Vanamai Vane AIDS Vane Dambudziko Rakaoma
CYNTHIA,a mumwe mukadzi anogara kuWest Indies, aifanira kusarudza pakati pokuyamwisa mwana wake mucheche nokumupa mukaka womubhodhoro. Chisarudzo chacho chingaita sechiri nyore. Inga wani kwamakumi amakore nyanzvi dzezvoutano dzave dzichikurudzira mukaka wamai se“zvokudya zvakanakisisa zvinopa utano” zvavacheche. Kunze kwaizvozvo, vacheche vanopiwa mukaka womubhodhoro vari munzanga dzine urombo vangangofa nezvirwere zvemanyoka nekanenge ka15 kupfuura vaya vanoyamwiswa. Kutaura zvazviri, United Nations Children’s Fund (UNICEF) inoshuma kuti vana vanenge 4 000 vanofa zuva roga roga somugumisiro wenjodzi dzakabatanidzwa nokushandiswa kwezvinotsiva kuyamwisa.
Zvisinei, muchiitiko chaCynthia, paiva neimwe njodzi pakusarudza kuyamwisa. Murume wake akanga amutapurira utachiona hweHIV hunokonzera AIDS. Abereka, Cynthia akaziva kuti mwana mumwe chete pavanomwe wamai vane HIV ane mukana wokutapukirwa nokuyamwiswa.b Saka, aitofanira kuita chisarudzo chinorwadza: kuita kuti mucheche wake apinde munjodzi dzokuyamwisa kana kuti munjodzi dzokupiwa mukaka womubhodhoro.
Mune mamwe mativi enyika umo denda reAIDS raonesa vanhu chitsvuku, 2 kana kuti 3 pavakadzi 10 voga voga vane pamuviri vane HIV. Mune imwe nyika, inopfuura hafu yevakadzi vane pamuviri vakaongororwa vaiva vatapukirwa. “Nhamba idzi dzinotyisa,” inodaro Nhepfenyuro yeUN, “dzaita kuti vasayendisiti vamhanye-mhanye kutsvaka mushonga.” Kuti aitewo chimwe chinhu chinobatsira panjodzi iyi, masangano matanhatu eUN akabatsira noruzivo rwawo, basa rakaoma, uye mari kuti aumbe Joint United Nations Programme on HIV/AIDS, inozivikanwa seUNAIDS.c Asi zvakawanwa neUNAIDS ndezvokuti mushonga ungapedza dambudziko rakaoma reAIDS hausi nyore.
Zvibingamupinyi Zvakaoma Kunzwisisa Zvinovhiringidza Mhinduro Iri Nyore
Maererano naEdith White, nyanzvi yezvokuyamwisa nokutapukirwa kwomwana neHIV kubva kunamai, vashandi vezvoutano vari kuyambira vakadzi vane HIV munyika dzakabudirira kuti vasayamwisa vacheche vavo, sezvo izvi zvichiwedzera nekaviri mukana wokutapukirwa kwomucheche wacho. Kushandiswa kwomukaka woupfu wevacheche kunoratidzika sezvokutsiva nazvo zvine musoro. Asi munyika dzichiri kubudirira—umo rondedzero dzokufungidzira dzinowanzoguma nengwavaira—mhinduro iyi iri nyore yakaoma kushandisa.
Chimwe chezvibingamupinyi ndechemagariro evanhu. Munyika dzinokurudzira kuyamwisa, vakadzi vanopa vacheche vavo mukaka womubhodhoro vangave vachishambadzira chokwadi chokuti vakatapukirwa neHIV. Mukadzi angatya kuti achapihwa mhosva, achasiyiwa, chero kurohwa apo mamiriro ake ezvinhu anozivikanwa. Vamwe vakadzi vari mumamiriro ezvinhu aya vanonzwa kuti havana chokusarudza kunze kwokuyamwisa vacheche vavo kuitira kuti varambe vasingazivikanwi kuti vane HIV.
Pane zvimwewo zvibingamupinyi. Somuenzaniso, funga nezvaMargaret ane makore 20. Iye, kufanana neinenge 95 muzana yavakadzi vokumamisha vomuUganda, haasati amboongororwa kuona kana ane HIV. Asi Margaret ane chikonzero chokuti anetseke. Mwana wake wokutanga akafa, uye wechipiri indonda uye anorwara-rwara. Margaret ari kuyamwisa mwana wake wechitatu kagumi pazuva, pasinei zvapo nechokwadi chokuti angangova neHIV. “Handimbofa ndakakwanisa kushandisa mukaka woupfu wevacheche,” anodaro. Nei asingakwanisi? Margaret anoti mutengo womukaka woupfu wevacheche wokupa mwana mumwe chete unopfuura mari inowanwa mugore rose nemhuri imwe yomumusha wake nekamwe chete nehafu. Chero dai mukaka woupfu wevacheche waiwanika pachena, paizongova pachine dambudziko rokuwana mvura yakachena yokusanganisa nomukaka woupfu wevacheche kuti uve zvokudya zvine utano.d
Zvimwe zvezvibingamupinyi izvi zvingaderedzwa kana vanamai vakatapukirwa neHIV vakapiwa zvinhu zvoutsanana zvakakodzera, uwandu hwakakwana hwezvinotsiva kuyamwisa, uye mukana wokuwana mvura ine utano. Zvinodhura here? Zvichida. Asi, zvinoshamisa kuti kuita gadziriro yakadaro kunoramba kuchiratidzika senhau yokuronga zvinofanira kuva zvokutanga kupfuura kuwana mari. Zvechokwadi, UN inoshuma kuti dzimwe nyika dzichiri kubudirira dzine urombo hwakanyanyisa dzinoshandisa mumauto mari inenge inopeta kaviri yadzinoshandisira zvinhu zvoutano nedzidzo.
Zvakadini Nemishonga Inorwisa AIDS?
Vasayendisiti veUN vakashuma kuti mushonga uri nyore uye wakachipa unonzi AZT unganyatsoderedza kutapurirwa kwomwana neHIV kubva kunamai. Nokubatsira kweUNAIDS, mutengo wokurapa uku wakaderedzwa kusvika pa$1 900. Uyewo, vanoongorora nezveAIDS vakazivisa muna July 1999 kuti kurapa vanamai vane HIV navacheche vavo nomushonga unonzi nevirapine unoita $114 chete kunoratidzika sokunoshanda kupfuura AZT mukudzivirira kuparadzirwa kweHIV. Nyanzvi dzezvoutano dzinotaura kuti nevirapine ingadzivirira vacheche vanosvika ku400 000 gore roga roga kuti vasatanga upenyu hwavo vaine HIV.
Zvisinei, vamwe vanotsoropodza kurapa nomushonga kwakadaro, vachitaura kuti sezvo kuchingodzivirira kutapurirwa kwomwana neHIV kubva kunamai chete, mai vacho vachaguma vava neAIDS ndokusiya mwana wacho ava nherera. UN inoti kana izvi zvikasaitwa pane njodzi yokuti vacheche vatapukirwe neHIV, zvichibva zvaita kuti ava vasina mhosva vaitwe kafira mberi kanosuruvarisa. Vanotiwo vanamai vakatapukirwa neHIV vangararama kwamakore. Funga nezvaCynthia, ambotaurwa pakutanga. Akaziva kuti akanga ava neHIV muna 1985, pakaberekwa mwana wake, asi haana kurwara kutozosvikira makore masere gare gare. Uye chero zvazvo mwana wake aiva neHIV paakaberekwa, paakanga ava nemakore maviri mwana wacho akanga asisina.
Kuvimbisa kunonyaradza kweBhaibheri ndekwokuti mhoteredzo yakachengetedzwa zvechokwadi nechichanyatsopedza hosha dzakaita seAIDS zvava pedyo. (Zvakazarurwa 21:1-4) Jehovha Mwari anopikira nyika itsva musina “ugeremo uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Zvapupu zvaJehovha zvingada kukuudza nezvechichanyatsogadzirisa zvinhu ichi. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota nyorera vabudisi vemagazini ino kana kuti ona Zvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako.
[Mashoko Omuzasi]
a Harisi zita rake chairo.
b Maererano neUNICEF, vacheche vanenge 500 kusvika ku700 vanotapukirwa nokuyamwiswa navanamai vane HIV.
c Masangano matanhatu acho iUNICEF, United Nations Development Programme, United Nations Population Fund, World Health Organization, World Bank, uye United Nations Educational, Scientific, and Cultural Organization. UNAIDS yakaumbwa muna 1995.
d Kuongorora kuchangobva kuitwa kunoratidza kuti kushandisa mukaka woupfu wevacheche nokuyamwisa kungawedzera njodzi yokutapukirwa neHIV uye kuti mukaka womuzamu ungava nezvinorwisa mavhairasi zvinobatsira kurwisa mavharaisi acho. Kana ichi chiri chokwadi,—chero zvazvo kuine njodzi—zvingava nani kusarudza kuyamwisa kwoga. Zvisinei, zvakawanwa nokuongorora uku zvichiri kufanira kutsigirwa.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 12]
WHO/E. Hooper