  • Ramangwana Rako Richava Rakaita Sei?
  • Kutsvaka Zvakafanosarudzirwa Munhu
    Mukai!—1999
  • Nguva Yako Yemberi Inogadzwa Nejambwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ramangwana Riri Mumaoko Ako!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Nguva Yako Yemberi Ichava Yakaita Sei?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 8/8 pp. 27-28

Unogona Kusarudza Ramangwana Rako

NEPO kushopera kwaionekwa se“chinhu chikuru chounyanzvi chakaitwa munyika yose yekare,” kwaiva “unyanzvi hwaizvidzwa nevaprofita vechiHebheru,” anotaura kudaro mucheri wematongo Joan Oates. Nei?

Pasinei zvapo nokuti vakanga vakapoteredzwa nemarudzi aiti upenyu hune zvahwakarongerwa, vaIsraeri vekare vairamba pfungwa yesimba risingakwanisi kudzora rinoumba upenyu hwavo. Mumirayiridzo yakapiwa rudzi rwacho, Mwari akanga ati kwavari: “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa . . . unouka, kana unotenda mashura, kana unoita mazango, kana muroyi, kana . . . muuki.”—Dheuteronomio 18:10, 11.

Pasina pfungwa yekufanorongerwa kana kushandiswa kwevauki, vaIsraeri vaigona kuva nechivimbo pamusoro peramangwana. Ichitsanangura chikonzero cheizvi, enisaikoropidhiya yechiFrench yeKaturike inonzi Théo inotaura kuti rudzi rwacho rwaidavira kuti “munhu nenyika zvakanga zvisingadzorwi nesimba risingagoni kudzora. Mwari aiva nechinangwa nokuda kwevanhu.” Chinangwa ichi chaiva chei?

Zvakafanosarudzwa uye Kuzvisarudzira

Mwari akavimbisa vaIsraeri rugare nokubudirira kana vaiteerera mitemo yake. (Revhitiko 26:3-6) Uyezve, vaitarisira kuna Mesiya aizounza migariro yakarurama panyika. (Isaya, chitsauko 11) Zvisinei, idi rokuti Mwari wakavimbisa zvinhu izvi harina kureva kuti vanhu vaigona kungopeta havo maoko ndokutarisa zvinhu zvichiitika. Kusiyana neizvozvo, vakaudzwa kuti: “Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose.”—Muparidzi 9:10.

Chaikosha apa yaiva pfungwa yokuzvisarudzira zvaunoda. VaIsraeri vaiva vakasununguka kunamata Mwari ndokuumba ramangwana ravo. Mwari akavavimbisa kuti: “Kana mukateerera zvakanaka mirayiro yangu, yandinokurayira nhasi, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, ndichapa nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, kuti ugone kukohwa zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako.” (Dheuteronomio 11:13, 14) Zvikomborero zvaMwari zvakauya kuvaIsraeri pavakanga vachiteerera.

Vava kuda kupinda munyika yaakanga avavimbisa, Mwari akapa vaIsraeri chisarudzo: “Tarira ndaisa pamberi pako nhasi upenyu nezvakanaka, norufu nezvakaipa.” (Dheuteronomio 30:15) Ramangwana romunhu oga oga raitsamira pazviito nezvisarudzo zvake pachake. Kunamata Mwari kwaireva upenyu nezvikomborero, nepo kuramba kuita kudaro kwaireva nhamo. Asi zvakadini nanhasi?

Chinokonzera Nomugumisiro

Tinodzorwa nemitemo yomusikirwo inoverengeka yakaisirwa zvakanakira isu. Mumwe wayo mutemo wechinokonzera nomugumisiro, kana kuti, sematauriro anoita Bhaibheri, “Izvo zvinodyara munhu, ndizvo zvaanochekazve.” (VaGaratia 6:7) Kana tangoziva nheyo iyi chete, zvinoita kufunga kuti zviitiko zvakati zvomunguva yemberi zvingangoitika.

Kana tikatyaira motokari tichimhanyisisa tisina hanya, tingangoita tsaona kupfuura patinenge tichityaira takangwarira. Kana tichisvuta fodya, tingangova nekenza kupfuura kana tisingasvuti. Chokwadi, zviitiko zvakadai sekurwisa kwemagandanga kwadudzwa munhanganyaya yenhevedzano ino zvingasaitika kwatiri, uye kufunga kuti zvingangogona kuitika hakuna zvakunoshanda. Zvisinei, kufunga nezvepfungwa yekufanosarudzirwa hakutibatsiri. Hakutijekeseri zvanhasi kana zvamangwana. Kudavira nhema hakumbotipi vimbiso yechokwadi nokuda kwenguva yemberi. Nyange kuona kuti Mwari ari kusarudza zvinozoguma zvaitika nokuda kwechiitiko choga choga hakudarowo.

Ramangwana Rako Richava Rakaita Sei?

Ramangwana redu harina kugara rakanyorwa asi rinoumbwa nezviri kuitika. Nyange zvazvo upenyu chiri chipo chinobva kuna Mwari, Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti tine basa rinokosha ratinofanira kuita pakusarudza nguva yedu yanhasi neramangwana redu. Chokwadi chokuti tinosarudza kufadza Mwari kana kuti, zvakasiyana neizvozvo, kumuita kuti asuwe chinoratidza kuti Mwari akatiita kuti titi dzorei upenyu hwedu.—Genesi 6:6; Pisarema 78:40; Zvirevo 27:11.

Uyezve, Magwaro Matsvene anosimbisa asimbisazve kuti ramangwana redu rakabatanidzwa nokutsungirira kwedu nemararamire edu, zvaizoshaya zvazvinoreva kudai zvinhu zvakanga zvatofanosarudzwa. (Mateo 24:13; Ruka 10:25-28) Zvino, kana tichisarudza kuteerera nokutendeka kuna Mwari, tingatarisira ramangwana rakadini?

Bhaibheri rinozivisa kuti vanhu vane ramangwana rinofadza chaizvo. Pasi richashandurwa kuva paradhiso muchatonga rugare nokuchengeteka. (Pisarema 37:9-11; 46:8, 9) Ramangwana iroro nderechokwadi nokuti Musiki wemasimba ose achazadzikisa zvaakavimbisa. (Isaya 55:11) Asi kukomborerwa kwedu noupenyu muParadhiso hakutsamiri pakufanorongerwa; kuchawanikwa nokuda kwokuita kwedu zvinodiwa naMwari tichiteerera panguva ino. (2 VaTesaronika 1:6-8; Zvakazarurwa 7:14, 15) Mwari akatipa rusununguko rwokuzvisarudzira zvatinoda uye anotikurudzira kuti: “Tsaura upenyu, kuti urarame.” (Dheuteronomio 30:19) Uchasarudza zvipi? Panzvimbo pokufanosarudzirwa, ndiwe uchazvisarudzira ramangwana rako.

[Mufananidzo uri papeji 28]

Mwari akaronga ramangwana rakaisvonaka nokuda kwevanhu vanoteerera

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe