RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 6/8 pp. 3-4
  • Zvinonyadzisira Zvava Kuwanika paInternet

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinonyadzisira Zvava Kuwanika paInternet
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinonyadzisira uye Vana
  • Zvinonyadzisira Hazvikuvadzi Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Nei Ndisingafaniri Kuona Zvinonyadzisira?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Nei Zvinonyadzisira Zvakapararira Kwazvo?
    Mukai!—2003
  • Kukuvadza Kunoita Zvinonyadzisira
    Mukai!—2003
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 6/8 pp. 3-4

Zvinonyadzisira Zvava Kuwanika paInternet

KUPOTA NYIKA YOSE, MAMIRIYONI AVANHU ANOSHANDISA Internet zuva rimwe nerimwe. Vakawanda vanovhura Internet kuti vaite bhizimisi, vanzwe nhau dzichangobva kuitika munyika yose, vaone zvichava zvakaita mamiriro okunze, vadzidze nezvenyika dzakasiyana-siyana, vawane mashoko nezvekufamba nzendo, kana kuti kukurukurirana nemhuri neshamwari mumativi akasiyana-siyana enyika. Asi vamwe—vanhu vakura vakaroora uye vasina kuroora uyewo nhamba inoshamisa yavana—vachavhura Internet nokuda kwechimwewo chikonzero: KUTI VATARISE ZVINONYADZISIRA.

ZVINONYADZISIRA ZVEPAKOMBIYUTA, zvinonziwo cyberporn, zvakakurumbira kwazvo zvokuti zvazova bhizimisi rinowana mamiriyoni akawanda emadhora. The Wall Street Journal rakati: “Tsvaka Web site inowana mari yakawanda [inobhadhara] uye, kazhinji bhizimisi rayo uye zvainazvo zvinhu [zvinonyadzisira] zvakaipa.”

Journal racho rakaenderera mberi richitsanangura chikonzero nei vanhu vachienda paInternet kuti vaone zvinonyadzisira richiti: “Makasitoma anogona kuona mifananidzo yacho chaiyo asina kupinda muchitoro kana kunyange kushanyira kamuri rokuseri muchitoro chine mavhidhiyo chomunharaunda. Makasitoma anogona kuona mifananidzo yakaipa ari mudzimba dzawo oga—kana hofisi.”

Zvinonyadzisira uye Vana

Zvinosuruvarisa kuti vakawanda vanoona zvinonyadzisira pakombiyuta vana. Pwere dzinorambidzwa nomutemo kutenga mabhuku ane zvinonyadzisira kana kuhaya mavhidhiyo ane zvinonyadzisira dzinogona kuzviwana dziri mudzimba dzadzo nokungotinya-tinya zvishoma bhatani remouse yekombiyuta. Zvokuona zvacho hazviperi.

Vana vakawanda nguva zhinji vanovhura dzimwe nzvimbo dzeInternet vabereki vavo vasingazivi. Kutaura chokwadi, The Detroit News rinoti “vanopfuura vaviri pavana vashanu vakanyoresa kuweb site kana kuti kune vamwe vanopa zvinhu zvepaInternet kunyange zvazvo inenge 85 muzana yavabereki iine mitemo inorambidza izvozvo.”

Nepo vana vakawanda—uye vanhu vakurawo—vachingwarira pakuviga chokwadi chokuti vanotarisa zvinonyadzisira, havasi vose vanoda kuviga izvi. Vamwe vanofunga kuti muitiro wacho inzira yokutandara nayo isingakuvadzi. Vamwe vanobvuma kuti zvinonyadzisira hazvina kukodzera kuvana asi vobva vati zvinoitwa navanhu vakura mudzimba dzavo ndezvavo voga.

Mune dzimwe nyika nharo pamusoro pezvinonyadzisira dzava hondo chaiyo yezvematongerwe enyika. Kune rimwe divi renharo dzacho, avo vanoti munhu ane kodzero yokutaura zvaanoda vanoti pamberi nezvinonyadzisira, uye kune rimwe racho, vanotsigira tsika dzemhuri vari kukurudzira zviremera kurambidza zvinonyadzisira.

Mukai! haitsigiri nhau dzezvematongerwe enyika. Chinangwa chenyaya dzino ndechokuzivisa varavi vedu nezvenjodzi dzokuona zvinonyadzisira, kutaura nzira dzavangazvidzivirira nadzo uye vadiwa vavo, uye kupa dzimwe pfungwa dziri muBhaibheri kuna ani zvake angava ave munjodzi yokuona zvinonyadzisira uye angada kurega kuzviona.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe