Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Ndisingagoni Kunyatsofara Nevanhu?
“Kunyara kunopedza simba. Kutya kwakasimba kwaunofanira kurwisana nakwo. Ndekwechokwadi.”—Richard.a
“Ndainetseka nokunyara chaikwoikwo pandaikura. Zvaiita sokunge kuti ndaiva mukanyika kangu ndega.”—Elizabeth ane makore 18.
‘PANE chinhu chakaipa here pandiri? Nei ndisingagoni kunyatsofara nevanhu kwazvo?’ Unombozvibvunza mibvunzo iyi pane dzimwe nguva here? SaRichard, ane mashoko ari pamusoro apa, unganzwa uchitya kana kushushikana paunosangana nemumwe munhu mutsva. Unozvipeta uchitya kana uri pane vanhu vane chiremera. Kana kuti zvichida unoshushikana kwazvo nezvinofungwa nevamwe nezvako zvokuti paunopiwa mukana wokutaura manzwire ako kana mafungiro, unobva washaya neremuromo. “Ndinozviwana zvakaoma chaizvo kutaura nevanhu vandisinganyatsozivi chaizvoizvo,” anobvuma kudaro wechiduku Tracey.
Chii chaizvoizvo chinogona kubudisa pachena zviri seri kwemanzwiro akadaro? Kunzwisisa chinetso chacho ingava nhanho yokutanga yokuchikunda. (Zvirevo 1:5) Mumwe mukadzi akati: “Handina kumboziva kuti nei ndaisasununguka pane vanhu. Asi zvino nokuti ndava kuziva chinondinetsa chacho, ndinogona kubata nacho.” Saka ngatimbotarisai zvikonzero zvishomanana nei vamwe vaduku vangawana zvakaoma kunyatsofara nevanhu.
Chinetso Chokunyara
Zvichida kunyara ndicho chikonzero chinonyanya kuzivikanwa. Nepo pwere inofara nevanhu ichiwanzowana shamwari dzakasiyana-siyana, pwere inonyara, isingazvibatanidzi nevamwe inogona kunzwa yakasurukirwa uye yakaparadzana nevamwe. “Ndainetseka nokunyara chaikoiko pandaikura,” anodaro Elizabeth ane makore 18. “Zvaiita sokunge kuti ndaiva mukanyika kangu ndega.” Diane anoyeuka kushushikana kwaakava nakwo mugore rake rekutanga rechikoro chesekondari. “Ndaisada kuzivikanwa. Ndaiva nemudzidzisi akaita kuti tiratidze manzwire ataiita pamusoro pokuti kuzivikanwa kunokosha zvakadii. Panhamba dzakarongwa kubva pazero kusvika kushanu, zero aireva kusakosha zvachose uye shanu aireva kukosha. Vasikana vose vaizivikanwa pachikoro vakasarudza shanu. Ini ndakasarudza zero. Kwandiri, kunyara ndiko kwaiita kuti nditye kuzivikanwa. Haudi kuzivikanwa kana kuti vamwe vanyanyofunga nezvako nokuti unotya kuti vamwe vangasakufarira.”
Zvechokwadi, kunzwa uchinyara zvishoma pachakwo hakuna kuipa zvachose. Kuzvininipisa—kuziva patinoperera, ndikwo kuri pedyo zvikuru nokunyara. Tinorayirwa chaizvoizvo muBhaibheri ‘kufamba tichizvininipisa pamberi paMwari wedu.’ (Mika 6:8) Munhu anozvininipisa kana kuti anoti nyarei angava nyore kuva naye pane anozvitutumadza, anoita zvechisimba, kana anorayira. Uye nepo zviri zvechokwadi kuti pane “nguva yokutaura,” panewo “nguva yokunyarara.” (Muparidzi 3:7) Vanhu vanonyara vangasanyanyoomerwa nokunyarara. Nokuti vanowanzo‘kurumidza kunzwa vachinonoka kutaura,’ vanowanzoongwa nevamwe sevateereri vanonyatsoteya nzeve.—Jakobho 1:19.
Zvisinei, kazhinji zvikuru kuti pwere yakanyararisa, kana kuti inonyara, inoomerwa kutanga shamwari. Uye kana kukanyanyisa, kunyara kunogona kuita kuti pave nezvakadanwa nemumwe munyori kuti “kuzviisa mujeri repfungwa kwakati”—kuzviita mbimbindoga.—Zvirevo 18:1.
Kunyara—Chinetso Chinozivikanwa
Kana uchinetseka nokunyara, ziva kuti chinetso chinozivikanwa kwazvo. Mune kumwe kuongorora kwakaitwa pavadzidzi vesekondari nevepakoreji, “82 muzana yevadzidzi vacho vakati vaimbonyara pane imwe nguva muupenyu hwavo.” (Adolescence, rakanyorwa naEastwood Atwater) Kunyara kwaiva chinetso kune vamwe kunyange munguva yevanhu vanotaurwa muBhaibheri. Varume vanozivikanwa vakadai saMosesi naTimoti vangave vakanetseka nakwo.—Eksodho 3:11, 13; 4:1, 10, 13; 1 Timoti 4:12; 2 Timoti 1:6-8.
Funga nezvaSauro, mambo wekutanga werudzi rwekare rwevaIsraeri. Kazhinji zvikuru Sauro akanga ari murume akashinga. Zvipfuwo zvababa vake pazvakarasika, Sauro noushingi akatanga rwendo rwekunozvitsvaga. (1 Samueri 9:3, 4) Asi paakagadzwa kuva mambo werudzi, akabva angotanga kunyara. Pane kuti atarisane nemhomho inofara, Sauro akahwanda pakati penhumbi!—1 Samueri 10:20-24.
Kusazvivimba kuri pachena kwaSauro kungaratidzika sekusinganzwisisiki. Pashure pezvose, Bhaibheri rinomurondedzera semurume muduku akatsvinda, aikwezva. Chokwadi, “kubva pamafudzi ake kusvika kumusoro wake wakanga akapfuura vanhu vose pakureba”! (1 Samueri 9:2) Uyezve, muprofita waMwari akanga avimbisa Sauro kuti Jehovha aizokomborera kutonga kwake samambo. (1 Samueri 9:17, 20) Kunyange zvakadaro, Sauro akanzwa asingazvivimbi. Paakaudzwa kuti aizova mambo, akapindura achizvininipisa kuti: “Ko handizi muBenjamini, worudzi ruduku kumarudzi ose aIsraeri here? Uye mhuri yangu haizi duku kumhuri dzose dzorudzi rwaBenjamini here? Munotaurireiko kudaro kwandiri?”—1 Samueri 9:21.
Kana mumwe munhu akaita saSauro aitadza kuzvivimba, hazvishamisi kuti ungasanyatsozvivimba pane dzimwe nguva. Semunhu muduku, uri pazera reupenyu apo muviri wako uri kuchinja nokukurumidza. Uri kungotanga kudzidza maitirwe ezvinhu sezvinoitwa nevanhu vakuru. Saka, ndezvekuzvarwa nazvo, kuti iwe unzwe uchizvityira nekusagadzikana dzimwe nguva. Mumagazini inonzi Parents Dr. David Elkind akanyora kuti: “Panguva yekutanga kuyaruka, vanhu vaduku vakawanda vanopfuura nemunguva yokunyara, pavanozvigadzirira chandinoti vateereri vokufungidzira—pfungwa yekuti vamwe vari kuvatarisa uye vari kunyanya kufunga nezvechitarisiko chavo nezvavanoita.”
Sezvo vanhu vaduku kazhinji vachiyerwa nezvitarisiko zvavo nevavakaenzana navo, vakawanda vanoshushikana nechitarisiko chavo. (Enzanisa na2 VaKorinde 10:7.) Zvisinei, kunyanyofungisisa nezvechitarisiko chemunhu, hakuna kunaka. Mumwe mukadzi wechiduku muFrance anonzi Lilia anoyeuka zvakaitika kwaari pachake nezvenhau iyi: “Ndaiva nechinetso chine vechiduku vakawanda. Ndaiva nemburwa—tumapundu! Haushingi kuenda kune vamwe nemhaka yokuti unenge uchishushikana nechitarisiko chako.”
Zvinetso Zvisingaperi
Nemhaka yokuti vanhu vanonyara kazhinji havanyatsonzwisiswi, zviri nyore kuti vave vanazindonga. Bhuku rinonzi Adolescence rinoti: “Vayaruki vanonyara vanonetseka zvikuru kutanga shamwari nokuti kazhinji vanonzwisiswa zvisirizvo nevamwe. Vanhu vanonyara vanowanzoonekwa sevasina kusununguka, vanofinha, vasingafarirwi, vakaderera, vasina ushamwari, uye vane utsinye. Pavanobatwa saizvoizvi, vangatowedzera kunzwa vanyanya kusarudzwa nevamwe, vava voga, uye vaodzwa mwoyo.” Nenzira isingadzivisiki, izvi zvinotokonzera kuti vawedzere kunyara, kutaura chokwadi, zvichingosimbisa chete maonero asiri iwo okuti havana basa nevamwe kana kuti vanozvikoshesa.
Zvechokwadi, sezvo vaKristu vakaitwa “chinhu chinoshamisa chepanzvimbo yemitambo kunyika,” unofanira kuva nehanya nezveunhu hwaunoratidza vamwe. (1 VaKorinde 4:9) Unonzvengesa maziso paunotaura nevamwe here? Chimiro chako nokujangarika kwemuviri zvinoratidza kuti unoda kusiyiwa uri wega here? Saka ziva kuti vamwe vangakuona zvisirizvo uye vangakudzivisa. Izvi zvinogona kuita kuti kutanga ushamwari kutonyanya kuoma.
Zvimwe Zvikonzero
Asi chimwe chinetso chinozivikanwa kutya kutadza. Chokwadi, semazvarirwo atakaitwa hazvina kushata kumbonzwa uchiti ityei kana kuti zengurirei paunenge uchiita chimwe chinhu chitsva, chausina kumboita. Asi vamwe vaduku vanobva vazonyanyisa. Sewechiduku, Gail akanga ari zvaaidana kuti kutya kufara nevanhu. Anoti: “Ndaisataura mukirasi. Uye vabereki vangu vaigarorwadziwa nemashoko akadai seekuti, ‘Haasimudzi ruoko rwake. Haatauri zvaanofunga.’ Kwandiri, zvaindiodza mwoyo nokuita kuti ndisagadzikane. Munoziva, nazvino zvichakangondiomera.” Kutya kutadza kunogona kupedza simba. “Ndinotya kukanganisa,” inodaro pwere inonzi Peter. “Handina chokwadi nezvandiri kuita chaizvoizvo.” Kutsvinyirwa kweutsinye nokutsoropodzwa nevavakaenzana navo kunogona kuwedzera kutya kwemunhu oga ndokukuvadza zvachose kuzvivimba kwepwere.
Kusava neunyanzvi hwekufara nevanhu ndicho chimwe chinetso chinozivikanwa. Zvichida unozengurira kuzvisuma kune mumwe munhu mutsva, zvichida nemhaka yokuti hauzivi chokutaura. Zvingakushamisa kuziva kuti kunyange vanhu vakuru vanonzwa zvichivaomera kufara nevanhu pane dzimwe nguva. Muzvinabhizimisi anonzi Fred anoti: “Munyaya dzebhizimisi, ndinogona kuita zvinhu zvandinonyatsogona kuita. Ndikangotaura nezvebhizimisi chete, handizenguriri pamusoro pokuti ndinotaridzika zvakanaka zvakadii. Asi pandinongotanga kutaura zvekufara nevanhu ivavo, ndinozengurira. Zvimwe ndingazoonekwa seanofinha kana kuti anotaura zvisinganzwisisiki kana anonyanya kuda zvedzidzo kana kuti asinganakidzi.”
Kana uchinyara, uchizvityira, kana kuti uchinzwa zvichikuomera kufara nevanhu, zvakakunakira kuti udzidze kunyatsofara nevanhu. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu ku“wedzera” ndokusvika pakuziva vamwe! (2 VaKorinde 6:13) Asi unogona kuzviita sei? Izvi zvichakurukurwa munyaya yedu inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita achinjwa.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Vanhu vanonyara vanowanzoonwa sevasina kusununguka
[Mufananidzo uri papeji 30]
Kutya kutadza kunoita kuti dzimwe pwere dzizvibvise munzanga