RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 7/8 p. 11
  • Mashoko Anoparadzirwa Anogona Kuurayisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashoko Anoparadzirwa Anogona Kuurayisa
  • Mukai!—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Kubudirira Pakurwira Pfungwa Dzako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
  • Kushandiswa Zvisina Kunaka Kwamashoko
    Mukai!—2000
  • Usavhiringidzwa Namashoko Anoparadzirwa!
    Mukai!—2000
  • Usateerere Mashoko aSatani Anotaurwa Nepasipo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 7/8 p. 11

Mashoko Anoparadzirwa Anogona Kuurayisa

“Nhema dzinogona kufamba semarimi omoto womusango, nepo chokwadi chichifamba serwaivhi.”—Mashoko anonzi akataurwa naMARK TWAIN.

“IWE muJudha anosiririsa!” mudzidzisi akatsvinya achidaro, sezvaairova nembama mudzidzi wake ane makore manomwe. Ipapo akaudza kirasi kuti ipfuure nepaari uye imupfire mate kumeso.

Mudzidzisi nomudzidzi wacho—mwana wehanzvadzi yake—vainyatsoziva kuti mukomana uyu navabereki vake vakanga vasiri vaJudha. Uye vakanga vasiri vatenderi vechiJudha. Asi, vakanga vari Zvapupu zvaJehovha. Achishandisa kufungira zvakaipa kwakanga kwakapararira pamusoro pevaJudha, mudzidzisi wacho akanga achiita kuti mudzidzi wake avengwe zvakanyanya. Kwemakore mudzidzisi navadzidzi vake vakanga vaudzwa nomupristi wavo kuti Zvapupu zvaJehovha zvaiva vanhu vanosemesa. Vabereki vomukomana uyu vakanga vanzi vaKomonisiti uye vashandi veCIA (Central Intelligence Agency). Saka vaidzidza nomukomana uyu vakapfuura nepaari, vachifarira kupfira kumeso kwo“muJudha anosiririsa.”

Mukomana uyu akararama kuti azotaura zvakaitika kwaari. Izvi hazvina kuitika kuvaJudha vanosvika mamiriyoni matanhatu vairarama muGermany uye mune dzimwe nyika dzaiva pedyo mumakore 60 akapfuura. Mashoko anoparadzirwa akaipa kwazvo akashandiswa mukuuraya vaJudha ivavo mudzimba dzegasi dzevaNazi uye mumisasa yavasungwa. Kuvenga vaJudha kwakapararira, kwakanyanya, kusingapikiswi kwakaita kuti vakawanda vaone vaJudha savavengi vaitofanira kuurawa. Muchiitiko ichi, mashoko anoparadzirwa akashandiswa kuti vanhu vakawanda vaurawe.

Hungu, mashoko anoparadzirwa anogona kuratidzwa pose pose nokushandiswa kwezvinhu zvakadai seswastika kana kuti nokutaura jee rinokuvadza. Kunyengetedza kwaanoita kunoshandiswa navatungamiriri venyika vanodzvinyirira, vezvematongerwe enyika, vatungamiriri vechitendero, vanoshambadza, vanotengesa zvinhu, vatapi venhau, vanobuda muredhiyo uye muTV, masangano anotengesa zvinhu, uye vamwe vanofarira kuita kuti vamwe vanhu vafunge nokuita sezvavanoita ivo.

Chokwadi, mashoko anoparadzirwa anogona kushandiswa kuita kuti pave nezvinhu zvinobatsira munzanga zvakadai sokurambidza vanhu kutyaira vakadhakwa. Asiwo mashoko anoparadzirwa anogona kushandiswawo kukurudzira kuvenga dzinza kana kuti mapoka maduku ezvitendero kana kuti kukurudzira vanhu kutenga midzanga. “Zuva nezuva tinotsveterwa namashoko asingaperi,” vanodaro vanotsvakurudza ruzivo Anthony Pratkanis naElliot Aronson. “Kutsvetera uku hakuitwi nokutaurirana uye kuitirana nharo, asi nokushandiswa kwezvinhu zvinodiwa navanhu zvinoita kuti vaite zviri kutaurwa zvacho. Zvingava zvinobatsira kana kuti zvisingabatsiri, tiri kurarama munguva yamashoko anoparadzirwa.”

Mashoko anoparadzirwa akashandiswa sei kuchinja upenyu hwavanhu mumakore ose aya akapfuura? Chii chaunogona kuita kuti uzvidzivirire pachako pamashoko anoparadzirwa ane ngozi? Pane kungawanikwa mashoko okuvimba nawo here? Mibvunzo iyi nemimwe ichakurukurwa munyaya dzinotevera.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Mashoko anoparadzirwa akashandiswa kuuraya vaJudha munguva yoKuparadza Kukuru

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe