Rusununguko Rwakakura Rwehana Rwuchabvumirwa Here muMexico?
NOMUNYORI WEMUKAI! MUMEXICO
MUTEMO unovimbisa rusununguko rwechitendero muMexico. Zvisinei, mutemo wacho uchine zvimwe zvaunorambidza parusununguko rwokunamata. Somuenzaniso, kuramba basa rechiuto nemhaka yokutungamirirwa nehana hakunyanyozivikanwi munyika ino. Ndicho chikonzero nei Institute of Legal Investigations, yeNational Autonomous University of Mexico (UNAM), yakasarudza kuva nomusangano wenyika dzakawanda wokukurukura musoro unoti “Kuramba Kunotungamirirwa Nehana muMexico uye Munyika Dzose.” Institute of Legal Investigations yeUNAM iri pasi pehurumende, asi chinangwa chayo ndechokuongorora mitemo yakaitwa uye kushandiswa kwayo. Zvapupu zvaJehovha zvomuMexico zvakakumbirwa kutumira mumiririri kuti anopa hurukuro panhau inoti “Zvapupu zvaJehovha Nokuramba Kunotungamirirwa Nehana.”
Vanapurofesa Vanotaura
Hurukuro yaiti “Kuramba Kunotungamirirwa Nehana Mumutemo Wenyika Dzakawanda,” yakakurukurwa naDr. Javier Martínez Torrón, purofesa weGranada University of Law, muSpain, yakaratidza kuti rusununguko rwehana nekodzero yokuramba kushandiswa kwemimwe mitemo kana zvinhu zvinofanira kuitwa nemhaka yehana rwava kutobvumwa munyika dzakawanda. Akadudza mamirire ezvinhu eZvapupu zvaJehovha muSpain nenhau yaVaKokkinakis muGreece.a
Dr. José Luis Soberanes Fernández, purofesa weInstitute of Legal Investigations yeUNAM, akataura pamusoro unoti “Zvinozivikanwa neMexico Panhau Yacho.” “Tinofanira kutaura kuti Mutemo weMexico weReligious Associations and Public Worship unonyatsoti hakuna chinonzi kuramba kunotungamirirwa nehana,” akadaro, achitaura zviri muChikamu Chokutanga, chinoti: “Kudavira zvechitendero hapana pakunomboita kuti munhu chero upi zvake anzi ngaarege kuteerera mitemo yenyika ino. Hapana munhu achakwanisa kutaura nezvezvikonzero zvechitendero kuti arambe mitoro nemabasa anonzi nemitemo aitwe.” Mukugumisa, Dr. Soberanes akati: “Tinodavira kuti tinofanira kukurumidza kudzika mitemo panhau yokuramba kunotungamirirwa nehana muMexico.”
Akataura nezvokuti gore rimwe nerimwe mazana evana veZvapupu muMexico anosangana nezvinetso zvine chokuita nedzidzo yavo nemhaka yokuramba kwavo kukwazisa mureza kunokonzerwa nezvavanodzidza muBhaibheri. Vamwe vana veZvapupu havatombobvumirwi kunyoresa kuti vapinde chikoro. Zvisinei, vachishandisa zvikumbiro zvavakaita vachishandisa Komishini Yekodzero Dzavanhu, vakawanda vavo vakadzorerwa kodzero yavo yokudzidza. Vamwe vakuru vakuru vezvedzidzo vakatora matanho okuti vana vasadzingwa chikoro, asi vamwe vadzidzisi havanei nezvakadaro. Zviremera zvave zvichinzwisisa zvinodiwa neZvapupu, asi pave pasina nzira chaiyo inogona kuteverwa nezvikoro zvomuMexico.
Musangano wacho wakataurawo nezvokuramba kunotungamirirwa nehana kwakaitwa nezvimwe zvitendero, zvakadai sokumanikidzwa kushanda pamazuva anonzi matsvene, kurayirwa kupfeka pabasa munzira inopesana nezvavanotenda zvechitendero, zvichingodaro. Kuramba basa rechiuto nokumwe kurapa zvakataurwawo.
Zvapupu zvaJehovha naKesari
Imwe nhengo yevashandi vepahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yomuMexico yakapa pfupiso yezvinhu zvikuru zvavanodavira. Yakatsanangura kuomerera kwazvo kunheyo dzeBhaibheri dzakadai seiya inotaurwa pana Ruka 20:25, inoudza vaKristu ku“dzorera zvinhu zvaKesari kuna Kesari.” Yakataurawo nezvaVaRoma 13:1, inotaura kuti vaKristu vanofanira kuremekedza vane simba vari munyika dzavanogara. Yakasimbisa kuti Zvapupu zvaJehovha vagari vomunyika vakangofanana nevamwe, vanoteerera mutemo vanoedza kubhadhara mitero yavo, kurarama upenyu hwakarongeka, kuchengeta misha yavo yakachena, uye kuendesa vana vavo kuchikoro.
Ipapo yakataura nezvechikonzero chomuMagwaro chokuramba kwevana veZvapupu kukwazisa mureza, chinogona kuwanwa muMitemo Gumi, pana Eksodho 20:3-5 chinoti: “Usava navamwe vaMwari kunze kwangu. Usazviitira mufananidzo wakavezwa, kana uri mufananidzo wechinhu chiri kudenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika. Usapfugamira izvozvo, kana kuzvishumira.”
Zvapupu zvaJehovha zvinonamata Mwari oga, uye hapana pazvinombonamata chifananidzo. Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha hazvizombofi zvakaita chinhu chipi nechipi chokusaremekedza chiratidzo chenyika kana kutaura mashoko okuchishora.
Kuitira kusimbisa pfungwa dzeZvapupu zvaJehovha panhau iyi, vhidhiyo inonzi Purple Triangles yakaratidzwa. Vhidhiyo iyi inoratidza chisarudzo chakasimba chakaitwa neZvapupu zvaJehovha muNazi Germany (1933-45). Vhidhiyo yacho inoratidza nhau yekwaKusserow, mhuri yakaramba yakasimba pane zvayaitenda paitonga vaNazi.b
Chikonzero chomuMagwaro chokuramba kweZvapupu zvaJehovha kuisirwa ropa chakabva chapiwa. (Genesi 9:3, 4; Mabasa 15:28, 29) Gadziriro yeMatare Okubata Nechipatara ari munyika yose yakatsanangurwa. Uyezve, zviri kuitwa navanachiremba vanoshandira pamwe pakuvhiya Zvapupu zvaJehovha pasina kuisira ropa zvakataurwa.
Zuva rimwe nerimwe vanhu vanenge 100 vakapinda musangano wacho, vakawanda vacho vaiva magweta. Vamiririri veOffice of Religious Affairs yomuMexico vakapindawo. Vose vaivapo vakakwanisa kuteerera maonero aiita vanamazvikokota nhau yokuremekedza kuramba kunotungamirirwa nehana. Pfungwa iyi itsva kune vanodzika mitemo muMexico, kunyange zvazvo ichigamuchirwa chaizvo munyika dzakawanda dzoutongi hwegutsaruzhinji dzakadai seFrance, Portugal, Spain, neUnited States uyewo mune dzimwe nyika dzaimbova dzechiKomonisiti, dzakadai seCzechia neSlovakia.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya dzinoti “Dare Rapamusoro reEurope Rinotsigira Maruramiro Okuparidzira muGirisi” uye “Kudzivirira Mashoko Akanaka Zviri Pamutemo,” dziri mumagazini dzeNharireyomurindi dzaSeptember 1, 1993, uye December 1, 1998.
b Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1986, “Rudo Rwemhuri Yangu rwaMwari Pasinei Zvapo Netorongo Norufu.” Uyewo, magazini yaJanuary 15, 1994, peji 5.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Zvapupu zvaJehovha muMexico zvinokoshesa rusununguko rwazvo rwokuparidza