Uri Munhu Anonyara Here?
1 Hatishamiswi patinoona mwana muduku achitidongorera ari seri kwaamai kana kuti baba vake. Hazvishamisi kuti mwana anyare paanenge achiri muduku. Kunyange kana vakura, vakawanda vanonyara. Kana kunyara kuchikanganisa kushanda kwako muushumiri, ungaita sei?
2 Kubata Nokunyara: Zvinokosha kufunga nezvo“munhu akavanzika wemwoyo.” (1 Pet. 3:4) Simbisa kuda kwaunoita Jehovha uye muvakidzani wako. Iva nechokwadi kwazvo kuti kuita basa rokuparidza ndeimwe yenzira dzakanakisisa dzokuratidza rudo rwokuzvipira. Ramba une muitiro wakanaka wokudzidza woga uye wokupinda misangano. Nyengetera nguva dzose uye zvakananga kuti Jehovha akubatsire. Kutenda kwakasimba uye kuvimba naye kuchaita kuti uve nechivimbo ndokupa ‘ushingi hwakanyanya hwokutaura shoko raMwari usingatyi.’—VaF. 1:14.
3 Rwisa pfungwa dzokuti hausi kuita zvakakwana. Zvinoita sokuti Timoti aifanira kuita izvi. Pauro akakurudzira Timoti kuti “parege kuva nomunhu anombozvidza uduku hwak[e]” achimuyeuchidza kuti “Mwari haana kutipa mudzimu woumbwende, asi wesimba.” (1 Tim. 4:12; 2 Tim. 1:7) Timoti akashandiswa zvakazara naJehovha, uyo achakushandisawo kana ukafambira mberi nechivimbo chakazara maAri.—Pis. 56:11.
4 Kufunga nezvendima yeBhaibheri, yakadai saMateu 10:37, kwakabatsira hanzvadzi yaiva noruzazu rwaiita kuti itye murume wayo aishora. Sezvayakapfuurira, ushumiri hwakava nyore kwairi, uye pakupedzisira murume wayo, amai, uye hanzvadzi vose vakagamuchira chokwadi!
5 Kugadzirira Kunokosha: Chivimbo chako chinowedzerazve paunonyatsogadzirira ushumiri. Sarudza mharidzo iri nyore mubhuku rinonzi Kurangarira kana kuti muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwekare, nyatsoidzidza, uye idzokorore. Pane kufunganya zvisina kufanira, funga zvakanaka. Wana ushingi nokushanda navamwe. Yeuka kuti vanhu vakawanda vauchaona pamisuo vanotya, sezvaunoita. Munhu wose anoda shoko roUmambo.
6 Kana uchinyara, usaora mwoyo. Sezvaunozvishandisa, Jehovha achakubatsira kuva muparidzi anobudirira wamashoko akanaka. Ipapo uchawana mufaro muushumiri hwako.—Zvir. 10:22.