RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 5/8 pp. 28-30
  • Kubereka Vana—Kunoita Kuti Munhu Anzi Murume Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kubereka Vana—Kunoita Kuti Munhu Anzi Murume Here?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chiri Kukonzera Dambudziko Racho
  • Maonero Anoita Mwari
  • “Pfuurirai Sevarume”
  • Vanababa Vanotiza—Vangatiza Chaizvoizvo Here?
    Mukai!—2000
  • Zvakadiniko Nevatano Pamberi Peroorano?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Zvakaipei Kurara Mose Musati Maroorana?
    Mukai!—2004
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisabvume Kufurirwa Kuita Zvebonde?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 5/8 pp. 28-30

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Kubereka Vana—Kunoita Kuti Munhu Anzi Murume Here?

“Ndinoziva [vakomana] vakati wandei vanoti, ‘Ndine mwanasikana anogara kuno nemwanakomana anogara uko,’ uye matauriro avanozviita, anoita sokuti havana basa nazvo.”—Harold.

GORE roga roga vasikana vachiri kuyaruka vanoda kusvika miriyoni muUnited States vanobata pamuviri. Vana vakawanda vanoberekwa navanaamai vakadaro vanoberekwa navanhu vasina kuchata. Pavanaamai vachiri kuyaruka ava, mumwe chete pavana achaguma ava nomumwe mwana wechipiri mumakore maviri anotevera. Magazini yeAtlantic Monthly inoti: “Kana miitiro iripo zvino ikapfuurira, vana vasingasviki hafu yavana vose vari kuberekwa nhasi ndivo vachapfuurira kurarama vaina amai nababa vavo muuduku hwavo hwose. Vana vakawanda vokuAmerica vachapedza makore akawanda vari mumhuri ina amai voga.”

Kunyange zvazvo United States ine vachiri kuyaruka vakawanda vanoita pamuviri kupfuura dzimwe nyika dzakasimukira, dambudziko revana vanoberekwa navanhu vasina kuchata riri munyika yose. Mune dzimwe nyika dzomuEurope, dzakadai seEngland neFrance, uwandu hwokuberekwa kwavana kwakadaro hwakaenzana nohuri muUnited States. Mune dzimwe nyika dzomuAfrica nedzokuSouth America, uwandu hwokuberekwa kwavana navasikana vachiri kuyaruka hunotoda kupeta kaviri hwokuUnited States. Chii chiri kukonzera iri dambudziko?

Chiri Kukonzera Dambudziko Racho

Kusvika kumwero wakura, mamiriro ezvinhu aya ari kukonzerwa nokuparara kwetsika dze“nguva dzinonetsa” dzatiri kurarama madziri. (2 Timoti 3:1-5) Mumakumi amakore achangodarika, uwandu hwokurambana hwakawedzera zvakanyanya. Ungochani nemimwe miitiro youpenyu yakasiyana zvava zvinhu zvezuva nezuva. Vechiduku vave vachibudisirwa mashoko anokuvadza anoparadzirwa nezvinobudisa nhau—mimhanzi namavhidhiyo emimhanzi inokurudzira kuita zvakaipa, nyaya dzinotyisa dzomumagazini nokushambadza kwakanyanyisa, mashoo eTV namabhaisikopu anokudziridza kuita zvepabonde nomunhu wose wose. Kuwanika zviri nyore kwenzvimbo dzokubvisira pamuviri nezvinoshandiswa pakuronga mhuri zvakatsigirawo zvinofungwa navaduku kwose kwose zvokuti hapana chinokanganisika nokuita zvepabonde. Mumwe baba asina kuchata anoti: “Ndinoda kuita zvepabonde asi ndisingazovi nomutoro.” “Kuita zvepabonde anongovawo zvawo mafaro uye mutambo,” anodarowo mumwe.

Mafungiro akadaro anogona kunge akanyanya kupararira pakati pepwere dziri varombo. Anotsvakurudza ruzivo Elijah Anderson akanyatsobvunzurudza pwere dzinogara muguta uye akacherechedza kuti: “Kuvakomana vakawanda, kuita zvepabonde chiratidzo chinokosha chemamiriro ezvinhu omunzvimbo yacho; kuita zvepabonde kakawanda kunova nhau yokuvavarira kukunda vamwe.” Zvechokwadi, mumwe baba asina kuchata akaudza vanyori veMukai! kuti kukunda vamwe pakuita zvepabonde kunoonekwa kwose kwose se“menduru dzokukunda dzaunogona kuisa pasherufu.” Chii chinokonzera maitiro okusanzwira vamwe tsitsi akadaro? Anderson anotsanangura kuti muzviitiko zvizhinji vanhu vanokosha zvikuru muupenyu hwepwere inogara muguta “inhengo dzeboka revezera rake. Dzinogadza tsika dzaanofanira kuva nadzo, uye zvinokosha kwaari kuti ararame maererano netsika idzodzo.”

Nokudaro Anderson anocherechedza kuti kumajaya akawanda, kukunda vamwe pakuita zvepabonde kunongovawo hako mutambo, “chinangwa chacho chiri chokuita mumwe munhu benzi, zvikurukuru mhandara.” Anowedzera kuti “mutambo wacho unobatanidza kuzviratidza kwomukomana wacho kwose, kusanganisira mbatya dzake, kupfeka, chitarisiko, kugona kutamba, uye matauriro.” Vakomana vechiduku vakawanda vane unyanzvi hwokukunda mu“mutambo” uyu. Asi Anderson anoti: “Musikana paanobata pamuviri, mukomana anowanzomutiza.”—Young Unwed Fathers—Changing Roles and Emerging Policies, rakanyorwa naRobert Lerman naTheodora Ooms.

Maonero Anoita Mwari

Asi kubereka mwana kunoita kuti munhu ave murume zvechokwadi here? Kuita zvepabonde kunongovawo hako mutambo here? Kwete maererano nomusiki wedu, Jehovha Mwari. MuShoko rake, Bhaibheri, Mwari anotaura zvakajeka kuti kuita zvepabonde kune chinangwa chakakwirira. Pashure pokutaura nezvokusikwa kwomurume nomukadzi vokutanga, Bhaibheri rinoti: “Mwari akavaropafadza, Mwari akati kwavari: Berekai, muwande, muzadze nyika.” (Genesi 1:27, 28) Chakanga chisimbori chinangwa chaMwari kuti vana vasiyiwe navanababa vavo. Akabatanidza murume nomukadzi vokutanga pamwe chete mukubatanidzwa kwechigarire kwokuroorana. (Genesi 2:24) Saka chakanga chiri chinangwa chake kuti mwana wose ave nababa naamai.

Zvisinei, pasina nguva refu, varume vakatanga kutora vakadzi vakawanda. (Genesi 4:19) Genesi 6:2 inotiudza kuti kunyange dzimwe ngirozi dza“kaona vakunda vavanhu kuti vakanaka.” Dzapfeka miviri yavanhu, ngirozi idzi “[dz]akazvitsaurira . . . vakadzi,” dzichitora nokukara “vose va[dz]akada.” Mafashamo omuzuva raNoa akamanikidzira madhimoni aya kuti adzokere kunyika yomudzimu. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti zvino dzakapfigirwa kunharaunda yapasi. (Zvakazarurwa 12:9-12) Saka Satani namadhimoni ake nhasi vanopesvedzera vanhu zvine simba. (VaEfeso 2:2) Majaya ari kubvuma asingazivi kupesvedzera kwakaipa kwakadaro paanobereka vana asina kuzvigadzirira uye asingavadi.

Saka, nechikonzero chakanaka, Magwaro anoti: “Izvi ndizvo zvinoda Mwari, kutsveneswa kwenyu, kuti murege ufeve; kuti mumwe nomumwe wenyu azive kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa, kwete mukuchochora kwokushumba sezvinoitawo mamwe marudzi iwayo asingazivi Mwari; kuti parege kuva nomunhu anosvika pakukuvadza nokupindira pakodzero dzehama yake munhau iyi, nokuti Jehovha ndiye anoranga nokuda kwezvinhu zvose izvi.”—1 VaTesaronika 4:3-6.

“Murege ufeve”? Majaya akawanda angaseka pfungwa iyi. Pashure pezvose, maduku, uye zvishuvo zvao zvichakasimba! Asi ona kuti ufeve hunobatanidza ‘kukuvadza uye kupindira kodzero’ dzavamwe. Hazvikuvadzi musikana here kumusiya ane mwana asi pasina kutsigira kwomurume? Uye zvakadini nenjodzi dzokumutapurira hosha inotapurirwa nokusangana pabonde, yakadai segenital herpes, njovhera, gonoriya, kana AIDS? Chokwadi, pane dzimwe nguva zvinogoneka kudzivisa migumisiro yakadaro. Kunyange zvakadaro, kuita zvepabonde musati maroorana kunongopindirazve kodzero dzomusikana dzokuchengetedza mukurumbira wakanaka uye kuroorwa ari mhandara. Saka, kurega ufeve, kune pfungwa uye kunoratidza kukura. Chokwadi, zvinoda kuzvidzora uye kutsunga ku‘dzora muviri womunhu oga’ ndokusaita zvepabonde musati maroorana. Asi sezvatinoudzwa naIsaya 48:17, 18, achishandisa mitemo yake, Mwari ari ‘kutidzidzisa zvinotibatsira.’

“Pfuurirai Sevarume”

Saka zvino, jaya ringazviratidza sei kuva murume chaiye? Chaizvoizvo kwete nokubereka vana vasiri pamutemo. Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Rambai makamuka, mirai makasimba mukutenda, pfuurirai sevarume, ivai nesimba. Zvinhu zvenyu zvose ngazviitike norudo.”—1 VaKorinde 16:13, 14.

Cherechedza kuti ‘kupfuurira savarume’ kunobatanidza kungwarira, kusimba mukutenda, kushinga, uye kuda. Chokwadi, nheyo idzi dzinoshanda kuvarume navakadzi zvakangofanana. Asi kana ukakudziridza unhu hwomudzimu seizvi, vanhu vachava nechikonzero chakanaka chokukuremekedza uye kukuyemura somurume chaiye! Dzidza kune munhu mukurusa ati amborarama—Jesu Kristu. Chimbofunga chete nezvemaitiro ake oushingi somurume atarisana nokurwadziswa uye kunyange rufu. Asi Jesu akazvibata sei pane vakadzi?

Chaizvoizvo Jesu akanga ane mukana wokuva pamwe navakadzi. Akanga ane vateveri vakawanda vakanga vari vakadzi, vamwe “vakanga vachivashumira [iye navaapostora vake] nezvinhu zvavo.” (Ruka 8:3) Ainyanya kuwirirana nehanzvadzi mbiri dzaRazaro. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoti “Jesu aida Marita nomukoma wake.” (Johani 11:5) Jesu akashandisa ungwaru hwake, runako, kana kuti muviri wake waikwezva, uyo pasina mubvunzo wakanga wakanyatsoumbwa somurume akakwana, kuti akwezve vakadzi ivavo kuita zvounzenza here? Mukupesana, Bhaibheri rinotaura nezvaJesu kuti “haana kuita chivi.” (1 Petro 2:22) Haana kuzvibata zvisina kufanira kunyange apo mukadzi aizivikanwa somutadzi, zvichida pfambi, “akachema akatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake achizodzipukuta nebvudzi romusoro wake.” (Ruka 7:37, 38) Jesu haana kumbofunga kuti dzawira mutswanda pane mukadzi uyu aisambonetsa! Akaenzanisira mano okudzora manzwiro ake—chiratidzo chomurume chaiye. Akabata vakadzi, kwete sevekurara navo, asi savanhu vanofanira kudiwa nokuremekedzwa.

Kana uri murume muduku wechiKristu, kutevedzera muenzaniso waKristu—uye kwete uya wevamwe vezera rako—kuchakudzivisa ‘kukuvadza uye kupindira kodzero’ dzomumwe munhu. Zvichakudzivirirawo panhamo inosuruvarisa yokubereka mwana asiri wapamutemo. Chokwadi, vamwe vangakutsvinyira nokuda kwokurega ufeve. Asi pakupedzisira, kuwana nyasha dzaMwari kuchakubatsira kupfuura kufarirwa kwekanguva kaduku nevezera rako.—Zvirevo 27:11.

Zvisinei, zvakadini kana pwere yakamborarama upenyu hwounzenza munguva yakapfuura asi yakatochinja kare kubva panzira yayo younzenza uye yakapfidza zvechokwadi? Kana zvakadaro, kufanana naMambo Dhavhidhi akapfidza, uyo akatadzawo kuzvibata ndokuita zvepabonde, inogona kuva nechokwadi chokukanganwirwa naMwari. (2 Samueri 11:2-5; 12:13; Pisarema 51:1, 2) Asi kana zvakaguma nokubata pamuviri zviri kunze kwomuchato, jaya ringava richine zvisarudzo zvakasimba zvarinofanira kuita. Rinofanira kuroora musikana wacho here? Rine mitoro ipi neipi pamwana waro here? Nyaya ichatevera ichapindura mibvunzo iyoyi.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Pwere dzakawanda dzinofunga zvisirizvo kuti hapana chinokanganisika nokuita zvepabonde

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe