RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 4/8 pp. 9-11
  • Zvose Zvinorevei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvose Zvinorevei?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • “Mazuva Okupedzisira”
  • Unhu Hwakaipa Huri Muvanhu
  • Zviitiko Zvenyika
  • Simba Rakaipa Rinokurudzira
  • Nguva Itsva Iri Kuuya
  • Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Chaizvoizvo Tiri Kurarama Mu“mazuva Okupedzisira” Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Mazivire Atinoita Kuti Tava mu“Mazuva Okupedzisira”
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Donzo raMwari Richakurumidza Kuzadzikwa
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 4/8 pp. 9-11

Zvose Zvinorevei?

DAI waizoongorora tsika mumakore mashoma apfuura, waizoona kuchinja kwakajeka. Pasina kupokana, tsika dziri kuramba dzichiwedzera kurerutswa pakati penhamba yavanhu iri kuramba ichiwedzera. Izvi zvinoratidzei chaizvoizvo?

Zvinoreva here kuti, tsika dzedu dzose navanhu vose zvaparara, zvava pedyo nokuparadzwa sezvinotaurwa navamwe vanhu? Kana kuti kuchinja kwakadaro kunongova kumwe kuderera nokuchinja kwagara kuripo kunozivikanwa munhau?

Zvechipiri zvacho ndizvo zvinofungwa navanhu vakawanda. Vanoona kuparara kwetsika kwenguva yedu sokuchinjawo zvakwo, kumwe kwekwakambouya kuchienda munhau yose. Vanotarisira zvakazara kuti zvinhu zvichagadzikana uye kuti tsika dzakakwirira dzichadzoka. Vakarurama here?

“Mazuva Okupedzisira”

Ngatimbonyatsofungai nezvezvinhu zvacho tichishandisa zvinotaurwa nebhuku rakanga rine chiremera chinogamuchirwa kwose kwose kwamazana amakore panyaya dzetsika—Shoko raMwari, Bhaibheri. Kuenzanisa nyika yanhasi nokutsanangurwa kwouprofita kunoitwa neBhaibheri nezvenguva inokosha munhau yavanhu kunoita kuti tinyatsonzwisisa. Iyi inguva yarinodana kuti “mazuva okupedzisira” kana kuti “kuguma kwegadziriro yezvinhu.” (2 Timoti 3:1; Mateu 24:3) Sezvinoratidzwa namashoko aya, nguva iyi iripo kuti iratidze kuguma chaiko kwenguva iripo nokutanga kweimwe itsva.

Shoko raMwari rakafanotaura kuti mazuva okupedzisira aizozivikanwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” Kuti ribatsire vacherekedzi vanorinda kuziva mazuva okupedzisira, Bhaibheri rinopa mashoko akati wandei ayo pamwe chete anopa tsanangudzo yakajeka, kana kuti chiratidzo chinoumbwa nezvakawanda, chenguva ino isina inoenzana nayo.

Unhu Hwakaipa Huri Muvanhu

Cherekedza rumwe rutivi rwechiratidzo ichi chakakurumbira nhasi: ‘Vanhu vachava vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari asi vachiva venhema kusimba rakwo.’ (2 Timoti 3:2, 5) Hapana imwe nguva munhau yakambokurumbira kuda zvenyika kwazvo uye nesimba zvakadaro. Mwari ave achirambwa kwose kwose sechiremera choga, uye vanhu vakawanda havabvumi Bhaibheri sairo roga rine chokwadi. Chokwadi, zvitendero zvichiripo, asi zvakawanda hazvichambopesvedzeri zvakanyanya. Zvangova zvokubata kumeso.

Bhaibheri rinotaura rumwe rutivi rwechiratidzo chacho: “Vanhu vachava . . . vasingazvidzori, vanotyisa,” uye “nemhaka yokuwedzera kwokusateerera mutemo rudo rwevakawanda zvikuru ruchatonhora.” (2 Timoti 3:2, 3; Mateu 24:12) Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “tyisa” pakati pezvimwe zvinhu, rinoreva kuti, “kusanzwira tsitsi nengoni kunoitwa nomunhu.” Nhasi vana vachiri vaduku vari kuzviratidza kuva vano“tyisa” uye vari kuramba vachipara mhosva dzechisimba.

Uyezve, kufambira mberi nokukurumidza kworuzivo rwokugadzira zvinhu nekwoupfumi, uye makaro azvakauya nawo zvakakonzera vanhu vakawanda kuti vasiye tsika dzakare. Vasingafungi vamwe, vanoshandisa chero nzira dzipi dzinowanika, kunyange dzokusatendeseka, kuti vawane zvakawanda sezvavangagona kuti vagutse zvavanoshuva zvoudyire. Kuwedzera kukuru kwokubhejera humwe uchapupu hwoudyire, uye nhamba dzemhosva dzakaparwa mumakumi amakore mashoma adarika uchapupu hwakasimba nehwakajeka hweizvi.

Chimwe chiratidzo chakapararira zvikurukuru munguva yedu ndeichi: “Vanhu vachava . . . vanoda zvinofadza panzvimbo pokuda Mwari.” (2 Timoti 3:2, 4) Mumwe muenzaniso weizvi ndewokuti vanhu vanoda zvinofadza nyama, asi havadi mutoro wokugara nomunhu wavakaroorana naye kwoupenyu hwavo hwose. Zvave zvichiguma nezviitiko zvinokatyamadza zvokuparara kwoukama hwemhuri, vana vasingafari uye vasina ukama hwapedyo navabereki vari voga, vabereki vamwe, uye hosha dzinopomeranwa pakusangana kwavarume navakadzi.

Rumwe rutivi rwechiratidzo ichi nderwokuti “vanhu vachava vanozvida, vanoda mari.” (2 Timoti 3:2) Maererano nemagazini yokuGermany Die Zeit, “chiri seri kwegadziriro yo[upfumi hwanhasi] udyire.” Kupfuura kare kose, kutsvaka mari ndicho chinhu chinokosha zvikuru muupenyu hwavanhu. Mukuronda kwoudyire uku, dzimwe tsika dzinoraswa.

Zviitiko Zvenyika

Kunze kwokutaura kuparara kwetsika dzavanhu, Bhaibheri rakafanotaurawo kuti mazuva okupedzisira aizozivikanwa nokuchinja-chinja kwakanyanyisa kwaizoita kuti mhuri yavanhu isagara zvakanaka. Somuenzaniso, rinoti “rudzi ruchamukira rudzi, noumambo huchamukira umambo; uye kuchava nokudengenyeka kwepasi kukuru, uye munzvimbo nenzvimbo muchava nenhenda nokuperevedza kwezvokudya.”—Ruka 21:10, 11.

Kunze kwezana ramakore rechi20, hapana imwe nguva munhau apo vanhu vakawanda kudaro vakabatanidzwa munjodzi dzinovhundutsa nyika yose dzakawanda kudaro munguva pfupi yakadaro. Somuenzaniso, vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 vakaurawa muhondo munguva iyoyo, nhamba inopeta kakawanda nhamba yevakafa muhondo dzemazana amakore akawanda akapfuura asanganiswa pamwe chete. Zana ramakore rechi20 rakava nehondo mbiri dzakasiyana nedzimwe dzose zvokuti dzakanzi hondo dzenyika. Kukakavadzana kwenyika yose kwakafanana nouku hakuna kumbobvira kwaitika pakutanga.

Simba Rakaipa Rinokurudzira

Bhaibheri rinoratidzawo kuvapo kwechisikwa chomudzimu chakaipa, chine simba, ch“inonzi Dhiyabhorosi uye Satani,” chine chinangwa chokunyengedza vanhu kuti vasiye tsika dzechokwadi ndokuvaita kuti vaite tsika dzakashata. Rinoti mumazuva okupedzisira, akauya pasi, “akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:9, 12.

Dhiyabhorosi anorondedzerwa muBhaibheri se “mutongi wesimba remhepo, mudzimu unoshanda zvino muvanakomana vokusateerera.” (VaEfeso 2:2) Izvi zvinoreva kuti Dhiyabhorosi anopesvedzera zvine simba vanhu vakawanda, kazhinji kacho vasingazvioni, kungofanana nokusaona kwatingaita chimwe chinhu chinosvibisa mhepo chisingaoneki pane dzimwe nguva.

Somuenzaniso, kupesvedzera kwaSatani kunoonekwa muzvishandiso zvamazuva ano zvokubudisa mashoko zvakawanda: mavhidhiyo, mabhaisikopu, terevhizheni, Gadziriro yokuwana mashoko kumuzinda wemakombiyuta, kushambadza, mabhuku, magazini nemapepanhau. Mashoko akawanda, zvikurukuru ayo anogadzirirwa vechiduku vasingambozvifungiri, zvakazadzwa namaitiro akanyanyisa uye akashata, akadai sourudzi, zvemashiripiti, unzenza, uye chisimba choutsinye.

Vanhu vakawanda vakatendeka vakaororwa nokufanana kuri pakati perondedzero inopiwa neBhaibheri yamazuva okupedzisira namamiriro chaiwoiwo akaita zvinhu munyika yanhasi. Ichokwadi kuti kwakambova nezvimwe zviitiko munhau zana ramakore rechi20 risati rasvika izvo munzira duku zvakaratidza kupindirana nokurondedzera kweBhaibheri. Asi munongova muzana ramakore rechi20 chete, uye zvino rechi21, umo zvinhu zvose zvechiratidzo chacho zvinogona kucherekedzwa.

Nguva Itsva Iri Kuuya

Vangave vaya vanotenda kuti vanhu vachaparadzwa kana kuti vaya vanoti zvinhu zvichangoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita havana kururama. Panzvimbo paizvozvo, Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti nzanga yenyika iripo zvino ichatsiviwa neimwe itsva.

Jesu apedza kutaura mativi akati wandei ezviratidzo zvamazuva okupedzisira, akati: “Saizvozvo nemiwo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.” (Ruka 21:31) Umambo hwaMwari hwokudenga ndohwakanga huri musoro mukuru wokuparidza kwaJesu. (Mateu 6:9, 10) Uye Mwari akamugadza kuti ave Mambo woUmambo uhwu, inova hurumende ichatonga nokukurumidza pasi pose.—Ruka 8:1; Zvakazarurwa 11:15; 20:1-6.

Pakupera kwemazuva okupedzisira, Umambo hwaMwari hwokudenga huchitungamirirwa naKristu huchabvisa vose vari vavengi vahwo—Dhiyabhorosi navanomutsigira—ndokutsiva nzanga yanhasi ine tsika dzakaparara nenyika itsva yakarurama. (Dhanieri 2:44) Munyika iyi itsva, vanhu vane mwoyo yakarurama vachava noupenyu husingaperi panyika inenge yachinjwa kuitwa paradhiso.—Ruka 23:43; 2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4.

Vaya vanovenga kuparara kwetsika dzanhasi uye vanonzwisisa chiratidzo chinoumbwa nezvakawanda chamazuva okupedzisira chiri kuzadzika muzviitiko zviri kuitika zvino vanogona kutarira mberi kune ramangwana rakanaka. Nokuda kweizvi tinotenda Mwari wamasimba ose, anotitarisira isu vanhu uye ane chinangwa chine mbiri nokuda kwechisiko chake, nyika.—Pisarema 37:10, 11, 29; 1 Petro 5:6, 7.

Zvapupu zvaJehovha zvinokukumbira kuti udzidze zvakawanda nezveMusiki wedu ane rudo uye tarisiro youpenyu munyika ine tsika dzakachena, yaakachengetera vose vanoitsvaka. Sezvinotaura Bhaibheri, “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi, kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.”—Johani 17:3.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Vanhu vane mwoyo yakarurama vachafadzwa noupenyu husingaperi muparadhiso yapasi

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe