Upenyu Huri Kuderera Kukosha Here?
“Inyika umo upenyu husingakoshi. Rufu runogona kutengwa nemazana mashomanana emapaundi uye vanoda kuita basa racho havaperi.”—The Scotsman.
Muna April 1999, mukuponda kwakatyisa nyika yose, vayaruki vaviri vakapinda nechisimba paColumbine High School, muLittleton, Colorado, U.S.A., ndokusiya vanhu 15 vafa. Kufeya-feya kwakaratidza kuti mumwe wavarwisi aiva nepokuwanira mashoko paInternet paakanga anyora mashoko okuti: “VANHU VAKAFA HAVAITI NHARO!” Varwisi vacho vose vari vaviri vakafa munjodzi yacho.
UMHONDI huri munyika yose, uye nhamba dzisingaverengeki dzevanhu dzinofa rufu rwechisimba zuva nezuva. South Africa yaiva nenhamba yepamusoro ye75 vanopondwa pavagari 100 000 voga voga muna 1995. Upenyu hahukoshi zvikuru mune imwe nyika yokuSouth America, uko vanhu vanopfuura 6 000 vakaurayiwa nezvikonzero zvematongerwe enyika muna 1997. Kuuraya kwakabvumiranwa muitiro wenguva dzose. Mumwe mushumo nezvenyika iyoyo unoti: “Nenzira inotyisa, kupondwa kwavana kwakakwira zvinoshamisa: Muna 1996, vana 4 322 vakaurayiwa, kuwedzera kwe40 muzana mumakore maviri bedzi.” Zvisinei, vana vava kuvawo mhondi—dzavamwe vana uye dzavabereki vavo. Chokwadi upenyu hahukoshi.
Nei Kune “Kufarira Zvoumhondi?”
Chokwadi ichi nenhamba zvinoratidza chii? Kuwedzera kwokusaremekedza upenyu. Vanhu vanoda simba uye vanoda mari vanouraya pasina kuvhunduka kupi nokupi. Vakuru vakuru vanotengesa zvinodhaka zvisiri pamutemo vanorayira kupondwa kwenhengo dzose dzemhuri. Vanotsiva kuuraya kwavo nokushandisa mashoko okuti “kurova,” “kuparadza zvachose,” “kubvisa,” kana “kugumisa” vanhu vavanouraya nekwavanoti kuuraya kwakafanorongwa. Kuparadza rudzi uye kuchenesa dzinza kwakawedzera nhamba yacho uye kwakaita kuti upenyu hwomunhu huve husingakoshi. Somugumisiro, kuuraya kwave kuonekwa pamisoro yenhau zuva nezuva panhepfenyuro dzeTV munyika yose.
Wedzera kune izvi chisimba nokuuraya kwakanyanya kunorumbidzwa paterevhizheni nomumabhaisikopu, uye nzanga yedu inoita seyakaputirwa mumararamiro anotyisa akavakirwa parufu. Munhau iyi Encyclopædia Britannica inoti: “Muhafu yokupedzisira yezana remakore rechi20, rufu rwazova nhau yakakurumbira zvinoshamisa. Nguva iyoyo isati yasvika, nenzira inoshamisa, iyoyo inhau yaitaurwa musayenzi inoda kufunga, uye pane dzimwe nguva, mukufunga kwouzivi.” Maererano naJosep Fericgla, purofesa wekuCatalonia wetsika yezvamagariro avanhu, “rufu rwazova chinhu chokupedzisira chinotyisa munzanga yedu, uye naizvozvo, ndirwo chimwe chezvinhu zvinokosha zvikuru chepfungwa dzinoumba magariro evanhu.”
Zvimwe chinhu chakatanhamara zvikuru cho“kufarira zvoumhondi” kutenda kwakakurumbira kwokuti simba, chiremera, mari, uye mufaro zvinokosha zvikuru kudarika upenyu hwomunhu netsika dzakanaka.
Ko “kufarira zvoumhondi” uku kunombopararira sei? Vabereki vangaitei kuti vapedze pesvedzero yakaipa yakavapoteredza uye inokanganisa vana vavo? Iyi mimwe yemibvunzo ichapindurwa munyaya dzinotevera.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 4]
Upenyu Hunokosha Zvakadini?
◼ “Vanhu vaduku muzvikwata zvemumigwagwa [muMumbai, India] havana nezano rose, vanoita chibvumirano chokuuraya kuti vapiwe marupee 5 000 [$4 370].”—Far Eastern Economic Review.
◼ “Akauraya Munhu Aipfuura Zvake Akaramba Kumupa Mudzanga.”—Musoro weNyaya muLa Tercera, Santiago, Chile.
◼ “Zvaiita inenge $266 000 kugadzirira chibvumirano chokuuraya muRussia [muna 1995] . . . Kuuraya kwakabvumiranwa kwakawedzera zvikuru pakakura upfumi nokukurumidza muRussia pashure pokutonga kwechikomonisiti.”—Reuters, yakatorwa munyaya yaiva muMoscow News.
◼ “Mutengesi wezvivako womuBrooklyn akasungwa . . . uye akapomerwa kubhadhara mukomana achiri kuyaruka chikamu che$57 000 kuti auraye mukadzi wake aive nepamuviri naamai vake.”—The New York Times.
◼ ‘Mubhadharo wokuuraya [muEngland] uri kuderera. Mibhadharo yokuuraya kwakafanorongwa yakadzikira kubva pa$1 800 000 makore mashanu apfuura kusvika pane inokwanisika $300 000 kusvika $600 000.’—The Guardian.
◼ ‘Zvikwata Zvine Ukasha zvemuBalkan Zvinoshayisa Mafia Basa.’ Urwu rudzi rutsva rwematsotsi, rwune mitemo mitsva nezvombo zvitsva. Rwune zvinoputika nepfuti hombe uye harwutyi kuzvishandisa.’—The Guardian Weekly.