RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 7/8 pp. 5-8
  • “Kufarira Zvoumhondi” Kunotsigirwa Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kufarira Zvoumhondi” Kunotsigirwa Sei?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kutengeswa Kwezvombo
  • Vanoita Zvevaraidzo
  • Rufu Mumitambo Yemavhidhiyo nepaInternet
  • Mararamiro Anotungamirira Kurufu
  • Ndiani Anotsigira Zvose Izvi?
  • Ndinofanira Kutamba Mitambo Yekombiyuta Kana Kuti Yevhidhiyo Here?
    Mukai!—1996
  • Zvii Zvandinofanira Kuziva nezvemaVideo Game?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Ndinofanira Kutamba Mitambo Yemavhidhiyo Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Chii Chakaitika Kuvaraidzo?
    Mukai!—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 7/8 pp. 5-8

“Kufarira Zvoumhondi” Kunotsigirwa Sei?

“Pane zviuru zvamakiromita pakati pevapoteri vaduku vanorwadziwa mupfungwa vokuKosovo nevana vokuAmerica vanogara vachibatwa nechisimba nezvimwe zviitiko zvinorwadza, asi musiyano wekurwadziwa mupfungwa uri pakati pavo unogona kuva usina kukura zvakadaro.”—Marc Kaufman, The Washington Post.

Tichida tisingadi, tose tinotambudzwa zvakananga kana kuti zvisina kunanga norufu. Izvi ndezvechokwadi pasinei nekwatinogara—munyika yatambudzwa nemhirizhonga kana munyika ine kugadzikana kwakati.

KURATIDZA “kufarira zvoumhondi” uku kunogona kuonekwa mukuora mwoyo kukuru, kufunganya, kupindwa muropa nezvinodhaka, kubvisa pamuviri, mararamiro anourayisa, kuzviuraya, uye kuponda kukuru nhasi. Purofesa Michael Kearl, weDepartment of Sociology and Anthropology paYunivhesiti yeTrinity muSan Antonio, Texas, U.S.A., akatsanangura nezvokushandiswa zvisina kunaka kwenhau yorufu achiti: “Tichitarisa kubva mukupera kwezana redu remakore rechimakumi maviri [1999], tinowana kuti . . . rufu rwava kuonekwa sechinhu chinopa simba chinotsigira upenyu, kuda kurarama, uye mamiriro enzanga. Zvitendero zvedu, uzivi, masangano ezvematongerwe enyika, unyanzvi uye zvokurapa zvinokurudzirwa norufu. Runotengesa vanhu mapepanhau nemainishuwarenzi, ndirwo nyaya huru mupurogiramu dzedu dzeterevhizheni, uye . . . kunyange kupa simba maindasitiri edu.” Ngationgororei mienzaniso yokuti chinhu ichi, chinonzi kufarira zvoumhondi, chinoratidzirwa sei munguva yedu.

Kutengeswa Kwezvombo

“Kufarira zvoumhondi” kunoratidzirwa zuva nezuva mukutengeswa kwezvombo. Zvombo zvinoshandiswa kuuraya varwi, asi kazhinji zvinouraya vanhuwo zvavo, pakati pavo pane vakadzi nevana vasina mhaka. Muhondo, dzingava dzevagari vomunyika iyoyo kana kuti dzimwewo, upenyu nguva dzose hahukosheswi. Bara romuurayi rinoita marii?

Kuwanika kwezvombo kuri nyore nevanhu vakawanda mune dzimwe nyika kwaguma nokuwedzera mukufa kunotyisa uye kunopfuurira kwevanhu vamwe navamwe uye mapoka avanhu. Pashure penjodzi yokupfurwa kwavanhu pachikoro chesekondari muLittleton, muColorado, pakaitika kuratidzira kwokutsutsumwa nemhaka yokutengeswa kwakapararira kwezvombo uye kuwanikwa kwazvo zviri nyore kuvana vaduku. Nhamba yevechiduku vanourawa nechisimba muUnited States inotyisa—maererano nemagazini yeNewsweek, avhareji ye40 pavhiki. Vanenge 90 muzana vaivava, vanoita zvokupfurwa. Izvi zvinoenzana nokuponda kunokwana 150 kwakaita sekwomuLittleton gore negore!

Vanoita Zvevaraidzo

Mabhaisikopu anoshandisa nhau yerufu zvisina kunaka. Somuenzaniso, nyaya huru yomubhaisikopu ingaita kuti unzenza, chisimba, kutengesa zvinodhaka zvisiri pamutemo, kana chitsotsi chakarongwa zvive zvinokwezva, nokudaro ichideredza kukosha kwoupenyu nenheyo dzetsika. Kune mamwe mabhaisikopu umo rufu runoitwa kuti ruve senyaya yorudo—zvichiratidzira fungidziro youpenyu pashure porufu uye kudzoka kunofungidzirwa kwevamwe vachishanyira vapenyu—zvichishanda bedzi kuratidzira kuti rufu hapana zviripo.

Ndozvakaitawo dzimwe purogiramu dzeterevhizheni nemimhanzi. Maererano nemishumo yenhau, vapondi vaduku vokuLittleton vaiyemura kwazvo mumwe muimbi werock azova akakurumbira “nemifananidzo yechiSatani, yomubatanidzwa womurume nomukadzi” uye nziyo “dzinotaura nezvokupandukira uye rufu.”

MuUnited States, nzira inoshandiswa pakuongorora zvinobuda mupurogiramu dzeterevhizheni yakaongororwa patsva kuitira kudzivirira vechiduku pakuona zvinhu zvinogona kuvakanganisa zvikuru. Mugumisiro wacho kutonyanya kuipa kwezvinhu. Jonathan Alter, achinyora muNewsweek, akati izvi “zvingaita kuti vana vatonyanya kuda zvinhu zvinorambidzwa nomutemo.” Akawedzera kuti kuitira kunyadzisa nokumanikidza vanotarisira kuti vaderedze chisimba muzvinobudisa nhau, Purezidhendi Clinton vanofanira “kurava pachena mazita emakambani makuru ose (neVakuru Vakuru vawo)” kwete anongogadzira mabhaisikopu evanoshandisa mapanga nevanorekodha mimhanzi ye‘gangsta rap’ bedzi asi anogadzirawo purogiramu dzemitambo yepakombiyuta inoita kuti vana “vauraye vanhu mumutambo wacho.”

Rufu Mumitambo Yemavhidhiyo nepaInternet

Mubhuku rake rinonzi The Deathmatch Manifesto, Robert Waring akaongorora kukurumbira kwakaita inonzi mitambo yokuurayana pakati pevachiri kuyaruka.a VaWaring vanodavira kuti nzanga yepachivande yevatambi vemitambo iyi iripo uye yakavakirwa panhau iyi. Chaizvoizvo mitambo iyi ine mugumisiro usiri wokudzidzisa, asi wokudzidzisa kuuraya. “Kutamba nomuvengi anobva kupi nokupi zvako munyika yose, uye kuedza kuratidza unyanzvi hwako, chiitiko chine simba. Zviri nyore kubatanidzwa naizvozvo,” anodaro Waring. Vachiri kuyaruka vanobatwa nesimba rezvinhu zvinoratidzika kuva chaizvoizvo zvakagadzirwa kuita kuti kurwisana kunodeura ropa kuitike. Vasingagoni kuiona paInternet, vamwe vanotenga mitambo yemavhidhiyo yokushandisa paterevhizheni kumba. Vamwe vane muitiro wokuenda kunzvimbo dzavose kwavanobvisa mari pamichina yokutamba mitambo yemavhidhiyo uye vorwisana ‘zvechokwadi’ nevamwe vavengi kusvikira vafa.

Kunyange zvazvo “mitambo yokuurayana” ichiiswa muzvikwata maererano nezera romutambi, chokwadi ndechokuti pane kudzora kushomanana. Eddie ane makore gumi nemana wokuUnited States akati: “Kazhinji vanhu vanokuudza kuti hausati wakura zvakakwana, asi havakurambidzi kutenga [mutambo wacho].” Anonakidzwa nomumwe une kurwisana nepfuti kusingadzoreki. Kunyange zvazvo vabereki vake vachizviziva uye vasingazvifariri, havawanzotarisa kuti vaone kana ari kutamba mutambo wacho. Mumwe achiri kuyaruka akagumisa achiti: “Chizvarwa chedu chakagomadzwa nechisimba kudarika chimwe chizvarwa chipi nechipi. MaTV anorera vana kudarika zvinoita vabereki, uye terevhizheni inogovera fungidziro dzechisimba dzavana.” John Leland, achinyora muNewsweek, akati: “Nevachiri kuyaruka vanosvika mamiriyoni 11 vanokwanisa kuwana mashoko paInternet [muUnited States], hwakawanda hwoupenyu hwavachiri kuyaruka huri kuraramirwa munyika isingagoni kusvikwa nevabereki vakawanda.”

Mararamiro Anotungamirira Kurufu

Zvakadini nemararamiro anoitika kunze kwe“Mitambo yokuurayana” uye mabhaisikopu echisimba? Kunyange zvazvo muupenyu chaihwo tisingafaniri kukwikwidzana mukurwa nezvisikwa zvatisingazivi, mararamiro evanhu vakawanda anosanganisira kuzviparadza. Somuenzaniso, pasinei nezvinotaurwa nemhuri, vezveutano, uye zvimwe zviremera zvinonyevera nezvengozi dzine chokuita nokusvuta nokushandisa zvinodhaka zvisina kufanira, miitiro iyi inoramba ichiwedzera. Muzviitiko zvakawanda zvinotungamirira kukukurumidza kufa. Kuti awedzere mibereko isiri pamutemo, mabhizimisi makuru uye vanotengesa zvinodhaka zvisiri pamutemo vanototi vazviwanirapo pakufunganya, kusava netariro, uye urombo hwomudzimu hwavanhu.

Ndiani Anotsigira Zvose Izvi?

Bhaibheri rinoratidzira rufu senhau yokutamba nayo here? Mararamiro anotitungamirira kurufu anopembedzwa here? Kwete. KuvaKristu vechokwadi, vakadai somuapostora Pauro, rufu “muvengi.” (1 VaKorinde 15:26) VaKristu havaoni rufu sechimwe chinhu chinokwezva nokusekesa asi, panzvimbo pezvo sechinhu chinopesana nevanhu, mugumisiro wakananga wechivi nokupandukira Mwari. (VaRoma 5:12; 6:23) Rufu rwakanga rwusiri chinangwa chaMwari chapakuvamba nokuda kwomunhu.

Satani anonzi ane “simba rokuparira rufu.” Anonzi “muurayi,” kwete nokuti anouraya nenzira yakananga, asi nokuti anozviita achishandisa kunyengedza, nokunyengedza vanhu kuti vaite chivi, nokutsigira maitiro anobereka uori norufu, uye nokukurudzira mafungiro ohumhondi mupfungwa nemwoyo yevarume, vakadzi, uye kunyange vana. (VaHebheru 2:14, 15; Johani 8:44; 2 VaKorinde 11:3; Jakobho 4:1, 2) Zvisinei, nei vanhu vechiduku varivo vanonyanya kunangwa? Chii chatingaita kuvabatsira?

[Mashoko Omuzasi]

a Mu“Mitambo yokuurayana,” zvinotaurwa kudaro mukuongorora uku, “vatambi vanomanikidzwa kuurayana mumibatanidzwa yemitambo inoita seyechokwadi.”

[Mufananidzo uri papeji 7]

“Chizvarwa chedu chakagomadzwa nechisimba kudarika chimwe chizvarwa chipi nechipi”

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe